RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 4/1 pp. 11-15
  • Shoko raMwari Izvokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shoko raMwari Izvokwadi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kupupurira Kupfurikidza Nomufambiro
  • Uchenjeri Hukuru hweBhaibheri
  • Zano reBhaibheri—Nderouchenjeri Hwechienzi
  • Nokuda Kwenakirwo Yedu Refu
  • Zvinetso Zvakaoma Muupenyu
  • Manyuko Akakwirira Zvikuru Ouchenjeri
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Bhaibheri Newe
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Usanyengerwa ‘Neuchenjeri Hwenyika Ino’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Uchenjeri Hwechokwadi Huri Kushevedzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 4/1 pp. 11-15

Shoko raMwari Izvokwadi

“Vatsvenesei kupfurikidza nezvokwadi; shoko renyu izvokwadi.”—JOHANE 17:17, “NW.”

1. Wezvamapisarema wechiHebheru akarangarira sei Bhaibheri, asi vazhinji vanorirangarira sei nhasi?

“SHOKO renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Akataura kudaro wezvamapisarema wechiHebheru. Vashomanene bedzi nhasi vane ruremekedzo rwakafanana nairworwo rweShoko raMwari. Muzana rino ramakore rechi 20, Shoko raMwari riripo muchimiro chakanyorwa seBhaibheri Dzvene. Rakashandurirwa mumitauro mizhinji uye rakaparadzirwa zvakafara zvikuru kupfuura rimwe bhuku ripi neripi munhau. Bva, vazhinjisa vanoramba kurigamuchira somwenje wetsoka dzavo. Kunyange avo vanoti maKristu vanoda zvavo, zvikurusa, kutevera pfungwa dzavo vamene panzvimbo pokurega Bhaibheri richivhenekera nzira yavo.—2 Timotio 3:5.

2, 3. Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira sei Bhaibheri, uye ikoku kwakazviunzira betseroi?

2 Mumusiano mukuru, isu tiri Zvapupu zvaJehovha tinobvumirana nowezvamapisarema. Nokuda kwedu, Bhaibheri inhungamiro yakapiwa naMwari. Tinoziva kuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa, nokuda kwokuranga mukururama.” (2 Timotio 3:16, NW) Kusafanana navazhinji nhasi, hatidi kuedza munhau dzetsika nomufambiro. Tinoziva chiri chakarurama nemhaka yokuti Bhaibheri rinotiudza.

3 Ikoku kwakatiunzira betsero huru. Takasvika pakuziva Jehovha, uye takadzidza madonzo ake akaisvonaka nokuda kwapasi norudzi rwomunhu, naizvozvo tine chivimbo chokuti nguva yemberi yakajeka inotibvirira nemhuri dzedu. Tinobvumirana nomwoyo wose nowezvamapisarema uyo akati: “Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose. Mirairo yenyu inondiita wakachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nokusingaperi.”—Pisarema 119:97, 98, NW.

Kupupurira Kupfurikidza Nomufambiro

4. Kuziva Bhaibheri seShoko raMwari kunoisa musengwai patiri?

4 Nokudaro, tine chikonzero chiri chose chokubvumirana namashoko aJesu akataurwa kuna Baba vake: “Shoko renyu izvokwadi.” (Johane 17:17) Asi kuziva iri idi kunoisa musengwa patiri. Tinofanira kubetsera vamwe kuziva kuti Shoko raMwari izvokwadi. Nenzira iyi ivowo vachakwanisa kufarikanya zvikomborero zvatinowana. Tinogona sei kuvabetsera nenzira iyoyo? Kutanga, tinofanira kuita nhamburiko iri yose kushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwedu hwezuva riri rose. Nenzira iyoyo, vane mwoyo yakarurama vachaona kuti nzira yeBhaibheri chaizvoizvo yakanakisisa.

5. Izanoi rakapa Petro pamusoro pokupupurira nomufambiro wedu?

5 Iri raiva pfundo rinokosha rezano romuapostora Petro kuvakadzi vechiKristu vane varume vakanga vasi vatendi. Akati kwavari: “Imi vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambiro wavakadzi vavo pasine shoko rinorehwa.” (1 Petro 3:1) Yaivawo nheyo yaiva seri kwezano rake kumaKristu ose—varume, vakadzi, uye vana—apo akati: “Mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, kana vachiona mabasa enyu akanaka varumbidze Mwari nezuva rokushanyira.”—1 Petro 2:12; 3:16.

Uchenjeri Hukuru hweBhaibheri

6. Petro anotibetsera sei kuona kuti tinofanira kubatsira vamwe kunzwisisa Bhaibheri?

6 Uyezve, maKristu anogona kubetsera vamwe kunzwisisa Bhaibheri kana akaita sezvinopawo zano Petro: “Itai Kristu mutsvene mumwoyo yenyu ave Ishe, mugare makazvigadzirira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mamuri, asi muchiita nounyoro nokutya.” (1 Petro 3:15) Vashumiri vechiKristu vanofanira kukwanisa kudzivirira Bhaibheri nokutsanangurira vamwe kuti iShoko raMwari. Vanogona sei kuita ikoko?

7. Iidii pamusoro peBhaibheri rinoratidzira kuti rinofanira kuva Shoko raMwari?

7 Imwe nzira inopwisa yokurangarira inowanikwa mubhuku raZvirevo. Imomo tinorava, kuti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirairo yangu kwauri, kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri . . . , uchawana zivo yaMwari. Nokuti Jehovha ndiye unopa uchenjeri nezivo.” (Zvirevo 2:1-6) Uchenjeri hwaMwari amene hunowanwa mumapeji eBhaibheri. Apo munhu wapachokwadi anoona uchenjeri hukuru ihwohwo, haagoni kukundikana kuziva kuti Bhaibheri rinopfuura kungovawo zvaro shoko romunhu.

8, 9. Zano reBhaibheri pamusoro pokuchengeta chiono chakadzikama chokuwana pfuma rakaratidzwa sei kuva rakarurama?

8 Rangarira mienzaniso mishomanene. Nhasi, rubudiriro muupenyu runowanzoyerwa mumigariro yezvemari. Kana munhu achiwana yakawanda, anorangarirwa kuva anobudirira zvikuru. Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera nezvokunyanyisa simbiso huru pazvinhu zvokunyama. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Avo vanovavarira kupfuma vanoputsikira pamuidzo napamusungo nokuchiva kuzhinji kwenhando zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokupedzwa. Nokuti rudo rwemari ndiwo mudzi wamarudzi ose ezvinhu zvinokuvadza, vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose neshungu zhinji.”—1 Timotio 6:9, 10, NW; enzanisa naMateo 6:24.

9 Ruzivo rwokuzviwanira rwakaratidza kuti iyi nyevero yakakodzera sei. Murapi wendangariro wapakiriniki anoti: “Kuva Nhamba 1 nokupfuma hazvikuiti kuti unzwe wakagutswa, wakagutsikana, uchiremekedzwa zvechokwadi kana kuti uchidiwa.” Hungu, avo vanoshandisa masimba avo ose vachironda pfuma kazhinji kazhinji vanoguma vachinzwa vakakasharara uye vakavhiringidzwa. Magwaro, nepo achibvuma ukoshi hwemari, anonongedzera kuchimwe chinhu chinokosha zvikuru: “Uchenjeri chitaviridzo, asi mariwo chitaviridzo; asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.”—Muparidzi 7:12.

10. Nei tichifanira kuteerera zano reBhaibheri rokungwarira songaniro dzedu?

10 Bhaibheri rine kutaura kuzhinji kwakadaro. Kumwe ndouku: “Uyo ari kufamba navanhu vakachenjera uchava wakachenjerawo, asi uyo ari kushamwaridzana namapenzi uchaipiswa.” (Zvirevo 13:20, NW) Ikoku kwakabvumikiswawo kuva kwechokwadi noruzivo rwokuzviwanira. Dzvinyiriro yavaenzani yakatungamirira vanhu vaduku kupinda muudhakwa, kushandiswa kusina kufanira kwemirimo, uye utere. Vapi navapi vanovhengana navashandisi vomutauro wakashata pakupedzisira vanozviwana vamene vachishandisa mutauro wakafanana unosemesa. Vazhinji vanobira vashandirwi vavo nemhaka yokuti ‘munhu ari wose ari kukuita.’ Zvirokwazvo, sokutaura kunoitawo Bhaibheri: “Songanirano dzakaipa dzinoshatisa tsika dzinobetsera.”—1 VaKorinte 15:33, NW.

11. Fundo yokushanda kwendangariro yakaratidza sei uchenjeri hwokutevera mutemo weKandiro Kanoenda Kunobva Kamwe?

11 Rumwe rwamativi akakurumbira zvikuru ezano muBhaibheri ndirwo runonzi Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, nemiwo muvaitire saizvozvo.” (Mateo 7:12, NW) Kudai rudzi rwomunhu rwaitevera uyu mutemo, nyika nenzira yakajeka yaizova nzvimbo iri nani zvikuru. Asi kunyange kana vanhu vose zvavo vasingateveri mutemo wacho, kuri nani zvikuru kuti iwe somunhu oga uite saizvozvo. Neiko? Nemhaka yokuti takaitirwa kutarisira vamwe ndokuvaitira hanya. (Mabasa 20:35) Fundo yokushanda kwendangariro yakaitiswa muUnited States yokuwana kuti vanhu vaiita sei apo vaibetsera vamwe yakasvika iyi mhedziso: “Ipapoka, kunooneka kuti kuitira hanya vamwe rutivi rukuru rwohunhu sokuzviitira hanya kwedu timene.”—Mateo 22:39.

Zano reBhaibheri—Nderouchenjeri Hwechienzi

12. Ndichinhui chimwe chinoita kuti Bhaibheri rive rechienzi?

12 Chokwadika, nhasi, kune manyuko mazhinji ezano kunze kweBhaibheri. Mapepanhau ane nzvimbo dzezano, uye zvitoro zvamabhuku zvakazara namabhuku okuzvibetsera. Mukuwedzera, kune varapi vendangariro, vapi zano vane unyanzvi, uye vamwe vanopa zano mumativi akasiana-siana. Asi Bhaibheri nderechienzi muanenge mativi matatu. Rwokutanga, zano raro rinobetsera nguva dzose. Harisati richitongova rondedzero chete, uye haritongotikuvadzi. Ani naani anotevera zano reBhaibheri anofanira kubvumirana nowezvamapisarema paakati kuna Mwari mumunyengetero: “Zvipupuriro zvenyu ndezvazvokwadi kwazvo.”—Pisarema 93:5.

13. Chii chinoratidza Bhaibheri kuva guru zvikuru kumanyuko avanhu ouchenjeri?

13 Rwechipiri, Bhaibheri rakatsungirira muedzo wenguva. (1 Petro 1:25; Isaya 40:8) Zano rinobva kumanyuko ohunhu rinochinjika zvakaipa, uye chiri chazvino uno gore rimwe chinowanzotsoropodzwa rinotevera racho. Zvisinei, kunyange zvazvo Bhaibheri rakapedzwa anenge makore 2 000 akapfuura, richine zano rokuchenjera zvikurusa rinowanika, uye mashoko aro anoshandisika pose pose. Anoshanda nomuuyo wakafanana kana tichigara muAfrica, muAsia, muSouth kana kuti muNorth America, muEurope, kana kuti muzvitsuwa zvegungwa.

14. Munzirai umo zano reShoko raMwari rinokunda?

14 Pakupedzisira, ukuru hukuru hwezano reBhaibheri hahuenzaniswi. Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Jehovha amene anopa uchenjeri,” uye pasinei hapo nokuti chinetsoi kana kuti chisarudzo chatinonangana nacho, muBhaibheri mune uchenjeri hunotibetsera kuchipedza. (Zvirevo 2:6, NW) Vana, vechiduku, vabereki, vakweguru, vashandi, vashandirwi, vanhu vane simba, vose vanowana kuti uchenjeri huri muBhaibheri hunoshanda kwavari. (Zvirevo 4:11) Kunyange apo tinotarisana nemigariro iyo yakanga isingazivikanwi munguva yaJesu navaapostora vake, Bhaibheri rinotipa zano rinoshanda. Somuenzaniso, shure muzana ramakore rokutanga, kusvuta fodya kwaisazivikanwa muMiddle East. Nhasi, kwakapararira. Kunyanguvezvo, ani naani anocherekedza zano reBhaibheri rokudzivisa ku“pinzwa muuranda [kana kuti kudzorwa] nechinhu chipi nechipi” uye kuramba akachena pa“chinosvibisa chiri chose chenyama nomudzimu” achadzivisa tsika iyoyi, iyo iri zvose zviri zviviri inopinda muropa neinoparadza kuutano.—1 VaKorinte 6:12; 2 VaKorinte 7:1, NW.

Nokuda Kwenakirwo Yedu Refu

15. Nei vazhinji vachitaura kuti Bhaibheri nderechinyakare?

15 Chokwadi, vazhinji vanotaura kuti Bhaibheri rava rechinyakare nerisingashandi muzana rino ramakore rechi 20. Zvisinei, chikonzero sezvingabvira ndechokuti Bhaibheri haritauri zvavanoda kunzwa. Kutevera zano rapaMagwaro kunoshanda nokuda kwebetserwo yedu refu, asi kazhinji kazhinji kunoda shiviriro, chirango, uye kuzviramba—mavara asina kukurumbira munyika inotikurudzira kutsvaka gutsikano yokukurumidza.—Zvirevo 1:1-3.

16, 17. Mipimoi yakakwirira yetsika dzevatano inogadza Bhaibheri, uye yakafuratirwa sei mungava dzazvino uno?

16 Rangarira nhau yetsika dzevatano. Mipimo yapaMagwaro ndeyerumano zvikuru. Nzvimbo bedzi yevatano iri mukati meroorano, uye vatano yose yakadaro kunze kweroorano inorambidzwa. Tinorava, kuti: “Uyewo zvifeve, kana kuti vanonamata zvifananidzo, kana kuti mhombwe, kana kuti vanhu vakachengeterwa madonzo asati ari omuzvarirwo, kana kuti varume vanovatana navarume . . . havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.” (1 VaKorinte 6:9, 10, NW) Uyezve, nokuda kwamaKristu Bhaibheri rinoda mudzimai mumwe chete, murume mumwe nokuda kwomudzimai mumwe. (1 Timotio 3:2) Uye nepo pane nhau dzakakomba apo chatanuro kana kuti paradzano zvingabvumirwa, Bhaibheri rinotaura kuti roorano zvikurukuru chisungo choupenyu hwose. Jesu amene akati: “Iye akavasika pakuvamba akavaita munhurume nomunhukadzi ndokuti, ‘Nokuda kweichi kwechikonzero murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumukadzi wake, nokudaro vaviri vachava nyama imwe’ . . . Zvokuti ivo havachirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu unoparadzanisa chakabatanidzwa naMwari.”—Mateo 19:4-6, 9, NW; 1 VaKorinte 7:12-16.

17 Nhasi, iyi mipimo inofuratirwa zvikuru. Miitiro yakaipa yevatano inoshivirirwa. Vatano pakati pavechiduku vanoronga misi yokundovhakacha inorangarirwa seyenguva dzose. Kugara pamwe chete pasina betsero yeroorano kunogamuchirwa. Pakati pavakwanyina vakaroorana, miitiro yevatano isiri yapamutemo inoitwa nomukwanyina mumwe nomumwe haisi yechienzi. Uye chatanuro yakapararira muino nyika yazvino uno. Zvisinei, iyi mipimo yakapfaviswa haina kuunza mufarwa. Miuyo yakashata yakabvumikisa kuti Bhaibheri rakanga rakarurama pashure pokurangarira zvose mukuomerera kwaro pamipimo yetsika yorumano.

18, 19. Chii chakabva mukufuratirwa kwakapararira kwemipimo yaJehovha yetsika?

18 Ladies’ Home Journal yakati: “Simbiso pamusoro pevatano iyo yakaratidzira makumi matanhatu namakumi manomwe amakore yakaunza kwete mufarwa mukuru wavanhu asi rusuruvaro rwakakomba rwavanhu.” “Rusuruvaro rwakakomba rwavanhu” rwunonongedzerwa kwarwuri pano runobatanidza urwo rwavana vanokuvadzwa nechatanuro yavabereki vavo nourwo rwavakura vanotambura marwadzo makuru endangariro. Rwunobatanidzawo wedzero mumhuri dzine mubereki mumwe nokuwanda kwavasikana vaduku vane vana apo vanenge vasati vayaruka ivo vamene. Uyezve, runobatanidza kupararira kwezvirwere zvinopfuudzwa muvatano, zvakadai segenital herpes, gonoriya, jovhera, chlamydia, uye AIDS.

19 Nemhaka yaikoku kwose, purofesa wamagariro avanhu akati: “Zvichida takura zvakakwana kurangarira kana kungasatibatsira tose zviri nani zvikuru kutsigira kurega vatano yapamberi peroorano somuitiro wakakodzera zvikurusa kuzvinodikanwa zvavagari vemo vedu namaruramiro avo kurusununguko: rusununguko pahosha, rusununguko panhumbu dzisingadikanwi.” Bhaibheri rinotaura nomazvo, kuti: “Wakakomborerwa uyo unoita Jehovha chivando chake. Usine hanya navanozvikudza, navanotsaukira kunhema.” (Pisarema 40:4) Avo vanovimba nouchenjeri hweBhaibheri havanyengedzwi nenhema dzaavo vanoshatisa Bhaibheri nokutaura kuti bumbiro remitemo yetsika dzakashata rinounza mufarwa. Mipimo yokuchenjera yeBhaibheri, kana iri yorumano, ndeyezvakanakisisa zvikuru.

Zvinetso Zvakaoma Muupenyu

20. Inheyoi dzeBhaibheri dzakabvumikisa kuva dzinobetsera kuavo vanofanira kutarisana nourombo hwakakomba muupenyu hwavo?

20 Uchenjeri hweBhaibheri hunotibetserawo kubata zvinetso zvakaoma zvatinonangana nazvo muupenyu. Somuenzaniso, muchiverengero chakati chenyika, mune maKristu anorarama muurombo hwakakomba, hukuru. Bva vanogonana nourombo hwavo ndokungowana mufarwa. Seiko? Kupfurikidza nokutevera Shoko rakafuridzirwa raMwari. Vanorangarira zvakakomba mashoko anonyaradza ePisarema 55:22: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa.” Vanotsamira pana Jehovha nokuda kwesimba kuti vatsungirire. Ipapo vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri ndokudzivisa tsika dzinokuvadza, nedzinopambadza, dzakadai sokusvuta noudhakwa. Vanoshanda nesimba, sezvinorumbidza Bhaibheri, uye nokudaro kazhinji kazhinji vanowana kuti vanogona kudyisa mhuri dzavo apo vanhu vane usimbe kana kuti avo vanotera kukusava netariro vanokundikana. (Zvirevo 6:6-11; 10:26) Uyezve, vanoteerera nyevero yeBhaibheri, inoti: “Musachochora avo vanoita kusaruramisira.” (Pisarema 37:1, NW) Havatendeukiri kukubhejera kana kuti kumibato youtsotsi, yakadai sokutengesa mirimo. Izvi zvinhu zvingapa “mhinduro” yokukurumidza kuzvinetso zvavo, asi chibereko chenguva refu chinovava.

21, 22. (a) Mumwe mukadzi wechiKristu akawana sei betsero nenyaradzo muBhaibheri? (b) Nderimwe idii pamusoro peBhaibheri rinotibetsera kuziva kuti iShoko raMwari?

21 Ko kutevera Bhaibheri kunobetsera chaizvoizvo avo vari varombo zvikuru here? Hungu, sezvinobvumikisa zvinoitika zvakawanda zvikuru. Imwe chirikadzi yechiKristu muAsia inonyora, kuti: “Kunyange zvazvo ndichirarama pedyo nourombo, handitsamwi kana kuti kukasharara. Zvokwadi yeBhaibheri inondizadza nomurangariro wakananga.” Inoshuma kuti chipikirwa chinoshamisa chakapiwa naJesu chakazadzikwa maari. Jesu akati: “Naizvozvo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokukurama kwake, ipapo izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33, NW) Inopupurira kuti kupfurikidza nokuisa basa rayo kuna Mwari pakutanga muupenyu hwayo, inowanzogamuchira, munzira yakati, zvinodikanwa zvokunyama zvoupenyu. Uye basa rayo rechiKristu rinoipa chiremera nenharidzano muupenyu zvinoita kuti urombo hwayo hutsungiririke.

22 Zvirokwazvo, kukura kwouchenjeri hwaro kunoratidza kuti Bhaibheri chaizvoizvo iShoko raMwari. Hakuna bhuku rakaitwa chose chose navanhu ringagona kufukidza mativi akasiana-siana akawanda kudaro oupenyu ndokuva rinonzwisisa zvikuru kwazvo uye kuva rakarurama kwazvo nguva dzose. Asi pane rimwe idi pamusoro peBhaibheri rinoratidzira mavambo aro oumwari. Rine simba rokuchinja vanhu nokuda kwezviri nani. Tichakurukura ikoku munyaya inotevera.

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Zvapupu zvaJehovha zvakakomborerwa munzirai nokugamuchira kwazvo Bhaibheri seShoko raMwari?

◻ Savatendi muShoko raMwari, musengwai watinawo, uye mufambiro wedu unogona sei kutibetsera kuita uyu musengwa?

◻ Chii chinoita kuti zano rokuchenjera reBhaibheri rive guru kupfuura zanowo zvaro ravanhu?

◻ Ndeipi iri mimwe mienzaniso inoratidza hukuru hwouchenjeri hweBhaibheri?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe