RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w86 1/15 pp. 8-9
  • Upenyu Hwemhuri Hwapakuvamba hwaJesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hwemhuri Hwapakuvamba hwaJesu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anokurira muNazareta
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Akagamuchira Nhungamiro Youmwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
w86 1/15 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Upenyu Hwemhuri Hwapakuvamba hwaJesu

APO Jesu ari kukura muNazareta, iguta rakati dukupei, risingakoshi. Iro riri munyika yamakomo yenharaunda inonzi Garirea, kusiri kure noMupata weJezreeri wakaisvonaka.

Apo Jesu, zvichida ava naanenge makore maviri okukura, anounzwa muno achibva Egipita naJosefa naMaria, uye sezviri pachena ndiye mwana bedzi waMaria. Asi kwete kwenguva refu. Pashure penguva yakati, Jakobho, Josefa, Simoni, uye Judhasi vanoberekwa, uye Maria naJosefa vanova vabereki kuvasikanawo. Pakupedzisira Jesu anovawo, navanenge, vanun’una nehanzvadzi vatanhatu.

Jesu anewo dzimwe hama dzokunyama. Isu tinotoziva nezvomukoma wake Johane mwana wamaiguru, uyo anogara mamaira akawanda kure muJudhea. Asi anogara pedyo zvikuru muGarirea ndiSarome, uyo sezviri pachena ari munun’una waMaria. Sarome akaroorwa naZebhedhi, naizvozvo vakomana vavo vaviri, Jakobho naJohane, vaizova vanun’una vaJesu vana vamainini. Hatizivi kana, achikura, Jesu akapedza nguva yakawanda ane ava vakomana, asi gare gare ivo vanova shamwari dzapedyo, sezvatichaona.

Josefa anofanira kushanda zvakaoma zvikuru kuti atsigire mhuri yake iri kukura. Iye muvezi. Josefa anorera Jesu somwanakomana wake amene, naizvozvo Jesu anonzi ‘mwanakomana womuvezi.’ Josefa anodzidzisa Jesu kuva muveziwo, uye iye anodzidza zvakanaka. Ndokusaka vanhu gare gare vachiti nezvaJesu, ‘Uyu muvezi.’

Upenyu hwemhuri yaJosefa hwakavakirwa pakunamatwa kwaJehovha Mwari. Mukuwirirana nomutemo waMwari, Josefa naMaria vanopa vana vavo muraidzo womudzimu ‘pavanogara mumba mavo, pavanofamba munzira, pavanovata, uye pavanomuka.’ MuNazareta mune sinagoge, uye tinogona kuva nechokwadi chokuti Josefa anogaroendawo nemhuri yake kundonamata ikoko. Asi pasina panikiro ivo vanowana farikanyo yavo hurusa munzendo dzenguva dzose kutembere yaJehovha muJerusarema, sezvaticharangarira munyaya yedu inotevera. Mateo 13:55, 56; 27:56; Marko 15:40; 6:3; Dheuteronomio 6:6-9.

◆ Jesu aiva navanun’una nehanzvadzi ngani, uye ndaapi aiva mazita avamwe vavo?

◆ Ndivanaani vaiva hama nhatu dzinosanozivikanwa dzaJesu dzokumhuri yamai?

◆ Nderipi raiva basa rokunyika raJesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe