Kokorodzano Yakawedzera Chivimbo Chedu Muna Jehovha
BABA vedu vokudenga, Jehovha Mwari, vanoziva zvatinoda chaizvo. Uye ivo vanofungisa vabatiri vavo vakazvitsaurira avo vari kutungamirira basa ravo pasi pano kuti vagovere chinodikanwa ichocho. Ikoku kunogona zvamazvirokwazvo kutaurwa nezve“Vimba naJehovha” Kokorodzano dzoRuwa, dzakaitwa kupota pasi kuvambira muna June 1987 zvichienda mberi. Idzo dzakabatira zvirokwazvo kusimbisa maKristu mukurwisana nokutsengatsenga, kupanikira, uye kusavimba zvakapararira kwazvo munyika.
Musoro wokuti “Vimba naJehovha” wakabatanidzwa nounyanzvi mupurogiramu yacho. Wakasimbiswa nokutaura kwakanga kwakasimba nokwakananga, uko kwakaratidzirwa nouchokwadi nokunanga. Kwose ikoku kwakasimbisa chivimbo chavateereri muna Jehovha. Ivo vaigona kuenda kumusha nomusoro wakarovererwa zvisingadzimiki pamwoyo yavo nendangariro, vakatsunga kuti kupfurikidza nezviito zvavo namashoko avo vaizozivisa kuvose kuti ivo vanovimba zvizere naJehovha.
“Vimbai naJehovha, Imi Vanhu”
Mashoko iwayo anowanwa pana Isaya 26:4, NW akaratidzira musoro wezuva rokutanga. Nenzira yakakodzera zvikurusa, purogiramu yakazarurwa nehurukuro inoti “Rerekera Nzeve Yako Kuzvirevo zvaMwari.” Mukurukuri akaratidza kuti uku kutaura, uko kunooneka kakawanda muShoko raMwari, kunoreva kupa ngwariro yakazara nezvose zviri zviviri ndangariro nomwoyo kuchinotaurwa, nevavariro yokushandisa chinonzwiwa. Ikoko kunoreva kushandisa kuzvidzora nokupa ngwariro pachinotaurwa, kwete kurega ndangariro ichidzungaira. Kupfurikidza nokurerekera nzeve yedu saizvozvo chivimbo chedu muna Jehovha chichasimbiswa nezvatinonzwa uye ipapo tichasundwa kuita chimwe chinhu pachinotaurwa. Uye ikoku hakusati kuchifanira here kuva chimiro chedu panguva ipi neipi apo tinonzwa Shoko raMwari richitsanangurwa, sapamisangano yedu yeungano?
Sachigaro wekokorodzano akakurukura nhau inotevera, “Avo Vanovimba naJehovha Vanofara Kuva Pano.” Iye akaonesa kuti kana chivimbo chedu muna Jehovha chiri chikuru, mufaro wedu unovawo mukuru. Kuvimba naJehovha kunoreva kutsamira paari zvachose chose uye pasina panikiro. Kana zivo yedu yaJehovha iri huru zvikuru norudo rwedu nokuda kwake, chivimbo chedu maari chichava chakasimba zvikuru. Musoro wekokorodzano wakanga usati uchingova zvawo kutaura. Tinoratidzira chivimbo chedu muna Jehovha munzira dzakawanda, isiri dukusa yadzo iri kuratidza kurangarira vamwe. Kumufaro wavose, pamhedziso yetsinhiro dzake, uye sachigaro akapa chinobudiswa chokutanga—mudziyo wokupupurira nawo wakaisvonaka, unoshanda. Rakanga riri turakiti rinoti Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri.
Pashure pokukurukura muenzaniso wakatanhamara waDhavhidhi pakutarisana nehofori Goriati, mukurukuri akatevera akasimbisa “Kuvimba Kwakaita Vamwe naJehovha” munguva dzazvino uno. Somuenzaniso, kwaiva nehanzvadzi yaiva nomurume asingatendi, nepfuti muruoko, akatyisidzira kuiuraya kana yakaramba ichienda kumisangano. Vamwe vakaratidzira chivimbo chavo muna Jehovha pakuudzwa kuti upenyu hwavo hwaitsamira pakugamuchira kuisirwa ropa. Pwere dzakapa chibvumikiso chechivimbo chadzo muna Jehovha kupfurikidza nokudzivisa dzvinyiriro dzokuda mitambo kana kuti kusarudza dzidzo yakakwirira pashure pokupedza chikoro chakakwirira.
Purogiramu yamangwanani eChishanu yakaguma nehurukuro inoti, “Vanhu Vakasianiswa Nenyika.” Tinoratidza kuti tinovimba naJehovha kupfurikidza nokuchengeta mufambiro wedu navane mitezo yevatano yakasiana neyedu usingazvidzwi, kupfurikidza nokurega nheyo dzechiKristu dzichidzora nhandaro yedu, uye kupfurikidza nokudzivisa mupfekero nokutsvinda zvingakombamira kudzikatidza musiano uri pakati pavanhu vane mitezo yevatano yakasiana. Kupfurikidza nokudarozvo kwedu kusianiswa nenyika, nguva nenguva uchapupu hunoshamisa hunopiwa, kunyange kuguma nokupinda kwavamwe muzvokwadi.
PaChishanu masikati, purogiramu yakavamba nehurukuro inoti “Kuita Upiona Kunokurumidzisa Kukura Kwomudzimu.” Uye ikoko ndokwechokwadi sei! Kupfurikidza neShoko raJehovha, mudzimu mutsvene wake, uye sangano rake, Mwari anogovera chatinoda kuti tifambire mberi kusvikira ku“munhu akakura zvakakwana,” asi kupayona kunoita kuti tikwanise kushandisa zviri nani nezvakakwana zvikuru idzi gadziriro dzose dzomudzimu. (VaEfeso 4:13) Kupfurikidza nebvunzurudzo, mapiona akataura kuti ushumiri hwenguva yakazara hwakaagonesa sei kusakurira zvizere zvikuru chibereko chomudzimu waMwari, kuratidzira rudo rukuru nokuda kwavanhu, kuva anokwanisa zvikuru muushumiri, uye kuvimba naJehovha kusvikira patambanuko huru zvikuru, nokudaro tichichengeta ukama huri pedyo naye. Kwose ikoku kwakakurumidzisa kukura kwawo kwomudzimu.
Kwakatevera kuuya hurukuro chaiyo, “Vanhu Vanogarovimba naJehovha.” Iyi hurukuro inonyandura yakaratidza kuti takasiana nenyika nemhaka yokuti tinovimba chose chose naJehovha. Kuchivakirwa pamagwaro akasiana-siana omubhuku raIsaya, mukurukuri akaratidza kuti takaona sei mauporofita iwawa anokurudzira zvikuru achizadzikwa muZvapupu zvaJehovha nemhaka yokuti zvinovimba naMwari. Nechivimbo, tinotarira mberi kunguva yemberi iri pedyo apo Jehovha acharatidzira kutsamwa kwake kumarudzi ose uye ipapo kupinza Paradhiso.
Vakokorodzani vakakurudzirwa kuti “Paradzirai Mashoko Akanaka Pabanza Riri Rose.” Pashure pokunge ukoshi hwokuita izvozvo hwasimbiswa, chiverengero chakati chemienzanisiro chakaratidzira kuti turakiti itsva Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri rinogona kushandiswa sei nenzira inobudirira muzvose zviri zviviri kupupurira nenzira yakarongwa namasanga. Zvirokwazvo, isu nguva dzose tinoda kuva naaya maturakiti, nokuti kuparadzira mashoko akanaka pabanza riri rose kunofanira kuratidzira Chapupu chiri chose chaJehovha uye inzira yokuratidza nayo kuti tinovimba Naye.
Yakaongwa zvikuru yakanga iri hurukuro inoti “Vabereki—Svikai Mwoyo Womwana Wenyu Kubvira Paucheche.” Kuti mwana akure achivimba naJehovha, rovedzwo yake inofanira kuvamba muucheche uye inofanira kuwana nzvimbo yokutanga. Panguva iyoyo bedzi kuchabvira kuramba pesvedzero dzose dzakashata dzeterevhizheni, chikoro, uye mugwagwa. ‘Icho unoda kuti mwana wako ave, muite kuti achione mauri,’ vabereki vakaudzwa kudaro. Hungu, kugadza muenzaniso wakaisvonaka inzira yakanakisisa yokusvika nayo mwoyo womwana. Mativi ose ebasa rinoyera anofanira kuuya nomuzvarirwo uye kuva anofadza kana mugariro womusha uchizova womudzimu zvirokwazvo. Hatisati tichitongoda kupa nokusada nguva nenhamburiko zvinobatanidzwa. Rambai muchisvika mwoyo womwanawo kupfurikidza nekurukurirano yakanaka. Shandisai rutsigo norudo, uye kwevai rangariro pakupa chirango. Ipai rumbidzo netuso apo zvinofanirwa, asi musatongofufura mwana wenyu.
Yakabata nechinetso chakakomba pakati pezvimwe Zvapupu zviduku yaiva hurukuro inoti “Pwere—Dzivisai Kurarama Upenyu Huviri.” Neiko vamwe vachiedza kurarama upenyu huviri? Imhaka yokuti vanoda tendero yavabereki vavo neyeungano bva vachitya kunyomba kwavaenzani vavo venyika. Kana kuti ivo vanorangarira kuti vari kurasikirwa nomufarwa kana vasingasvuti, vasinganwi mirimo, kana kuti kugoverana muvatano yakaipa. Asi hapambori nokunzvenga idi rokuti avo vose vanorarama upenyu huviri vanounza ruzvidzo pana Jehovha, nhamo kumubereki wake, uye nhamo kwaari iye amene. Munhu upi noupi anodyarira nyama anocheka kuora, nepo kuchengeta ukama hwakanaka naJehovha, kuvimba naye zvizere, kuchidzivirira munhu pakurarama upenyu huviri.—VaGaratia 6:8.
Chakasimbisa nesimba kwazvo nheyo dzose idzodzi chakanga chiri chinoitika chakatevera nokukurumidza. Chaiva nomusoro unoti Kuzviisa Pasi Kwokuvimbika Kuna Jehovha Nesangano Rake, icho chaiva nezvokudya zvakawanda zvomufungo sezvachakaratidzira kuti mukuru akanzwa achimanikidzirwa sei kurega nemhaka yokuti mwanasikana wake akaonekwa somunhu anorarama upenyu huviri. Chinoitika chacho chakabudisa kutaura kwembavarira kwakawanda kwokuonga.
“Vimba naJehovha Ndokuita Zvakanaka”
Wakavakirwa paPisarema 37:3, uyu ndiwo wakanga uri musoro wezuva rechipiri rekokorodzano. Pashure pokurangarirwa kworugwaro rwezuva, urwo rwakabatanidza kurudziro yokuita ikoku zuva nezuva, purogiramu yakasimbisa hurukuro yavatatu yaiva nomusoro unoti “Kuratidzira Kuvimba Kwedu naJehovha.” Mukurukuri wokutanga akaratidza kudikanwa kwokuita ikoku “Kupfurikidza Nokufunda Shoko raMwari Nokushingaira.” Tinofanira kuita ikoku kuti tidzivise musungo wokusakendenga nemisungo yokudisa zvenyika, utere hwevatano, uye kuwa pakutenda. Sosaiti yakagovera yamuro dzefundo yeBhaibheri dzakawanda, zvakadai seWatch Tower Publications Index 1930-1985. Kupfurikidza bedzi nokushandisa zvakazara idzi gadziriro tinogona kuva noukama hwakanaka, hwokuvimba naBaba vedu vokudenga ndokuva vanobudirira sezvapupu zvavo.
Mukurukuri akatevera akasimbisa idi rokuti chivimbo muna Jehovha chinoratidzirwa “Kupfurikidza Nokushandisa Zvinhu Zvakadzidzwa.” Hungu, tinoda kuva vaiti veShoko, nguva dzose tichiitira hanya kuita fambiro mberi. Munzvimboi? Chokwadi, muukama hwedu navamwe, mumupfekero wedu norutsvindo, mukutanga kutsvaka Umambo hwaMwari, uye mukusimudzira rugare nechinzwano pakati pehama dzedu! Kuti tidzivise chivi chokuzvitutumadza, tinofanira kungwarira kuchengeta nzvimbo yedu mumhuri neungano. Kana tikadarozvo kushandisa zvinhu zvakadzidzwa, kuchava pachena kuvose kuti tinovimba naJehovha.
Hurukuro yavatatu yakaguma nekurukurirano yomusoro unoti “Kuratidza Chivimbo Chedu Muna Jehovha—Kupfurikidza Nokuzvishandisa Nesimba Kwedu Timene Mumunda.” Kupfurikidza nokuita ikoku, tinoratidza rudo rwedu nokuda kwaMwari uye muvakidzani wedu ndokuzvidzivirira timene. Tingagutswa nebasa rinodziya, rachero, asi Jehovha anogutswa here? Mwanakomana wake haasati achitikurudzira here kuzvishandisa timene nesimba? (Ruka 13:24) Wedzero dzatinoramba tichiona muvaparidzi, mapiona, uye avhareji dzamaawa anopedzerwa muushumiri hwomumunda dzinofanira kutinyandura kuedza kuita zvakawanda somunhu oga. Hakuna kudaro here? Kupfurikidza nomubato wokushingaira wakadaro, tichagadza muenzaniso wakaisvonaka, kuratidzira chivimbo chedu muna Jehovha, uye kuwana nyemwerero yake yetendero.
Kwakatevera kuuya chikumbiro kuhana yedu muhurukuro inoti “Rovedza Kupa Mumwero Uzere.” Jehovha anotigovera zvakawanda sei mumudzimu nokunyama! Tinoratidzira kuonga kwedu kupfurikidza nokumutevedzera mose muri muviri kupfurikidza nokupupurira uye kupfurikidza nokupa mari kubasa rokuparidzira. Tingagona here kuderedza mifarwa inodhura kuti tigopa nomwero wakazara zvikuru?
Hurukuro yorubhapatidzo, “Tsauriro Yako Norubhapatidzo Zvinoratidzira Kuvimba naJehovha,” yakaratidza chikonzero nei tichivimba naMwari ndizvo kwete navanhu. Rubhapatidzo rwomumvura runoratidzira kufa kuwaichimbova mufambiro wedu nokumutsirwa kunzira youpenyu inotsinhirana nokuda kwoumwari. Pashure paikoko, tinofanira kupfuurira ‘kushandisa ruramisiro, kuda mutsa, uye kuzvininipisa mukufamba naMwari wedu.’ (Mika 6:8) Pakati paavo vakabhapatidzwa pakanga pane musikana ane makore 8 okukura anoitisa fundo dzeBhaibheri mbiri vokuchikoro biyake, murume ane makore 79 okukura, uye ane makore 44 okukura akaoma makumbo namaoko.
Purogiramu yeChitanhatu masikati yakavamba nehurukuro inoti “Kuita ‘Zvinhu Zviri Madikanwa’ Kufadza Mwari.” Yakavakirwa pana Mabasa 15:28, 29, iyo yakaratidza kudikanwa kwokurovedzanisa vanachiremba vedu nechimiro chedu paropa kurapa kune ngozi kusati kwaitika uye yakapa zvikarakadzo zvakaisvonaka pamsoro penzira yokuita nayo ikoku.
Hurukuro yakanyandura tsinhiro dzakawanda dzakanaka yaiva “Kubereka Vana Kune Mutoro Munguva Ino Yomugumo.” Iyo yakapa murangariro wakadzikama, ichiratidza kuti nepo kubereka vana kuchigona kuunza mifaro yakawanda, kunounzawo mitoro yakawanda uye kazhinji kazhinji kunoguma nezvitambudzo, saapo vana vanokanganisa. Zvikurukuru vanamai vangatambura zvikuru mumudzimu nemhaka yemitoro yokubereka vana.
Ipapo kwakauya hurukuro inoti “Vakuru—Rindai Chivimbo Chenyu.” Ichi chivimbo ndechokufudza boka raMwari—kutungamirira, kudyisa, uye kuvadzivirira, mukuwirirana naIsaya 32:1, 2. Kuita zvakanaka misengwa yemhuri uchitarisira mabasa eungano kunopa denho chaiyoiyo. Kuti vakuru varinde chivimbo chavo kunorevawo kudzivisa misungo yokudisa zvenyika, nhandaro yakanyanyisa, uye mifarwa yakaipa. Pakati paavo vakabvunzurudzwa kukokorodzano yoruwa yeFederal Republic of Germany paiva nomumwe mukuru uyo ave achirinda chivimbo chake kwamakore 60.
Hurukuro inoti “Teererai Avo Vanotungamirira” nenzira ine mufungo yakatevera. Rudo ruchatibetsera kuva vanozviisa pasi nokuteerera vatariri veungano uye ruchatidzivisa kuva vasingashiviriri nemhaka yokuti havana kukwana, nokuti isuwo hatina. (VaHebheru 13:17) Kupfurikidza nokuratidza ruremekedzo nokuda kwavakuru munhau huru neduku, tinovabetsera kutakura mitoro yavo panzvimbo pokuwedzera kwairi.
Purogiramu yeChitanhatu yakasvika pamugumo nehurukuro yamativi matatu inoti: “Shoko raMwari Ibenyu,” yakavakirwa pana VaHebheru 4:12. Mukurukuri wokutanga akaratidza kuti ibenyu nemhaka yokuti “Rinoshandisa Simba Rinoshandura.” Nhasi, kunyange somunguva dzeBhaibheri, tine mienzaniso yakawanda inoratidza kuti chivimbo muShoko raMwari chakaparira sei vanhu kuita chinjo huru muupenyu hwavo uye chakavasimbisa kuparidzira nokusatya.
Rutivi rwechipiri rweiyi hurukuro yavatatu rwakaratidza kuti Shoko raMwari “Rinopinza Zvikuru Kupinda Munondo Upi Noupi Unocheka Kuviri.” Iro tinotigonesa kuparadza dzidziso dzenhema dzeBhabhironi. Rinotibetserawo ‘kukamuranisa pakati pomweya nomudzimu’ mukuti rinotigonesa kuziva pakati pamabasa edu nevavariro dzedu chaidzoidzo. Kupfurikidza nokushandisa “munondo” neiyi nzira, tichava vanofadza zvikuru kuna Jehovha Mwari uye vane rugare zvikuru navamwe nesu timene.
Chikamu chokupedzisira chakaratidza kuti Shoko raMwari ibenyu nemhaka yokuti “Rinosimbaradza Uye Rinokuchidzira Mwoyo Wedu.” MuBhaibheri, shoko rokuti “mwoyo” rinowanzoshandiswa nenzira yokufananidzira uye rinonongedzera kumunhu womukati anoratidzirwa namavara edu endangariro neemifungo. Shoko raMwari rinosimbisa mwoyo wedu kupfurikidza nokuzivisa mavara ake anoshamisa kupfurikidza nokubata kwake norudzi rwomunhu. Rudo rwaMwari rusina udyire runotisunda kumutevedzera. Mutsinhiro dzake dzokupedzisira, mukurukuri akahwirudzura chinyorwa cheWatch Tower Society mukubudisa maBhaibheri uye akafadza vateereri kupfurikidza nokuzivisa kubudiswa kwechinyorwa chomuhomwe chedeluxe chakaisvonaka cheThe New World Translation.
“Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose”
Uyu musoro weSvondo, wakatorwa muna Zvirevo 3:5, wakarangarirwa nomukuru uyo akazarura purogiramu ndokukurukura rugwaro rwezuva. Ipapo kwakauya hurukuro inonzvera “Unorerutsa Zvinhu Zvinoyera Here?” Nyika inorangarira kuti haina ngava naMwari, asi seZvapupu zvaJehovha, tinoziva kuti kuti tive netendero yake, tinofanira kutevedzera vanhu vakatendeka vakare kupfurikidza nokuratidza kuonga zvinhu zvinoyera. Mukurukuri akakurukura 13 zvaizvozvi, pakati pazvo pane zita raJehovha, Shoko rake, mudzimu mutsvene wake, mitemo yake, sangano rake rinooneka, ukama hwedu naMwari, misangano yedu, uye maropafadzo edu ebasa. Kana tichionga zvirokwazvo izvi zvinhu zvinoyera, tichazviisa pakutanga muupenyu hwedu, vimba naJehovha zvizere, uye tuswa naye.
Kwakatevera kuuya hurukuro inorova nesimba “Semai Chose Chose Nzira Inonyadzisa Yenyika.” Nemhaka yokunanga kwayo, iyo yakabudisa kutaura kwakadai, “Chataida chaizvo!” Sezvo uipi hwapararira, maKristu anofanira kudzivisa kufuratira utere namasimba masimba. (2 Timotio 3:1-5) Naizvozvo, hatifaniri kutarira kana kuti kuteerera kuparidza kwakadaro muTV kana kuti nhepfenyuro, kana kuti kurava pamsoro pazvo mumagazini. Zvamazvirokwazvo, hatidi kunyange kuda kuva vanofunga pamsoro pazvo. ‘MaKristu echokwadi anoda kuchengeta ukama hwakanaka naJehovha haambogona zvawo kuva nechinhu chipi nechipi chokuita namabhuku outere,’ aiwa, kwete kunyange zvishomanene!
Purogiramu yeSvondo mangwanani yakaguma nechinoitika cheBhaibheri chinofadza Jehovha Anonunura Avo Vanodana Pazita Rake. Icho chakabata nezvinoitika zvinoverengeka muupenyu hwaJoshua. Chaizvoizvo, icho chakaratidzira kuti vagari veJeriko vanofanira kuva vakarangarira sei kufamba kwavarume vaIsraeri vehondo vachipoterera guta zuva nezuva. Kwakasimbiswawo kwaiva kutenda kukuru kwaRakabhi, uko kwakaguma nokununurwa kwake nemhuri yake. Mumhedziso, vose vakabvunzwa, kuti: ‘Ko iwe une kutenda kwakasimba nechivimbo zvaJoshua navasonganiri vake vakashinga here? Kana kwakadaro, tinogona kukarira kugoverana rukundo rwokupedzisira rwaJehovha pavavengi vake.’
Rutivi rwavose rwa“Vimba naJehovha” Kokorodzano yoRuwa rwakauya nehurukuro yavose yaiva nomusoro unoti “Munguva Dzedu Dzinotyisa, Ndiani Waunogona Kuvimba Naye Zvomenemene?” Yakajekesa idi rokuti rudzi rwomunhu runoda zvikuru kwazvo manyuko echivimbo! Nenzira yakajeka, iyo yakaratidza ubenzi hwokuvimba navanhu. Nokudaro, Shoko raMwari rinopa zano rokuvimba naJehovha uye rinotipa zvikonzero zvakasimba zvokuita saizvozvo. Tinofanira kuvimba naye nemhaka yamavara ake nechinyorwa chake mukununura avo vakavimba naye, Mambo Hezekia achiva muenzaniso unoshamisa. Nokukurumidza kununura kwakafanana kuchawanwa naavo vane nzira yechiito inoratidzira chivimbo muna Jehovha.
“Pfuurirai ‘Kugara Norugare’” waiva musoro wehurukuro yakakurumidza kutevera. Kurarama norugare kunoreva kuva anosimudzira rugare nokushingaira. Kunorevawo kuva norugare nesu timene nemhaka yokuva nehana yakanaka. Kupfurikidza nokuratidzira zvibereko zvomudzimu waMwari, zvikurukuru rudo nokuzvidzora, tichakwanisa kurarama norugare nemhuri dzedu timene uye nehama nehanzvadzi muungano.
Hapana panikiro pamsoro peidi rokuti iyi kokorodzano yakatishongedzera tose nokuda kwo“Kunangana Nenguva Yemberi Nokuvimba Zvizere naJehovha,” musoro wehurukuro yokupedzisira. Yakasanopeta sei purogiramu! Mukurukuri akasimbisa kuti zuva nezuva tinofanira kuvimba naJehovha nomwoyo wedu wose, kumucherechedza munzira dzedu dzose, uye kumurega achitungamirira nzira dzedu. (Zvirevo 3:5, 6) Vakokorodzani vakaonga zvikuru kunzwa pamsoro pehurukuro dzavose itsva 16, makaseti eWatchtower, uye kutsikirirwazve kwenyaya pamsoro peropa iyo yakaoneka muna Mukai! wechiNgezi uye ichawanika kuti tipe vanachiremba vedu. Hungu, uye takafadzwa nokuziva pamsoro pokubudiswa kwechimwe chinoitika cheBhaibheri mukaseti, kutsikirirwazve kweWatchtower bound volumes (1960-79), uye kubudiswa kwamamwe maturakiti matatu!
Vose vaivapo nokuda kwa“Vimba naJehovha” Kokorodzano yoRuwa vakavakwa zvikuru mumudzimu. Ivo zvino vakagadzirira kutarisana nenguva yemberi nechivimbo chakazara muna Baba vavo vokudenga. Uye vose vakakurudzirwa nenzira yakakodzera nezano rokupedzisira, rinoti: “Sezvatinotarisana nenguva yemberi, tose zvedu ngatibvumikisei takabatana nenzira yedu youpenyu kuti tino‘vimba naJehovha.’”
[Chati iri papeji 26]
“Vimba naJehovha” Kokorodzano Dzoruwa Dzakasiana-siana
Chiverengero Vakabhapatidzwa
Austria 24 686 360
Brazil 442 731 7 626
British Isles 156 417 1 225
Colombia 82 321 1 852
Denmark 23 029 200
Federal Republic of Germany 159 361 1 455
Finland 26 144 284
France 138 683 2 705
Hong Kong 2 661 49
Ireland 4 326 61
Italy 221 227 5 496
Jamaica 18 540 184
Japan 232 904 3 416
Korea 82 296 2 013
Malaysia 1 154 15
Norway 12 703 218
Portugal 55 057 1 074
Puerto Rico 49 953 377
Spain 105 591 2 394
Sweden 30 099 312
Switzerland 19 459 261
Trinidad 10 649 132
United States 1 288 313 13 562
Venezuela 100 777 1 664
Zimbabwe 45 544 580
[Mifananidzo iri papeji 25]
Zvinoitika zvinonyandura mufungo zvakasimbisa kudikanwa kwokuvimba naJehovha
F. W. Franz, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, achikurukura kuvateereri vekokorodzano vanopa ngwariro
[Mufananidzo uri papeji 26]
Vazhinji vakaratidzira chivimbo muna Jehovha kupfurikidza nokubhapatidzwa kuratidzira tsauriro yavo kwaari