RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rr pp. 152-153
  • Zvatinodzidza Patemberi Yakaonekwa naEzekieri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvatinodzidza Patemberi Yakaonekwa naEzekieri
  • Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunamata Kwakachena Kunokwidziridzwa Uye Kunodzivirirwa
  • Makomborero Asingaperi
  • Zvinotarisirwa naJehovha Kuvanamati Vake Vese Zvakafanana
  • Kudya Patafura yaJehovha
  • Vimbiso yaMwari Isingakundikani
  • “Uyu Ndiwo Mutemo Wetemberi Yacho”
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • ‘Tsanangura Zvakaita Temberi’
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • “Temberi” ne“Muchinda” Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
rr pp. 152-153

BHOKISI REKUDZIDZISA 14A

Zvatinodzidza Patemberi Yakaonekwa Naezekieri

Rakaprindwa
Mufananidzo unoratidza zvinhu zvinokosha zvaiva patemberi yemuchiratidzo chaEzekieri. Zvinosanganisira: 1. Gomo refu refu. 2. Rusvingo rwakapoteredza. 3. Nzvimbo yakakura yakapoteredza temberi. 4. Rwizi rwuri kuyerera kubva patemberi. 5. Magedhi ekunze. 6. Rusvingo rwakapoteredza zvivakwa zvetemberi. 7. Chivanze chekunze. 8. Dzimba dzekunze dzekudyira. 9. Magedhi emukati. 10. Chivanze chemukati. 11. Atari. 12. Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene yetemberi. Ndege yakakura yakareba mamita 75, idiki zvikuru kana tichiienzanisa nenzvimbo yakakura ine temberi.

Kunamata Kwakachena Kunokwidziridzwa Uye Kunodzivirirwa

Temberi yemuchiratidzo iri panzvimbo yakakwirira, “pagomo refu refu” (1). Isuwo tinokwidziridza kunamata kwakachena, tichikuisa panzvimbo yekutanga muupenyu hwedu here?

Rusvingo rwaipoteredza temberi (2), iyo iri nechepakati penzvimbo yakakura (3), runotiyeuchidza kuti hatifaniri kusiya chero chii zvacho chichisvibisa kunamata kwatinoita Jehovha. Kana zvinhu “zvinoshandiswa neveruzhinji” zvichifanira kuva kure nekunamata kwakachena, ko kuzoti tsika dzisina kuchena neunzenza? MuKristu anofanira kutambira kure nazvo!—Ezek. 42:20.

Makomborero Asingaperi

Rwizi rwunoyerera ruchibva patemberi, rwopedzisira rwava kufashukira rwuchiunza upenyu uye rwuchiita kuti nyika ibereke (4). Makomborero aya achatsanangurwa muChitsauko 19 chebhuku rino.

Zvinotarisirwa naJehovha Kuvanamati Vake Vese Zvakafanana

Magedhi marefu refu ekunze (5) nemagedhi emukati (9) anotiyeuchidza mitemo yakakwirira yekuzvibata inotarisirwa naJehovha kuvanhu vese vanoda kunamata kwakachena. Ona kuti gedhi rekunze neremukati akaenzana. Izvi zvakakodzera, nekuti mitemo yaJehovha kuvashumiri vake vese yakafanana, pasinei nechinzvimbo chavainacho kana kuti basa ravanoita.

Kudya Patafura yaJehovha

Dzimba dzekudyira (8) dzinotiyeuchidza kuti kare vanhu vaigona kudyawo zvibayiro zvavaiuya nazvo kutemberi, vachitoita sevari kudya naJehovha. Izvi zvakasiyana nezvinoitika mutemberi yemweya matinoshumira Mwari tiri, nekuti pane “chibayiro . . . chimwe chete” chakatopiwa kare. (VaH. 10:12) Asi tinopa zvibayiro zvedu zvekurumbidza.—VaH. 13:15.

Vimbiso yaMwari Isingakundikani

Unogona kuomerwa nekunzwisisa zvese zvakayerwa muchiratidzo. Asi zvinotidzidzisa chimwe chinhu chinokosha: Zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti chinangwa chaJehovha chekudzorera kunamata kwakachena chichatoti chizadziswe, kungofanana nekuyerwa nemazvo kwakaitwa temberi. Kunyange zvazvo Ezekieri asingatauri kuti akaona vanhu muchiratidzo chake, akanyora nezvekutsiura kwakaita Jehovha vapristi, machinda, nevamwewo vanhu. Vashumiri vaMwari vese vanofanira kutsigira mitemo yake yakarurama.

Chitsauko 14, ndima 13, 14

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe