Rugare Rwenyika—Rwucharevei Chaizvoizvo?
RUGARE rwenyika urwo Mwari anorangarira rwuchabatanidza zvinopfuura zvikuru kurega kurwa munyika yose kana kuti kumira kwenyukireya. Ikoku kuri pachena kubva munzira iyo Bhaibheri rinoshandisa nayo shoko rokuti “rugare.”
Somuenzaniso, muMagwaro echiHebheru (“Testamende Yekare”) shoko nokuda kworugare ndisha·lohmʹ. Chimiro cheiri shoko chinoshandiswa pana Genesi 37:14, apo tateguru Jakobho anoudza mwanakomana wake Josefa, kuti: “Chienda unotarira kana vakoma vako vakafara, namakwai kana akafarawo, ugodzoka kuzondiudza.”a Sha·lohmʹ anoshandiswa zvakare pana Genesi 41:16, apo anoshandurwa kuti “garikano.”
Mupfungwa yeBhaibheri, naizvozvo, rugare chairwoirwo rwunobatanidza kwete kungomiswa chete kwoutsinye asiwo utano, chengeteko, uye garikano. Chinyorwa chedu chakapfuura chakaratidza kuti vanhu havakwanisi kupedza puzzle yokuunza rugare. Jesu Kristu bedzi, “Muchinda Worugare,” achabatanidza pamwe chete zvidimbu ndokuunza rugare chairwoirwo kupasi. (Isaya 9:6, 7) Rangarira, somuenzaniso, icho Bhaibheri rinoporofita paPisarema 72:7, 8 pamusoro pokutonga kwaiyeyo: “Nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda rwuchavapo kusvikira mwedzi waguma. Uchabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, nokubva parwizi kusvikira kumigumo yapasi.” Fungidzira—utano, chengeteko, uye garikano pamwero wenyika yose! Hakuna chibvumirano chezvamatongerwe enyika chingambogona kuita izvozvo. Umambo hwaMwari bedzi hunogona, uye huchaita zvakawanda. Bhaibheri rinotipa chiverengero chakati chorumbonera rwunofadza rwouporofita muurwu rugare rwenyika rwomunguva yemberi. Ngatirangarirei rumwe rwacho.
Kukanda Zvombo Pasi Munyika Yose—Nzira yaMwari!
Pisarema 46:8, 9 rinoti: “Uyai muone mabasa aJehovha, zvishamiso zvaakaita panyika. Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomwoto.” Mashoko “uta,” “munondo,” uye ‘ngoro,’ zviratidzo zvorudzi rupi norupi rwechombo chehondo kana kuti gadziriro yehondo. Jehovha nokudaro anopfuura zvikuru kuganhurirwa kwezvombo kana kuti kunyange kukanda zvombo pasi kwakakwana. Iye anobvisa chose chose zvombo zvenyukireya, nganunu, motokari dzinotakura pfuti, zvinokanda zvombo zvinokandwa, mabara anoputika, zvinoputika, mityocha, pfuti—chinhu chipi nechipi chingagona kutyisidzira rugare rwenyika yose!
Zvisinei, zvombo zvoga hazvipariri hondo. Kazhinji kazhinji, hondo ine mavambo ayo muchimiro chokuvenga, chamakaro, uye chamasimba masimba chavanhu vasina kukwana. (Enzanisa naJakobho 4:1-3.) Umambo hwaMwari naizvozvo huchadenha aya mavambo anosakisa hondo kupfurikidza nokubvisa mavara ohunhu akadaro akaipa ari muvanhu. Seiko? Kupfurikidza negadziriro yedzidzo yenyika yose. “Pasi richazadzwa zvamazvirokwazvo nezivo yaJehovha sezvo mvura dzinofukidza gungwa rimene.”—Isaya 11:9, NW.
Vanzarwozvo “kudzidziswa naJehovha,” rudzi rwomunhu harusati rwuchizoonazve misiano yorudzi sohwaro hwerwisano, ruvengo, kana kuti kunyomba. (Johane 6:45) “Mwari haazi mutsauri wavanhu,” uye vagari vapasi vacharatidzira kusasarura kwake. (Mabasa 10:34) Umambo huchabvisawo kubvira kupi nokupi kwerwisano yamarudzi kupfurikidza nokubvisa miganhu yamarudzi. ‘Kuvambira pagungwa kusvikira kugungwa uye kusvikira kumigumo yapasi,’ vose vachapika ruvimbiko rwavo rwokudisa norwokuonga kukutonga kwaKristu.—Pisarema 72:8.
Kuti rugare rwakadaro rwugogara, Umambo huchabvisawo simba rinokamuranisa zvikurusa munhau yomunhu: rudzidziso rwenhema. (Zefania 2:11) Rudzi rwomunhu rwuchabatanidzwa mukunamata kwarwo Mwari wechokwadi bedzi. (Isaya 2:2, 3) Uhama hwenyika yose huchapararira!
Rugare Mumusha
Zvisinei, rugare rwenyika rwungava rwoukoshi hwakadini kana misha yavanhu iri nhandare yehondo umo kunyomba, mashoko anokuvadza, uye tyisidziro zvinokandwa nguva dzose. Kwakadaro kunoitika mumhuri dzakawanda nhasi. Dzimwe mhuri dzinovanza ruvengo rukuru seri kwechifukidziro chokunyarara kwokusakendenga.
Rugare rwechokwadi rwunofanira naizvozvo kubatanidza runyararo rwomumba. Mugadziriro yedzidzo yoUmambo, varume navadzimai vachadzidziswa kubata nomumwe nomumwe murudo noruremekedzo. (VaKorose 3:18, 19) Vana vachadzidziswa ‘kuteerera vabereki vavo muchinhu chiri chose.’ (VaKorose 3:20) Hakusati kuchizova nevechiduku vanopandukira kuti vakangaidze nokunetsa vabereki vavo. Kuteerera kuchava mupimo, batira pamwe muitiro. Vana vachava mufaro kuona nomufarwa kuvapo.
Nhasi, dzvinyiriro dzezvemari dzinoshatisa zvikuru kakavadzano dzemhuri, sezvo vabereki vose vari vaviri vachiwanzosungirwa kutora mitoro inorema yebasa rokunyika. Asi muutongi hwaKristu, mhuri dzichasunungurirwa mitoro yemari inorema zvikuru—rendi dzakakwira zvikuru, kubhadharwa kwezvikwereti zvakakwira, mitero inowedzera, kushaya basa. Basa rinogutsa, rinodenha richava rakawanda. Uye hakuna munhu achafanira kuva asina musha. Cherechedza kuti uporofita huri pana Isaya 65:21-23 hunosimbisa sei aya maidi: “Vachavaka dzimba nokugaramo . . . havangavaki dzimba mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; . . . Vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo.”
Fungidzira kugara mumhoteredzo isingakudenhi nezviono, manzwi, uye kunhuwa zvokuora kwomuguta! Fungidzira kugara pamunda wakasvibira—munda wako—uyo wakarimwa zvakakwana, wakagadzirwa zvakanaka, unotarisirwa. Fungidzira kufema mweya wakachena nomutsvene zvinofadza; kunzwa, kwete ruzha rwepepuko yazvino uno, asi kurira kunonyaradza, kwomuzvarirwo. Chokwadi, vamwe vanhu vane mhanza yakanaka vanotofarikanya mwero wakati wezvakati kuti weizvi zvinhu. Asi muUmambo hwaMwari, migariro yokurarama ino rugare ichafarikanywa navose. Hakusati kuchizova navarombo, vane nzara, vanotambura.—Pisarema 72:13, 14, 16.
Bhaibheri rinopikirazve kuti “kana vari vakaipa vachaparadzwa.” (Zvirevo 2:22, NW) Ikoko kunoreva kuparadzwa kwoutsotsi. Kana mwana wako mudukusa akabuda kundotamba, hausati uchizofanira kunetseka pamusoro pavatambudzi vavana kana kuti vanyerudzi vanohwanda mumibvuri, motokari dzina vachairi vakadhakwa dzisingadzoreki, kana kuti zvikwata zvinofamba-famba zvepwere dzinopengeswa nemirimo. Vana vako vachatamba mukotsekano yakakwana nechengeteko.
Rugare Negarikano Yako Yomunhu Oga
Pakupedzisira, kune rutivi rwegarikano yomunhu oga. Kunyange migariro yeParadhiso hainyaradzi marwadzo ekenza kana kuti kurwadza kwearthritis. Rugare rwechokwadi runofanira naizvozvo kubatanidza kuparadzanywa kwehosha, chirwere, uye rufu. Chinhu chakadaro chinobvira here? Ari pasi pano, Jesu Kristu akaratidzira aratidzirazve simba rake pazvirwere zvavanhu. (Mateo 8:14-17) Ari panzvimbo yake yakanaka yokudenga, Kristu achakwanisa kuita manenji mupasi rose! “Ipapo,” Bhaibheri rinopikira kudaro, “meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba.”—Isaya 33:24; 35:5, 6.
Nhimbe yaKristu mukurwisana nenhamo yavanhu haisati ichizogumirapo, zvisinei. Muapostora Pauro anotsanangura pamusoro pokuva mambo kwaKristu, achiti: “Unofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira uchaparadzwa, ndirwo rufu.” (1 VaKorinte 15:25, 26) Ikoku kunoreva kuchinja ruparadziko rwose rufu rwakaita parudzi rwomunhu kuvambira pamavambo pamene. Jesu Kristu amene akatsanangura, achiti: “Nguva iri kuuya umo vose avo vari mumakuva echirangaridzo vachanzwa inzwi [raKristu] ndokubuda.” (Johane 5:28, 29, NW) Mamirioni asingaverengeki ayo akararama ndokufira munhamo nokudaro achava nebanza rokugoverana murugare rwenyika rwuri kuuya.
Iwe uchagoverana marwuri here? Zvapupu zvaJehovha zvinokukurudzira kudzidza zvakawanda pamusoro peizvo Bhaibheri rinodzidzisa muna ikoku.b Kariro yorugare rwenyika inofadza zvikuru, ichaiyoiyo zvikuru, zvokusagona kufuratirwa. Iva nechokwadi chokuti kana ukazvishandisa umene kudzidza ndokushandisa Shoko raMwari, “Mwari worugare uchava newe”—nokusingagumi!—VaFiripi 4:9.
[Mashoko Omuzasi]
a Chaizvoizvo, “Kuona rugare rwavakoma vako norugare rwamakwai.”
b Fundo yeBhaibheri yapachena yapamusha inogona kurongwa kupfurikidza nokunyorera vabudisi vamagazini ino.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Jehovha achagumisa hondo “kusvikira kumugumo wapasi”
[Kwazvakatorwa]
USAF Official Photo
[Mufananidzo uri papeji 6]
Varume navadzimai vachadzidziswa kubata nomumwe nomumwe nenzira ino rugare