RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 4/1 p. 23
  • Kugamuchira Mashoko Akanaka muBelgium

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugamuchira Mashoko Akanaka muBelgium
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 4/1 p. 23

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Kugamuchira Mashoko Akanaka muBelgium

“NDIANI akaona zvinhu zvakafanana neizvi?” inodaro hofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha muBelgium. (Enzanisa naIsaya 66:8.) Iyi nyika yakaisvonaka inoshuma chiverengero chapamusoro chavaparidzi 24 464 nokuda kwegore rebasa ra 1989. Kwakanga kunewo wedzero ye 4 muzana muavhareji yechiverengero chaavo vanogoverana mumubato wokuparidzira mwedzi mumwe nomumwe.

◻ Mashoko akanaka anoziviswa neZvapupu zvaJehovha akabvumwa nomumwe muprista weKaturike uyo paMisa yeSvondo akati kuvomuruwa vake: “Kana Zvapupu zvaJehovha zvikauya kusuo renyu, rizarurei zvikuru kwazviri. Izvo zvine zvokwadi!” Izvi ndizvo zvomenemene zvakaita mumwe mukadzi. Apo Zvapupu zvakauya, iye akazarura suo rake zvikuru ndokugamuchira bhuku raLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? Gare gare iye akakumbira bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Fundo yeBhaibheri yakatangwa naye, asi murume wake haana kukumbanira. Naizvozvo imwe hama yakamuridzira runhare ndokubvunza kana angada kugara nomudzimai wake munyika iri nani? Somuuyo, iye akakumbanira fundo yacho. Varoorani vacho vakanga vachigara pamwe chete vasina kuroorana pamutemo, asi ivo vakanyoresa mubatanidzwa wavo uye nokukurumidza vakabhapatidzwa.

◻ Zvokwadi yakashandura upenyu hwomumwe musikana muduku. Apo akanga achigere kuva namakore 14 okukura, akasiiwa ari oga zvake. Iye akasangana nomukomana muduku ndokugara naye munyika yavasina maturo, vachidya mirimo nokuratidza mudzimu wamasimba masimba. Ipapo mukomana akarasikirwa noupenyu hwake mutsaona yemotokari. Ikoku kwakasiya musikana anetseka zvakakomba mundangariro, uye iye akarangarira kuzviuraya. ‘Ndokupi kwandinogona kuwana mhinduro yezvinetso zvangu?’ iye akashamisika. Akasangana nomumwe munhu anoshandisa midzimu uyo akamuita kuti adavire kuti aigona kuonana neshamwari yake yakafa. Ivo vakaedza nokuvatisa hope nenzwisiso yakapfava yomuzvarirwo. Asingawani muna ikoku nyaradzo yaikarirwa, akapindazve mukuora mwoyo kukuru. Kwemwedzi inoverengeka iye akazviparadzanisa amene chose chose. Ipapo mumwe weZvapupu zvaJehovha akasangana naye ndokuedza kumubetsera mumudzimu. Kwenguva yakati ikoku kwakaitwa netsamba, uye pashure penguva yakati zvinhu zvakarurama pashure penhamburiko huru nekurudziro kwaari. Zvino iye akasunungurwa mupesvedzero yamadhemoni, mutsika yefodya, uye mumirangariro mikuru yokuva nemhaka. Sezvo nguva yakafambira mberi, zivo yeBhaibheri yakawanda nomudzimu waJehovha zvakamubetsera zvikuru kwazvo. Uyewo, misangano yakamusimbisa, sezvo aiigadzirira zvakakomba. Zvino iye akabhapatidzwa uye ane mudzimu woupiona. Ava kutoitisa fundo dzeBhaibheri dzinoverengeka, imwe yadzo namai wake, avo zvino vava kupinda misangano. Zvirokwazvo, Jehovha akamubetsera!

◻ Avo vanoshandisa mabanza muchikoro vanofarikanya budiriro yakaisvonaka mukuparadzira mashoko akanaka. Imwe hanzvadzi duku iri muchikoro muBelgium yakagoverwa kupa hurukuro panhau yechisarudzo chake. Iye akasarudza kutaura pamusoro peZvapupu zvaJehovha nezvitendero zvazvo, achivakira mashoko ake pabhurocha raJehovah’s Witnesses in the 20th Century. Purofesa wake akaororwa. Pashure pokunge apa hurukuro yake kukirasi, vadzidzi vakabvumirwa kubvunza mibvunzo. Vomukirasi biyake vanoverengeka pashure vakabvunza chavaifanira kuita kuti vararame muParadhiso yaMwari yadudzwa muhurukuro yake. Vazhinji, kubatanidza napurofesa, vakakumbira makopi amabhurocha akasiana-siana hanzvadzi yacho yaiva nawo. Dzimwe kirasi dzakakumbira mabhurocha namashoko akawanda, uye purofesa worudzidziso akaongorora mabhurocha ndokuarumbidza kukirasi yake.

Chiito choushingi chehanzvadzi yedu duku chakakomborerwa. Mabhurocha makumi maviri namatatu akaparadzirwa kuvanapurofesa vaviri navadzidzi vazhinji; mudzidzi mumwe, anzwa pamusoro pehurukuro, akakumbira mashoko acho kuti atsanangure basa reZvapupu zvaJehovha mukirasi yake.

Vazhinji vari kugamuchira mashoko akanaka muBelgium. Ivo vanogamuchira Shoko raMwari, “kwete seshoko ravanhu, asi, sezvariri chaizvoizvo, seshoko raMwari, iro rinoshandawo mamuri vatendi.”—1 VaTesaronika 2:13, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe