RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 11/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakaipei Kurara Mose Musati Maroorana?
    Mukai!—2004
  • Kurambirei Ndiri Mhandara?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Chatanuro—Chii Chinotaura Bhaibheri Chaizvoizvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 11/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Neiko Mutemo waMwari wakataura kuti murume wechiIsraeri akavatana nemhandara isina kunyengwa aifanira kumuroora uye aisatongogona kumuchatanura?

Pana Eksodho 22:16, 17 naDheuteronomio 22:28, 29, tinowana uyu mutemo, uyo vamwe vakati unoratidzika kuva usinganzwiri tsitsi kuvakadzi. Zvomenemene, iwo wakakurudzira mupimo wetsika wakakwirira nokuda kwavose vari vaviri varume navakadzi.

Dheuteronomio ganhuro 22 yakapa mitemo yakasiana-siana yemhuri. Somuenzaniso, iyo yakabata nomugariro womurume akanga asati achada mudzimai wake ndokutaura kuti iye akanga ave asiri mhandara. Yakapawo mitemo yaMwari pamusoro poupombwe nokubata chibharo. Ipapo tinorava, kuti:

“Kana murume akawana musikana, ichiri mhandara, ugere kunyengwa, akaita simba naye, akavata naye, vakaonekwa; ipapo murume wakavata naye unofanira kupa baba vake mashekeri ana makumi mashanu esirivheri, zvino iye unofanira kuva mukadzi wake, nokuti wamunyadzisa; haafaniri kuzomurasha paupenyu hwake hwose.”—Dheuteronomio 22:28, 29.

Ichi chakanga chiri chinoitika chenyengedzo yokumanikidzirwa uye/kana kuti ufeve. Kana murume asina tsika akanzwa akasununguka kuvatana nemhandara, iyo yaizova murasikirwi mukuru. Kunze kwokubvira kwokuti iye angava nomwana asiri wapamutemo, ukoshi hwake somwenga hwakaderedzwa, nokuti vaIsraeri vazhinji vangasada kumuroora apo bedzi akanga asachiri mhandara. Chii, kunyanguvezvo, chaizodzivisa murume kuva norusununguko nemhandara? Mutemo waMwari “mutsvene nowakarurama nowakanaka” waizodaro.—VaRoma 7:12, NW.

Bumbiro remitemo raMosesi raiva negadziriro inobvumira murume kuchatanura mudzimai wake nokuda kwezvikonzero zvakati. (Dheuteronomio 22:13-19; 24:1; Mateo 19:7, 8) Asi chatinorava pana Eksodho 22:16, 17 naDheuteronomio 22:28, 29 chinoratidza kuti chisarudzo chechatanuro chakanyangarika pashure poufeve hwapamberi peroorano. Ikoku, ipapoka, kungaparira murume (kana kuti mhandarakadzi) kudzivisa muedzo wokugoverana muufeve. Murume aisagona kunzwa kuti, ‘Iye akanaka uye anofadza, naizvozvo ndichava nenguva yakanaka naye kunyange zvazvo iye asiri rudzi rwandingada kuroora.’ Panzvimbo pezvo, uyu mutemo waizodzivisa utere kupfurikidza nokuparira upi noupi aizova mupari wemhaka kuyera miuyo inosvika kure youfeve—kufanira kugara nomumwe mukwanyina upenyu hwake hwose.

Mutemo wakaderedzawo chinetso chokuberekwa kwavana vane vabereki vasina kuroorana. Mwari akaraira, kuti: “Mwana woupombwe haafaniri kupinda paungano yaJehovha.” (Dheuteronomio 23:2) Naizvozvo kana murume akanyengera mhandara aifanira kuiroora, ufeve hwavo hahusati hwaizoguma navana vasiri vapamutemo pakati pavaIsraeri.

Sezvinobvumwa, maKristu anorarama mugadziriro yenzanga yakasiana neiyo yavaIsraeri vekare. Hatisi pasi pezvirevo zvoMutemo waMosesi, kubatanidza uyu mutemo unoda roorano yavanhu vaviri vakapinda muufeve hwakadaro. Kunyanguvezvo, hatigoni kurangarira kuti kupinda muufeve hwapamberi peroorano chinhu chisingakoshi. MaKristu anofanira kupa mufungo wakakomba kumiuyo inosvika kure, kunyange sezvo uyu mutemo wakasunda vaIsraeri kuita saizvozvo.

Kunyengera munhu asina kuroorwa kunoparadza maruramiro omunhu iyeyo okupinda muroorano yechiKristu semhandara yakachena (munhurume kana kuti munhukadzi). Ufeve hwapamberi peroorano hunotapurawo maruramiro omunhu upi noupi angava mukwanyina womunhu wacho, ndiko kuti, maruramiro omunhu iyeyo okuroora muKristu akachena. Chikurusa chazvose, ufeve hunofanira kudziviswa nemhaka yokuti Mwari anotaura kuti hwakaipa; chivi. Muapostora akanyora nenzira yakakodzera kuti: “Nokuti kuda kwaMwari ndihwo hutsvene hwenyu, murege upombwe.”—1 VaTesaronika 4:3-6; VaHebheru 13:4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe