RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 8/15 pp. 20-23
  • Usaregeredza Mukwanyina Wako!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usaregeredza Mukwanyina Wako!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Vakashora?
  • Omerera Kuzvokwadi
  • Kurukurirana Nomukwanyina Wako
  • Simba Romufambiro Wakaisvonaka
  • Mhuri Yenyu Inogona Kufara
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoita Kuti Dzimba Dziparare Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kiyi Mbiri Dzeroorano Inogara
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kuremekedza Wawakaroorana Naye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 8/15 pp. 20-23

Usaregeredza Mukwanyina Wako!

VANYAKUROORANA vari kubva paHoro yoUmambo. Zviso zvinonyemwerera zvomurume nomudzimai zvinoratidzira mufarwa wavanofarikanya se“nyama imwe,” yakabatanidzwa mukunamatwa kwaMwari wavo, Jehovha. (Mateo 19:6) Zvisinei, havana kufarikanya nguva dzose chinzwano ichocho kana kuti kugoverana chitendero chimwe chetecho. Kwaiva nenguva apo mudzimai, Atsuko, aipinda misangano ari oga zvake. Ipapo iye aienda kumusha kuno murume akashatirwa uyo aimupopotera. Murume wake, Kazutaka, akamboshatirwa zvikuru zvokuti akabata tafura yezvokudya zvamadekwana uye, mukusaidzira kumwe, akarasira chirairo chose pasi.

Kungofanana neizvo Jesu akadeya kutaura, chiKristu chechokwadi chakaunza musiano mune dzimwe mhuri. (Mateo 10:34, 35) Bva, kufanana naKazutaka naAtsuko, vamwe zvino vanofarikanya chinzwano chorudzidziso nomufarwa mumusha wavo. Chokwadika, chinzwano chakadaro hachina kungoitika zvacho. Chii chakaita vatendi kukurira chishoro ndokuparira tsinhirano yechokwadi mumhuri? Tisati tanzvera ikoko, ngatimboonei chikonzero nei vamwe vakwanyina vachishora.

Neiko Vakashora?

“Sezvo ndinotarira shure,” anodaro Atsuko, “ndinoziva kuti ndaienda kumisangano ndisina kumbotsanangura zvinhu kumurume wangu.” Asiiwa ari oga asina kuziviswa, Kazutaka aitsamwa.

Marimi echishoro angakurawo nemhaka yeshanje. Mumwe murume muduku, Shigeo, akatanga panikiro dzisina hwaro pamusoro pavasonganiri vatsva vomudzimai wake. “Sezvo mudzimai wangu aizvizora zvinozorwa ndokuenda kumisangano, ndaifunga kuti akanga ane mumwe murume.” “Hatina chaizvoizvo kutongova nebanza rokutaura pakati pedu tiri vaviri,” anobvuma kudaro Masako, mudzimai wake. “Handina kutongoratidzira chishuvo changu chechokwadi chokuti iyewo adzidze zvokwadi yechiKristu.”

Toshiko, mumwe mudzimai anoshanda pamba, akanzwa sezvakaita Shigeo. “Apo murume wangu akavamba kufunda neZvapupu zvaJehovha, ndakaramba nemhaka yokuti akawedzera pashoma napashoma nguva yaaipedza neungano. Ndakavamba kunwa zvinodhaka kuti ndibude mumirangairo yangu apo ainge aenda.”

Kutaura kwaToshiko kwakakarakadza chimwe chikonzero—ushoma. Ndiwo manzwire aiita vaichimbova vashori apo vakwanyina vavo vaienda nguva dzose kumisangano yavo. “Ndiri ndoga mumba, ndainzwa ndasiiwa,” mumwe murume anoyeuka kudaro. “Ndainzwa sokunge mudzimai wangu navana vakanga vachindisiya,” anodaro mumwe. Sezvo varume vazhinjisa vachikuwana kwakaoma kutaura kuti, “Ndiri ndoga, ndapota gara pamusha,” vamwe vanotendeukira kukushora muitiro worudzidziso rwomukwanyina.

Dzvinyiriro inobva kushamwari nehama dzokunyama pane dzimwe nguva ingatungamirira kuchishoro chinobva kumukwanyina anowanzonzwisisa. Kunotaurwa kuti muMabvazuva mudzimai kazhinji kazhinji “anogamuchirwa mumhuri panzvimbo pokubatanidzwa nomurume wake.” Dzvinyiriro inobva kuhama dzokunyama inogona nyore nyore kuparira kusatsinhirana. Mudzimai wechiKristu waTakashi akaramba kutora rutivi mukunamata paatari yemhuri yechiBuddha. “Kuomesa zvinhu,” Takashi anotsanangura kudaro, “taigara pedyo nevabereki vangu. Mai vangu vakandidzvinyirira, naizvozvo ndakatyisidzira mudzimai wangu uye ndakashandisa masimba masimba.”

