Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Ko Zvapupu zvaJehovha zvinogamuchira here majekiseni echikamu chiduku cheropa, zvakadai seglobulin inoita kuti usabatwe nehosha kana kuti albumin?
Vamwe vanodaro, vachidavira kuti Magwaro haarambidzi zvakajeka kugamuchira jekiseni romwero wechikamu chiduku, kana kuti rutivi, runotorwa muropa.
Musiki akatanga kuisa parudzi rwose rwomunhu musengwa wokudzivisa kudya ropa: “Mhuka inofamba iri yose iri mhenyu ingabatira sezvokudya nokuda kwenyu . . . Nyama bedzi ine mweya wayo—ropa rayo—hamufaniri kudya.” (Genesi 9:3, 4, NW) Ropa rakanga richiyera uye naizvozvo raigona kushandiswa bedzi muchibairo. Kana risina kushandiswa nenzira iyoyo, raifanira kurasirwa pavhu.—Revhitiko 17:13, 14; Dheuteronomio 12:15, 16.
Iyi yakanga isiri rambidzo yechinguvawo zvayo nokuda kwavaJudha. Kudikanwa kwokurega ropa kwakataurwazve nokuda kwamaKristu. (Mabasa 21:25) Makavapoteredza muUmambo hweRoma, mutemo waMwari waiwanzopunzwa, sezvo vanhu vaidya zvokudya zvakaitwa neropa. Waipunzwawo nokuda kwezvikonzero “zvokurapa;” Tertullian anoshuma kuti vamwe vanhu vainwa ropa vachifunga kuti raigona kurapa pfavi. ‘Ivo vainwa nenyota yamakaro ropa ramatsotsi aiurawa munhandare.’ Iye akawedzera, kuti: “Nyarai nokuda kwenzira dzenyu dzakaipa pamberi pamaKristu, ayo asina kunyange ropa remhuka pazvokudya zvavo.” Zvapupu zvaJehovha nhasi zvakatsunga zvakafanana kusapunza mutemo waMwari, hazvinei hazvo nokuti kunozivikanwa navose sei kuti vamwe vadye zvokudya zvakaitwa neropa. Muma 1940, kuisirwa ropa kwakashandiswa zvakapararira, uye Zvapupu zvakaona kuti kuteerera Mwari kwaida kuti izvo zvidzivisewo kuisirwa ropa, kunyange kana vanachiremba vakakurudzira ikoku.
Pakutanga, kuisirwa ropa kuzhinjisa kwaiva kweropa rakazara. Gare gare, vanzveri vakavamba kuparadzanisa ropa kuva mumativi aro apakuvamba, nokuti vanachiremba vakagumisa kuti murwere akati angasada mativi makuru ose eropa. Kana ivo vakangomupa bedzi rutivi rumwe, kwaizova kune ngozi zvishoma nokuda kwake, uye vanachiremba vaigona kuwana shandiswo huru yeropa rinowanika.
Ropa ravanhu rinogona kuparadzaniswa kuva zvinhu zvitema zvakaitwa namasero nezvinoyerera zveyero (plasma, kana kuti serum). Rutivi rwakaitwa namasero (45 muzana nevhoriyamu) runoitwa naanowanzonzi masero matsvuku, masero machena, uye platelets. Imwe 55 muzana iplasma. Iyoyi i 90 muzana mvura, asi inotakura zvitsama zviduku zvamaprotein akawanda, mahormone, munyu, uye maenzyme. Nhasi, rakawanda reropa rinopiwa rinoparadzaniswa kuva mativi okutanga. Murwere mumwe angaisirwa plasma (zvichida FFP, plasma itsva yakaomeswa nechando) kurapa kukatyamadzwa. Asi murwere asina ropa rakakwana angapiwa masero matsvuku akachengetwa, ndiko kuti, masero matsvuku akanga achengetwa uye ipapo akaiswa muzvinoyerera ndokuisirwa. Maplatelet namasero machena anoiswawo asi kashoma.
Munguva dzeBhaibheri vanhu vakanga vasati vaita unyanzvi hwakadaro hwokushandisa aya mativi. Mwari akangoraira zvake, kuti: ‘Regai ropa.’ (Mabasa 15:28, 29) Asi neiko munhu upi noupi achifanira kufunga kuti kwaizoita musiano kana ropa rakanga rakazara kana kuti rakanga rakaparadzaniswa kuva mativi iwaya? Kunyange zvazvo vamwe vanhu vainwa ropa, maKristu airamba kunyange kana kwakareva rufu. Iwe unofunga here kuti angadai akaita zvakasiana kudai mumwe munhu akanga aunganidza ropa, akaribvumira kuparadzana, uye ipapo akaapa seplasma chete kana kuti rutivi chete rakabumba, zvichida mumasoseji eropa? Nyangwe! Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha hazvigamuchiri kuisirwa ropa rakazara kana kuti mativi aro okuvamba (masero matsvuku, masero machena, maplatelet, kana kuti plasma) anoshandiswa kuita donzo rakafanana.
Sezvinokarakadza mubvunzo, kunyanguvezvo, masaendisiti akadzidza pamusoro pezvikamu zviduku zveropa chaizvo nenzira yokushandisa nayo zvakadaro. Nhau inozivikanwa navose inobatanidza maprotein eplasma—maglobulin, albumin, uye fibrinogen. Sezvingabvira, kushandiswa kwakapararira zvikurusa kwokurapa kwakadaro kubaya jekiseni reglobulin rinodzivisa kubatwa nehosha. Neiko ikoko kuchiitwa?
Muviri wako unogona kubudisa zvinhu zvinorwisana nehosha dzakati, zvichikupa kusabatwa nehosha kunoshanda. Uhu ndihwo hwaro hwokubaya nhomba pachine nguva mberi (toxoid) mukurwisana nepolio, mahumunya, rubella (gwirikwiti), diphtheria-tetanus-pertussis, uye fivhiri yetyphoid. Zvisinei, kana mumwe munhu achangobva kuratidzirwa kuhosha dzakati dzakakomba, vanachiremba vangarumbidza kubaiwa jekiseni reserum (antitoxin) kumupa kusabatwa nehosha nokukurumidza. Kutosvikira misi ichangobva kupfuura iyi majekiseni akadaro akaitwa kupfurikidza nokutora globulin inodzivisa kubatwa nehosha, iyo ine zvinorwisa hosha, zvinobva mumunhu anotova asingabatwi nehosha.a Kusabatwa nehosha kunowanwa mujekiseni hakusati kuri kwechigarire, nokuti zvinorwisa hosha zvapinzwa nejekiseni zvinobuda mumuviri wake pashure penguva yakati.
Nemhaka yomurairo woku‘rega ropa,’ mamwe maKristu akarangarira kuti haafaniri kugamuchira jekiseni reglobulin (protein) rinodzivisa kubatwa nechirwere, kunyange zvazvo chichingova chikamu chiduku cheropa. Chimiro chavo chakajeka uye chakapfava—hapana rutivi rweropa muchimiro chipi nechipi kana kuti chitsama.
Vamwe vakarangarira kuti serum (antitoxin), yakadai seglobulin inodzivisa kubatwa nehosha, ine chikamu chiduku bedzi cheplasma yeropa romupi ndokushandiswa kusimbisa dziviriro yavo pahosha, hakusi kumwe cheteko nokuisirwa ropa kunotsigira upenyu. Naizvozvo hana dzavo dzingasavarambidza kutora globulin inodzivisa kubatwa nehosha kana kuti zvikamu zvakafanana.b Ivo vangagumisa kuti nokuda kwavo chisarudzo chichatsamira zvikurukuru pakuti vanodisa here kugamuchira ngozi dzipi nedzipi dzoutano dzinobatanidzwa mujekiseni rinoitwa neropa ravamwe.
Kunokosha kuti gadziriro yeropa yomukadzi ane pamuviri yakaparadzana neiyo yomwana achangobva kunambwa ari mudumbu make; marudzi eropa ravo anowanzova akasiana. Amai haasati achipinza ropa rake mumwana achangobva kunambwa. Zvinhu zvinoumbwa (masero) zvinobva muropa raamai hazviyambuki muganhu worukuvhute ndokupinda muropa romwana achangobva kunambwa, uyewo plasma seyakadaro. Kutaura idi, kana nekuvadziko ropa raamai neromwana achangobva kunambwa rikasangana, zvinetso zvoutano zvinogona gare gare kutanga (Rh kana kuti kusawirirana kweABO) Zvisinei, zvimwe zvinhu zvinobva muplasma zvinopinda mukutenderera kweropa romwana achangobva kunambwa. Ko maprotein eplasma, akadai seglobulin nealbumin zvinodzivisa kubatwa nehosha zvinodarowo here? Hungu, zvimwe zvinodaro.
Mukadzi ane pamuviri ane kugadzirwa kunoshingaira kupfurikidza nako imwe globulin inodzivisa kubatwa nehosha inobva muropa raamai ichienda kuromwana achangobva kunambwa. Nemhaka yokuti uku kufamba kwomuzvarirwo kwezvinhu zvinorwisa hosha kupinda mumwana achangobva kunambwa kunoitika mukuva napamuviri kwose, vana vanoberekwa vane mwero wakati wokusabatwa nehosha kwomusikirwo kunodzivirira kuhosha dzakati.
Kwakafanana nealbumin, iyo vanachiremba vangarondedzera sokurapwa kwokutyamadzwa kana kuti mimwe migariro yakati.c Vanzveri vakabvumikisa kuti albumin inobva muplasma inotakurwawo, kunyange zvazvo zvisina kunaka zvishoma, kuyambuka rukuvhute ichibva muna amai ichipinda mumwana wake achangobva kunambwa.
Kuti zvimwe zvikamu zveprotein zvinobva muplasma zvinopinda nenzira yomuzvarirwo muropa romumwe munhu (mwana achangobva kunambwa) ingava imwe rangariro apo muKristu anenge achisarudza kana achizogamuchira globulin inodzivisa kubatwa nehosha, albumin, kana kuti majekiseni akafanana ezvikamu zviduku zveplasma. Mumwe munhu angarangarira kuti iye nehana yakanaka anogona; mumwe angagumisa kuti haagoni. Mumwe nomumwe anofanira kupedza nhau yacho somunhu oga pamberi paMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Nerecombinant DNA, kana kuti geneticengineering, unyanzvi, masayendisiti ari kuita zvinhu zvakafanana zvisingaitwi neropa.
b Muenzaniso mumwe iRh globulin inodzivisa kubatwa nehosha, iyo vanachiremba vangarumbidza apo kunenge kune kusawirirana kweRh pakati pomukadzi nomwana wake achangobva kunambwa. Imwe iFactor VIII, iyo inopihwa kuvane ropa risingagwambi.
c Ufakazi hunoratidza kuti zvinoyerera zvinotsiva zvisiri zveropa (zvakadai sehetastarch [HES]) zvinogona kushandiswa nenzira inobudirira kurapa kukatyamadzwa nemimwe migariro iyo albumin solution ingava yakashandiswa kare.