Upenyu hwaJesu Noushumiri
Vadzidzi Vazhinji Vanorega Kutevera Jesu
JESU ari kudzidzisa musinagoge muKapernaume pamsoro porutivi rwake sechingwa chechokwadi chakaburuka kudenga. Hurukuro yake sezviri pachena itambanudzirwo yekurukurirano iyo yakavamba navanhu pavakamuwana pakudzokera kwavo vachibva kurutivi rwokumabvazuva rweGungwa reGarirea, uko vakanga vadya chingwa nehove zvakagoverwa nenenji.
Jesu anopfuuridzira mashoko ake, achiti: “Chingwa chandichapa, inyama yangu, huve upenyu hwenyika.” Makore maviri chete pamberi pezvi, muchirimo cha 30 N.V., Jesu akaudza Nikodhimo kuti Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti iye akagovera Mwanakomana wake soMuponesi. Nokudaro, Jesu zvino ari kuratidza kuti munhu upi noupi wenyika yorudzi rwomunhu anodya nenzira yokufananidzira nyama yake, kupfurikidza nokushandisa kutenda muchibairo icho iye achakurumidza kuita, angagamuchira upenyu husingaperi.
Vanhu, zvisinei, vanogumburwa namashoko aJesu. “Munhu uyu ungatipa seiko nyama yake, tidye?” ivo vanobvunza kudaro. Jesu anoda kuti vadzidzi vake vanzwisise kuti kudyiwa kwenyama yake kwaizoitwa nenzira yokufananidzira. Naizvozvo, kuti asimbise ikoku, iye anotaura chimwe chinhu chakatoipa zvikuru chikarangarirwa nenzira chaiyoiyo.
“Kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokunwa ropa rake,” Jesu anozivisa kudaro, “hamuno upenyu mamuri. Unodya nyama yangu, nounonwa ropa rangu, uno upenyu husingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu ndizvo zvokudya zvazvokwadi, neropa rangu zvokunwa zvazvokwadi. Unodya nyama yangu, nounonwa ropa rangu, unogara mandiri, neni maari.”
Chokwadi, kudai Jesu pano akanga achikarakadza kudya nyama yomunhu, dzidziso yake yaizonzwika kuva inogumbura zvikuru. Asi, chokwadika, Jesu haasi kureverera kudyiwa chaikoiko kwenyama kana kuti kunwiwa kweropa. Iye ari kungosimbisa zvake kuti vose vanogamuchira upenyu husingaperi vanofanira kushandisa kutenda muchibairo icho iye achaita apo anopa muviri wake wohunhu wakakwana ndokudurura ropa rake roupenyu. Bva, kunyange vazhinji vavadzidzi vake havaedzi kunzwisisa dzidziso yake naizvozvo vanoramba, vachiti: “Iri shoko igukukutu, ndiani ungarinzwa?”
Achiziva kuti vazhinji vavadzidzi vake vari kunyunyuta, Jesu anoti: “Iri shoko rinokugumbusai kanhi? Muchagodiniko kana muchiona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga? . . . Mashoko andataura kwamuri, ndiwo [mudzimu (NW)] noupenyu. Asi vamwe venyu variko vasingatendi.”
Jesu anopfuurira, achiti: “Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakuna munhu ungauya kwandiri kana asina kuzvipiwa naBaba.” Naikoko, vazhinji vavadzidzi vake vanobva ndokusamuteverazve. Naizvozvo Jesu anotendeukira kuvaapostora 12 vake ndokubvunza, kuti: “Nemi munoda kubvawo here?”
Petro anopindura, achiti: “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi. Isu takatenda, tikaziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” Iratidzirwo yakaisvonaka zvakadini yoruvimbiko, kunyange zvazvo Petro navamwe vaapostora vangave vasina kunzwisisa zvizere dzidziso yaJesu paiyi nhau!
Kunyange zvazvo akafadzwa nemhinduro yaPetro, Jesu anoti: “Handina kukusanangurai, imi vane gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndowaDhiabhorosi.” Iye ari kutaura pamsoro paJudhasi Iskarioti. Sezvinobvira pairi pfundo Jesu anoziva muna Judhasi “mavambo,” kana kuti kutanga, kwenzira yakashata.
Jesu achangobva kuodza mwoyo vanhu kupfurikidza nokudzivisa kuedza kwavo kumuita mambo, uye ivo vangarangarira, ‘Uyu anogona sei kuva Mesia kana asati achizotora nzvimbo ina maruramiro yaMesia?’ Ikokuwo kwaizova nhau itsva mundangariro dzavanhu. Johane 6:51-71; 3:16.
◆ Jesu anopa nyama yake nokuda kwavanaani, uye ivava ‘vanodya nyama yake’ sei?
◆ Ndimamwe mashokoi aJesu anokatyamadza vanhu, bva chii chaari kusimbisa?
◆ Apo vazhinji vanorega kutevera Jesu, ndeipi iri mhinduro yaPetro?