RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 5/15 pp. 27-29
  • Yeuka Musiki Wako Mukuru Muupwere Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Yeuka Musiki Wako Mukuru Muupwere Hwako
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzivisa Zvinokwezva Zvenyika
  • Kupa Rovedzo Chaiyo
  • Iva Nedonzo Muupenyu
  • Vechiduku, Muri Kugadzirira Remangwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Mungabatsira Sei Mwana “Anopanduka”?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Pwere—Muri Kurondei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 5/15 pp. 27-29

Yeuka Musiki Wako Mukuru Muupwere Hwako

“PWERE dzisingagutswi: Idi Roupenyu Hwamarudzi Ose.” Wakarava kudaro musoro wenhau weimwe nyaya muThe Star yeJohannesburg, South Africa. Mashoko omuzasi enyaya yacho akarava, kuti: “Nezviverengero zvikuru zvepwere zvino zviri kutarisana namabanza akaganhurirwa ayo kutoderedzwazve nederero yokutengeserana munyika yose, kusagutswa kwepwere mumaguta ari kukura kwazova idi riri pachena roupenyu hwamarudzi ose. Muzvimurenga muMiami, muSan Salvador, muManagua, muTeheran uye muCape Town makanga mune rutivi rumwe runozivikanwa navose—muchinoitika chimwe nechimwe vokutanga kuuraya uye kuurawa vakanga vari pwere.”

Ikoko kwakabudiswa makore gumi apfuura, uye migariro yazova yakaipa zvikuru chibviro chenguva iyoyo. Neiko pane kusagutsikana kwadaro pakati pavanhu vaduku munyika yose? Kusaterama kunokura kwetsika ino yezvinhu chisakiso zvamazvirokwazvo. Kushaya mabasa kwazosvika mwero mikuru. Uye nokushata kunokurumidza kwoupenyu hwemhuri, ichengetekoi iripo nokuda kwavanhu vaduku? Hakushamisi kuti vamwe vavo vanotsiva nyika yavasingagoni kudzora. Ikoku haisati iri here mhaka yokuti vanoshaiwa tariro yechokwadi pokuisa upenyu hwavo?

Munhu aizokarira marudzidziso enyika kupinza tariro yakadaro. Bva, imwe pwere yakanyora, ichiti: “Ndavhiringidzika zvikuru. . . . Ndine shamwari dzakawanda, dzamarudzidziso akawanda akasiana-siana, uye idzo dzakafanana chaizvo neni. Ndavhiringidzika kwazvo chaizvoizvo zvokuti handizivi chokuchadavirazve. Ndapota, mungandipa zano here?” Izanoi rawaizopa munhu muduku akadaro?

Pwere dzinosanonamatira kuShoko raMwari neungano yechokwadi yechiKristu dzinodzivisirwa nyongano yakadaro nechitambudzo. Nepo vanhu vaduku vazhinjisa vasina tariro yechokwadi yenguva yemberi, pwere dzechiKristu dzinovimba naJehovha Mwari neShoko rake rechokwadi rezvokwadi. Nokudaro, dzine tariro yokupukunyuka mugumo wetsika ino yezvinhu dzichirangarira upenyu husingaperi. Pashure paikoko, papasi rabviswa kusaruramisira noupi, idzo dzichaumba rutivi rwenheyo ye“pasi idzva” umo “kururama kuchagara.” (2 Petro 3:13, NW; Johane 17:3) Nokuda kwokuzadzikwa kwekariro dzine mbiri dzakadaro, vanhu vaduku vanopangirwa ‘kuyeuka Musiki wavo Mukuru.’ (Muparidzi 12:1) Uye zano rakanakisisa rinogona kupiwa nderiya rokuti dzive ndokuramba dziri rutivi runokosha rweungano yechiKristu. Neiko ikoku kwakadaro?

Voruzhinji venyu vanhu vaduku muungano yechiKristu mune vabereki vanotenda vanokudai uye vanokutarisirai. Ungano imwe neimwe ine vakuru vayo vakagadzwa, avo vanofarira zvikuru garikano yenyu yomudzimu. Betsero yakadaro netarisiro hazvifaniri kuderedzwa. Zvokwadi inobva muShoko raMwari, pamwe chete nenhungamiro youbati ushe hwaMwari, zvichakupai chengeteko, rusununguko pavhiringidziko, uye tariro yechokwadi yenguva yemberi. Kwose ikoku kuchakubetserai ‘kuva nokutenda nehana yakanaka’ ndokubatirira kutariro yakafanana nechibatiso chinodzivisa ngarava kutambura kupudzika mugungwa rine mafungu.—1 Timotio 1:18, 19; enzanisa naVaHebheru 6:19.

Dzivisa Zvinokwezva Zvenyika

Pasinei zvapo nezvikomborero zvomudzimu zvakawanda izvo imi vanhu vaduku munogona kufarikanya muungano yechiKristu, kombamiro yavamwe kuronda nzira dzenyika. Kwakaita sokunge vanonzwa kuti vari kushaiwa chimwe chinhu chakafanira chinogona kuwanwa bedzi munyika iri kunze kweungano yechiKristu. Asi nyika ine chaizvoizvo chinhu chipi nechipi chakafanira chokupa here?

Pashure pokupedzera anopfuura makore 40 muushumiri hwenguva yakazara, mumwe wavabatiri vaMwari akataura zvinhu neiyi nzira: “Rudzi bedzi rwoupenyu hwangu hwandinodemba ndirwo rutivi rwandakararama ndisati ndapinda muzvokwadi. Panguva iyeyo ndakanga ndiri rutivi rwenyika. Ndaingoraramira bedzi munyika. Pandakasvika zera ramakore 18 ndokutarira shure paupenyu hwangu, ndakaziva kuti hwakanga husina maturo. Kwakanga kusina chinangwa, kusina donzo, kuupenyu hwangu. Mifarwa yenyika yandaifunga kuti ndakafarikanya yakaunza chaizvoizvo kangaidziko norusuruvaro. Ndakavamba kutsvaka zvokwadi. Ndakaiwana uye gore rimwe gare gare ndakatanga kupinda mubasa renguva yakazara. Ndakanga ndisina mari, ruzivo rwokuzviwanira rwegore rimwe chete muzvokwadi nokutenda kuti Jehovha aizonditsigira. Zvino pandinotarira shure paupenyu hwangu, zvikamu zviviri zvezvitatu zvahwo ndakapedzera mubasa renguva yakazara, ndinofara zvikuru kwazvo. Handisati ndichitongoda kutsinhana zvandakawana pakubatira Jehovha nechipi nechipi nyika inopa.” Zvamazvirokwazvo, ikoku kunoratidzira mirangariro yezviuru zveZvapupu zvaJehovha.

Naizvozvo kushuvireiko zvinhu izvo mamwe maKristu akasiya shure? Kushuvireiko zvinhu zvenyika iyo yakananga kuruparadziko? (1 Johane 2:15-17) Somunhu muduku, zvichida unorangarira kuti kubatira Jehovha kunoganhurira zvikuru uye kuchakuparira kurasikirwa nefarikanyo inogovera nyika. Asi kuchenjera here kurangarira vabereki vako navakuru savanoganhurira zvikuru apo vanoda kukubetsera kufadza Jehovha ndokuwana upenyu husingaperi?

Kana amai vari kutumira mwana wavo kuchitoro chomunzvimbomo vakamuyeuchidza kumira ndokutarira mativi ose ari maviri asati ayambuka mugwagwa, waizovarangarira here kuva vanonyanyoganhurira? Panzvimbo pezvo, havasi here kuedza nenzira yorudo kudzivirira mwana wavo? Ngatitii mwana anofuratira nyevero uye anorohwa nemotokari ndokuurawa? Waizokurangarira here kuti amai vakanga vave vachiganhurira zvikuru? Chokwadi, ungafunga kuti ivo vanofanira kuva vakaita dzimwe ngwariro ndokudzivirira upenyu hwomwana wavo! Nenzira yakafanana, zviyeuchidzo zvinobva muShoko raMwari nesangano rake zvinopiwa nenzira yorudo, kwete seganhuriro asi nokuda kwedziviriro yako.

Kukurira mumusha wechiKristu hakuna kukwana kukuita kuti ukwanise kukurira dzvinyiriro dzenyika ino. Unodawo kupwiswa somunhu oga nezvokwadi yeShoko raMwari. Kupwiswa kwakadaro kwomunhu oga norudo nokuda kwoMusiki zvinoumba hwaro hwokutsaurira upenyu hwako kuna Mwari. Uku kupwiswa kwomunhu oga kuri madikanwawo kuti ukwanise kudzivirira kutenda kwako pamberi pavamwe. (1 Petro 3:15) Kutungamirirwa neShoko raMwari hwaro hwoupenyu hunobudirira. (Joshua 1:8; Pisarema 119:9) Asi nokuda kwebudiriro muupenyu, unodawo rovedzo yakanaka.

Kupa Rovedzo Chaiyo

Zvirokwazvo, imi vabereki vechiKristu maizofadzwa nokuona vana venyu vachimira zvakasimba nokuda kwezvokwadi ndokuramba vakabatanidzwa nemi mukunamata kwechokwadi. Zvikurukuru mutoro wababa kurera vana “muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4, NW) Asi iwe unogona here kuwana nzvimbo umo unoda kuvandudza mukuvarovedza? Uri kupedza nguva yakawanda une vana vako here? Munoita zvinhu semhuri here? Uye munofarikanya here nhandaro yakanaka pamwe chete?

Usakanganwa kuti kugadza kwako muenzaniso wakanaka kune muuyo une simba pavana vako. Kana uchida kuti vakoshese zvokwadi, ipapo iyoyo ndiyo nzira yaunofanira kurangarira nayo zvinhu. (3 Johane 2-4) Uye kana uchida kuti vatange ruremekedzo rukuru nokuda kwesangano raJehovha navakuru, ipapo iwe umene nguva dzose unofanira kuva nechimiro chakanaka chakadaro.

Kunyange zvazvo kurovedza vana kuri zvikurukuru basa ravabereki, vakuruwo vane mutoro kuvaduku vari muungano. Mukutarisira boka raMwari, vatariri vanodawo kufudza makwaiana. (1 Petro 5:1-3) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini Jehovha akagadza mukutarisira nounyoro kunyange vaduku! (Isaya 40:11) Vachiita chimwe chinhu kumuenzaniso wake, vafudzi vaduku vechiKristu vachadawo kuratidzira fariro youshamwari, yorudo muvanhu vaduku ndokuvaita kuti vanzwe vari rutivi rweungano. Dzimwe pwere dzakataura chishuvo chokuti vakuru vataure kwadziri kazhinji kazhinji zvikuru ndokudzibetsera muushumiri hwomumunda.

Kurovedza munhu muduku kunoreva zvinopfuura kumupa zivo yomumusoro yaMagwaro. Zvichibva mumwoyo make, iye anofanira kuvenga icho Mwari anovenga ndokuda icho Mwari anoda. (Amosi 5:14, 15) Kana iye achizoyeuka Musiki wake muupwere, iye anoda kurangwa nenzira yapaMagwaro mukufamba munzira yaJehovha yokurarama. (Zvirevo 22:6; 2 Timotio 3:16) Vabereki havasati vachifanira kurega chirango chinodikanwa. Vamwe vabereki vanoda kuchengeta ushamwari hwavana vavo pandyiko yose vanokombamira kufuratira chakaipa, vachideredza ukombi hwacho. Ivo vanopesvedzerwa namadiro enyika. Asi ndiye mubereki ane rudo anongwarira mishumo yokuti mwana wake ave achiita misikanzwa uye anopa chirango chakafanira sezvinodikanwa. (Zvirevo 13:24) Chaizvoizvo, ko muberekii wechiKristu anoda kuchengetedza ushamwari hwakavakirwa pamadiro asi anorasikirwa nomwana wake nokuda kwokushaikwa kwechirango chakafanira?—Zvirevo 22:15.

Iva Nedonzo Muupenyu

Jehovha Mwari akatiita kuti tiwane mufaro wedu mukurusa negutsikano mukumubatira. Fungai nezvomunda muhombe uyo imi pwere munogona kusakurira. Inenge hafu yechiverengero chavagari venyika ine makore 20 ezera uye vaduku zvikuru. Ava vanhu vaduku vari kudzungaira mugungwa rorudzi rwomunhu. Nepo vasina tariro, imi pwere dzechiKristu mune tariro yechokwadi uye chimwe chinhu chakafanira chokugoverana navo. Kupfurikidza nomufambiro wenyu wakaisvonaka wechiKristu uye shingairo yenyu nokuda kwebasa raJehovha, mungakwezvera vazhinji vavo kuzvokwadi. Munogona nokudaro kuvabetsera kufamba munzira yokuupenyu.

Inharidzanoi yakafanira zvikuru yamunogona kuva nayo inopfuura iyo yokupa upenyu hwenyu kubasa raJehovha Mwari? Mati mafunga here nezvokutora basa rokuparidzira rinoponesa upenyu pahwaro hwenguva yakazara? Zvichida munogona kugoverana mukuparadzira mashoko akanaka sapiona, kana kuti munogona kubatira paimwe yehofisi yebazu yeWatch Tower Society apo mabhuku eBhaibheri anobudiswa. Kunyange kana musingagoni kuita izvozvo, hamufaniri here kuita kunamatwa kwaJehovha pfundo guru muupenyu hwenyu, nokudaro muchiyeuka Musiki wenyu Mukuru? Mune basa rakafanira rokuita. Kutozosvikira pamugumo wetsika ino yezvinhu, naizvozvo, tsungai kuva ne‘zvakawanda zvokuita mubasa raShe.’—1 VaKorinte 15:58.

Naizvozvo fambirai mberi imi pwere dzechiKristu. Yeukai Musiki wenyu Mukuru zvino, uye iye achakuchengetai apo anogumisa nyika ino isina umwari. Hungu, Jehovha achakudzivirirai panguva iyoyo ndokukukomborerai nenguva yemberi isingagumi, ine mbiri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe