Jehovha—Simba Redu
“Jah Jehovha ndiye simba rangu noumhare hwangu.”—ISAYA 12:2, NW.
1. (a) Neiko Zvapupu zvaJehovha zvakasiana kwazvo? (b) Isaya 12:2 inotaura sei izvo Jehovha akaitira vanhu vake?
KO IWE unopinda misangano paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha here? Ikoko iwe unoona vanhu vakasiana zvikuru navamwe vapi navapi! Ava vanhu ndivanaani, uye neiko ivo vakasiana? Tiri vanhu vaMwari amene, uye takasiana nemhaka yokuti tine gurusa ramazita ose—riya roMusiki ane mbiri wezvishamiso zvose zvechisiko chapose pose chakatipoteredza. Zita rake riri patiri. Tinoungana nomufaro muzita rake kuti tidye zvokudya zvomudzimu zvakanaka zvaanogovera “panguva yakafanira” kupfurikidza nesangano rake. (Ruka 12:42, NW) SeZvapupu zvaJehovha, tinorumbidza nokuonga zita rake risingaenzaniswi mumashoko aIsaya ganhuro 12, ndima 2, NW, ayo anorava, kuti: “Tarirai! Mwari ndiye ruponeso rwangu. Ndichavimba naye ndokusatya; nokuti Jah Jehovha ndiye simba rangu noumhare hwangu, uye iye akava ruponeso rwangu.” Mwari wedu akatibudisa mumiedzo yakawanda. Zvino ruponeso rwedu rwokupedzisira runoswedera pedyo—uyewo pasimba raJah Jehovha!
2. (a) Kutaura kwokuti “Jah Jehovha” kunooneka kakawanda sei muBhaibheri, uye kupi? (b) Ndokupi kuri kumwe kurava nokuda kwo“umhare” pana Isaya 12:2, uye neiko iko kwakafanirawo?
2 Uku kutaura kwokuti “Jah Jehovha,” kupetwa ruviri kwezita roumwari, kunoitika kaviri bedzi muBhaibheri, pano napana Isaya 26:4, NW. Kunyange vashanduri veKing James Version vakaona kwakakodzera kukushandura kuti “ISHE JEHOVHA.” Mukuwirirana namashoko omuzasi ari muNew World Translation Reference Bible, kumwe kurava nokuda kwo“umhare” muna Isaya 12:2 ndi“rwiyo” uye “rumbidzo.” Ndokwechokwadi sei kuti Jah Jehovha wamasimba ose, uyo anogovera vanamati vake simba guru, akafanirwa nenziyo dzedu dzakanaka dzerumbidzo!—Isaya 40:28-31.
3. (a) Jah Jehovha akazarura nzira nokuda kwechii, uye pahwaro hwechii? (b) Ndoupi uri muuyo wamashoko aPauro ari pana VaRoma 11:33-36 paZvapupu zvaJehovha?
3 Simba raJehovha rinodzikamiswa nouchenjeri hwake, ruramisiro, uye rudo. Mukushandiswa kwaaya mavara oumwari, Jah Jehovha akazarura nzira yoruponeso rworudzi rwomunhu runotenda pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu. Muna ikoku, muapostora Pauro akati: “Haiwa kupfuma kwokuchenjera kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi! Nokuti ‘ndianiko wakaziva murangariro wa[Jehovha (NW)]? Ndianiko wakanga ari murairi wake?’ ‘Ndianiko wakatanga kumupa, kuti aripirwezve?’ Nokuti zvose zvinobva kwaari zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.” (VaRoma 11:33-36) Naizvozvo, kwakakodzera sei kuti tibatirire kuna Jah Jehovha ndokuzivisa chivimbo chedu chakakwana noruvimbo maari saMwari wedu wamasimba ose naChangamire Ishe!—Enzanisa naVaHebheru 3:14.
4. (a) Neiko muporofita Isaya aiva nechikonzero chakanaka chokuzivisa kuti, ‘ndichavimba naye ndokusatya’? (b) Neiko vanhu vaJehovha vaine chikonzero chakanaka chokuvimba naJah Jehovha muzana rino ramakore rechi 20?
4 Isaya aiva nechikonzero chakanaka chokuzivisa kuti, ‘Ndichavimba naye ndokusatya.’ Muporofita wacho gare gare akava akasanorovedzana namabasa okuponesa aMwari. Iye akanga ari Chapupu chakaona apo Jehovha akazadzika shoko Rake kupfurikidza nokudukupisa Asiria namambo wake anodada, Sanheribhi. Muusiku humwe, varwi veAsiria 185 000 vakaurawa nengirozi imwe chete yakatumwa naMwari wedu wamasimba ose, Jehovha! Ruponeso rukuru irworwo rwakavapo nemhaka yokuti Mambo Hezekia naJudha wose vakavimba chose chose naJah Jehovha. (Isaya 37:6, 7, 21, 36-38) Muzana rino ramakore rechi 20, Jehovha akanunurawo vanhu vake mudzvinyiriro, kurambidzwa, zvitambudzo, uye misasa yechibharo. Kufanana navaAsiria ivavo vanodada vomunguva yaIsaya, mutongi weNazi Adolf Hitler akataura nehasha kuZvapupu zvaJehovha, pane imwe nhambo, achizhamba kuti, “Iri boka richaparadzanywa muGermany!” Asi akanga ari Hitler navaNazi vake vakaparadzanywa. Uye zvino boka duku reZvapupu zveGermany iro rakavimba naJehovha rakakura kusvika kuvanopfuura 121 200!—Pisarema 27:1, 2; VaRoma 8:31, 37.
5. Mashoko aIsaya 12:3-5 anoshanda sei kuvanhu vaMwari vanovimba naye nhasi?
5 Kupi kana kupi uko chitambudzo chinomuka, vanhu vaJehovha vanovimba naye vanozorodzwa ndokusimbaradzwa kupfurikidza nokunwa mvura dzinopa upenyu dzezvokwadi. Kwakaita chaizvo seizvo muporofita waMwari akataura pana Isaya 12:3-5, kuti: “Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso. Zvino nezuva iro muchati: ‘Ongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa. Imbirai Jehovha; nokuti wakaita zvinhu zvakaisvonaka; izvi ngazvizivikanwe panyika yose.’” Ngatipfuurirei kunwa zvikuru zvokwadi yoUmambo ndokurumbidza nokuonga zita raChangamire Ishe wedu, Jehovha. Nechivimbo chakazara muna Jehovha, ngati‘paridze shoko, tirikurumidzire munguva yakanaka, munguva inotambudza.’ (2 Timotio 4:2) Chipi kana chipi icho vashori vangaita, Jah Jehovha achazvitungamirira norudo munzira yoruponeso!
‘Taundi Ramarudzi Anodzvinyirira’
6, 7. (a) Mutsinhirano naIsaya 25:1, vanamati vaJehovha vanofanira kumurumbidza nokuda kwechii? (b) Isaya 25:2, 3 inorondedzera sei guta rakati? (c) Kugutai uko muporofita sezvingabvira ari kunongedzera, uye nei?
6 Ngatitendeukirei zvino kuna Isaya ganhuro 25. Mundima 1 tinorava, kuti: “Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndichakukudzai, ndicharumbidza zita renyu; nokuti makaita zvinoshamisa, izvo zvamakafunga kare nokutenda nezvokwadi.” Vanamati vanovimba vaJehovha vanomurumbidza nokuda kwamabasa anoshamisa ayo iye akaita pakati pavo. Asi Isaya ipapo anoita musiano mukuru, achitaura kuna Jehovha, kuti: “Nokuti guta makariita dutu ramabwe, guta rakakombwa norusvingo makariita dongo, imba huru yavatorwa rirege kuva guta; haringatongovakwi. . . . Guta ramarudzi avanhu vanotyisa richakutyai [Jehovha].”—Isaya 25:2, 3.
7 Nderipi riri iri guta risingadudzwi zita roudzvinyiriri? Isaya angave ainongedzera kuAri, dzimbahwe raMoabhi, nguva dzose muvengi wavanhu vaMwari. Asi mashoko akapoteredza pano anoratidzika kuva anokodzera rumwe rutivi rwesangano raSatani zviri nani—muvengi mukuru Bhabhironi. Munguva yakafanira, Bhabhironi raizoparadzanya Judha neJerusarema, kuparadza imba yaJehovha yenamato, uye kupinza vapukunyuki vavanhu muutapwa. Isaya anonokora mashoko mambo weBhabhironi saanoganza, achiti: “Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano. . . . Ndichazvienzanisa nowokumusorosoro.” Asi Jehovha aizomutsa Koreshi wePersia kuti atemere pasi Bhabhironi ndokudzorera vanhu vaMwari kunyika yavo. Sezvakaporofitwa, nzvimbo yeBhabhironi rakare yasiiwa isiri chinhu kunze kwo“murwi wamabwe” uye “matongo.”—Isaya 14:12-14; 13:17-22.
8, 9. (a) Vanamati vaJehovha vanofanira kurwisana nerimwe Bhabhironii, uye iro rakakura sei? (b) Isaya anorirondedzera sei, uye neiko shoko racho rakakodzera?
8 Zvisinei, anopfuura makore 2 500 pashure pokukurirwa kweBhabhironi, vanamati vaJehovha vachiri vanofanira kurwisana nerimwe Bhabhironi—“Bhabhironi Guru, amai vemhombwe navezvinhu zvinonyangadza zvapasi.” (Zvakazarurwa 17:5, NW) Iro ndiro umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Iro rakava namavambo aro nokukurumidza pashure paMafashamo omuzuva raNoa, apo Nimirodhi akavaka Bhabhironi rapakuvamba, iro rakava mavambo orudzidziso rwenhema, rwamasekete. Pashure pokunge chiKristu chatangwa naJesu navaapostora vake, vawi pakutenda vakashatisa zvokwadi yeBhaibheri kupfurikidza nokupinza “dzidziso dzamadhemoni” dzenhema dzechiBhabhironi, uye sangano rorudzidziso rechiKristudhomu rakatangwa. (1 Timotio 4:1) Ichi chiKristu chokunyepedzera chazova rutivi rukuru rwe“Bhabhironi Guru,” iro rakapararira mupasi mose ndokupinda mumarudzi ose orudzi rwomunhu. Isaya anorirondedzera se‘taundi ramarudzi anodzvinyirira.’
9 Kwezvinopfuura zviuru zvina zvamakore, kuvambira pakuvambwa kweBhabhironi rapakuvamba kutozosvikira zvino, vadzvinyiriri vane utsinye vakashandisa vakuru vorudzidziso vanodzvinyirira samafuza mukudzvinyirira nokudzora vanhuwo zvavo. Nokudaro, “munhu akatonga munhu kusvikira kukuvadziko yake.” (Muparidzi 8:9, NW) Jesu akanzwira tsitsi vanhu “nokuti vakanga vaneta, varashwa” navafudzi vorudzidziso rwenhema vakadaro. Nhasi, boka rine mhaka zvikurusa rinoziviswa so“munhu wokusateerera mutemo,” rakaumbwa navakuru vanozvikwiridzira vechiKristudhomu, avo vakatungamirira mukushora nokutambudza Zvapupu zvaJehovha.—Mateo 9:36; 2 VaTesaronika 2:3, 4, NW.
10. (a) Mutsinhirano naIsaya 25:3, ‘taundi ramarudzi anodzvinyirira’ rakamanikidzirwa sei kurumbidza Jehovha, pamwe chete nokumutya? (b) Pana Isaya 25:4, 5, Isaya anotaura sei nezvaJehovha, zvose zviri zviviri pamsoro po“murombo” uye “vanodzvinyirira”?
10 Mugore ra 1919 Jehovha akasunungura vanhu vake vechokwadi muudzori hwe“Bhabhironi Guru.” ‘Taundi [iroro] ramarudzi anodzvinyirira’ rakamanikidzirwa kurumbidza Jehovha mukuti iro rakadikanirwa kucherechedza nokukasharara “zvinhu zvinoshamisa” zvaakaita mukudzorera vanamati vake kumubato une simba. Vezvorudzidziso venhema vanomanikidzirwa kutyawo Jehovha mukukarirwa kwechiri mberi nokuda kwavo. Kwamazana amakore, vakuru vorudzidziso vanodzvinyirira vakazvikwidziridza vamene pavanhuwo zvavo. Asi zvino Isaya anotaura nezvaJehovha, achiti: “Nokuti imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji. Muchaderedza bope ravatorwa, sezvinoita kupisa kwezuva panzvimbo yakaoma; rwiyo rwavanotyisa ruchaderedzwa, sezvinoitwa kupisa nomumvuri wegore.”—Isaya 25:4, 5.
Hapana Rwiyo Rwomufaro mu“Bhabhironi”!
11. Neiko kusina rwiyo rwomufaro munzvimbo yose ye“Bhabhironi Guru,” uye ikoku kwakaratidzirwa sei pakuungana kwamarudzidziso ose paAssisi, Italy?
11 Iwoyo, zvamazvirokwazvo, ndiwo mugariro nhasi uri munzvimbo yose ye“Bhabhironi Guru.” Hapana rwiyo rwomufaro rwunowanwamo. Vatungamiriri varwo vorudzidziso vanovhiringidzwa pamsoro pavamwari avo vanofanira kunamata. Ikoku kwakatsigirwa zvakajeka pamusangano wamarudzidziso ose paAssisi, Italy, pana October 27, 1986. Ipapo, mukuwirirana neGore raMarudzi Ose reChibatanwa chaMarudzi roRugare, Pope John Paul II akaunganidza vatungamiriri vamarudzidziso makuru e“Bhabhironi Guru.” Ivo vose vakanyengetera rugare, mamonk echiBhuddha kwenguva yakareba samaawa 12 muzuva rimwe. Asi vakanga vachinyengetera kunaani? Kwakanga kuri kuna Maria here? Kana kuti kuUtatu hutsvene hwechiKristudhomu here? Kana kuti kuutatu hweHindu here? Kana kuti kuzviuru zvavamwari vechiBhuddha here? Kana kuti kuna Allah? Kana kuti kumhuka iya yakaderera, gava, iyo vaShinto vanonamata? Kana kuti minyengetero inogamuchirwa zvikurusa yaiva iyo here yomuIndia weAmerica worudzi rweCrow? Iye akashumwa saane ‘mbiri akapfeka ngundu yakaisvonaka,’ apo iye akabatidza chikwepa chorugare ndokutaura minyengetero yake “muutsi sezvo hwakakwira sezvinonhuwira mumweya unotonhora.”
12. Mashokoi aMika naIsaya ayo vezvorudzidziso ivavo vasingatsigiri?
12 Chinhu chimwe ndechechokwadi: Hapana nomumwe wavorudzidziso ivavo, kuvambira pana Dalai Lama wechiBhuddha kusvikira kuna “Akakurumbira” Methodius weGreek Orthodox Church, anotsigira mashoko eBhaibheri ari pana Mika 4:5, NW: “Isu, kana tirisu, tichafamba muzita raJehovha Mwari wedu kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.” Ivo havatsigiri zvokwadi yokutaura kwakafuridzirwa kwaIsaya kuri paIsa. ganhuro 42, ndima 5 ne 8, kunoti: “Zvanzi naMwari Jehovha, iye wakasika denga rose, akaritatamura, iye wakatambanudza nyika iyi nezvinobvamo, iye unopa vanhu varimo kufema, navanofambapo mweya wavo: ‘Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi kumumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.’”
13. Chii chaizvoizvo chakaitika paAssisi, uye ikoku kwakashurikidzwa sei naJesu paakanga ari pasi pano?
13 PaAssisi, munamato wokuzvitutumadza, nguvo yechienzi, uye minyengetero inodzokororwa zvakanga zviri mutoo wokuita nawo ratidziro huru yapachena. Ikoko ndiko uko Mwanakomana waJehovha Jesu akashurikidza paakanga ari pano pasi pano. Iye akati nezvavatungamiriri vorudzidziso vomuzuva rake: “Mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe navanhu,” uye iye akataura kwavari zvakananga, achiti: “Mune nhamo imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwokudenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda.” (Mateo 23:5, 13; onawo Mateo 6:1-8.) Haisati iri ratidziro yokunze kana kuti nzvimbo yokunamatira inokosha kuna Mwari. Jesu akati: “Mwari Mudzimu, uye avo vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nezvokwadi.”—Johane 4:21, 24, NW.
Manyuko Echokwadi Orugare
14. (a) Neiko minyengetero yamarudzidziso enyika yorugare ichinyengera? (b) Ndechipi chiri rutongeso rwoumwari rworudzidziso rwechiKristudhomu?
14 Achiona nyongano iri mumarudzidziso enyika, munhu upi noupi angagona here kuva asingazivi kwazvo zvokufunga kuti minyengetero yavatungamiriri vorudzidziso ingagona kuunza rugare rwenyika? Ivo vave vachinyengetera nenzira yokunyengera kwamazana amakore, nepo panguva imwe cheteyo vachigoverana zvizere muhondo dzamarudzi, hondo dzamaKristu, uye zvitambudzo zvine mbiri yakaipa. Muporofita waJehovha akabvunza, kuti: “Ko muEtiopia ungashandura ganda rake, kana ingwe mavara ayo here? Kana zvaibvira, nemiwo maigona kuita zvakanaka, iyemi makarovera kuita zvakaipa.” (Jeremia 13:23) Sorutivi rukurusa rwe“Bhabhironi Guru”—umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema—rudzidziso rwechiKristudhomu zvikurukuru rwakayerwa muchiyero choumwari ndokuwanwa rusingaremi zvine ngozi. Rwakashurikidzwa!—Jeremia 2:34, 35, 37; 5:29-31; Dhanieri 5:27.
15. Jehovha achapinza sei rugare rusingagumi, uye seiko avo vanovimba naye vachibatira donzo rorugare?
15 Jehovha, “Mwari worugare,” achapinza rugare rusingagumi kupfurikidza nokuparadza vane mhaka yeropa vose ndokuzadza pasi navanhu vanoda chaizvoizvo zvokwadi nokururama. (VaFiripi 4:9) Mukuwirirana naMambo Dhavhidhi, ndivo vanyoro “vanovimba naJehovha ndokuita zvakanaka” avo “vachagara pasi” uye “zvamazvirokwazvo vachawana mufaro wavo mukuru murugare rukuru.” (Pisarema 37:3, 11, NW) Avo ‘vanovimba nguva dzose naJehovha ndokuita zvakanaka’ vanobatira donzo rorugare munzira iyo avo vanopa minyengetero yakavhengana kuvamwari vanorwisana, zvidhori, uye mifananidzo vasingatongogoni.—Pisarema 115:2-8; Isaya 44:14-20.
16. Madyoi ayo Jehovha anogovera vanyoro vaye vanounganidzwa vachibva mu“taundi ramarudzi anodzvinyirira”?
16 Musiano wakadini uripo pakati peminyengetero netariro zvavanhu vaMwari amene neizvo zvavatsigiri ve“Bhabhironi Guru”! Tinonzwisisa zvakanaka sei kuti “rwiyo rwavanotyisa ruchaderedzwa”! (Isaya 25:5) Asi achitaura nezvavanyoro vari kuunganidzwa vachibva mu“taundi ramarudzi anodzvinyirira,” Isaya anopfuurira kuti: “Pagomo iri Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, . . . yakasvinwa zvakanaka.” (Isaya 25:6) Madyo omudzimu anogoveranwa maari nhasi naavo vanosvika pakunamata Jehovha anogutsa zvinofadza, madyo zvamazvirokwazvo! Mwoyo yedu inosimbiswa kutsungirira uye mufaro wedu unopfachukira sezvatinobatira Jehovha nokushingaira mukukarira kuberekwazve namadyo ezvinhu zvakanaka izvo Jehovha akapikira nokuda kwepasi idzva.—Pisarema 104:1, 14, 15; Mateo 19:28, KJ.
17. Ndi“zvinhu zvinoshamisa” zvakadini izvo Jehovha achaita, kuchiunza mifaroi?
17 Nokukurumidza, Jah Jehovha achaita “zvinhu zvinoshamisa” mukubvisa kwete bedzi “Bhabhironi Guru” asiwo “chidzitiro chakatasanurwa” cheshurikidzo icho chinofukidza rudzi rwomunhu nemhaka yechivi chaAdhama. (Isaya 25:7) Hungu, pahwaro hwechibairo chaJesu, Mwari wedu achazadzika uporofita hwaIsaya 25:8, hunoti: “Wakaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose; uchabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha wakataura izvozvo.” Mufaro wakadini kuona chivi chaAdhama norufu zvichibviswa uye kugamuchira vadiwa sezvavanodzokera vachibva muzvisungo zvorufu! Mufaro wakadini kuziva kuti zvapupu zvakatendeka zvaJehovha zvakapa mhinduro yakakwana kuMuzvidzi mukuru, Satani Dhiabhorosi! (Zvirevo 27:11) Hakusati kuchizovazve nomunhu upi noupi anokandira ruzvidzo pazviri, nokuti izvo zvichave zvakurira kana toreva nezveperero yazvo. “Nokutendeka nezvokwadi,” Jehovha amene achave aita zvinhu zvakaporofitwa—“mazano [ake] kuvambira panguva dzapakuvamba.” Pasi rose richava rava paradhiso yakarurama, yakazadzwa navanhu vakarurama. Haiwa ikariro yakaisvonaka zvakadini zvamazvirokwazvo!
18. Pasinei zvapo nedzvinyiriro, chii chatakatsunga kuita, mutsinhirano naIsaya 25:9?
18 Kuvimba kwedu nguva dzose naJehovha muaya mazuva ane rima kuchava netuso yako yechokwadi. Dzvinyiriro dzipi kana dzipi dzatingarwisa muupenyu hwedu hwezuva nezuva—mungava mukugovera nokuda kwemhuri dzedu, mukubatisisa kunheyo dzeBhaibheri kuchikoro, kana kuti mukupa uchapupu mundima dzakaoma—ngativimbei nguva dzose naJehovha. Kuchengeta kwedu ukama hwapedyo naJehovha so“Munzwi womunyengetero” kuchatiita tive nechokwadi choruponeso. (Pisarema 65:2, NW) Naizvozvo, ngativei vakatsunga kuramba tiri pakati paavo vanoti, mumashoko aIsaya 25:9: “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye uchatiponesa; uyu ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.”
Mibvunzo Muhwirudzuro
◻ Jah Jehovha isimba redu noumhare hwedu sei?
◻ Chii chiri “taundi ramarudzi anodzvinyirira”?
◻ ‘Taundi ramarudzi anodzvinyirira’ rakamanikidzirwa sei kurumbidza Jehovha, pamwe chete nokumutya?
◻ Chii chinoratidza kuti hapana rwiyo rwomufaro rwuri “muBhabhironi Guru”?
◻ Ndi“zvinhu zvinoshamisa” zvakadini izvo Jehovha achaitira vanhu vake?