RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 7/15 pp. 16-21
  • ‘Kuwana Zororo Remweya Yenyu’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kuwana Zororo Remweya Yenyu’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokwadi Inozorodza
  • Kuzorodza Kunoita Zvokwadi
  • Kuzorodzwa Netariro yoUmambo
  • Zororo Rinobva Mukuita Basa raMwari
  • “Joko Rangu Inyoro Uye Mutoro Wangu Wakareruka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • “Takurai Joko Rangu”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Zorodzwa Nokunamata
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zororo Pakunetseka Nepfungwa—mushonga Unoshanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 7/15 pp. 16-21

‘Kuwana Zororo Remweya Yenyu’

“Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, . . . muwane zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”—MATEO 11:28-30.

1, 2. Ndoupi wave uri mugariro wemhuri yavanhu kwamazana amakore, uye iwoyu unosiana sei neizvo Mwari akaronga pakuvamba?

“ISU tinoziva kuti chisiko chose chinoramba chichigomera pamwe chete uye chichiva mumarwadzo pamwe chete kusvikira zvino.” Izvozvo ndizvo zvakanyora mumwe murume kushamwari dzake muRoma mazana amakore apfuura. (VaRoma 8:22, NW) Mumakore chibviro chenguva iyeyo, kugomera namarwadzo zvemhuri yavanhu yose zvayo zvakangowedzera bedzi. Kufungira mano akaipa, urombo, utsotsi, uye nzara zvakauraya vanotyisa munzvimbo iri yose. Sangano rezvemari risina kururama rinomanikidzira mamirioni kubuda mabasa uye kunyange kubuda mumisha yavo, uye pesvedzero yakaipa inosekesa nhamburiko dzokurera vana munzira yavanofanira kufamba.

2 Asi zvichida ngwavaira hurusa inoitika apo chirwere, hosha, kana kuti ukweguru zvinosvetera vanhu simba ravo ndokuvatorera chiremera chavo sezvo vanoshata kusvikira kumarangwanda zvawo ekare kwavo vamene. Marwadzo anotyisa nokutambura, kazhinji kazhinji zvinopedza mavhiki, mwedzi, uye padzimwe nguva kunyange makore, zvinoita kuti mwoyo irwadze ndokuparira nzizi dzemisodzi kuyerera. Itsinhiro inosuruvarisa zvakadini pamusoro poupenyu! Pamusoro pomugariro womunhu, mambo akachenjera wekare kare akati: “Mazuva ake ose basa rake rinoreva marwadzo nenhamo.” (Muparidzi 2:23; 4:1) Upenyu nhasi zvirokwazvo hahusati huri izvo Mwari akaronga kuti huve pakuvamba!—Genesi 2:8, 9.

3. Mwari akasika munhu ane bviroi, uye iri kuwanwa sei panguva ino patambanuko yakaganhurirwa?

3 Jehovha Mwari akasika munhu akakwana, ane bviro yokufarikanya chaizvoizvo upenyu. (Dheuteronomio 32:4, 5) Imbofunga zvako nezvomufaro wokuravidza zvokudya zvakaisvonaka, kufema nenzira yokufarikanya mhepo yakachena, kana kuti kuona kuvira kwezuva kwakaisvonaka! “Ini ndakaona basa iro Mwari akapa vanakomana vorudzi rwomunhu mokubatikana,” akadaro mambo akachenjera mumwe cheteyo wekare. “Iye akaita chinhu chiri chose chakanaka munguva yacho. . . . Ini ndakasvika pakuziva kuti hakuna chinhu chiri nani nokuda kwavo chinopfuura kufara nokuita zvakanaka muupenyu hwomumwe; uye kuti munhu ari wose anofanira kudya ndokunwa zvamazvirokwazvo ndokuona zvakanaka nokuda kwebasa rake rose rakaoma. Iro chipo chaMwari.”—Muparidzi 3:10-13, NW.

4. (a) Sezvinoratidzirwa nezvinoitika zvaJesu, chii chiri mugariro unosuruvarisa wavazhinji nhasi? (b) Ikokeroi inofadza yakapa Jesu, uye mibvunzoi inomutsa iyoyi?

4 Bva, vashomanene sei vanokwanisa kufarikanya zvinhu zvakanaka Mwari zvaakatirongedzera! Jesu Kristu aiziva nezvomugariro usingafadzi, unosiririsa worudzi rwomunhu. “Vanhu vazhinji vakauya kwaari,” Bhaibheri rinodaro, “navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu.” Jesu akanzwira urombo sei vanhu vakadaro vanosiririsa! (Mateo 9:36; 15:30) Pane imwe nhambo, iye akapa kokero inofadza: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa kuti muwane zororo remweya yenyu.” (Mateo 11:28, 29) Zvirokwazvo, aya mashoko anopa tariro! Asi izororoi iro Jesu akanga achitaura pamusoro paro? Uye tinogona sei kuriwana?

Zvokwadi Inozorodza

5. Jesu akanongedzera sei nzira yokurusununguko rwechokwadi nezororo remweya yedu?

5 Apo Jesu akapinda Mutambo wamaTabhernakeri inenge mwedzi mitanhatu pamberi porufu rwake, akanongedzera kunzira yokuva nayo akasununguka nokudaro ndokugamuchira zororo rechokwadi. Achitaura kuavo vakanga vaisa kutenda maari, iye akati: “Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:31, 32) Izvokwadii Jesu akanga achitaura pamusoro payo? Ichatisunungura muchiiko? Vateereri vake vakanga vari varanda munziraiko?

6. (a) Chirambidzoi icho vashori vorudzidziso vakamutsa, uye nei? (b) Tose zvedu tiri varanda munzirai?

6 Vashori vorudzidziso vakadzongonyedza Jesu, vachiti: “Tiri vorudzi rwaAbrahama isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe wakareva seiko kuti ‘muchasunungurwa’?” Vashori ivavo vechiJudha vaidada nenhaka yavo. Kunyange zvazvo rudzi rwacho kazhinji kazhinji rwakanga rwapinda muudzori hwokumwe, vaJudha vairamba kunzi varanda. Asi Jesu akaratidza kuti vaiva varanda munzirai, achiti: “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoita zvivi, ndiye muranda wezvivi.” Hungu, vateereri vake vose vakanga vari ‘vaiti vechivi,’ kunyange sezvo takaita tose nhasi. Ikoku imhaka yokuti tose zvedu takagara nhaka chivi kuvabereki vedu vapakuvamba. Asi Jesu akavimbisa, kuti: “Kana mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.”—Johane 8:33-36; VaRoma 5:12.

7. Rusununguko rwechokwadi runogona sei kuwanwa, uye chii chiri zvokwadi inotisunungura?

7 Rusununguko rwechokwadi runogona nokudaro kuwanwa bedzi kupfurikidza noMwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akapa upenyu hwake hwakakwana hwohunhu sechibairo chorudzikinuro. Ndicho chibairo ichochi icho chinotisunungura muchivi chinourayisa uye chinotibvirisa kufarikanya upenyu husingaperi muutano hwakakwana nomufarwa munyika itsva yakarurama yaMwari. (Johane 3:16; 1 Johane 4:10) Naizvozvo, zvokwadi inotisunungura ndiyo zvokwadi pamusoro paJesu Kristu nebasa rake muzadziko yamadonzo aMwari. Umambo, huna Kristu saMambo, ndihwo huchaita kuda kwaMwari nokuda kwapasi, uye Jesu aipupurira nguva dzose pamusoro peiyi zvokwadi.—Johane 18:37.

Kuzorodza Kunoita Zvokwadi

8. Nzira iyo zvokwadi inogovera nayo zororo ingaenzanisirwa sei?

8 Nzira iyo zvokwadi inogovera nayo zororo ingaenzanisirwa nomukadzi akaudzwa kuti ane chimiro chinopararira nokukurumidza chekenza. Mutoro wezivo iyoyo unomuremedza sezvaanorangarira miuyo inorwadzwa, inoparadza sezvingabvira. Pashure penguva yakati, zvisinei, iye anobvunza mumwe chiremba uye anoedzwazve. Apo miuyo yokuedza inozivisa kuti nzvero yokutanga zvimwe yakanga isina kururama kana kuti iye akanaya zvinoshamisa, unogona kufungidzira kunzwa kunoshamisa kwenyaradzo kwaanowana. Kunozorodza sei kumweya wake!

9. Jesu akagovera sei nyaradzo kupfurikidza nokudzidzisa vanhu zvokwadi?

9 Nenzira yakafanana, apo Jesu akauya kupasi, vanhu vairemedzwa namasangano amagamuchidzanwa asina maturo ezuva racho. Nezvavanyori navaFarise avo vaiva nomutoro, Jesu akati: “Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiiisa pamapfudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo.” (Mateo 23:4; Marko 7:2-5) Yakanga iri nyaradzo yakadini apo Jesu akagovera vanhu zvokwadi iyo yakavasunungura mumagamuchidzanwa akadaro anoisa muuranda! (Mateo 15:1-9) Hakuna kusiana nhasi.

10. Mitoroi inotora mufaro yakatakura vazhinji, uye munhu anganzwa sei apo iyoyi inobviswa somuuyo wokudzidza kwake zvokwadi?

10 Zvichida iwe wakanga uri munhu uyo, nemhaka yomutoro unorema wedzidziso dzorudzidziso rwenhema, aigara achitya kutambura kutambudzwa muhero yomwoto kana kuti mupurigatori pashure porufu. Kana kuti apo mudiwa akafa, ungave wakapedzwa simba apo mufundisi akakuudza kuti Mwari akanga atora mwana wako anodiwa nemhaka yokuti Iye aida imwe ngirozi—sokunge Mwari aida mwana wako kupfuura zvawaiita. Padzimwe nguva vafundisi vanoudzawo vanhu vari kutambura chirwere kuti ichochi ituko inobva kuna Mwari. Hakuzorodze zvirokwazvo here kudzidza zvokwadi dzeBhaibheri idzo dzinozorodza munhu panhema dzorudzidziso dzinorema dzakadaro? Kunzwa kwakadini kwezororo kunounza ikoku!—Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4; Johane 9:2, 3.

11. (a) Ndoupiko uri mumwe wemitoro mikurusa, uye unogona sei kubviswa? (b) Izororoi iro Jesu akaunzira vatadzi apo akanga ari pasi pano?

11 Mumwe wemitoro mikurusa kutakura ndiuya wemhaka nemhaka yezvivi zvatakaita. Inyaradzo kuziva kuti nemhaka yorunako rwechibairo chorudzikinuro chaKristu, izvi zvivi zvinogona kubviswa. ‘Ropa raJesu rinotibvisira chivi chose,’ Bhaibheri rinotipikira kudaro. (1 Johane 1:7) Pasinei zvapo nezvinhu zvipi nezvipi zvinotyisa zvatingava takaita, kana takapfidza zvirokwazvo ndokururamisa nzira dzedu, tinogona kufarikanya sununguko inozorodza yehana yakachena nevimbiso yokuti Mwari haasati achayeukazve zvivi zvedu. (Pisarema 103:8-14; 1  VaKorinte 6:9-11; VaHebheru 10:21, 22) Izororo rakadini Kristu akaunzira avo vakaremedzwa nechivi, zvakadai semhombwe navateresi vakafanana naZakeo! Jesu akavanyaradza nezvokwadi dzeBhaibheri paaidya navo.—Ruka 5:27-32; 7:36-50; 19:1-10.

12. (a) Jesu akaunza zororo kuvanhu vaiva mumigariroi inotambudza? (b) Muzana rokutanga ramakore, ndikuna vanaani uko Jesu akaratidzira nenzira inoshamisa kuti iye i“nzira nezvokwadi noupenyu”?

12 Vamwe vanhu vazhinji vanotakura mitoro inorema yechirwere nehosha, kuora mwoyo kwakakomba, uye nhamo huru iyo inouya norufu rwomudiwa. Jesu, zvisinei, akaunza zororo kuvose vakadaro avo vakanga vachi“shanda zvakaoma nokuremedzwa.” (Mateo 4:24; 11:28, 29) Iye akarapa mumwe mukadzi uyo akanga atsvaka nenzira isingabudiriri betsero kuvanachiremba kwamakore 18. Jesu akaporesawo mumwe murume uyo akanga ave achirwara kwamakore 38, uye mumwe akanga aberekwa riri bofu. Unogona kufungidzira here nyaradzo yavo apo Jesu akavaporesa? (Ruka 13:10-17; Johane 5:5-9; 9:1-7) Idi nderokuti vose vakauya kuna Jesu mukutenda vakauya kumanyuko ezvokwadi, zororo rechokwadi, uye upenyu. Kuchirikadzi yakagamuchira mwanakomana wayo bedzi achibva muna vakafa navabereki vane mwanasikana aiva namakore 12 okukura akadzorerwa ari mupenyu kwavari, Jesu zvamazvirokwazvo akabvumikisa nenzira inoshamisa kuti iye ndiye “nzira nezvokwadi noupenyu.”—Johane 14:6; 17:3; Ruka 7:11-17; 8:49-56.

13. Ndikunaani uko Jesu akadzidzisa kutendeukira nokuda kwebetsero, uye chii chinoitika patinoshandisa zano rake?

13 Pasina panikiro kune nguva apo iwe unotarisana nezvinetso zviri zvikuru kupfuura izvo unogona kutarisira somunhu oga. Jesu akatidzidzisa kutendeukira kuna Jehovha nokuda kwebetsero, kunyange seizvo iye amene akaita. (Ruka 22:41-44; VaHebheru 5:7) Apo tinogarotendeukira kuna Mwari mumunyengetero, tinosvika pakugoverana mirangariro yowezvamapisarema uyo akanyora, achiti: “Jehovha ngaaongwe, uyo unotitakurira mutoro zuva nezuva, Mwari wechokwadi woruponeso rwedu.” (Pisarema 55:22; 68:19) Hungu, kuziva zvokwadi kunounza chaizvoizvo zororo. Kunotikwevera pedyo zvikuru naJehovha uye kunotibetsera kunzwisisa kuti nebetsero yake kunobvira kutarisira kunyange migariro yakaoma zvikurusa muupenyu nenzira inobudirira.

Kuzorodzwa Netariro yoUmambo

14. Chii chakasimbisa Jesu mumiedzo yake, uye chii chinokosha kana tichizowana zororo remweya yedu?

14 Kuti tiwane zororo rechokwadi remweya yedu, tinofanira kuva netariro yakasimba. Yakanga iri tariro yakasimbisa Jesu. Bhaibheri rinoti: “Akatsungirira danda rokutambudzira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akazvidza kunyadzisa, uye akagara kurudyi rwechigaro choUmambo chaMwari.” (VaHebheru 12:2, NW) Tariro inofadza iyo yakasimbisa Jesu yakanga iri iya yokubetsera kukutsveneswa kwezita raBaba vake kupfurikidza nokuchengeta perero, pamwe chete nokubvumikisa kuva akafanirwa nokutonga saMambo woUmambo hwaMwari. Kuchengeta chiono chakajeka chetariro yedu, somutongi biyake waKristu mudenga kana kuti zvimwe somumwe wavadzorwi vake vanogara muParadhiso yapasi, kuchatisimbisawo mubasa raMwari. Zvamazvirokwazvo, tariro iyoyo inokosha kuwana zororo remweya yedu.—VaRoma 12:12.

15. Ndedzipi dziri kariro dzedu dzoupenyu pasina tariro yoUmambo?

15 Rangarira kariro dzedu dzoupenyu pasina tariro yoUmambo. Nduramo chaiyo inongova bedzi makore 70 kana kuti sezvinobvira 80. Uye mazuva iwayo anopfuura nokukurumidza kwazvo, seizvo munhu upi noupi ari kukwegura achakuudza! Hungu, Bhaibheri rinotaura zvakarurama nezvoupenyu, richiti: “Gare gare aenda, nesu taburuka taenda.” (Pisarema 90:10) Bva, tinoda kuti mazuva edu apfuurire. Tinoda kurarama. Kune zvakawanda zvokuita nokufarikanya.

16. Kuti tiwane zororo remweya yedu, chii chatinodikanirwa kuita?

16 Kunokosha sei, naizvozvo, kuti tisvike mukutenda kuna “Kristu Jesu, tariro yedu”! (1 Timotio 1:1) Iye akati: “Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, unotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu husingaperi.” (Johane 6:40, 51) Tinodavira ikoko here? Kuti tiwane zororo remweya yedu, tinofanira chaizvoizvo. Hatigoni kurarama pasinako. Zvamazvirokwazvo, tinofanira kupfeka “sengowani tariro yoruponeso.” (1 VaTesaronika 5:8; enzanisa naVaHebheru 6:19.) Tariro iyoyo inofanira kudzivirira ndangariro yedu, kufunga kwedu. Kukasadaro, tichava vanoremedzwa kwazvo nemitoro nezvinetso zvokuti ticharega ndokurasikirwa noupenyu husingaperi. Kuti ufarikanye zororo romweya wako, naizvozvo, iva nechokwadi chokuchengeta tariro yako yoUmambo yakasimba.

Zororo Rinobva Mukuita Basa raMwari

17. (a) Kuti tiwane zororo, chii chinodikanwa, uye neiko ichochi chisiri chikuru zvikurusa nokuda kwedu? (b) Kugamuchira joko raKristu kunobatanidzei?

17 Asi kuwana zororo, zvakawanda zvinodikanwa kupfuura kungouya kuna Jesu. Iye akawedzera, kuti: “Muise joko rangu pamusoro penyu [kana kuti, “Pindai pasi pejoko rangu”], mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndino mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.” (Mateo 11:29, 30, New World Translation Reference Bible, mashoko omuzasi) Kutakura joko kunoreva basa. Asi cherechedza kuti Jesu haatikumbiri kutakura joko isu timene ndokuita basa rose toga. Tinofanira kupinda pasi pejoko naye. Muchinoitika ichochi, kugamuchira joko iro Kristu anopa kunobatanidza kuita tsauriro kuna Mwari, kuratidzira iyoyi norubhapatidzo rwomumvura, uye ipapo kuita mutoro wokuva mudzidzi waKristu. Asi joko rakadaro rokuva mudzidzi rinogona sei kuunza zororo?

18. (a) Neiko kugamuchira joko raKristu kuchiunza zororo? (b) Basa rokuparidzira rinotiunzira sei mufaro nezororo?

18 Kugamuchira joko raKristu kunounza zororo nemhaka yokuti Jesu munyoro uye anozvininipisa mumwoyo. Sezvo iye asiri asina mufungo, kunozorodza kushanda pamwe chete naye mujoko rimwe chetero. Iye anorangarira ganhuriro dzedu noutera. Iye akati, “Joko rangu rakanaka.” Chokwadi, joko rokuva mudzidzi rinobatanidza basa, basa rimwe chetero rokuparidzira nokudzidzisa iro Jesu akaita uye raakarovedza vateveri vake vapakuvamba. (Mateo 28:19, 20; Mabasa 1:8) Bva, ibasa rinozorodza sei kuudza vamwe pamusoro paMwari wedu ano rudo, Mwanakomana wake, uye Umambo! Kunozorodza sei kuudza vanhu kuti vanogona sei kurarama nokusingaperi muParadhiso! Uye apo ivo vanogamuchira shoko roUmambo rinopa upenyu ndokutikumbanira mukubatira Jehovha Mwari, mufaro wedu unova mukuru sei!—1 Timotio 4:16.

19. Neiko zano ratezvara waMosesi richikosha nokuda kwavakuru veungano nhasi?

19 Mumakore achangobva kupfuura aya, mamirioni akauya kusangano raJehovha ayo anoda betsero mukugamuchira joko raKristu, uye ikoku kunowedzera mutoro webasa wavaparidzi voUmambo naavo vanovafudza. Nokuda kwavafudzi vomudzimu vakadaro, zano iro Mosesi akagamuchira kuna tezvara wake rinokosha. Iye akapa Mosesi iri zano: “Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka. Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga.” Naizvozvo iye akapa zano Mosesi kusarudza vamwe varume vanokwanisa kuti vagoverane basa rokufudza vanhu. Kutevera iri zano kwakabvumikisa kuva kunobudirira. (Eksodho 18:17-27) Nhasi, kurovedza kunopfuurira kuchabudisa varume vazhinji vanokwanisa, “zvipo muvarume,” avo vanogona kugoverana mukufudza boka kuitira kuti vakuru veungano vagorega kuneta.—VaEfeso 4:8, 16.

20. Chii icho Jesu Kristu naBaba vake vanoda kwatiri?

20 Kunyange zvazvo Kristu akapangira vateveri vake kuzvishandisa vamene nesimba, iye kana kuti Baba vake havadi kuti upi noupi wedu aite zvinopfuura zvino mufungo. Pane imwe nguva, apo vamwe vakatsoropodza Maria hanzvadzi yaRazaro nokuda kwenhamburiko dzake nokuda kwaJesu, akavatsiura, achiti: “Muregei. . . . Akaita paakagona napo.” (Marko 14:6-8; Ruka 13:24) Uye izvozvo ndizvo zvinokarirwa kwatiri—kuita zvatinogona. Mubato wechiKristu wakadaro hausi mutoro asi izororo. Neiko? Nemhaka yokuti unounza gutsikano yechokwadi zvino netariro yechokwadi yebetsero dzisingagumi munguva yemberi.

21. (a) Chii chiri mutoro wakareruka waKristu, uye chii kazhinji kazhinji chinoita kuti basa rokuparidzira riome? (b) Chii chinofanira kuva chisarudzo chedu chakasimba, uye nekariroi yechokwadi?

21 Chokwadi, Satani achava nechokwadi chokuti tinotambudzwa, kunyange sezvo womujoko biyedu, Jesu Kristu, akanzarwo. (Johane 15:20; 2 Timotio 3:12) Asi yeuka kuti hausi mutoro unoreruka waKristu unorema. Panzvimbo pezvo, ndicho chishoro chaSatani navamiriri vake icho kazhinji kazhinji chinoita kuti basa redu rive rakaoma kwazvo. Mutoro waKristu wakaumbwa nokungorarama chete mukuwirirana nezvinodikanwa zvaMwari, uye izvozvi hazviremi. (1 Johane 5:3) Isu, ipapoka, ngatipfuurirei kuramba tiri pasi pejoko raKristu naye, tichizvishandisa timene mubasa rokuparidzira nokudzidzisa, kunyange sezvaakaita. Kupfurikidza nokuita saizvozvo isu, sezvaakapikira, ticha‘wana zororo remweya yedu.’

Waizopindura Sei?

◻ Mukuwirirana naVaRoma 8:22, ndoupi wave uri mugariro worudzi rwomunhu?

◻ Kuziva zvokwadi kunounza zororo munzirai?

◻ Neiko tariro yoUmambo ichizorodza kwazvo?

◻ Chii chiri joko raJesu, uye neiko rakanaka?

◻ Kutakura mutoroi kuchatiunzira zororo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe