Waimbosonganirana Nesangano raJehovha Here?
JAYA racho rakanyara uye rakasuruvara zvikuru. Zvipfeko zvaro, mamvemve, zvaiva nezviratidzo zvokuva zvaichimbova zvipfeko zvakaisvonaka. Zvino izvo hazvina kusiya panikiro yokuti iro rakanga rapinda munguva dzakaoma. Sezvo ndangariro yaro yakadzokera kunyika yokumusha kwaro iri kure, rakavamba kunzwa kusemburwa kukuru nokuda kwoupenyu hwakaipa iro rakanga rave richirarama nenzira iyo iro rakanga rapambadza nayo nhaka iyo iro rakanga raomerera pakuva nayo nguva isati yasvika. Dumbu raro risina chinhu rakawedzera kunhamo yaro, uye iro rakafunga kumusha. Chokwadi, kunyange vabatiri vababa varo shure kumusha vakanga vari nani zvikuru kupfuura zvarakanga rakaita! Haiwa, raizoda sei kuva munzvimbo yavo!
Asi rudzii rwegamuchiro rwaraigona kukarira kuna baba varo kudai iro rakadzokera zvino? Iro raisambogona kukarira kugamuchirwa noushamwari kana kuti kunyange kubvumirwa mukati meimba pashure penzira inonyadzisa iyo iro rakanga rashatisa nayo mutsa wababa varo. Kunyanguvezvo, murangariro mukuru wakadzora ndangariro yaro nomwoyo: Iro rinofanira kuenda kumusha.
Iri jaya harina kunzwisisa sei mirangariro yababa varo nokuda kwaro! Chishamiso chakadini chakarimirira sezvo iro rakaswedera pedyo nomusha waro wekare! Kutaura chokwadi, “wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusveta.”—Ruka 15:20.
Kufanana nomwanakomana anopambadza, ko iwe wakasiya musha wako here? Ko iwe wakabva here kuna Baba vako, Jehovha, uye sangano rake? Ko iwe zvino unoshuvawo here ku‘dzokera kumusha’?
Muzvinoitika zvakawanda zvikurusa, avo vakabva musangano raJehovha havana kuva vakafanana zvomenemene nomwanakomana anopambadza. Navazhinji, waingova zvawo muitiro wapashoma napashoma, unodokuva usingacherechedzwi wokuenda—kufanana neigwa duku, rinoyanguruka richienda zvishoma nezvishoma kure zvikuru nenyika. Vamwe vakava vanoremedzwa kwazvo nezvitambudzo zvemari kana kuti zvinetso zvemhuri, nechirwere kana kuti kunyange no“kuenderera mberi” munyika, zvokuti zvinhu zvomudzimu zvakatsvikinyidzirwa kunze. Vamwe vakazvibvumidza vamene kugumburwa navanhu vanosonganirana neungano yechiKristu kana kuti vakabva nemhaka yokuti havana kubvumirana nenzwisiso yakati iyo sangano raJehovha raiva nayo papfundo rapaMagwaro. Vamwezve vakazvibvumira vamene kuva vanoodzwa mwoyo uye vakarega apo tsika ino yazvino yezvinhu isina kuguma panguva yavaikarira.
Kana iwe uri mumwe asati achasonganirana nokushingaira nesangano raJehovha, sezvingabvira chimwe kana kuti zvakawanda zvezvikonzero izvozvi zvichakodzera migariro yako. Asi chipi kana chipi chiri chisakiso chacho, haisati yava nguva here zvino yokurangarira kudzokera?—Mateo 18:12-14.
Wakagumburwa Here?
Achirangarira kuti rudzi rwomunhu rwakawa kusvikira kure sei ruchibva pakukwana, munhu anogona kukarira kuti bonderano dzohunhu dzichaitika panguva nenguva. Ikoku kwakatungamirira kukugumbuka kwavamwe. Vamwe vakagumburwa apo mumwe munhu uyo vairemekedza zvikuru kamwe kamwe akaita nenzira yakati yechimbichimbi kana kuti isiri yechiKristu kana kuti akava anobatanidzwa muchakaipa.
Ikoku kwakaitika kwauri here? Chipi kana chipi chakaita kuti ugumbuke, zvamazvirokwazvo akanga asati ari Jehovha akasakisa kugumbuka kwacho. (Enzanisa naVaGaratia 5:7, 8.) Naizvozvo pane donzo ripi neripi chaizvoizvo here mukugura ukama hwedu naye nemhaka yeizvo mumwe munhuwo zvake akaita? Panzvimbo pezvo, hatifaniri here kupfuurira kumubatira nokutendeka, tine chivimbo chokuti Jehovha anoziva chiri kuitika uye achabata nesu nenzira yorudo?—VaKorose 3:23-25.
Nokupfuura kwenguva, vamwe vakawana kuti icho chakavagumbura pakuvamba hachiratidziki kuva chinokosha zvino kana kuti chingasatongovapozve. Kana kuti mukurangarirwa kwakadzikama kwenhau yacho, ivo zvino vangatogumisa kuti ivo zvomenemene ndivo vakakanganisa. Ikoku kunowanzova kwechokwadi apo mumwe munhu asina kubvuma uye akagumbuka pamsoro pezano rakati kana kuti chirango chakamupiwa. Mukupesana, iye angaziva kuti chirango chakadaro chakapiwa murudo rwechokwadi uye nokuda kwenakirwo yake. (VaHebheru 12:5-11) Kwakakodzera sei, ipapoka, kuita chimwe chinhu pamsoro pezano romuapostora Pauro! Iye akanyora, achiti: “Simbisai maoko enyu akarembera pasi namabvi anodedera, uye itai kuti nhanho dzenyu dzirege kuzununguka. Ipapo mutezo wakaremara hausati uchizoshodoka, asi kuwanazve aichimbova masimba awo.”—VaHebheru 12:12, 13, The New English Bible.
Ko Iwe Hauna Kubvumirana Nedzidziso Yakati Here?
Kungava kuti iwe wakasiya sangano raJehovha nemhaka yokuti iwe waiva nenzwisiso yakasiana yepfundo rakati rapaMagwaro. Sezvo vaIsraeri vakanunurwa muEgipita vakakurumidza “kukanganwa mabasa” aMwari nokuda kwavo uye “vasina kumirira zano rake,” iwe ungave wakakurumidza kugumisa kuti sezvo sangano risina kutsigira murangariro uyo wakarangarira kuva wakarurama, waizoparadzana naro. (Pisarema 106:13) Zvichida pfundo racho rakanguve rajekeswa, zvimwe kuchinjwa kana kuti kusimbiswa neimwe nzvero yapaMagwaro munhungamiro yomudzimu waMwari. Kungadai kusina kuva kuri nani here kungova wakaramba une sangano, uchimirira Jehovha?
Kwakanaka kuyeuka kuti Jehovha nguva dzose akashanda nesangano rimwe bedzi. Muzuva redu, “muranda akatendeka nowakachenjera” ari kupa zvokudya zvomudzimu “panguva yakafanira.” Cherekedza kuti uyu muranda aifanira ‘kuwanwa achiita saizvozvo apo Tenzi akasvika.’ (Mateo 24:45-47, NW) Chaizvoizvo, ndiani nhasi anoziva kuti Tenzi akatosvika? Uye ndiani akabatikana nebasa rakaratidzirwa? Avo bedzi vanosonganirana nesangano raJehovha reZvapupu zvechiKristu!
Apo vamwe vakasiya Jesu, muapostora Petro akati: “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi.” Petro aiziva pasina nepanikiro yose kuti Jesu akanga ari Mesia. Naizvozvo apo vadzidzi vazhinji vakawana mamwe amashoko aJesu achikatyamadza, Petro akaziva kuti kwaizova kusachenjera kusiya manyuko a“mashoko oupenyu husingaperi.” Pashure penguva yakati panikiro ipi neipi kana kuti kusanzwisisa kwaizojekeswa. (Johane 6:51-68; enzanisa naRuka 24:27, 32.) Ikoku kuchakadaro nhasi, sezvo Jehovha anotungamirira nenzira inofambira mberi vabatiri vake munzira yezvokwadi.—Zvirevo 4:18.
Dzokera Zvino
“Ngatinzvere nokuidza nzira dzedu, titendeukirezve kuna Jehovha,” akakumbira kudaro muporofita Jeremia. (Mariro 3:40) Bva, vamwe vangangoramba, zvichida vachitya kugamuchirwa zvakashata naavo vari muungano. Asi ndokupi kwaiva kuita apo mwanakomana anopambadza akadzokera kumusha? “Kwaifanira . . . nokufarisisa,” akatsanangura baba, “nokuti munun’una wako uyu wakanga afa, wararama; wakanga arashika, akawanika.” (Ruka 15:32) Kugamuchira kwoushamwari kwakafanana kwakamirira avo vano‘dzokera kuna Jehovha’ nechishuvo chapachokwadi chokuita kuda kwake.—Enzanisa naRuka 15:7.
Asi ungano yechiKristu yave isati yakangoti dedede zvayo ndokumirira kugamuchira vakadaro kana uye apo ivo vanosarudza ku‘dzokera kumusha.’ Mumuenzanisiro waJesu, baba vakamhanyira kunze kundosangana nomwanakomana wavo apo “akanga achiri kure.” Nenzira yakafanana, Zvapupu zvaJehovha zvinokurangarira kuva musengwa womunhu oga kutsvaka avo vakambosonganira nokuvabetsera kudzokera musangano raJehovha.
Asi zvakadiniko kana mumwe munhu akava nemhaka yomufambiro usakafanira wakakomba akaparadzana nesangano raJehovha? Kana kuti zvakadiniko kana mumwe munhu aitofanira kubviswa musonganiro yavanhu vaMwari nemhaka yechakaipa chakakomba asi chibviro chenguva iyoyo akarega kupinda mumufambiro usiri wechiKristu? Vakuru vachaziva nzira yokumubetsera nayo nenzira yomutsa neyorudo kuti agoruramisa zvinhu naJehovha. Naizvozvo munhu upi noupi zvino anoshuva kudzokera ndokurarama mutsinhirano nokuda kwaMwari anofanira kuita kuti ichi chishuvo chizivikanwe kuvakuru. “‘Chiuyai zvino titaurirane,’ ndizvo zvinotaura Jehovha; ‘kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando.’”—Isaya 1:18.
Haiwa Baba vedu vokudenga vane mutsa, vane ushamwari, uye vano rudo sei! Uye ivo vanoshivirira sei uye vanofarira mumwe nomumwe wedu somunhu oga! Zvirokwazvo, haasati achida kuti tiparadzwe netsika ino yakaipa yezvinhu. (2 Petro 3:9) Akanga ari Jehovha akakurudzira vanhu vake vakare, kuti: “Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri.” Kokero imwe cheteyo iripo nhasi.—Maraki 3:7.
Nguva iri kupera, naizvozvo usanonoka. Navanhu vaJehovha, farikanya zvakare ‘rugare rukuru rwaavo vanoda mutemo waMwari.’ “Hapana chinovagumbusa,” akadaro wezvamapisarema. (Pisarema 119:165) Pasi mumwoyo mako, ko iwe unoda mutemo waJehovha here? Kana iwe uri mubatiri akazvitsaurira waMwari, ichi ndicho chikonzero nei iwe wakaita tsauriro kwaari. Hapana chinhu—hungu, hapana chinhu chose chose—chinogona kuva chinokosha zvikuru kupfuura kudzorera ukama hwako naJehovha. Usamurinza gotsi rako. Funga pamsoro penhau yacho nenzira yokungwarira uye nenzira yokunyengetera. Kana iwe wave uchipotsa chinzwano noushamwari zvavanhu vaJehovha, hakusati kwava kunyanyononoka kudzokera kusangano raJehovha. Ita saizvozvo pasina kunonoka.