Kusanzwisisana, kunokudzwa zvikuru nekurukurirano isina kunaka, shanje, ushoma, kana kuti dzvinyiriro inobva kuhama dzokunyama, zvinogona kuva masimba masimba. Mumwe murume aisirova mudzimai wake anobvuma, kuti: “Ndakanga ndisingadi kurasikirwa nemhuri yangu kuti iende kurudzidziso.” Mumwe anoti: “Ndaivenga kuuya kumusha kune imba isina munhu.” Zvichida vakarangarira kuti, ‘Kana mashoko asingagoni kumisa iyi shingairo yorudzidziso, kurova kushomanene kuchadaro.’

Nomufaro, vanyakuroorana vose vadudzwa pamusoro apa gare gare vakabatanidzwa mukunamata. Zvinoitika zvavo zvinoshatirisa zvino zvava zvomunguva yakapfuura. Asi vapfuura nomazviri, vanokwanisa kupa zvikarakadzo zvinoshanda izvo zvingagona kubetsera kuparadza migariro ingava yamasimba masimba uye sezvinobvira kuparira kunamata kwakabatana mumhuri dzichakakamukana muna ikoku.

Omerera Kuzvokwadi

Apo unotambanudza ruoko rwako kuti udhonze munhu ari kunyura mumvura, unofanira kuva nokumira kwakasimba iwe umene. Kana usina, iwewo ungaguma wava mumvura. Nenzira yakafanana, chinhu chikuru kukubetsera mukwanyina wako ndechokuva nokubata kwakasimba pazvokwadi inoponesa upenyu iwe umene. “Apo chishoro changu chakanga chava pakaipisisa pacho,” anodaro mumwe aichimboshora, “mudzimai wangu aingobata vana noruoko ndokuenda kumisangano. Kudai akanga aneta, ndingadai ndakapanikira kuti kutenda kwake kwakanga kuri kwechokwadi.”

Kazutaka, uyo akapidigura tafura yechirairo, anozivisa chakachinja chimiro chake sezvo anotaura nhau yake yose yasara, achiti: “Pakupedzisira, ndakaramba kupa Atsuko mari yokufambisa. Kunyange zvakadaro, iye akaenda kumisangano yose ndokuenda navana. Kuti aite saizvozvo, aitengesa zvinhu zvake amene, pashoma napashoma. Ndakanzwa ndiri benzi ndokurasikirwa nechishuvo chokumushora. Panzvimbo pezvo, ndakavamba kurava magazini ayo iye aisiya panze kuti ini ndione.”

Kurukurirana Nomukwanyina Wako

“Ndaifanira kuve ndakakoka murume wangu kundikumbanira ndokumuita kuti azive kuti ndaida kuti tidzidze Bhaibheri pamwe chete,” anodaro mudzimai waKazutaka, Atsuko. “Iye aindiitira hanya nemhuri. Kurukurirano yakanaka ingadai yakaita zvakawanda kuderedza kuitira hanya kwake.” Hungu, kurukurirano yakanaka ndiyo chinhu chikuru kukunzwisisa. Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Pasingaranganwi mano anokona.” (Zvirevo 15:22) Muno uyu mugariro, “kurangana” nomukwanyina wako pamusoro pemibato yako yorudzidziso kunofanira kuva kwakasanofungwa ndokupindwa makuri nenzira yokungwarira pakutaura. “Uno mwoyo wakachenjera uchanzi wakangwara; uye miromo inotapira inowedzera zivo,” Bhaibheri rinodaro. (Zvirevo 16:23) Kunokosha zvakaenzana kuva akachenjera mukusarudza nguva yakarurama yokutaura.—Muparidzi 3:7.

Mataurire ako zvichida anokosha sechaunotaura. Muapostora Pauro anopa zano, kuti: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.” (VaKorose 4:6) Apo unotaura nenyasha, nenzira yakaisvonaka, mukwanyina wako achava akakombamira zvishoma kuvhara nzeve dzake kuchauchataura.

Varume vazhinji vanokuwana kwakaoma kudzidziswa navadzimai vavo. Naizvozvo vadzimai vanofanira kuva vano unyanzvi. Kikuyo akashandisa zvakanaka zvinyorwa zveWatch Tower Society. Iye anoti: “Nokukurumidza apo Mukai! wangu aisvika nepositi, ndaimunzvera nokuda kwenyaya idzo dzaizofadza murume wangu. Ipapo ndainyengeterera banza rokugoverana naye idzodzo.” Iye aisiya magazini mukamuri rokugezera ndokunzvera mapeji zuva riri rose kuona kana iye akanga arava nyaya. Apo asina kuratidzika kuva anopfuurira kurava, aichinja magazini. Murume waKikuyo zvino ava mubatiri anoshumira uye piona.

Simba Romufambiro Wakaisvonaka

Asi zvakadiniko kana mukwanyina wako asati achida kukurukura rudzidziso newe? Kuva akarovedzana namamwe maKristu kungaderedza chishoro chinotyisa chomukwanyina wako ndokumusunda kufunda Bhaibheri. Masao, zvino ava mukuru, pane imwe nguva akarambidza Zvapupu zvaJehovha kutsika mumusha wake. Iye anoyeuka, kuti: “Pakupedzisira ndakabvuma fundo yeBhaibheri neZvapupu pashure pokunge mudzimai wangu andikumbira kubetsera mukuvaka Horo yoUmambo. Ndakaororwa nokuona munhu wose achishanda pamwe chete nomufaro—pasina muripo.”

Chii chaunogona kuita kana mukwanyina wako achiramba kukurukura rudzidziso nomunhu upi noupi? “Kana vapi navapi vasingateereri shoko,” anokurudzira kudaro muapostora Petro, “vangawanwa pasina shoko nomufambiro wa[vakwanyina] vavo.” Somuenzaniso, rudzii rwomufambiro kumudzimai wechiKristu runogona kuwana murume wake? “Mufambiro wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru” izvo zvinozivisa “munhu akavanzika womwoyo akashonga zvisingaori zvomudzimu wakanyarara nomunyoro,” anodaro Petro.—1 Petro 3:1-4, NW.

Mumwe mudzimai wechiKristu akashandisa iyi nheyo apo murume wake anoshora akabatanidzwa muubhinya. Kunyange zvazvo kwakamuunzira ruzvidzo munzanga neparadziko mumari, haana kunzwa shoko rimwe renyunyuto rakabva kwaari kana kuti kuvana. “Ndakaziva kuti mufambiro wavo wakatanhamara wakanga uri nemhaka yefundo yavo yeBhaibheri,” murume akabvuma kudaro. Pashure pamakore echishoro, iye akavamba kurava Bhaibheri. Vamwe varume avo gare gare vakava Zvapupu vanotaura, kuti: “Ndakanga ndave ndiri murume anotongwa nomudzimai, asi nokukurumidza mudzimai wangu akandiremekedza somusoro wemba.” “Apo vakutsirani vangu vebhizimisi vakauya kumba kwedu, mudzimai wangu aivachingamidza noushamwari. Ndakada izvozvo.”

Mufambiro wakaisvonaka wavanawo unogona kupfavisa mwoyo wavashori. Abvunzwa kuti chii chakachinja chimiro chake, mumwe baba uyo akanga amboshora mudzimai wake akati: “Apo mwanakomana wangu ane makore maviri nehafu okukura aiziva kuti ndakanga ndava kudokurasikirwa nokuzvidzora kwangu, iye aidanidzira nenzwi guru ndokudzokorora, kuti: ‘Rudo rune mwoyo murefu nomutsa.’” (1 VaKorinte 13:4-7) Uyu mukomana akasanodzidziswa akasunda baba vake kunzvera Bhaibheri. Vanababa vazhinji vakasarudza kunzvera Bhaibheri nemhaka yokuti vana vavo vakavakumbira kufunda.

Pakupedzisira, kusvika kwokufara nokwokusetsa kunogona kuita zvishamiso nokuda kwechimiro chomukwanyina wako. Mumwe murume akaudza mudzimai wake anotenda kuti atore chiri chose chaakanga achida ndokubuda panze, zvokusazotongodzokerazve. “Handidi mwana wangu, kana kuti mari, kana kuti zvinhu zvokunyama,” akapindura kudaro mudzimai wake. Ipapo akawarira furoshiki huru (jira rinoshandiswa muJapan kuputirisa nokutakurira zvinhu) ndokuti: “Hapana chinokosha zvikuru kwandiri kupfuura iwe. Iwe pinda mufuroshiki! Ndinoda kuenda newe.” Murume wacho akarega kushora, akavamba kufunda Bhaibheri, uye zvino anobatira somukuru.

Kana ukaomerera kuzvokwadi, ukachengeta kurukurirano yakanaka, ukagovera songaniro yakanaka, uye ukazvibata umene nenzira yakaisvonaka, ungakwanisa kupesvedzera mukwanyina wako kuva mutendi. “Kunyange kana kusingaratidziki sokunge mukwanyina wako ari kuva mutendi,” anodaro aichimbova mushori, “iye angava achichinja pamwoyo.” Naizvozvo usarega. Yeuka kurudziro yomuapostora Pauro kuna vose vane vakwanyina vasingatendi: “Mudzimai, unoziva sei kuti uchaponesa murume wako? Kana kuti, murume, unoziva sei kuti uchaponesa mudzimai wako?”—1 VaKorinte 7:16, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe