RWIYO 161
Ndinofarira Kuita Kuda Kwenyu
1. Jesu paakabhabhatidzwa
Akati, ‘Ndinofarira
Kuita kuda kwenyu Mwari.’
Kwaiva kudya kwake.
Akakunda Muedzi wake.
Akashingairira
Kutsveneswa kwezita renyu.
Ndichamutevedzera.
(KORASI)
Ndichaita kuda kwenyu.
Ndichakupai simba rangu.
Ndofarira kuda kwenyu.
Ndichafamba m’chiedza.
Ndichaita kuda kwenyu,
Ndichinzvenga zvakaipa.
Munondida; ndokudai.
Ndichakurumbidzai,
Zuva rese.
2. Kuva pedyo nemi Jehovha,
Kwondiwedzera mufaro.
Ndinofara kuva chapupu,
Handivanzi chokwadi.
Ndofara kushanda nehama,
Mutemberi yemweya.
Kushevedzwa nezita renyu,
Kunopfuura zvese.
(KORASI)
Ndichaita kuda kwenyu.
Ndichakupai simba rangu.
Ndofarira kuda kwenyu.
Ndichafamba m’chiedza.
Ndichaita kuda kwenyu,
Ndichinzvenga zvakaipa.
Munondida; ndokudai.
Ndichakurumbidzai,
Zuva rese.
Ndozvandofarira.
(Onawo Pis. 40:3, 10.)