RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lvs chits. 5 pp. 60-74
  • Tingaramba Sei Takaparadzana Nenyika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tingaramba Sei Takaparadzana Nenyika?
  • Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Verenga mu“Rudo rwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • TSIGIRA UMAMBO HWAMWARI
  • RAMBA KUPINDWA ‘NEMWEYA WENYIKA’
  • MAPFEKERO AKO NGAAITE KUTI MWARI AKUDZWE
  • KUSANYANYA KUKOSHESA MARI
  • “ZVIPFEKO ZVAKAKWANA ZVEMURWI”
  • GARA WAKAGADZIRIRA KUTSIGIRA ZVAUNOTENDA
  • Mira Wakatsiga Mukurwisana Namano aSatani
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Madhimoni—Tingaarwisa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • VaKristu Vasina Kwavakarerekera Mumazuva Okupedzisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Jehovha Anokudzivirira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Ramba Uri Murudo rwaMwari
lvs chits. 5 pp. 60-74
Boka reZvapupu zvechidiki

CHITSAUKO 5

Tingaramba Sei Takaparadzana Nenyika?

‘Hamusi venyika.’—JOHANI 15:19.

1. Jesu aifunga nezvei usiku hwekupedzisira asati afa?

HWAIVA usiku hwekupedzisira Jesu asati afa. Aiziva kuti akanga ava kuda kusiya vadzidzi vake, uye aifunga nezveramangwana ravo. Akavaudza kuti: ‘Hamusi venyika.’ (Johani 15:19) Akazovanyengeterera kuna Baba vake achiti: “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” (Johani 17:15, 16) Jesu airevei nemashoko aya?

2. “Nyika” yakataurwa nezvayo naJesu chii?

2 Pano, shoko rekuti “nyika” rinoreva vanhu vasingashumiri Mwari uye vari kutongwa naSatani. (Johani 14:30; VaEfeso 2:2; Jakobho 4:4; 1 Johani 5:19) Tingaita sei kuti ‘tisava venyika’? Muchitsauko chino, tichakurukura nzira dzakasiyana-siyana dzatinoratidza nadzo kuti hatisi venyika dzinoti: Kuramba tichitsigira Umambo hwaMwari tisina divi ratinotsigira pane zvematongerwo enyika. Kuramba kukanganiswa nemweya wenyika. Kupfeka zvipfeko zvine mutsigo uye kuratidzika zvakanaka, zvinoremekedzeka, uye kusanyanya kukoshesa mari. Kupfeka zvipfeko zvakakwana zvemurwi zvatinopiwa naMwari.—Ona Mamwe Mashoko 16.

TSIGIRA UMAMBO HWAMWARI

3. Jesu aiona sei zvematongerwo enyika?

3 Jesu paaiva panyika, akaona kuti vanhu vaiva nematambudziko akawanda uye upenyu hwavo hwakanga husiri nyore. Aiva nehanya navo zvechokwadi uye aida kuvabatsira. Akava mutungamiriri wezvematongerwo enyika here? Kwete. Aiziva kuti chinhu chaizogadzirisa matambudziko evanhu zvechokwadi Umambo hwaMwari. Jesu ndiye aizova Mambo weUmambo ihwohwo, hunova ndihwo hwaainyanya kusimbisa pakuparidza kwake. (Dhanieri 7:13, 14; Ruka 4:43; 17:20, 21) Jesu aisaita zvematongerwo enyika, uye aisava nedivi raaitsigira. Paaiva pamberi paGavhuna weRoma Pondiyo Pirato, Jesu akati: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Johani 18:36) Vadzidzi vake vaisapindirawo mune zvematongerwo enyika. Bhuku rinotaura zvakaitika kare rinonzi On the Road to Civilization rakati vaKristu vepakutanga “vakanga vasingadi kuva nezvigaro zvematongerwo enyika.” Ndizvo zvinoitwawo nevaKristu vechokwadi mazuva ano. Tinotsigira Umambo hwaMwari nemwoyo wese uye hatina divi ratinotsigira pane zvematongerwo enyika.—Mateu 24:14.

Chapupu chechidiki chiri kutsanangurira mumwe murume zvachinotenda

Unokwanisa here kutsanangura kuti nei usingaregi kutsigira Umambo hwaMwari?

4. VaKristu vechokwadi vanotsigira sei Umambo hwaMwari?

4 Vamiririri vedzimwe nyika vanomiririra hurumende dzekwavanobva, saka havapindiri mune zvematongerwo enyika munyika dzavanoshanda vari. Vakazodzwa, avo vane tariro yekutonga pamwe chete naKristu kudenga, vakaitawo sevamiririri vekune dzimwe nyika. Pauro akanyorera vaKristu vakazodzwa achiti: “Tiri nhume dzinomiririra Kristu.” (2 VaKorinde 5:20) Vakazodzwa vanomiririra hurumende yaMwari. Havapindiri munyaya dzezvematongerwo enyika ino. (VaFiripi 3:20) Pane kudaro, vakazodzwa vari kubatsira mamiriyoni evanhu kuti azive nezvehurumende yaMwari. ‘Vemamwe makwai,’ vaya vane tariro yekurarama nekusingaperi munyika itsva yaMwari, vanotsigira vakazodzwa. Naivowo vanoramba vasina divi ravanotsigira panyaya dzezvematongerwo enyika. (Johani 10:16; Mateu 25:31-40) Saka zviri pachena kuti hapana muKristu wechokwadi angapindira mune zvematongerwo enyika ino.—Verenga Isaya 2:2-4.

5. Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti vaKristu vasaenda kuhondo?

5 VaKristu vechokwadi vakabatana pasinei nenyika dzavanobva kana rudzi rwavo uye vanoonana semhuri imwe chete. (1 VaKorinde 1:10) Kana tikaenda kuhondo, tinenge tichitorwisa vanhu vemumhuri, vatinonamata navo, vatakarayirwa naJesu kuti tide. (Johani 13:34, 35; 1 Johani 3:10-12) Chimwezve ndechekuti, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vade kunyange vavengi vavo.—Mateu 5:44; 26:52.

6. Vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira vanoona sei hurumende?

6 Kunyange zvazvo sevaKristu tisina divi ratinotsigira pane zvematongerwo enyika, tinoita zvese zvatinogona kuti tive vagari vemunyika vakanaka. Tinoratidza kuti tinoremekedza hurumende nekuteerera mitemo yainogadza uye kubhadhara mitero. Asi nguva dzese tinova nechokwadi chekuti tinopa “zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mako 12:17; VaRoma 13:1-7; 1 VaKorinde 6:19, 20) “Zvinhu zvaMwari” zvinosanganisira kumuda, kumuteerera, uye kumunamata. Tinosva tafa zvedu pane kuti tirege kuteerera Jehovha.—Ruka 4:8; 10:27; verenga Mabasa 5:29; VaRoma 14:8.

RAMBA KUPINDWA ‘NEMWEYA WENYIKA’

7, 8. Chii chinonzi “mweya wenyika,” uye unokanganisa sei vanhu?

7 Kuparadzana nenyika yaSatani kunoreva kusabvuma kupindwa ‘nemweya wenyika.’ Mweya iwoyo mafungiro nemaitiro anobva kuna Satani, uye vaya vasingashumiri Jehovha vanoita zvinoenderana nemweya uyu. Asi vaKristu havabvumi kukanganiswa nemafungiro aya. Sezvakataurwa naPauro, “hatina kugamuchira mweya wenyika asi mweya unobva kuna Mwari.”—1 VaKorinde 2:12; VaEfeso 2:2, 3; ona Mamwe Mashoko 17.

8 Mweya wenyika unoita kuti vanhu vafunge zvakanakira ivo chete, vazvikudze uye vapanduke. Unovaita kuti vafunge kuti havafaniri kuteerera Mwari. Satani anoda kuti vanhu vaite zvavada vasingambofungi kuti zvinozoguma sei. Anoda kuti vafunge kuti kugutsa “kuchiva kwenyama, nekuchiva kwemaziso” ndiko kunokosha kupfuura zvimwe zvese muupenyu. (1 Johani 2:16; 1 Timoti 6:9, 10) Dhiyabhorosi ari kuedza kutsausa vanhu, zvikurukuru vashumiri vaJehovha, kuti vave nemafungiro akafanana neake.—Johani 8:44; Mabasa 13:10; 1 Johani 3:8.

9. Mweya wenyika ungatikanganisa sei?

9 Sezvakaita mhepo yatinofema, mweya wenyika uri pese pese. Kana tikasarwisa kuti mweya uyu usatipinda, uchatikanganisa. (Verenga Zvirevo 4:23.) Izvi zvinogona kutanga nenzira dzatingaona sedzisingakuvadzi, dzakadai sekutevedzera mafungiro evanhu vasinganamati Jehovha. (Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33) Kana kuti tinogona kukanganiswa nezvinhu zvakadai sezvinhu zvinonyadzisira, zvinhu zvinobudiswa nevakatsauka pakutenda, kana mitambo inonyanya kusimudzira makwikwi.—Ona Mamwe Mashoko 18.

10. Tingaita sei kuti tisapindwa nemweya wenyika?

10 Saka tingaita sei kuti tisapindwa nemweya wenyika? Tinofanira kuramba tiri pedyo naJehovha uye kubvuma kutungamirirwa neuchenjeri hwake. Tinofanira kugara tichinyengeterera mweya wake mutsvene uye kugara tichishingaira mubasa rake. Jehovha ndiye ane simba rinopfuura raani naani zvake pasi nekudenga. Tine chokwadi chekuti anogona kutibatsira kuti tisapindwa nemweya wenyika.—1 Johani 4:4.

MAPFEKERO AKO NGAAITE KUTI MWARI AKUDZWE

11. Mweya wenyika wava kuita kuti vanhu vapfeke sei?

11 Tinoratidzawo kuti hatisi venyika nemapfekero edu uye kuratidzika kwatinoita. Vanhu vakawanda vari munyika vanopfeka kuti vaonekwe, vaite kuti vamwe vafunge zvebonde, varatidze pfungwa dzekupanduka, kana kuti varatidze kuti vane mari yakawanda. Vamwe havana kana basa nekuti vanoratidzika sei. Vanogona kusarudza kungogara vakati nyangarara vasina kana kugeza. Hatitombodi kufanana nevanhu vari munyika pamapfekero edu uye kuratidzika kwedu.

Hanzvadzi yechidiki yakapfeka zvakanaka iri kuratidza mumwe mukadzi vhidhiyo iri pachingoro

Mapfekero angu anoita kuti Jehovha akudzwe here?

12, 13. Ipfungwa dzipi dziri muMagwaro dzingatibatsira pakusarudza zvekupfeka?

12 Sevashumiri vaJehovha, tinoda kugara tichipfeka zvinhu zvakanaka, zvakadzikama uye zvinoenderana nezvatinenge tichiita. Tinopfeka “zvinoratidza kuva nemwero uye pfungwa dzakanaka” kuti tiratidze kuti ‘takazvipira kuna Mwari.’—1 Timoti 2:9, 10; Judha 21.

13 Mapfekero edu anogona kuita kuti Mwari nevanhu vake vakudzwe kana kuti vashorwe. Tinoda kuita “zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe.” (1 VaKorinde 10:31) Kupfeka zvine mwero kunosanganisira kufunga kuti vamwe vanonzwa sei uye vanotiona sei. Saka patinosarudza kuti topfekei kana kuti toratidzika sei, tinoyeuka kuti zvatinosarudza zvinobata-batawo vamwe vanhu.—1 VaKorinde 4:9; 2 VaKorinde 6:3, 4; 7:1.

14. Zvii zvatinofanira kufunga nezvazvo patinosarudza zvekupfeka kumisangano kana muushumiri?

14 Tinopfeka sei patinenge tiri kumisangano kana muushumiri? Tinopfeka zvekuti munhu wese anototi acheuke here? Zvatinopfeka zvinoita kuti vamwe vatinyarire here? Tinofunga kuti hapana anofanira kutibvunza nezvezvatinopfeka here? (VaFiripi 4:5; 1 Petro 5:6) Ichokwadi kuti tinoda kuratidzika zvakanaka, asi chinoita kuti tive vanhu vanoyemurika zvechokwadi unhu hwatinoratidza sevaKristu. Izvi ndizvo zvinoonekwa naJehovha paanotitarisa. Zvinoratidza zvatiri chaizvo, “munhu akavanzika wemwoyo,” uyo anokosha chaizvo kuna Mwari.—1 Petro 3:3, 4.

15. Nei Jehovha asingatipi tumitemo tunotiudza kuti topfekei uye toratidzika sei?

15 Jehovha haana kutipa tumitemo tunodonongodza zvese zvatinofanira kupfeka nezvatisingafaniri kupfeka. Pane kudaro, akatipa mazano emuBhaibheri anogona kutibatsira kusarudza zvakanaka. (VaHebheru 5:14) Anoda kuti tiite zvisarudzo zvedu, zvingava zvakakura kana zvidiki, zvichibva pakuda kwatinomuita uye pakuda kwatinoita vamwe. (Verenga Mako 12:30, 31.) Pasi rese, vanhu vaJehovha vanopfeka zvakasiyana-siyana zvichienderana nekwavanogara uye zvavanofarira. Kusiyana uku kwakanaka uye kunoita kuti upenyu hunakidze.

Zvapupu zechiduku zviri kutorana mifananidzo

KUSANYANYA KUKOSHESA MARI

16. Maonerwo anoitwa mari nevanhu vari munyika anopesana sei nezvakadzidziswa naJesu? Tinofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi?

16 Satani anoda kuti vanhu vafunge kuti mari nezvinhu zvainotenga ndizvo zvinoita kuti vafare, asi vashumiri vaJehovha vanoziva kuti izvozvo hazvisi zvechokwadi. Tinoziva kuti mashoko akataurwa naJesu ndeechokwadi ekuti: “Kunyange kana munhu aine zvizhinji, upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” (Ruka 12:15) Mari haikwanisi kutipa mufaro wechokwadi. Haikwanisi kutipa shamwari dzechokwadi, kutizorodza pfungwa, kana kutipa upenyu husingaperi. Ichokwadi kuti tinodawo zvimwe zvinhu kuti tirarame, uye tinoda kunakidzwa neupenyu. Asi Jesu akatidzidzisa kuti tichava nemufaro kana tikava neushamwari hwakasimba naMwari uye kunamata kukava chinhu chinokosha kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwedu. (Mateu 5:3; 6:22) Zvibvunze kuti: ‘Maonerwo anoitwa mari nenyika haana kundikanganisa here? Ndinongogara ndichifunga kana kutaura nezvemari here?’—Ruka 6:45; 21:34-36; 2 Johani 6.

17. Upenyu hwako hunovandudzika sei kana ukaramba kuva nemaonero enyika panyaya yemari?

17 Kana tikaisa pfungwa pakushumira Jehovha toramba kuva nemaonero enyika panyaya yemari, upenyu hwedu hunova nechinangwa. (Mateu 11:29, 30) Tichagutsikana nezvatiinazvo uye tichava nerugare mupfungwa nemumwoyo. (Mateu 6:31, 32; VaRoma 15:13) Hatizonyanyi kuzvidya mwoyo nezvezvinhu zvekurarama nazvo. (Verenga 1 Timoti 6:9, 10.) Tichava nemufaro unobva pakupawo vamwe zvatiinazvo. (Mabasa 20:35) Tichava nenguva yekuva nemhuri dzedu neshamwari. Zvinogona kutotibatsirawo kuti tiwane hope.—Muparidzi 5:12.

“ZVIPFEKO ZVAKAKWANA ZVEMURWI”

18. Satani ari kuedza kutiita sei?

18 Satani ari kuedza kuparadza ushamwari hwedu naJehovha, saka tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tihuchengetedze. Tiri kurwisana “nemasimba emweya yakaipa.” (VaEfeso 6:12) Satani nemadhimoni ake havadi kuti tifare kana kuti tirarame nekusingaperi. (1 Petro 5:8) Vavengi vedu ava vane simba vari kutirwisa, asi tinogona kukunda tichibatsirwa naJehovha.

19. VaEfeso 6:14-18 inorondedzera sei “zvipfeko zvakakwana zvemurwi” zvinopfekwa nemuKristu?

19 Kare masoja aipfeka zvipfeko zvekurwa nazvo kuti azvidzivirire muhondo. Isuwo tinofanira kupfeka “zvipfeko zvakakwana zvemurwi” zvatakapiwa naJehovha. (VaEfeso 6:13) Zvipfeko izvi zvichatidzivirira. Tinoverenga nezvazvo pana VaEfeso 6:14-18 panoti: “Saka mirai makasimba, makasunga muchiuno menyu nebhandi rechokwadi, makapfeka chinhu chinovharidzira chipfuva, chekururama, uye tsoka dzenyu dzakapfeka mashoko akanaka erugare amakagadzirira kuzivisa. Kuwedzera pazvese izvi, torai nhoo huru yekutenda, yamuchakwanisa kudzima nayo miseve yese inobvira inokandwa neakaipa. Uyewo, pfekai ngowani yeruponeso, uye torai bakatwa remweya, iro shoko raMwari, uku muchiramba muchinyengetera mumweya nguva dzese, muchishandisa nzira dzese dzekunyengetera nekuteterera.”

20. Tinofanira kuitei kana tichida kuti “zvipfeko zvakakwana zvemurwi” zvitibatsire?

20 Kana musoja akakanganwa kupfeka chimwe chezvipfeko zvake, osiya imwe nhengo yemuviri wake isina kudzivirirwa, muvengi wake achananga ipapo. Kana tichida kuti “zvipfeko” zvedu zvitidzivirire, hatifaniri kukanganwa kana chimwe chete chazvo. Tinofanira kugara takazvipfeka uye zvisina pamwe pakakanganisika. Ticharamba tichirwa kusvikira nyika yaSatani yaparadzwa uye Satani nemadhimoni ake vabviswa panyika. (Zvakazarurwa 12:17; 20:1-3) Saka kana tiri kurwisa zvishuwo zvakaipa kana kamwe katsika kakaipa katiinako, hatifaniri kuneta.—1 VaKorinde 9:27.

21. Tingaita sei kuti tikunde hondo yedu naSatani?

21 Tiri tega, hatina simba rinopfuura raDhiyabhorosi. Asi tichibatsirwa naJehovha takasimba kumupfuura! Kuti tirambe takatendeka, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha, kudzidza Shoko rake, uye kuwadzana nehama nehanzvadzi dzedu. (VaHebheru 10:24, 25) Izvi zvichatibatsira kuti tirambe takavimbika kuna Mwari uye kuti tigare takagadzirira kudzivirira kutenda kwedu.

GARA WAKAGADZIRIRA KUTSIGIRA ZVAUNOTENDA

22, 23. (a) Tingaita sei kuti tigare takagadzirira kutsigira zvatinotenda? (b) Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

22 Tinofanira kugara takagadzirira kutsigira zvatinotenda. (Johani 15:19) Pane dzimwe nyaya, maonero eZvapupu zvaJehovha akasiyana chaizvo neevanhu vakawanda. Zvibvunze kuti: ‘Ndinonyatsonzwisisa here kuti nei tichiona zvinhu nenzira iyi? Ndine chokwadi here kuti zvinotaurwa neBhaibheri nemuranda akatendeka, akangwara zvakarurama? Ndinodada kuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha here? (Pisarema 34:2; Mateu 10:32, 33) Ndinokwanisa kutsanangurira vamwe zvandinotenda here?’—Mateu 24:45; Johani 17:17; verenga 1 Petro 3:15.

23 Kazhinji, zviri nyore kuziva zvatinofanira kuita kuti tirambe takaparadzana nenyika. Asi dzimwe nguva, hazvisi nyore kuziva. Satani anoedza kutiteya nenzira dzakasiyana-siyana. Chimwe chaanoshandisa ivaraidzo. Tingasarudza sei zvekuzvivaraidza nazvo nekuchenjera? Tichaona kuti tingazviita sei muchitsauko chinotevera.

CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI

1 VAKRISTU VANOTSIGIRA UMAMBO HWAMWARI

“Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.”—Johani 18:36

Tinoratidza sei kuti hatina divi rezvematongerwo enyika ratinotsigira uye kuti tinotsigira Umambo hwaMwari?

  • Isaya 2:2-4; Johani 6:15; 1 Petro 3:15

    Hatirwi hondo kana kupindira mune zvematongerwo enyika.

  • Eksodho 20:4, 5; 1 Johani 5:21

    Hatinamati zviratidzo zvenyika, zvakadai semureza.

  • Mateu 26:52

    Mhirizhonga inotokonzera imwe mhirizhonga. Tinotarisa kuna Jehovha kuti agadzirise matambudziko edu zvachose.

  • Johani 13:34, 35; 1 Johani 3:10-12

    Vese vatinonamata navo, pasinei nekuti vanobva kunyika ipi, ndevedzinza ripi, kana kuti vane mamiriro api ezvinhu, ihama nehanzvadzi dzedu. Hatingambofi takarwisana navo.

2 VAKRISTU “HAVASI VENYIKA”

“Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.”—Johani 17:16

Nei tichifanira kuramba takaparadzana nenyika yaSatani?

  • 1 Johani 5:19

    ‘Nyika’ inoreva vanhu vasingashumiri Mwari uye vanotongwa nemutongi wenyika, Satani.

  • Jakobho 4:4

    Tinoda kuti Jehovha atione seshamwari dzake. Tinotevedzera Jehovha naJesu pamafungiro edu, zvatinotaura uye zvatinoita.

3 VAKRISTU VANOSIYANA NEMAFUNGIRO ENYIKA

“Chengetedza mwoyo wako kupfuura zvinhu zvese zvaunochengetedza.”—Zvirevo 4:23

Zvinorevei kusabvuma kupindwa nemafungiro enyika yaSatani?

  • VaEfeso 2:2; 1 Johani 2:16

    Satani anongofunga zvakamunakira, anozvikudza uye ane pfungwa dzekupanduka. Anoda kuti vanhu vafunge kuti havafaniri kuteerera Mwari.

  • 1 VaKorinde 10:31

    Tinoratidza kuti hatisi venyika nezvatinotaura uye zvatinoita. Tinoratidza izvi kunyange panyaya dzeupenyu hwedu tega.

  • 1 VaKorinde 2:12; 1 Johani 4:4

    Kuti tisapindwa nemweya wenyika, tinofanira kuramba tiri pedyo naJehovha uye kuva nemafungiro akafanana neake.

4 MARI HAITICHENGETEDZI NEKUSINGAPERI UYE HAIITI KUTI TIZORODZWE MUPFUNGWA

“Kunyange kana munhu aine zvizhinji, upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”—Ruka 12:15

Chii chichatibatsira kuti tive nemaonero aJehovha panyaya yezvinhu zvekurarama nazvo?

  • Mabasa 20:35; 1 Timoti 6:9, 10

    Satani anoda kuti tifunge kuti mafaro nepfuma zvichaita kuti tifare. Asi Jesu akatidzidzisa kuti mufaro unobva pakuva neushamwari hwakasimba naMwari uye pakupawo vamwe zvatiinazvo.

  • Mateu 6:31, 32; Mako 12:30, 31; Ruka 21:34-36

    Patinoisa pfungwa pakushumira Jehovha, upenyu hwedu hunova nechinangwa. Tinogona kugutsikana nezvatiinazvo uye kuva nerugare mumwoyo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe