RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 1/15 pp. 8-9
  • Muenzanisiro Wamabiko Eroorano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muenzanisiro Wamabiko Eroorano
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Mambo Anodana Vanhu Vaakakoka Kumabiko Emuchato
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Michato Inokudzwa Mukuona kwaMwari Nevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mwari Anokoka Vanhu Vakaita Sei Kumabiko Ake?
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Michato Inofadza Inokudza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 1/15 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Muenzanisiro Wamabiko Eroorano

KUPFURIKIDZA nemienzanisiro miviri, Jesu aratidzira vanyori navaprista vakuru, uye ivo vanoda kumuuraya. Asi Jesu ari kure nokupedza navo. Iye anopfuurira kuvaudza mumwezve muenzanisiro, achiti:

“Ushe hwokudenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuwana, akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuwana; vakaramba kuuya.”

Jehovha Mwari ndiye Mambo uyo anogadzirira mabiko eroorano nokuda kwoMwanakomana wake, Jesu Kristu. Pakupedzisira, mwenga wake wavateveri vakazodzwa vane 144 000 achabatanidzwa naye mudenga. Vadzorwi vaMambo ndivanhu vaIsraeri, avo, pakupinzwa musungano yoMutemo muna 1513 P.N.V., vakagamuchira banza rokuva “umambo hwavaprista.” Nokudaro, panhambo iyoyo, ivo vakatanga kupiwa kokero yokumabiko eroorano.

Zvisinei, danidzo yokutanga kuavo vakakokwa haina kuenda kutosvikira pakupera kwa 29 N.V., apo Jesu navadzidzi vake (varanda vamambo) vakavamba basa ravo rokuparidzira Umambo. Asi vaIsraeri vokunyama avo vakagamuchira iyi danidzo yakabudiswa navaranda kuvambira muna 29 N.V. kusvikira kuna 33 N.V. vakanga vasingadi kuuya. Naizvozvo Mwari akapa rudzi rwavakakokwa rimwe banza, sezvo Jesu anotsanangura, achiti:

“Akatumazve vamwe varanda, akati: ‘Udzai vakakokerwa, muti: “Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabaiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumutambo wokuwana.”’” Iyi danidzo yechipiri neyokupedzisira yaavo vakakokwa yakavamba paPentekosta ya 33 N.V., apo mudzimu mutsvene wakadururirwa pavateveri vaJesu. Iyi danidzo yakapfuurira kutosvikira muna 36 N.V.

Voruzhinji zvikuru vavaIsraeri ivavo, zvisinei, vakarambawo iyi danidzo. “Asi havana kurangarira, vakaenda,” Jesu anotsanangura kudaro, “mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake; vamwe vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya.” “Zvino,” Jesu anopfuurira, “mambo wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vaya vakavauraya, akapisa guta ravo.” Ikoku kwakaitika muna 70 N.V., apo Jerusarema raparadzanywa navaRoma, uye vaurayi ivavo vakaurawa.

Jesu ipapo anotsanangura chakaitika munguvayo: “Zvino [mambo] akati kuvaranda vake: ‘Mutambo wokuwana wagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa. Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamunowana.’” Varanda vakaita ikoku, uye “imba yokuwana ikazara navagere pakudya.”

Iri basa rokuunganidza vaeni mumigwagwa kunze kweguta ravakakokwa rakavamba muna 36 N.V. Mukuru mukuru wehondo weRoma Kornerio nemhuri yake vakanga vari vokutanga vavakaunganidzwa vakanga vasiri vaJudha vakadzingiswa. Kuunganidzwa kwaava vakanga vasiri vaJudha, vose vavo vanotsiva avo vakaramba pakutanga danidzo, kwakapfuurira kusvikira muzana rino ramakore rechi 20.

Ndimo mukati mezana ramakore rechi 20 umo kamuri yamabiko omuchato inozadzwa. Jesu anorondedzera chinoitika ipapo, achiti: “Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona munhu asina kupfeka nguvo yomutambo wokuwana; akati kwaari: ‘Shamwari, wapinda pano seiko, usine nguvo yomutambo wokuwana?’ Akanyarara. Zvino mambo akati kuvaranda: ‘Mumusungei makumbo namaoko, mumukandirei kunze murima; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.’”

Munhu asina nguvo yeroorano anofananidzira maKristu okuedzesera echiKristudhomu. Mwari haana kutongoziva ivava savane zivikanwo yakafanira savaIsraeri vomudzimu. Mwari haana kutongovazodza nomudzimu mutsvene savadyi venhaka voUmambo. Naizvozvo ivo vanokandirwa kunze murima umo vachatambura ruparadziko.

Jesu anogumisa muenzanisiro wake nokuti: “Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma.” Hungu, kwakanga kune vazhinji vakakokwa murudzi rwaIsraeri kuti vave mitezo yemwenga waKristu, asi bedzi vaIsraeri vokunyama vashomanene vakasarudzwa. Vazhinjisa vavaeni ve 144 000 vanogamuchira tuso yomudenga vanobvumikisa kuva vasiri vaIsraeri. Mateo 22:1-14; Eksodho 19:1-6, NW; Zvakazarurwa 14:1-3.

◆ Ndivanaani vari avo vanokokwa pakuvamba kumabiko omuchato, uye vanopiwa kokero rini?

◆ Danidzo inotanga kuenda rini kuavo vanokokwa, uye ndivanaani vari varanda vanoshandiswa kuibudisa?

◆ Kokero yechipiri inopiwa rini, uye ndivanaani vanokokwa pashure?

◆ Ndivanaani vanofananidzirwa nomunhu asina nguvo yomuchato?

◆ Ndivanaani vari vazhinji vakadanwa, uye vashomanene vakasarudzwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe