RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 14
  • Tingaita Sei Kuti Kunamata Kwedu Kufadze Mwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tingaita Sei Kuti Kunamata Kwedu Kufadze Mwari?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Kunamata Kwechokwadi Kuchaita Kuti Uwedzere Kufara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Kunamata Mwari Nenzira Yaanoda
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 14
Chidzidzo 14. Zvapupu zvaJehovha zviri kuimba pamwe nevamwe vavakoka pamusangano weungano.

CHIDZIDZO 14

Tingaita Sei Kuti Kunamata Kwedu Kufadze Mwari?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Sezvatakakurukura muchidzidzo chakapfuura, hazvisi zvitendero zvese zvinofadza Mwari. Asi pane manamatiro anofadza Musiki wedu. Ndekupi “kunamata” kana kuti chitendero chinomufadza? (Jakobho 1:27) Inzwa zvinodzidziswa neBhaibheri.

1. Tinofanira kutora pai zvatinotenda?

Manamatiro edu anofanira kubva muBhaibheri. Jesu akataura naMwari achiti: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Mamwe machechi haana basa nechokwadi chinowanika muShoko raMwari rakafemerwa, Bhaibheri. Anotsiva chokwadi ichocho nedzidziso uye tsika dzevanhu. Jehovha haafariri vanhu ‘vanosiya murayiro wake.’ (Verengai Mako 7:9.) Asi kana tichiramba tichitevedzera zviri muBhaibheri nemazano arinopa tinofadza mwoyo wake.

2. Tinofanira kunamata Jehovha sei?

Sezvo ari iye Musiki wedu, Jehovha ndiye ega akakodzera kunamatwa. (Zvakazarurwa 4:11) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kumuda uye kunamata iye chete, tisingashandisi zvifananidzo kana kuti zvidhori.—Verengai Isaya 42:8.

Tinofanira kuita kuti kunamata kwedu kuve ‘kutsvene uye kunogamuchirwa’ naJehovha. (VaRoma 12:1) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kutevedzera mitemo yake muupenyu hwedu. Pamwe patinoratidza kuti tinoteerera mitemo yaJehovha panyaya yewanano. Vaya vanoda Jehovha vanosiyanawo nemaitiro anogona kuvakuvadza akadai sekudhakwa, kushandisa fodya, madhiragi nezvimwe zvinodhaka.a

3. Nei tichifanira kuungana nevamwe tichinamata Jehovha?

Pamisangano yatinoita vhiki rega rega tinowana mukana ‘wekurumbidza Jehovha tiri muungano.’ (Pisarema 111:1, 2) Imwe nzira yatinorumbidza nayo Jehovha kumuimbira. (Verengai Pisarema 104:33.) Jehovha anotiudza kuti tipinde misangano nekuti anotida uye anoziva kuti inotibatsira kuti tizorarama nekusingaperi tichifara. Patinoenda kumisangano tinokurudzira vamwe isu tichikurudzirwawo.

WEDZERA KUONGORORA

Ona kuti nei Jehovha asingadi kuti timunamate tichishandisa zvifananidzo. Dzidza zvimwe zvatinogona kuita kuti tirumbidze Mwari.

4. Hatifaniri kushandisa zvifananidzo pakunamata

Tinoziva sei kuti kushandisa zvifananidzo hakufadzi Mwari? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

VHIDHIYO: Mwari Anoda Here Kuti Tishandise Mifananidzo Pakunamata? (3:26)

Mifananidzo: 1. VaIsraeri vari kunamata chifananidzo chemhuru yegoridhe paGomo reSinai. 2. Murume akabata rozari achinamata ari pamberi pechifananidzo chaMariya.
  • Mwari akaita sei vamwe vanhu vake pavakaedza kumunamata vachishandisa chidhori?

Vamwe vanhu vanoedza kushandisa zvifananidzo kuti vanyatsonzwa vari pedyo naMwari. Asi izvozvo hazvitoiti kuti vave kure naye here? Verengai Eksodho 20:4-6 uye Pisarema 106:35, 36, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Ndezvipi zvimwe zvinhu kana kuti zvifananidzo zvawakaona vamwe vanhu vachishandisa pakunamata?

  • Jehovha anonzwa sei kana vanhu vakashandisa zvifananidzo pakumunamata?

  • Iwewe unoonawo sei nyaya yekushandiswa kwezvifananidzo pakunamata?

5. Kunamata Jehovha chete kunotisunungura padzidziso dzenhema

Ona kuti kunamata Jehovha sezvaanoda kunotisunungura sei padzidziso dzenhema. Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Chokwadi Chakamusunungura (5:16)

Verengai Pisarema 91:14, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Mwari anotivimbisei kana tikaratidza kuti tinomuda tichinamata iye chete?

6. Tinonamata Mwari patinoungana nevamwe pamisangano yeungano

Tinorumbidza Jehovha uye tinovaka vamwe patinoimba uye patinopindura pamisangano yeungano. Verengai Pisarema 22:22, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Unofarira kunzwa mhinduro dzinopiwa nevamwe pamisangano here?

  • Unoda kugadzirira kuti uzopindurawo pamisangano here?

Mifananidzo: Mukadzi ari kudzidza kuti Mwari anoda kuti timunamate sei. 1. Ari kuimba achirumbidza Mwari pamusangano weungano. 2. Ari kupindura pamusangano weungano. 3. Ari kuratidza vhidhiyo inotaura nezveBhaibheri kune mumwe mukadzi nemwana wake.

7. Jehovha anofara patinoudza vamwe zvatiri kudzidza

Pane zvakawanda zvatinogona kuita kuti tiudze vamwe chokwadi chiri muBhaibheri. Verengai Pisarema 9:1 uye 34:1, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Ndezvipi zvawakadzidza muBhaibheri zvaunoda kuudzawo mumwe munhu?

VAMWE VANOTI: “Hakuna munhu angagona kufadza Mwari.”

  • Ko iwe unoti kudii?

PFUPISO

Kuti tifadze Musiki tinofanira kunamata iye chete, kumurumbidza tiri pamwe chete nevamwe kumisangano yeungano uye kuudzawo vamwe zvatiri kudzidza.

Kudzokorora

  • Tingaziva sei manamatiro anofarirwa naMwari?

  • Nei tichifanira kunamata Jehovha chete?

  • Nei tichifanira kunamata Mwari pamwe chete nevamwe vanoda kumufadza?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Munyaya yakanzi “Handichanamati Zvidhori,” verenga unzwe kuti mumwe mukadzi akaita sei kuti asiye kunamata zvidhori.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, July 1, 2011)

Ona zvimwe zvingakubatsira kuti ukwanise kupindura pamisangano yeungano.

“Rumbidza Jehovha Muungano” (Nharireyomurindi, January 2019)

Ona kuti mumwe murume akabatsirwa sei nekupinda misangano kunyange zvazvo zvainge zvakamuomera.

Jehovha Akandibatsira (3:07)

Vanhu vakawanda vanofunga kuti muchinjikwa unomiririra chiKristu, asi tinofanira kuushandisa here pakunamata?

“Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingashandisi Muchinjikwa?” (Nyaya iri paIndaneti)

a Tichazodzidza zvakawanda nezvenyaya idzi muzvidzidzo zvinotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe