Upenyu hwaJesu Noushumiri
Jesu Anopa Chifundo Mukuzvininipisa
PASHURE pokuporesa mukomana ane dhemoni muruwa ruri pedyo neKesaria Firipi, Jesu anoda kudzokera kumusha kuKapernaume. Zvisinei, iye anoda kuva oga navadzidzi vake parwendo rwacho kuti iye agogona kuvagadzirirazve nokuda kworufu rwake nemitoro yavo pashure parwo. “Mwanakomana womunhu uchabva woiswa mumaoko avanhu,” iye anovatsanangurira kudaro, “vachamuuraya, asi nezuva retatu uchamutswazve.”
Kunyange zvazvo Jesu akataura pamberi pezvi pamusoro paikoku, uye vaapostora vatatu vakaona zvomenemene kushanduka chitarisiko mukati mako “kuenda” kwake kwakakurukurwa, vateveri vake vachiri vasina nzwisiso pamusoro penhau yacho. Kunyange zvazvo pasina nomumwe wavo anoedza kuramba kuti iye achaurawa, sezvakaita Petro pakuvamba, ivo vanotya kumubvunzazve pamusoro pako.
Pakupedzisira ivo vanopinda muKapernaume, iyo yave iri rudzi rwakati rwomusha mukati moushumiri hwaJesu. Iyo itaundiwo yokumusha kwaPetro nechiverengero chakati chavamwe vaapostora. Imomo, vanhu vanounganidza mutero wetembere vanosvika Petro. Zvichida vachiedza kubatanidza Jesu mukupunza tsika inogamuchirwa, vanobvunza, kuti: “Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here?”
“Hon’o,” Petro anopindura.
Jesu, uyo angave akasvika paimba yacho nokukurumidza pashure paikoku, anoziva nezvechaitika. Naizvozvo kunyange Petro asati agona kumutsa nhau yacho, Jesu anobvunza, kuti: “Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kuna vanaaniko? Kuvanakomana vavo kana kuvaeni?”
“Kuvaeni,” Petro anopindura.
“Saka vanakomana vakasununguka,” Jesu anodaro. Sezvo Baba vaJesu vari Mambo wenyika yose, Uyo anonamatwa patembere, hakusati kuri chaizvoizvo chinodikanwa chapamutemo kuti Mwanakomana waMwari aripe mutero wetembere. “Asi, kuti zvirege kuvagumbusa,” Jesu anodaro, “enda kugungwa, ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana stateri [madhirakema mana]; uritore, uvape ivo, kuripira iwe neni.”
Apo vadzidzi vanoungana pashure pokudzokera kwavo kuKapernaume, zvichida pamusha paPetro, ivo vanobvunza, kuti: “Ndianiko mukuru paushe hwokudenga?” Jesu anoziva chinonyandura mubvunzo wavo, zvaanoziva zvakanga zvichiitika pakati pavo sezvavaimutevera pakudzokera kwavo vachibva Kesaria Firipi. Naizvozvo iye anobvunza, kuti: “Makanga muchiita nyaya yeiko munzira?” Vakwenudzwa, vadzidzi vanoramba vakanyarara, nokuti vakanga vaita nharo pakati pavo vamene pamusoro pokuti ndiani ari mukuru.
Pashure paanodokuva makore matatu okudzidzisa kwaJesu, kunoratidzika kuva kusingadaviriki here kuti vadzidzi vaizova nenharo dzakadaro? Eya, kunozivisa pesvedzero yakasimba yokusakwana kwavanhu, pamwe chete neyomugariro worudzidziso. Rudzidziso rwechiJudha umo vadzidzi vakanga varererwa rwaisimbisa nzvimbo kana kuti mugariro mukubata kwose. Kupfuurirazve, zvichida Petro, nemhaka yechipikirwa chaJesu chokugamuchira “kiyi” kuUmambo, akanzwa ava mukuru. Jakobho naJohane, vangave vakava nepfungwa dzakafanana nemhaka yokupupurira kushanduka chitarisiko kwaJesu.
Chipi kana chipi chiri chinoitika chacho, Jesu anoita muenzanisiro unoshamisa munhamburiko yokururamisa zvimiro zvavo. Iye anodana mwana, anomumisa pakati pavo, anomufungatira, uye anoti: “Kana musingashanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwokudenga. Ani naani unogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita rangu, unondigamuchira ini.”
Haiwa inzira inoshamisa zvakadini yokururamisa nayo vadzidzi vake! Jesu haavatsamwiri ndokuvadana kuti vanozvitutumadza, vane makaro, kana kuti vane chinendirini. Aiwa, asi iye anoenzanisira dzidziso yake yokururamisa kupfurikidza nokushandisa vana vaduku, avo vanozvininipisa, vasina gwinyiro, uye kazhinji kazhinji vasina pfungwa yenzvimbo pakati pavo vamene. Nokudaro Jesu anoratidza kuti vadzidzi vake vanofanira kukudziridza mavara mamwe chetewo anoratidzira vana vanozvininipisa. Jesu anogumisa, achiti: “Muduku kwamuri mose, ndiye mukuru.” Mateo 17:22–27; 18:1-5; Marko 9:30-37; Ruka 9:43-48.
◆ Pakudzokera kuKapernaume, idzidzisoi iyo Jesu anodzokorora, uye inogamuchirwa sei?
◆ Neiko Jesu asingasungirwi kubhadhara mutero wetembere, asi neiko achiubhadhara?
◆ Chii zvichida chakagovera kunharo dzavadzidzi, uye Jesu akavaruramisa sei?