RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 4/15 pp. 26-28
  • “Mirai Makasimba”—Musagumbuka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mirai Makasimba”—Musagumbuka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chitambudzo Chinogona Kutigumbura
  • Zvinoodza Mwoyo Zvinogona Kunetesa Kutenda
  • Kuzvishurikidza Kunogona Kuparadza
  • Usaramba Wakagumbuka
  • Umire Papi?
  • Hapana Chingaita Kuti Vakarurama Vagumburwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Ucharega Chimwe Chinhu Chichikutadzisa Kutevera Jesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Usazvigumbura Kana Kugumbura Vamwe
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Vaya Vanoda Jehovha ‘Havana Chinovagumbura’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 4/15 pp. 26-28

“Mirai Makasimba”—Musagumbuka

NHAU hurusa yakatarisana norudzi rwomunhu nhasi ndeiya youchangamire hwapose pose. Jehovha anotikumbira kumira ndokuverengwa muiyi nhau kupfurikidza nokuzviisa pasi paMambo wake akagadzwa, Kristu Jesu. Kune kudikanwa kwekurumidziro kwokugamuchira iyi kokero, uye mumakore mashanu chete apfuura, vanhu vamwe navamwe vanopfuura mirioni imwe vakaita saizvozvo. Asi ivava vakawana kuti zvakawanda zvinobatanidzwa mukumira kupfuura chisarudzo chenguva imwe chete chokubatira Jehovha. Kunofanira kuva netsauriro youpenyu hwose. Tichachengeta here kumira kwedu apo kupfuurira kunooma? Kana kuti tichaneta here pashoma napashoma, pashure po‘kumira zvakasimba’ pakuvamba?—1 VaKorinte 16:13; VaHebheru 2:1.

Kana iwe usati wawana nzira yechiKristu kuva iri nyore, nyaradzwa nezivo yokuti zvimwe chetezvi zvakanga zviri zvechokwadi nezvaJesu Kristu. Hungu, kunyange Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari aifanira kunyengeterera simba kuti achengete kumira kwake, zvikurukuru apo muedzo wake mukurusa wakanga uchisvika. Mufananidzire ari mubindu reGetsemani, achinyengetera zvapachokwadi, kuti: “Abba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.” (Marko 14:36) Iye aiziva kuti nzira yaiva mberi yakanga yakaoma. Iye aiziva zvikuru kuti zita raBaba vake raizotapurwa. Nokudaro, munhu akakwana bedzi pasi pano haana kunyara kukumbira betsero.

Apo kupfuurira kunotiomera, tine manyuko mamwe chetewo esimba ayo Jesu aiva nawo. Tinogona kunyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero kuitira kuti tigorega kugumbuka kana kuti kuwa. Asi rudziiko rwenjodzi dzingazvipa dzimene kuti dzitigumbure? Kuziva ikoku nokugadzirira pachine nguva mberi zvichida kungatibetsera kudzivisa kugumbuka.

Chitambudzo Chinogona Kutigumbura

Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Vose avo vanoshuva kurarama nokuzvipira kwoumwari musonganirano naKristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timotio 3:12, NW) Chitambudzo chinogona kutiparira kugumbuka, uye icho chinouya muzvimiro zvakawanda. (Marko 4:17) Kungava kurambidza kwapamutemo—kuchiunza ngozi yokuiswa mutorongo uye kunyange rufu—masimba masimba enyongori, chishoro chezuva nezuva chinopedza kutenda chomukwanyina akatsunga, anoshora, kana kuti nyombo yenguva dzose yovokuchikoro biyako.

Chitambudzo chakaoma kutsungirira, asi tinonyeverwa kuti chichaitika muchimiro chakati. Nokudaro, tinogona kuvaka kutenda kwedu zvino ndokudzidza kutsamira pasimba raJehovha kuitira kuti apo nguva yacho inosvika, tichatsungirira musimba iroro. (1 Petro 4:13, 14; 5:6-11) Zvisinei, zvigumbuso zvinowanzova zvamanomano kupfuura denho inotyisa yechitambudzo.

Zvinoodza Mwoyo Zvinogona Kunetesa Kutenda

Ndiani asingayeuki kunzwa kunonyadzisa kwakauya apo takanga tiri vana ndokunzwa taodzwa mwoyo. Unoyeuka here nguva apo Baba vakavimbisa madyo chaiwo emhuri uye ipapo nokuda kwechikonzero chakati vakachinja ndangariro yavo? Kana kuti nguva pavakanga vachizokuendesa kunzvimbo kunoratidzwa mhuka dzomusango uye paminiti yokupedzisira vaifanira kurega? Wakaodzwa mwoyo sei!

MaKristu akurawo anogona kuodzwa mwoyo, uye ikoku mune zvinoitika zvakati kwakatungamirira kungwavaira yomudzimu. Vamwe vakaisa tariro yavo pamusi apo ivo vakanga vane chokwadi chokuti Armagedhoni yaizosvika. Apo pasina chakaitika pazuva iroro, ivo vakanzwa vaodzwa mwoyo. Vamwe vakaodzwa mwoyo apo ropafadzo yaikarirwa isina kuitika. Uyezve, vanhu vanogona kuva vanoodza mwoyo. Mumwe musikana ane makore 18 okukura akaudza vabereki vake kuti akanga aodzwa mwoyo kwazvo nomufambiro wavamwe varume vaduku vomuungano—uye kundikano yavabereki vavo yokuvaranga—zvokuti iye akanga asingadizve chinhu chokuita nezvokwadi.

Nepo kuodzwa mwoyo kuchinzwisisika mumigariro iyi yose, vanoodzwa mwoyo vanofanira kugumbuka ndokubuda muukama hwavo naJehovha here? Fungidzira kuodzwa mwoyo kwaJesu apo vaapostora vake vakapfuurira mukuitirana nharo pamusoro pokuti ndiani akanga ari mukurusa pakati pavo, nokudaro vacharatidzira chimiro choungandiveni. (Ruka 9:46; 22:24) Fungidzirawo kuodzwa mwoyo kwaJobho apo shamwari nhatu dzaifungidzirwa kuvapo kuzomubetsera dzakamupandukira ndokutanga kupanikira kutendeka kwake! (Jobho 22:5-10) Bva, Jesu naJobho havana kugumbuka.

Vanhu vose vano utera, naizvozvo kwaizova kusina mufungo kurega kundikano dzavamwe dzichitapura ukama hwedu naJehovha. (Pisarema 51:5) Kusakwana kwavamwe hakufaniri kutipofumadza kubasa rinoshamisa Jehovha ari kuita sezvo anounganidza “zvinhu zvose pamwe chete zvakare muna Kristu.” (VaEfeso 1:9, 10, NW) Rangarira kuti ndivanhu vasina kukwana, vakawa vakafanana nesu avo Jehovha ari kuunganidza, vanhu vanoda chirango nokunatsa kuti vasimbe. (Pisarema 130:3) Muvengi wedu haisi hama yedu yechiKristu isino kukwana asi Satani, uyo anoda kutiparadza kana achigona. Iye haasati achizobudirira kana ‘tikarwisana naye, takasimba mukutenda.’ (1 Petro 5:8, 9) Kana tine kutenda kwakadaro, hatisati tichizotongo“svika pakuora mwoyo.”—VaRoma 9:33, NW.

Kuzvishurikidza Kunogona Kuparadza

Vamwe vakarasikirwa noukama hwavo naJehovha Mwari nemhaka yepfungwa yokusafanira. Vachiziva utera hwavo vamene nekundikano, ivo vanosvika pamhedziso yokuti Jehovha haasati achizotongogamuchira basa ravo. Ivo vanorangarira kuti kuti mumwe munhu akafanana navo ataure kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha hunongova unyengeri. Wati wambova akaoma pauri umene saizvozvo here? Kana zvakadaro, unofanira kurwisa mirangariro yakadaro.

Ko unonzwa usakafanira kubatira Jehovha here? Ipapo zvibvunze umene kuti, ‘Ndiani ari akafanirwa neiyi ropafadzo huru?’ MaKristu ose ane hondo yenguva dzose nokusakwana kwawo amene. Kunyange muapostora Pauro akanyunyuta, kuti: “Apo ndinoda kuita chiri chakarurama, chiri chakashata chiripo neni.” (VaRoma 7:21, NW) Ko Pauro akanga ari munyengeri here nemhaka yokuti pane dzimwe nguva aiita zvinhu zvakanga zvakaipa? Aiwa. Munyengeri ndimunhu anonyepedzera kuva zvaasiri. Kana tikavavarira kuita chiri chakarurama asi tichikanganisa panhambo nenhambo pasinei zvapo nesu timene, ikoko kunyepera pamusoro pechimwe chinhu here? Chokwadika kwete.

Bhaibheri rinotipa zano rokuti “pfekai hunhu hutsva.” (VaEfeso 4:24, NW) Ikoko kunoreva here, kunyanguvezvo, kuti tinorasikirwa namavara ose ohunhu hwakare? Aiwa. Mutsamba yake kuvaKorose, Pauro akati hunhu hutsva “huri kuvandudzwa” kupfurikidza nezivo yakarurama. (VaKorose 3:9, 10, NW) Kutaura kwokuti “huri kuvandudzwa” kunoreva chiito chinopfuurira. Naizvozvo kuchinja hunhu hwedu muitiro unopfuurira. Hakushamisi, ipapoka, kuti pane imwe nhambo tinowana zvikanganiso matiri timene.

Ikoku hakusati kuri, chokwadi, kuderedza ukombi hwechivi, uyewo hakurevi kuti tinogona kutera kumuedzo pasina kurwisa, tichirangarira kuti Jehovha achangoerekana atikanganwira. Asi kunotibetsera kusava vanozvitsoropodza timene zvisina mufungo. Uye kunoita tide Jehovha zvikuru kwazvo nemhaka yokuti iye akagovera chibairo chorudzikinuro chaKristu kuitira kuti tigogona kubatira Iye pasinei zvapo nomusikirwo wedu wokutadza womusikirwo.

Muapostora Johane akapa murangariro wakadzikama wenhau paakati: “Ndinokunyorerai zvinhu izvi kuti, murege kutadza.” Asi ipapo iye akawedzera chaizvoizvo, kuti: “Kana munhu achitadza [nemhaka yokusakwana kwohunhu], tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu.” (1 Johane 2:1) Panzvimbo pokuva anonyanyozvishurikidza, iyi nzwisiso mumugariro wedu nebetsero Jehovha akagovera inotitungamirira kudzokorora mashoko aPauro, anoti: “Mwari ngaaongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu!”—VaRoma 7:25.

Usaramba Wakagumbuka

Jesu akapa nyevero yakakomba kumunhu upi noupi angava chisakiso chokugumbuka: “Asi ani naani unogumbusa mumwe wavaduku ava, vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, anyudzwe mugungwa rakadzika.” (Mateo 18:6) Asi zvakadiniko nanyakugumburwa? Kana tikagumburwa nomumwe munhu kana kuti nomugariro wakati, tinofanira kuzvipembedza timene here ndokuti, “Eya, haisi mhaka yangu, naizvoizvo handichabatirizve Jehovha”?

Rangarira muenzanisiro. Iwe wati wambotsvedza here pachidimbu cheaizi kana kuti kugumburwa nesitepisi? Zvichida ngozi yacho yakakushamisa. Kunonzwisisika kuti wakazviwana umene waumburudzwa pasi. Asi chii chawakatevera kuita? Wakati here: “Haisi mhaka yangu kuti ndakarara pano. Iaizi [kana kuti sitepisi] ine mhaka. Naizvozvo handisati ndichizosimukazve”? Sezvingabvira zvikuru, wakamira ndokufamba uchibva pachiono chinokwenudza nokukurumidza sezvinobvira.

Kumwe cheteku hakungavi kwechokwadi here munhau dzomudzimu? Kana tikagumburwa nomugariro wakati kana kuti nomuKristu biyedu akati, ikoko chinetso chakakomba chinofanira kutarisirwa. Zvisinei, kana kuti tikaramba takagumbuka, tichiomerera pakushora mumwe munhuwo zvake nokuda kwechinetso chedu, hakuzi kwechokwadi here kuti mugariro wedu unova zvikuru mhaka yedu timene?

Nomufaro, kana tikagumburwa, vakuru navamwe vakakura mumudzimu vari muungano vanodisa zvikuru kubetsera. (VaGaratia 6:1) Uye Jehovha amene anopa simba kuavo vanoshuva kumubatira pasinei zvapo nezvitambudzo. (VaFiripi 4:13) Naizvozvo nguva dzose tinofanira kuva vakagadzirira kukumbira betsero kana kukaratidzika kuti chimwe chinhu chichadzongonyedza chimiro chedu chakasimba nokuda kwaJehovha noUmambo hwake. Ipapo hatisati tichizopa Satani rukundo kupfurikidza nokugumburwa nokuramba tiri pasi.

Umire Papi?

Zuva rimwe nerimwe, vabatiri vakazvitsaurira vaMwari vanotarisana nenhau dzinoedza kuzvipira kwavo kuna Jehovha. Hazvinei hazvo neizvo vanofanira kurwisana nazvo, vanofanira kumira ndokuverengerwa parutivi rwaMambo woUmesia waJehovha. Vatongi vane simba venyika ino vakamira “vachirwisana naJehovha uye vachirwisana nomuzodziwa wake.” Iropafadzo yakadini yatinayo yokumira nokuda kwake!—Pisarema 2:2.

Zvisinei, hatigoni kurwisana nepesvedzero yetsika ino yose yenyika tiri toga zvedu, naizvozvo tinonyaradzwa nechipikirwa chaJesu chokuva neungano yake “kutozosvikira pamhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 28:20, NW) Iye achatitsigira. Mukuwedzera, betsero huru inouya apo tinosanonamatira kuna Jehovha ndokutsvaka tsigiro inobva kwaari. Kutendeukira kuShoko rake kunogona kutipa simba. Apo tinganzwa tisingakwanisi kutsungirira, Pisarema 55:22 rinotikumbira ku‘kandira mutoro wedu pana Jehovha amene, uye iye amene achatitsigira. Haasati achizotongobvumira wakarurama kuzununguka.’ Hungu, Bhaibheri rinokurudzira vose vavanhu vaJehovha ku“mira vakasimba mukutenda”—uye kwete kugumbuka.—1 VaKorinte 16:13, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe