RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 4/1 pp. 16-21
  • “Shoko raMwari Ibenyu Uye Rinoshandisa Simba”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Shoko raMwari Ibenyu Uye Rinoshandisa Simba”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinjo Dzohunhu Nhasi
  • Basa Rezivo Yakarurama
  • Anosundwa Kuva Akanaka
  • Betsero Inobva Kunze
  • Vanhu “Vanodzidziswa naJehovha”
  • Bhaibheri Rakafuridzirwa
  • “Shoko raMwari Ibenyu”
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Ramba Uchipfeka “Unhu Hutsva” Paunenge Wabhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Unoda Kuva Munhu Worudzii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Unogona ‘Kupfekenura Unhu Hwekare’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 4/1 pp. 16-21

“Shoko raMwari Ibenyu Uye Rinoshandisa Simba”

1, 2. (a) Chii chinoparira chinjo muupenyu hwaavo vanova maKristu? (b) Bhaibheri rinogona kupesvedzera munhu zvikuru sei?

PAKATI pezana ramakore rokutanga N.V., muapostora Pauro akanyora tsamba kuungano yechiKristu muRoma. Mairi akasimbisa chinodikanwa chokuti maKristu echokwadi aifanira kuita chinjo. Akati: “Regai kuenzaniswa neiyi tsika yezvinhu, asi shandurwai kupfurikidza nokuvandudza ndangariro yenyu, kuti imi mugozvibvumikisira mumene kuda kwakanaka nokunofadza uye kwakakwana kwaMwari.” (VaRoma 12:2, NW) Chii chinoshandura vateveri vaKristu, kuchinja nzira yavo imene yokufunga? Zvikurukuru, isimba reShoko raMwari, Bhaibheri.

2 Pauro akaratidza kuti Bhaibheri rinogona kutipesvedzera zvikuru sei apo akanyora, kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba uye rinopinza zvikuru kupfuura munondo upi noupi unocheka kuviri uye rinobaya kunyange kusvika pachikamuro chomweya nomudzimu, nechamafundo nomwongo wao, uye rinokwanisa kucherekedza mifungo nevavariro dzomwoyo.” (VaHebheru 4:12, NW) Zvamazvirokwazvo, simba rechienzi reBhaibheri rokuita chinjo dzakadaro muvanhu chibvumikiso chinopwisa chokuti rinopfuura zvikuru kuva chete shoko romunhu.

3, 4. Hunhu hwamaKristu hunochinjwa kusvikira kutambanukoi?

3 Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “shandurwai” pana VaRoma 12:2 rinobva muna me·ta·mor·phoʹo. Rinoratidzira chinjo yakakwana, kufanana nechinjo yehonye kuva fufura. Yakakwana kwazvo zvokuti Bhaibheri rinotaura nezvayo sechinjo yohunhu. Mune imwe ndima yeBhaibheri, tinorava, kuti: “Pfekenurai hunhu hwekare nemiitiro yahwo, uye zvipfekedzei hunhu hutsva, huri kuvandudzwa kupfurikidza nezivo yakarurama mukuwirirana nomufananidzo waIye akahusika.”—VaKorose 3:9, 10, NW.

4 Achinyorera ungano yapaKorinte, Pauro akaratidza ukuru hwechinjo dzohunhu dzakaitika muzana ramakore rokutanga. Iye akati: “Uyewo zvifeve, kana kuti vanonamata zvifananidzo, kana kuti mhombwe, kana vanhu vakachengeterwa madonzo asati ari omuzvarirwo, kana kuti varume vanovatana navarume, kana kuti mbavha, kana kuti vanhu vanamakaro, kana kuti vararadzi, kana kuti vacheri, kana kuti makororo havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari. Asika ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Bva makashambidzwa mukava vakachena.” (1 VaKorinte 6:9-11, NW) Hungu, vanhu vane utere navane nharo, mbavha navararadzi, vakanga vashandurwa kuva maKristu omuenzaniso.

Chinjo Dzohunhu Nhasi

5, 6. Hunhu hwomumwe murume muduku hwakachinjwa chose chose sei nesimba reBhaibheri?

5 Chinjo dzakafanana dzohunhu dzinoonwa nhasi. Somuenzaniso, mumwe mukomana muduku muSouth America akava nherera pazera ramakore mapfumbamwe. Akakura asina nhungamiro yavabereki ndokutanga zvinetso zvakakomba zvohunhu. Anorondedzera kuti: “Panguva yandakanga ndava namakore 18, ndakanga ndapindwa muropa chose chose nemirimo uye ndakanga ndatopedzera nguva mutorongo nokuda kwokuba kutsigira tsika yacho.” Hama yake yokunyama, kunyanguvezvo, yaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye pakupedzisira yakakwanisa kumubetsera.

6 Murume muduku wacho anotsanangura, kuti: “Hama yangu yokunyama yakavamba kufunda Bhaibheri neni, uye pashure pemwedzi minomwe ndakakwanisa kurega tsika yemirimo.” Akasianawo navasonganiri vake vekare ndokuwana shamwari itsva pakati peZvapupu zvaJehovha. Anopfuurira: “Ava vasonganiri vatsva, pamwe chete nefundo yangu yenguva dzose yeBhaibheri, zvakandigonesa kuita fambiro mberi uye pakupedzisira kutsaurira upenyu hwangu kuti ndibatire Mwari.” Hungu, uyu aichimbova akapindwa muropa nemirimo nembavha zvino muKristu anoshingaira, anorarama zvakachena. Chinjo yakakwana yohunhu yakadaro yakaitwa sei? Kupfurikidza nesimba reBhaibheri.

7, 8. Rondedzera mapedzerwe akaitwa chinetso chakaoma chohunhu nebetsero yeBhaibheri.

7 Mumwe muenzaniso unobva kuEurope yokumaodzanyemba. Ikoko, murume muduku akakura ane chinetso chakaoma chohunhu: hasha dzamasimba masimba. Aigarorwa. Mukati medzimwe nharo dzemhuri, akatorova baba vake, achivaputsira pasi! Pakupedzisira, kunyanguvezvo, akafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokucherekedza murairo waMwari uri mubhuku raVaRoma: “Usatsiva munhu chakaipa kana akakuitira chakaipa. . . . Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa.”—VaRoma 12:17-19.

8 Mashoko iwayo akamubetsera kuziva kuti utera hwake hwakanga hwakashata sei. Zivo inokura yeBhaibheri yakanatsa hana yake, uko kwakamubetsera kukurira hasha dzake dzinokurumidza. Pane imwe nguva, pashure pokunge aita fambiro mberi mufundo dzake, muenzi akamutuka. Murume muduku akanzwa kutsamwa kwamasimba masimba akarovedzeka kuchikura mukati. Ipapo akanzwa chimwe chinhuwo: pfungwa yamanyadzi; uye ikoku kwakamudzivisa kutera kuhasha dzake. Akanga atanga kuzvidzora, chibereko chinokosha chomudzimu. (VaGaratia 5:22, 23) Hunhu hwake zvino hwakanga hwasiana, kuonga kusimba reShoko raMwari.

9. Mukuwirirana naPauro, hunhu hwedu hunochinjwa kupfurikidza nechii?

9 Kunyanguvezvo, Bhaibheri rinosakisa sei muuyo wakadaro une simba? Pauro, pana VaKorose 3:10, akataura kuti hunhu hwedu hunochinjwa kupfurikidza nezivo yakarurama, iri zivo inowanikwa muBhaibheri. Asi zivo inochinja sei vanhu?

Basa Rezivo Yakarurama

10, 11. (a) Patinofunda Bhaibheri, tinodzidzei pamusoro pamavara ohunhu anodikanwa naasingadikanwi? (b) Chii chinodikanwa mukuwedzera kuzivo kuita chinjo muhunhu hwedu?

10 Kutanga, Bhaibheri rinozivisa mavara ohunhu asingadikanwi ayo anofanira kubviswa. Iwaya anobatanidza zvinhu zvakadai se“meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodurura ropa risine mhaka, mwoyo unofunga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata, chapupu chinonyengera chinoreva nhema, uye unokusha kupesana pakati pehama.” (Zvirevo 6:16-19) Kechipiri, Bhaibheri rinorondedzera mavara anodikanwa atinofanira kusakurira, kubatanidza “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, nokuzvidzora.”—VaGaratia 5:22, 23, NW.

11 Zivo yakarurama yakadaro inobetsera munhu wapachokwadi kuzvinzvera amene ndokuona kuti mavarai ohunhu ayo anofanira kusakurira uye kuti ndaapi ayo anofanira kushanda kubvisa. (Jakobho 1:25) Kunyanguvezvo, iwayo mavambo bedzi. Mukuwedzera kuzivo, sundo inodikanwa, chimwe chinhu chinomusunda kuti ade kuchinja. Pano zvakare, anoda zivo yakarurama inobva muBhaibheri.

Anosundwa Kuva Akanaka

12. Zivo yohunhu hwaMwari inotibetsera sei kuchinja?

12 Pauro akataura kuti hunhu hutsva hunodikanwa hunoumbwa “mukuwirirana nomufananidzo woUyo akahusika.” (VaKorose 3:10, NW) Naizvozvo hunhu hwechiKristu hunofanira kufanana nohunhu hwaMwari amene. (VaEfeso 5:1) Kupfurikidza neBhaibheri, hunhu hwaMwari hunoziviswa kwatiri. Tinoona kubata kwake norudzi rwomunhu ndokucherekedza mavara ake akaisvonaka, akadai sorudo rwake, mutsa, runako, ngoni, uye kururama. Zivo yakadaro inosunda munhu ane mwoyo wakarurama kuda Mwari uye kuda kuva rudzi rwomunhu urwo Mwari anotendera. (Mateo 22:37) Savana vane rudo, tinoda kufadza Baba vedu vokudenga, naizvozvo tinoedza kutevedzera hunhu hwake zvikuru sezvatinogona mumugariro wedu woutera, wokusakwana.—VaEfeso 5:1.

13. Izivoi inotidzidzisa ku‘da kururama ndokuvenga kusateerera mutemo’?

13 Sundo yedu inosimbiswa nezivo inopiwa neBhaibheri pamusoro pokuti zvose zviri zviviri mavara akanaka ohunhu naakashata anotungamirira kupi. (Pisarema 14:1-5; 15:1-5; 18:20, 24) Tinodzidza kuti Dhavhidhi akakomborerwa nokuda kwokuzvipira kwake kwoumwari norudo rwokururama asi kuti akatambura apo akarasikirwa nokuzvidzora. Tinoona miuyo inosuruvarisa apo mavara akaisvonaka aSoromoni akashatiswa muukweguru hwake. Zvikomborero zvakabva mukururama kwaJosia naHezekia zvinosianiswa nemiuyo ine ngwavaira youtera hwaAhabhi nokuwa pakutenda kwechisimbwa kwaManase. (VaGaratia 6:7) Nokudaro tinodzidza ‘kuda kururama uye kuvenga kusateerera mutemo.’—VaHebheru 1:9; Pisarema 45:7; 97:10.

14. Ndaapi ari madonzo aJehovha nokuda kwenyika uye nokuda kwavanhu vamwe navamwe vari mairi?

14 Iyi sundo inosimbiswazve zvikuru nezivo yakarurama yamadonzo aMwari. Zivo yakadaro inobetsera kuchinja ‘simba [rimene] rinonyandura ndangariro dzedu,’ mudzimu unosunda mirangariro yedu nezviito. (VaEfeso 4:23, 24) Patinofunda Bhaibheri, tinodzidza kuti Jehovha haasati achizoshivirira nokusingaperi uipi. Nokukurumidza, achaparadza nyika ino isina kururama ndokuparira ‘matenga matsva nepasi idzva munogara kururama mazviri.’ (2 Petro 3:8-10, 13) Ndivanaani vachagara muiyi nyika itsva? “Vakarurama ndivo vachagara mupasi, uye vasina mhaka ndivo vachasiiwa pariri. Kana vari vakaipa, vachagurwa papasi rimene; uye kana vari vanonyengera, vachabviswa pariri.”—Zvirevo 2:21, 22, NW.

15. Kana tichidavira zvirokwazvo izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pamadonzo aJehovha, ikoku kuchatitapura sei savanhu?

15 Kana tichidavira zvamazvirokwazvo ichi chipikirwa, nzira yedu yose yokufunga ichatapurwa. Muapostora Petro, pashure pokuporofita ruparadziko rwouipi, anoti: “Sezvo izvi zvinhu zvose zvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva rudzii rwavanhu mumabasa matsvene omufambiro namabasa okuzvipira kwoumwari, muchimirira nokusanorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.” (2 Petro 3:11, 12, NW) Hunhu hwedu hunofanira kuumbwa nechishuvo chedu chakasimba chokuva pakati pavakarurama vachasiiwa apo vakaipa vanoparadzwa.

16. Rudzii rwohunhu rusati ruchizova nenzvimbo munyika itsva, uye zivo iyoyi inofanira kutitapura sei?

16 Bhuku raZvakazarurwa rinopikira vakarurama kuti, pashure pomugumo wenyika ino, “[Mwari] achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchazotongovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazotongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvaparara.” Asika ipapo rinonyevera kuti “vanotya naavo vasina kutenda naavo vanonyangadza mutsvina yavo nemhondi nezvifeve naavo vanoshandisa midzimu navanonamata zvidhori navarevi vose venhema” vacharambwa. (Zvakazarurwa 21:4, 8, NW) Kuchenjera sei kudzivisa mavara asingadikanwi ayo Mwari acharamba kubvumira munyika itsva!

Betsero Inobva Kunze

17. Rudzii rwebetsero urwo Bhaibheri rinotipa zano kutsvaka?

17 Kunyanguvezvo, vanhu vane utera, uye kazhinji kazhinji vanoda chimwe chinhu muwedzero kumashoko nesundo kana vachizoita chinjo. Vanoda betsero yomunhu oga, uye Bhaibheri rinotiratidza kwatinogona kuwana betsero iyoyi. Somuenzaniso, rinoti: “Uyo ari kufamba navanhu vakachenjera uchava wakachenjera, asi uyo ari kushamwaridzana namapenzi uchaipiswa.” (Zvirevo 13:20, NW) Nenzira yakafanana, kana tikasonganirana naavo vanoratidzira mavara atinoda kusakurira, tichabetserwa zvikuru kuva vakafanana navo zvikuru.—Genesi 6:9; Zvirevo 2:20; 1 VaKorinte 15:33.

18, 19. Tinofanira kuitei kuratidzira ndangariro dzedu nemwoyo kumudzimu waMwari?

18 Mukuwedzera, Jehovha amene anogovera betsero muchimiro chomudzimu mutsvene—mudzimu mumwe chetewo waakashandisa kuita zvishamiso munguva dzapakuvamba. Zvamazvirokwazvo, mavara anodikanwa zvikuru o“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora” anonzi “chibereko chomudzimu.” (VaGaratia 5:22, 23, NW) Tinowana sei betsero yomudzimu mutsvene? Sezvo Bhaibheri rakafuridzirwa nomudzimu mutsvene, patinorirava kana kuti kutaura kuvamwe pamusoro paro, tiri kuratidzira ndangariro yedu nomwoyo kusimba rinonyengetedza romudzimu iwoyo. (2 Timotio 3:16) Zvamazvirokwazvo, Jesu akapikira kuti patinotaura kuvamwe pamusoro petariro yedu, tingawana kushanda kwakananga kwomudzimu iwoyo.—Mateo 10:18-20.

19 Mukuwedzera, Bhaibheri rinoraira, kuti: “Rambai muchinyengetera.” (VaRoma 12:12) Kupfurikidza nomunyengetero tinotaura kuna Jehovha, tinomurumbidza, tinomuonga, uye tinokumbira betsero yake. Kana tikakumbira betsero yokukurira mavara ohunhu asingadikanwi, akadai sehasha dzakaipa, chisimbwa, kusashivirira, kana kuti rudado, mudzimu waMwari uchatsigira nhamburiko dzipi nedzipi dzatinoita mutsinhirano nomunyengetero iwoyo.—Johane 14:13, 14; Jakobho 1:5; 1 Johane 5:14.

20. Nei maKristu achifanira kuramba achishanda pakupfeka hunhu hutsva?

20 Apo Pauro akanyora, kuti: ‘Shandurwai nokuvandudza ndangariro yenyu,” akanga achinyorera ungano yamaKristu akabhapatidzwa, akazodzwa. (VaRoma 1:7; 12:2, NW) Uye muchiGiriki chapakuvamba, akashandisa chimiro cheshoko rokuita chinoreva chiito chinopfuurira. Ikoku kunokarakadza kuti kushandurwa kunoitwa patiri nezivo yakarurama inobva muBhaibheri kunofambira mberi. Isu nhasi—kufanana namaKristu omuzuva raPauro—takapoteredzwa nenyika yakazara nepesvedzero dzinoshatisa. Uye isu—kufanana navo—hatina kukwana, tinokombamira kuita zvakaipa. (Genesi 8:21) Nokudaro, tinofanira kuramba tichishanda pakukurira hunhu hwekare, hune udyire nokupfeka hutsva, sezvavakangoita. MaKristu apakuvamba akabudirira kusvikira kutambanuko yakadaro zvokuti akatanhamara saakasiana chose chose nenyika yakaapoteredza. MaKristu nhasi anoita zvimwe chetezvo.

Vanhu “Vanodzidziswa naJehovha”

21. Ndaapi ari mamwe amauporofita ari kuzadzikwa pavanhu vaMwari muano mazuva okupedzisira?

21 Zvamazvirokwazvo, mudzimu waMwari nhasi unoshanda kwete bedzi pavanhu vamwe navamwe asi pasangano rose ramaKristu, ayo anosvika mumamirioni. Mashoko ouporofita aIsaya anozadzikwa pairi sangano: “Uye vanhu vazhinji vachaendako zvamazvirokwazvo ndokuti: ‘Uyai, imi vanhu, uye ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake uye tichafamba mumakwara ake.’” (Isaya 2:3, NW) Humwe uporofita hwaIsaya hwakazadzikawo kwavari: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, uye rugare rwavana vako rwuchava rwukuru.” (Isaya 54:13) Ndivanaani ivava vanofarikanya rugare nemhaka yokudzidziswa naJehovha?

22. (a) Ndivanaani nhasi vari kudzidziswa naJehovha? (b) Ipa mienzaniso kuratidza kuti vokunze vanoziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvakasiana.

22 Eya, cherekedza aya mashoko akanokorwa mutsamba yakanyorerwa New Haven Register, pepanhau reNorth America: “Kana makatsamwiswa kana kuti kusvoteswa (kushatiriswa), sezvandakaitwa, nokutendeutsa kwavo, unofanira kuyemura kuzvipira kwavo, runako rwavo, muenzaniso wavo wakatanhamara womufambiro wohunhu nokurarama kwakanaka.” Ndivanaani avo munyori aitaura nezvavo? Boka rimwe chetero rakakurukurwa neHerald yeBuenos Aires, Argentina, apo yakati: “Zvapupu zvaJehovha zvakabvumikisa mumakore ose kuva vagari vemo vanoshanda zvakaoma, vanozvidzora, vanoshandisa rutsuta uye vanotya Mwari.” Nenzira yakafanana, pepanhau reItaly La Stampa rakati: “Havanzvengi mitero kana kuti kutsvaka kunzvenga mitemo isina kukodzera nokuda kwebetserwo yavo vamene. Pfungwa dzetsika dzorudo nokuda kwomuvakidzani, kuramba simba, kusava namasimba masimba uye kutendeseka kwomunhu oga . . . zvinopinda munzira yazvo ‘yezuva nezuva’ youpenyu.”

23. Nei Zvapupu zvaJehovha sesangano zvakatanhamara sezvakasiana?

23 Neiko Zvapupu zvaJehovha seboka—kufanana namaKristu apakuvamba—zvichitanhamara sezvakasiana? Mumativi mazhinji, zvakafanana nomunhu ari wosewo zvake. Zvinoberekwa zvine kusakwana kwohunhu kwakafanana, uye zvine zvinetso zvemari zvimwe chetezvo nezvinodikanwa zvikuru. Zvisinei, seungano yenyika yose, zvinobvumira Shoko raMwari kushandisa simba muupenyu hwazvo. Muuyo wouhama hwamarudzi ose hwamaKristu echokwadi ufakazi hune simba hwokuti Bhaibheri iShoko rakafuridzirwa raMwari.—Pisarema 133:1.

Bhaibheri Rakafuridzirwa

24. Ndoupi uri munyengetero wedu nokuda kwavamwe vanhu vazhinji?

24 Munyaya idzi mbiri, takurukura nzira mbiri bedzi dzoufakazi kuratidzira kuti Bhaibheri iShoko raMwari, kwete romunhu. Kana vachirangarira uchenjeri husingaenzaniswi hweBhaibheri kana kuti simba raro rokuchinja vanhu—kana kuti zvimwe zvinhu zvizhinji zvinoriratidzira serakasiana—vanhu vapachokwadi havatongokundikani kuziva kuti rinofanira kuva rakafuridzirwa naMwari. SamaKristu, tinonyengetera kuti vamwe vazhinji vachasvika pakuziva iyi zvokwadi. Ipapo ivowo vachadzokorora mashoko omufaro owezvamapisarema: “Haiwa onai kuti ndakada mirairo yenyu mumene. Haiwa Jehovha, ndichengetei ndiri mupenyu mukuwirirana nomutsa wenyu worudo. Mashoko eshoko renyu izvokwadi uye chisarudzo chenyu chokutonga chakarurama chiri chose chinosvika kunguva isingazivikanwi.”—Pisarema 119:159, 160, NW.

Unoyeuka Here?

◻ Bhaibheri rine muuyoi pamaKristu echokwadi?

◻ Zivo yakarurama inobetsera sei kutishandura?

◻ Bhaibheri rinobetsera sei kutisunda kusakurira mavara akanaka ndokukurira akaipa?

◻ Ibetseroi inowanika mukutanga mavara oumwari?

◻ Ufakazii hwokuti Bhaibheri rakafuridzirwa hunooneka pakati pavanhu vaJehovha?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Muuyo unosuruvarisa wokusatenda kwaSoromoni muukweguru hwake unofanira kutisunda kuda kururama ndokuvenga kusateerera mutemo

[Mufananidzo uri papeji 20]

Kana tikakumbira Jehovha nokuda kwebetsero, mudzimu wake uchasimbisa nhamburiko dzipi nedzipi dzatinoita kukurira mavara akaipa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe