Upenyu hwaJesu Noushumiri
Chiratidzo Chamazuva Okupedzisira
ZVINO chava Chipiri masikati. Sezvo Jesu akagara paGomo reMiorivhi, achitarira tembere iri muzasi, Petro, Andrea, Jakobho, uye Johane vanouya kwaari vari voga. Vanoitira hanya tembere, sezvo Jesu achangobva kudeya kutaura kuti ‘hapana ibwe richasiiwa pamusoro peibwe mariri.’
Asi sezviri pachena vanotorangarira zvakawanda sezvavanosvika Jesu. Mavhiki mashomanene pamberi pezvi, akanga ataura nezvo“kuvapo” kwake, nguva “apo Mwanakomana womunhu anofanira kuziviswa.” Uye pane imwe nhambo pamberi pezvi, akanga avaudza nezve“mhedziso yetsika yezvinhu.” Naizvozvo vaapostora vanoda zvikuru kuziva.
“Tiudzei,” vanodaro, “zvinhu izvozvi zvichaitika rini [zvichiguma noruparadziko rweJerusarema netembere yaro], uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” Chaizvoizvo, wavo mubvunzo wamativi matatu. Kutanga, vanoda kuziva pamusoro pomugumo weJerusarema netembere yaro, ipapo pamusoro pokuvapo kwaJesu musimba roUmambo, uye pakupedzisira pamusoro pomugumo wetsika yose yezvinhu.
Mumhinduro yake refu, Jesu anopindura mativi ose matatu omubvunzo wacho. Iye anogovera chiratidzo icho chinozivisa apo tsika yechiJudha yezvinhu ichaguma; asi anogovera zvakawanda. Anopawo chiratidzo icho chichasvinudza vadzidzi vake vomunguva yemberi kuti vari kurarama mukati mokuvapo kwake uye pedyo nomugumo wetsika yose yezvinhu.
Sezvo makore anopfuura, vaapostora vanovamba kucherechedza zadziko youporofita hwaJesu. Hungu, zvinhu zvimene zvaakadeya kutaura zvinotanga kuitika muzuva ravo. Nokudaro, maKristu ari mapenyu makore 37 gare gare, muna 70 N.V., haasati achibvurirwa noruparadziko rwetsika yechiJudha netembere yayo.
Zvisinei, kuvapo kwaKristu nemhedziso yetsika yezvinhu hazviitiki muna 70 N.V. Kuvapo kwake musimba roUmambo kunoitika gare gare zvikuru. Asi rini? Rangarirwo youporofita hwaJesu inozivisa ikoku.
Jesu anodeya kutaura kuti kuchava ne“hondo nemishumo yehondo.” “Rudzi ruchamukira rudzi,” uye kuchava neperevedzo dzezvokudya, kudengenyeka kwapasi, uye nhenda. Vadzidzi vake vachavengwa ndokuurawa. Vaporofita venhema vachamuka ndokutsausa vazhinji. Kusateerera mutemo kuchawedzera, uye rudo rwechiverengero chikuru rwuchatonhora. Panguva imwe cheteyo, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa souchapupu kumarudzi ose.
Kunyange zvazvo uporofita hwaJesu hwakava nezadziko yakaganhurirwa pamberi poruparadziko rweJerusarema muna 70 N.V., zadziko huru yahwo inoitika mukati mokuvapo kwake nemhedziso yetsika yezvinhu. Kuhwirudzurwa kwokungwarira kwezvinoitika zvenyika chifo cha 1914 kunozivisa kuti uporofita hunokosha hwaJesu hwave huchiva nezadziko yahwo huru chifo chegore iroro.
Rumwe rutivi rwechiratidzo urwo Jesu anopa kuonekwa kwe“chinhu chinonyangadza chinoparira ruparadziko.” Muna 66 N.V. ichi chinhu chinonyangadza chakaoneka muchimiro che“hondo dziri mumusasa” dzeRoma idzo dzakapoteredza Jerusarema ndokuchera rusvingo rwetembere. “Chinhu chinonyangadza” chakamira pachaisafanira.
Muzadziko huru yechiratidzo, chinhu chinonyangadza ndicho Chinzwano chaMarudzi nomutsivi wacho, Chibatanwa chaMarudzi. Iri sangano renyika rorugare rinorangarirwa zvikuru nechiKristudhomu somutsivi woUmambo hwaMwari. Kunonyangadza sei! Pashure penguva yakati, naizvozvo, masimba ezvamatongerwe enyika akabatana neCM achapandukira chiKristudhomu (Jerusarema rokufananidzirwa) uye achariparadza.
Jesu nokudaro akadeya kutaura, kuti: “Pachava nedambudziko guru rakadai serisati raitika kubva pakuvamba kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo harisati richizoitikazve.” Nepo ruparadziko rweJerusarema muna 70 N.V. rwakanga chaizvoizvo rwuri dambudziko guru, navanopfuura mirioni imwe vanoshumwa kuva vakaurawa, rakanga risiri dambudziko zvikuru kupfuura Mafashamo enyika yose muzuva raNoa. Naizvozvo zadziko huru yeichi chikamu chouporofita hwaJesu ichigere kuitika. Mateo 24:2-22; 13:40, 49; Marko 13:3-20; Ruka 21:7-24; 19:43, 44; 17:20-30; 2 Timotio 3:1-5.
◆ Chii chinonyandura mubvunzo wavaapostora, asi chiizve sezviri pachena chavanorangarira?
◆ Rutivii rwouporofita hwaJesu rwakazadzikwa muna 70 N.V., asi chii chisina kuitika panguva iyeyo?
◆ Ndirini apo uporofita hwaJesu hwakava nezadziko yokutanga, asi ndirini pahunova nezadziko huru?
◆ Chii chiri chinhu chinonyangadza muzadziko yacho yokutanga neyokupedzisira?
◆ Neiko dambudziko guru risina kuva nezadziko yaro yokupedzisira noruparadziko rweJerusarema?