RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 6/1 pp. 8-9
  • Paseka Yokupedzisira yaJesu Yava Pedyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Paseka Yokupedzisira yaJesu Yava Pedyo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Paseka yaJesu Yekupedzisira Yava Pedyo
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • ‘Ichi Chichava Chiyeuchidzo Kwamuri’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kuraramazve Mumazuva Okupedzisira aJesu Pasi Pano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 6/1 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Paseka Yokupedzisira yaJesu Yava Pedyo

SEZVO Chipiri, Nisani 11, chinoswedera pedyo, Jesu anopedza kudzidzisa vaapostora paGomo reMiorivhi. Rave riri zuva rokubatikana, rokushingaira zvakadini! Zvino, zvichida vachidzokera kuBhetania kundorara, anoudza vaapostora vake, kuti: “Munoziva kuti mazuva maviri kubva zvino paseka inoitika, uye Mwanakomana womunhu achapiwa kuti arovererwe.”—NW.

Zuva rinotevera, Chitatu, Nisani 12, Jesu sezviri pachena anopedza ari munzvimbo yakanyarara ane vaapostora vake. Pazuva rapamberi, iye akanga atuka vatungamiriri vorudzidziso pachena, uye iye anoziva kuti vari kutsvaka kumuuraya. Naizvozvo paChitatu haazviratidzi amene pachena, sezvo asingadi kuti chinhu chipi nechipi chivhiringidze kuchengeta kwake Paseka navaapostora vake manheru anotevera.

Munguva iyoyo, vaprista vakuru navarume vakuru vavanhu vaungana muruvazhe rwomuprista mukuru, Kayafasi. Vachirwadziwa nokudenha kwaJesu zuva rapfuura, vari kuita rongedzero dzokumubata kupfurikidza negadziriro younyanzvi ndokuita kuti aurawe. Bva vanoramba vachiti: “Zviregwe kuitwa pamutambo, kuti parege kuva nebope pakati pavanhu.” Vari kutya vanhu, avo Jesu anofarikanya mutsa wavo.

Apo vatungamiriri vorudzidziso vari kuronga nenzira yakaipa kuuraya Jesu, vanogamuchira mushanyi. Kukushamisika kwavo, ndimumwe wavaapostora vaJesu amene, Judhasi Iskarioti, uyo maari Satani akadyara pfungwa yakashata yokushambadza Tenzi wake! Vanofadzwa sei apo Judhasi anobvunza, kuti: “Muchandipei kana ndikamuisa kwamuri?” Vanobvuma nomufaro kumubhadhara zvidimbu 30 zvesirivha, mutengo womuranda mukuwirirana nesungano yoMutemo waMosesi. Kubvira ipapo zvichienda mberi, Judhasi anotsvaka banza rakanaka rokushambadza Jesu kwavari pasina boka riripo.

Nisani 13 anovamba pakudeuka kwezuva paChitatu. Jesu akanga asvika achibva Jeriko paChishanu, naizvozvo uhu ndihwo usiku hwechitanhatu nohwokupedzisira hwaanopedza ari muBhetania. Zuva rinotevera racho, China, gadziriro dzokupedzisira dzichafanira kuitwa nokuda kwePaseka, iyo inotanga pakudeuka kwezuva, apo gwaiana rePaseka rinofanira kuurawa uye ipapo kugochwa rose. Ndokupi kwavachachengetera madyo, uye ndiani achaita gadziriro dzacho?

Jesu haana kugovera udzame hwakadaro, zvichida kuti adzivise Judhasi pakuudza vaprista vakuru kuti vagosunga Jesu mukati mokuchengeta Paseka. Asika zvino, zvimwe pakuvamba China masikati, Jesu anotuma Petro naJohane vachibva Bhetania, achiti: “Endai mundotigadzirira Paseka kuti tidye.”

“Munoda kuti tigadzirire kupiko?” vanobvunza kudaro.

“Kana mapinda muguta,” Jesu anotsanangura, “muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iye kumba kwaanoenda. Muti kumwene weimba, ‘Mudzidzisi unoti kwamuri: “Imba yavaeni iri kupiko mandingadyira paseka navadzidzi vangu?”’ Uchakuratidzai imba huru iri kumusoro yakarongedzerwa, gadzirai ipapo.”

Pasina panikiro mwene weimba mudzidzi waJesu uyo zvichida anokarira chikumbiro chaJesu chokushandisa imba yake nokuda kweiyi nhambo chaiyo. Zvisinei hazvo, apo Petro naJohane vanosvika muJerusarema, vanowana chinhu chiri chose chakaita seizvo Jesu akadeya kutaura. Naizvozvo vaviri vavo vanova nechokwadi chokuti gwaiana rakagadzirirwa uye kuti dzimwe gadziriro dzose dzaitwa dzokutarisira zvinodikanwa zvavachengeti 13 vePaseka, Jesu navaapostora vake 12. Mateo 26:1-5, 14-19; Marko 14:1, 2, 10-16; Ruka 22:1-13; Eksodho 21:32.

◆ Jesu sezviri pachena anoitei paChitatu, uye nei?

◆ Musanganoi unoitwa paimba yomuprista mukuru, uye Judhasi anoshanyira vakuru vakuru vorudzidziso nokuda kwedonzoi?

◆ Ndivanaani avo Jesu anotumira kuJerusarema paChina, uye nokuda kwedonzoi?

◆ Chii icho ava vanotumwa vanowana icho chinozivisa zvakare masimba enenji aJesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe