Vazivisi Voumambo Vanoshuma
“Zvokwadi Ichakusunungurai”—Uye Kuunza Mufarwa
MUBRITAIN, zvokwadi yeBhaibheri yakasunungura vanhu vanopfuura 113 000, uye vazhinji vari kugamuchira zvokwadi zuva riri rose. Zvirokwazvo mashoko aJesu ari kuva nezadziko, anoti: “Muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:32, NW) Rusununguko irworwu runoguma nomufarwa, sezvinoratidza chinoitika chinotevera chakabva Britain.
◻ Apo Penny akanga ari muushumiri hwapaimba neimba, inorondedzera kudaro hofisi yebazu, mukadzi akwegura akamuudza kamwe kamwe chose kuti, “Ndakabatikana.” Penny akapindura kuti aizoshanya zvakare. Mazuva mashomanene gare gare, panguva yaasati aizowanzoshanya, akanga achishanyira vakanga vasiri pamusha uye netsaona akashanyira imba imwe cheteyo. Mukadzi akwegura akazarura suo ndokukoka Penny kupinda. “Ndaiziva kuti waizodzokera,” iye akadaro, “uye ndave ndakakumirira.” Ivo vakakurukura tariro yoUmambo, uye mukadzi wacho akataura kuti aikarira kuti yaizobvumikisa kuva yechokwadi. Iye akanga ane makore 79, uye murume wake akanga afa makore matatu pamberi pezvi. Iye akanga asina kugamuchira nyaradzo kuchechi yake uye aisagona kuona chikonzero chokurarama. Aida kufa. Gare gare, pashure pokunge Penny atanga fundo yeBhaibheri naye, akaudza Penny kuti akanga ave achirangarira kuzviuraya asi akaziva kuti kwakanga kwakaipa. Iye akanga anyengetera kuna Mwari kuti aizomupa nyaradzo ndokumubetsera kuwanazve tariro. Pashoma napashoma, sezvaakafunda, kusava netariro kwake kwakava tariro, nokupwiswa kukuru nokuonga kuna Jehovha. Iye akagura batano yake youpenyu hwose nechechi, akabhapatidzwa pamakore 80 ezera, uye zvino muparidzi wenguva dzose ane shingairo huru. Zvirokwazvo, zvokwadi yeShoko raMwari yakamusunungura ndokumuunzira mufarwa mukuru.
◻ Zvokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari inounza rusununguko muusungwa hworudzidziso rwenhema. Inogonawo kuchinja hunhu hwomunhu, uye iyi chinjo kazhinji kazhinji inoorora vamwe uye inovabetserawo kuona zvokwadi, sezvinoratidza chinoitika chinotevera.
Mumwe mukadzi muduku akagogodza pasuo pamusha weChapupu ndokukumbira fundo yeBhaibheri. Chii chakaparira ikoku? Vabereki vomukadzi wacho vakanga vachifunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye muuyo uyo iro rakava nawo pavabereki vake—zvikurukuru baba vake—waishamisa kwazvo uye waiorora zvokuti mwanasikana akashamiswa zvirokwazvo. Baba vake, avo vakanga vave vachisvuta midzanga 80 pazuva, vakarega kusvuta chose chose apo kwakamutsanangurirwa kuti Jehovha aisatendera. Kanodokuva nokukurumidza pashure paizvozvo iye akadzorera kuvashandirwi vake zvinhu zvose zvaakanga aba kwavari munhambo yakati yenguva. Mwanasikana akarangarira kuti chinhu chipi nechipi chaigona kutapura vabereki vake nenzira yakadaro zvirokwazvo chaifanira kuongororwa. Zvino vabereki vakabhapatidzwa, uye mwanasikana ari kupinda misangano yose.
Zvokwadi iyo Jesu akazivisa yakaunza mufarwa kuavo vanodudzwa pamusoro apa navamwe vasingaverengeki. Iyo inogona kuita zvimwe chetezvo nokuda kwaani naani anogamuchira zvokwadi yeBhaibheri ndokuishandisa muupenyu hwavo.—Pisarema 19:7, 8.