RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lmd chidzidzo 5
  • Ngwarira Matauriro Ako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwarira Matauriro Ako
  • Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pauro Akazviita Sei?
  • Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naPauro?
  • Tevedzera Pauro
  • ‘Tsvagai Mwari, Mumuwane’
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Zvininipise
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Unoona Sei Vanhu Vari Mundima Yenyu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • “Ramba Uchishingairira . . . Kudzidzisa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
lmd chidzidzo 5

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

Muapostora Pauro achibatsira vanhu veAtene kunzwisisa zvaari kutaura.

Mab. 17:​22, 23

CHIDZIDZO 5

Ngwarira Matauriro Ako

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Nguva dzese mashoko enyu ngaaratidze mutsa.”—VaK. 4:6.

Pauro Akazviita Sei?

Muapostora Pauro achibatsira vanhu veAtene kunzwisisa zvaari kutaura.

VHIDHIYO: Pauro Anoparidzira vaAtene

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mabasa 17:​22, 23, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1. Pauro akanzwa sei nekunamata kwenhema kwakanga kwakazara muAtene?—Ona Mab. 17:16.

  2. Pauro akataura sei nekungwarira nezvezvinhu zvavaitenda kuti avaudze mashoko akanaka, panzvimbo pekuvapa mhosva?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naPauro?

2. Vanhu vanowanzotiteerera kana tikasarudza nekungwarira mashoko atinoshandisa uye matauriro atinoaita uye tozivawo nguva yatinoataura.

Tevedzera Pauro

3. Sarudza mashoko ako nekungwarira. Kana uchitaura nemunhu asingazivi zvechiKristu, ungafanira kungwarira mapinziro aunoita Bhaibheri uye matauriro aunoita nezvaJesu.

4. Usakurumidza kugadzirisa munhu paanenge ataura zvisiri izvo. Musiye anyatsotaura zvaanofunga. Kana akataura chimwe chinhu chinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri, usamuitisa nharo. (Jak. 1:19) Kumuteerera kuchaita kuti unyatsonzwisisa zvaanofunga.—Zvir. 20:5.

5. Paanenge ataura zvechokwadi ratidzawo kuti unobvumirana naye uye mutende. Pamwe akatonyura muzvinhu zvaanotenda achifungawo kuti ndezvechokwadi. Tanga watsvaga pamwe pamuri kubvumirana, wozoita uchimudzidzisa zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvishoma nezvishoma.

ONAWO

Zvir. 25:15; 2 Tim. 2:​23-26; 1 Pet. 3:15

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe