Uri Kusvasvavirira Here?
“Kana murume upi noupi achisvasvavirira basa romutariri, anoshuva basa rakaisvonaka.”—1 TIMOTIO 3:1, “NW.”
1. Kuitwa kwenharidzanoi kuri kwoukoshi hukuru pakati peZvapupu zvaJehovha?
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvine nharidzano dzakafanira dzinotungamirirwa nokuitwa nenzira youmwari. Ikoku hakushamisi, sezvo Mwari wazvo aine nharidzano dzakaisvonaka uye nguva dzose achiita madonzo ake. (Isaya 55:8-11) Vabatiri vaJehovha havafaniri kuva vakafanana navanhu vaya vasina nharidzano yakaisvonaka ndokupfuura muupenyu nokusateerera vachiita zvinhu zvishomanene zvokubetsera upi noupi kunze kwavo vamene. Kuitwa kwenharidzano yakaisvonaka yokuzivisa shoko roUmambo nokugoverana navamwe zivo inopa upenyu yeShoko raMwari ndokwoukoshi hukuru kuZvapupu zvaMwari.—Pisarema 119:105; Marko 13:10; Johane 17:3.
2. Inharidzanoi nokuda kwavarume vechiKristu yakadudzwa naPauro pana 1 Timotio 3:1?
2 Musangano raJehovha, munewo dzimwe nharidzano dzakaisvonaka. Muapostora Pauro akadudza imwe yaidzodzi apo iye akanyora, kuti: “Kutaura ikoko kwakatendeka. Kana murume upi noupi achisvasvavirira basa romutariri, anoshuva basa rakaisvonaka.” Murume akadaro anoda kuita chimwe chinhu nokuda kwezvakanaka zvavamwe. Iye anoshuva “basa rakaisvonaka,” kwete upenyu hwokusharanganya nembiri. Imwe shanduro inoti: “Ndokwechokwadi zvikuru kutaura kuti murume anoisa mwoyo wake pautungamiriri ane gwinyiro rinorumbidzwa.”—1 Timotio 3:1, Phillips.
Ngozi Dzavakuru
3, 4. Neiko murume ari kusvasvavirira kuva mutariri achifanira kuchengeta mwoyo wake?
3 Murume anoisa mwoyo wake pakuva mutariri wechiKristu anova ne“gwinyiro rinorumbidzwa” munzirai? Eya, gwinyiro chishuvo chakasimba chokuwana nharidzano yakati. Chokwadi, pane gwinyiro dzakaisvonaka nedzakashata. Asi kana murume achisvasvavirira nokuzvininipisa basa romutariri nemhaka yokuti anoda kubatira vamwe, basa rake rinoitwa nevavariro dzakarurama uye rinogona kuguma nezvikomborero zvomudzimu. Asi anofanira kuchengeta mwoyo wake.—Zvirevo 4:23.
4 Vamwe vanhu vane gwinyiro vanotsvaka mbiri. Vamwe vanoda kutonga vanhu biyavo. Makaro outanhamari kana kuti simba akafanana nomudzi wakaora uyo unogona kuparira kunyange muti wakasimba kuwira pasi. MuKristuwo angagona kutera kugwinyiro rinosundwa zvakaipa rakadaro. (Zvirevo 16:18) “Ndakanyorera chimwe chinhu kuungano,” akadaro muapostora Johane, “asi Dhiotrefe, uyo unoda kuva nenzvimbo yokutanga pakati pavo [“uyo anoda kuva musoro wechinhu chiri chose,” Phillips], haagamuchiri chinhu chipi nechipi chinobva kwatiri noruremekedzo. Ndokusaka, kana ndikauya, ndichayeuka mabasa ake ayo anopfuurira kuita, achitaura pamusoro pedu namashoko akaipa. Uyewo, asingagutswi neizvi zvinhu, iye amene haagamuchiri hama noruremekedzo, uye anodzidzisa avo vanoda kudzigamuchira nokukandira kunze kweungano.” (3 Johane 9, 10, NW) Gwinyiro raDhiotrefe rakanga risati riri rechikristu. Kuzvitutumadza nokurondwa kwegwinyiro resimba pamusoro pavamwe hazvina nzvimbo pakati pavateveri vechokwadi vaJesu.—Zvirevo 21:4.
5. Vatariri vanofanira kutarisira mabasa avo nechimiroi?
5 Mutariri wechiKristu anotarisira mabasa ake nevavariro yakarurama haasati achizoronda gwinyiro dzoudyire. Iye acharangarira iri basa rakaisvonaka routariri hwechiKristu seropafadzo yakapiwa naMwari uye achafudza boka raMwari “asingarovererwi, asi nomwoyo unoda nokuda kwaMwari; asingazviiti nokuda kwokukarira pfuma yakaipa, asi nokudisa; asingaiti nesimba nezvaakagoverwa, asi ave [muenzaniso] kuboka.” (1 Petro 5:2, 3) Hungu, vatariri vanofanira kudzivisa kukudziridza rudado nokutsvaka kushandisa simba nenzira yakaipa.
6. Neiko mukuru asingafaniri kuremedza vanhu vaMwari?
6 Mukuru haafaniri kuremedza mamwe maKristu, nokuti iye mushandi biyavo wawo, kwete ‘tenzi pakutenda kwavo.’ (2 VaKorinte 1:24) Apo vaapostora vakati vakatsvaka utanhamari, Jesu akati: “Munoziva kuti machinda avahedheni anovaraira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave muranda wenyu. Zvakaita soMwanakomana womunhu usina kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” (Mateo 20:20-28) Mukuru haazati ari Mufudzi Mukuru asi bedzi mufudzi muduku. Kana akaremedza boka, anoratidzira mudzimu worudado. Kuvadziko yaizovapo zvikurukuru kana iye akanyengedza vamwe kumubetsera kufambisira mberi gwinyiro dzake dzorudado. Chirevo chinoti: “Mumwe nomumwe, uno mwoyo unozvikudza, unonyangadza Jehovha; zvirokwazvo, haangakoni kurohwa.”—Zvirevo 16:5.
7, 8. (a) Neiko kuri madikanwa kuti vakuru vechiKristu vazvininipise? (b) Ipa muenzaniso womukuru anozvininipisa.
7 Naizvozvo vakuru vechiKristu vanofanira ‘kuzvininipisa vamene pasi poruoko rwune simba rwaMwari.’ Rudado runomira munzira yokushandisika mumudzimu, nokuti vanozvininipisa bedzi vari mumugariro wakafanira womwoyo nendangariro wokuita kuda kwoumwari. “Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.” (1 Petro 5:5, 6) Hungu, Jehovha anokomborera vane mwoyo unozvininipisa. Varume vanokwanirisa vanogadzwa kubva pakati paivava kubatira savakuru vechiKristu.
8 Nhau yomuzuva razvino uno yeZvapupu zvaJehovha yakazadzwa nenhauro dzebasa rokuzvininipisa rinoitwa navanhu vamwe navamwe voumwari. Somuenzaniso, rangarira W. J. Thorn aiva munyoro, aichimbova mupilgrim, kana kuti mutariri anofambira, uye mushandi wapaBheteri wenguva refu. Pamusoro pake, mumwe muKristu akati: “Handisati ndichizotongokanganwa kutaura uko Hama Thorn akaita uko kwakandibetsera kusvikira kuzuva rino. Iye akati, uye ndinonokora mashoko, ‘Panguva ipi neipi ndinofunga zvikuru kwazvo nezvangu ndimene, ndinozviisa ndimene mukona, sokunge zvakadaro, ndokuti: “Iwe munhu asina maturo. Chii chaunacho chokudada nacho?”’” Ivara rinorumbidzwa zvakadini rokuti vakuru navamwe varatidzire! Yeuka, “mubairo wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.”—Zvirevo 22:4.
Chishuvo Chakapiwa naMwari Chokubatira
9. Neiko kuchigona kutaurwa kuti chishuvo chokubatira somutariri chinopiwa naMwari?
9 Ko chishuvo chokubatira somutariri chakapiwa naMwari here? Hungu, nokuti mudzimu waJehovha unogovera sundo, ushingi, uye simba zvokumuitira basa rinoyera. Somuenzaniso, chii chakaitika apo vateveri vakatambudzwa vaJesu vakanyengeterera ushingi hwokuparidzira? “Nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazununguswa; vakazadzwa vose no[mudzimu mutsvene, NW], vakataura shoko raMwari vasingatyi.” (Mabasa 4:27-31) Sezvo mudzimu mutsvene wakaparira miuyo yakadaro, unogonawo kusunda munhu kusvasvavirira.
10. (a) Ndechipi chiri chikonzero nei murume wechiKristu angave asingasvasvaviriri? (b) Kana Mwari akatipa ropafadzo yebasa, tinogona kuva nechokwadi nezvechii?
10 Neiko muKristu akakura mumudzimu angave asingasvasvaviriri? Iye angava ari munhu womudzimu asi achinzwa achiperevedza. (1 VaKorinte 2:14, 15) Chokwadika, tinofanira kuva nomurangariro wokuzvininipisa wedu timene, tichiziva ganhuriro dzedu. (Mika 6:8) Panzvimbo pokufunga nokuzvitutumadza kuti takakwaniriswa zvikurusa nokuda kwomutoro wakati, kwakanaka kuyeuka kuti “uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.” (Zvirevo 11:2) Asi tinofanirawo kuziva kuti kana Mwari akatipa ropafadzo yebasa, iye achagoverawo simba rinodikanwa kuriita. Sokutaura kwakaita Pauro: “Ndingaita zvose naiye unondipa simba.”—VaFiripi 4:13.
11. Chii chinogona kuitwa nomuKristu uyo asiri kusvasvavirira nemhaka yokuti anonzwa asina uchenjeri hwakakwana hwokupa zano?
11 MuKristu angasasvasvavirira nemhaka yokuti anonzwa kuti anoperevedza uchenjeri hwakakwana hwokupa zano. Eya, zvichida iye anogona kuwana uchenjeri kupfurikidza nokuva mudzidzi anoshingaira zvikuru weShoko raMwari, uye zvamazvirokwazvo iye anofanira kunyengeterera uchenjeri. Jakobho akanyora, kuti: “Kana mumwe wenyu achishaiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, unongopa vose asingazotuki; uchapiwa hake. Asi ngaakumbire nokutenda asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa mutswa. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti uchazowana chinhu kuna [Jehovha, NW]; munhu, une mwoyo miviri, unoshanduka shanduka panzira dzake dzose.” (Jakobho 1:5-8) Mumhinduro kumunyengetero, Mwari akapa Soromoni “mwoyo wakachenjera nounonzwisisa” uyo wakamugonesa kunzwisisa pakati pezvakanaka nezvakaipa pakutonga. (1 Madzimambo 3:9-14, NW) Chinoitika chaSoromoni chakanga chiri chaicho, asi nefundo yokushingaira nebetsero yaMwari, varume vakaronzeswa mutoro weungano vanogona kupa zano vamwe nenzira yakarurama. “Jehovha amene anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo nenzwisiso.”—Zvirevo 2:6, NW.
12. Kana murume asiri kusvasvavirira nemhaka yefunganyo, chii chinogona kumubetsera?
12 Mwero wakati wefunganyo ungadzivisa murume kusvasvavirira. Iye angafunga kuti haasati achizokwanisa kutakura mutoro unorema wokuva mukuru. Kunyange Pauro akabvuma, kuti: “Ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe, nokurangarira [ungano, NW] dzose.” (2 VaKorinte 11:28) Asi muapostora aiziva chokuita pakuwana funganyo, nokuti iye akanyora, kuti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Hungu, munyengetero nechivimbo muna Mwari zvinogona kubetsera kuderedza funganyo.
13. Murume anganyengetera sei kana iye asina kugadzikana pamusoro pokusvasvavirira?
13 Kana funganyo yakati ikapfuurira, murume asina kugadzikana pamusoro pokusvasvavirira anganyengetera sezvakaita Dhavhidhi, kuti: “Ndinzverei, Haiwa Mwari, uye zivai mwoyo wangu. Ndinzverei, uye zivai mifungo yangu inotambudza, uye onai kana paine nzira ipi neipi inorwadza mandiri, uye nditungamirirei munzira yokunguva isingazivikanwi.” (Pisarema 139:23, 24, NW) Chipi kana chipi chingava chimiro chemifungo yedu “inotambudza” kana kuti “yokufunganya,” Mwari anogona kutibetsera kugonana nazvo zvokuti tinogona kuita fambiro mberi yomudzimu. (Ona The New International Version.) Kunosanotaurwa murimwe pisarema, kuti: “Panguva yandakati: ‘Rutsoka rwangu rwotedzemuka;’ ngoni dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira. Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu, kunyaradza kwenyu kunopfuura mweya wangu.”—Pisarema 94:18, 19.
Batira Nomufaro Sokuda kwaJehovha
14. Neiko murume uyo asati ari kusvasvavirira achifanira kunyengeterera mudzimu mutsvene waMwari?
14 Kana murume wechiKristu akakundikana kusvasvavirira nemhaka yefunganyo, kunzwa kwokuperevedza, kana kuti kushaikwa kwesundo, zvamazvirokwazvo kwaizova kwakakodzera kunyengeterera mudzimu waMwari. Jesu akati: “Kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei [mudzimu mutsvene, NW] vanokumbira kwavari!” (Ruka 11:13) Sezvo rugare nokuzvidzora zviri pakati pezvibereko zvomudzimu, uyu mudzimu unogona kutibetsera kugonana nefunganyo kana kuti kunzwa kwokuperevedza.—VaGaratia 5:22, 23.
15. Minyengetero yorudzii inogona kubetsera avo vasina sundo yokuzviita vamene vanowanika nokuda kwamaropafadzo ebasa?
15 Zvakadiniko nokushaikwa kwesundo? SamaKristu akabhapatidzwa, tinofanira kunyengetera kuti Mwari achatiita kuti tiite zvinomufadza. Dhavhidhi akakumbira, kuti: “Ndiitei kuti ndizive nzira dzenyu, Haiwa Jehovha . . . Ndiitei kuti ndifambe muzvokwadi yenyu uye ndidzidzisei.” (Pisarema 25:4, 5, NW) Minyengetero yakadai souyu ichatibetsera kudzivisa nzira isina kururama, uye tinogona kunyengetera nenzira yakafanana kana tisina sundo yokusvasvavirira. Tinogona kukumbira Jehovha kutiita kuti tide kugamuchira maropafadzo ebasa. Kutaura idi, kana tikanyengeterera mudzimu waMwari ndokutera kunhungamiro yawo, nenzira isingapanikirwi tichazviita timene vanowanika kana maropafadzo ebasa akatigoverwa. Pashure pokurangarira zvose, vabatiri vaMwari havasati vachizotongoda kudzivisa mudzimu wake munzira ipi neipi.—VaEfeso 4:30.
16. Chimiroi chinogovera sundo yakasimba yokusvasvavirira mutoro weungano?
16 Zvatine “ndangariro yaKristu,” tinowana mufaro mukuita kuda kwoumwari. (1 VaKorinte 2:16, NW) Jesu akanga aine chimiro chimwe chetecho nechowezvamapisarema, uyo akati: “Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; zvirokwazvo murairo wenyu uri mumwoyo wangu.” (Pisarema 40:8) Kristu akati: “Tarirai, ndauya kuzoita kuda kwenyu,” uye ikoku kwakasvikira kurufu rwapadanda rokutambudzira. (VaHebheru 10:9, 10) Chishuvo chokuita chinhu chiri chose chinobvira mubasa raJehovha chinogovera sundo yakasimba yokusvasvavirira mutoro weungano.
Tarira Kunguva Yemberi
17. (a) Neiko varume vasiri kubatira zvizere zvino sezvavakamboita vasingafaniri kuodzwa mwoyo? (b) Ndeipi iri ropafadzo hurusa yadzose?
17 Nemhaka yezvinetso zvougwinyi kana kuti nokuda kwezvimwe zvikonzero, vamwe avo vakambotarisira mabasa anokosha eungano panguva ino havana maropafadzo akadaro. Ivava havafaniri kuodzwa mwoyo. Tinoziva kuti varume vazhinji vakatendeka vasingachakwanisi kubatira zvizere sezvavakamboita vachakamira vakatsiga savachengeti veperero. (Pisarema 25:21) Zvamazvirokwazvo, vakuru vanozvininipisa venguva refu vanogona kupfuurira kuita kuti ruzivo rwavo rwokuzviwanira ruwanike kupfurikidza nokurambira mumutumbi wavakuru. Kunyange zvazvo vachiganhurirwa nezera kana kuti kusakwanisa, havafaniri kurega. Munguvayi, Chapupu chimwe nechimwe chaJehovha ngachikoshese ropafadzo yakaisvonaka kupfuura dzose, iya yo‘kutaura pamusoro pokubwinya kwoumambo hwaMwari’ savatsigiri vezita rake dzvene.—Pisarema 145:10-13.
18. (a) Kana mukuru kana kuti mubatiri anoshumira akabviswa, chii chingadikanwa? (b) Chimiroi chakaisvonaka icho mumwe mukuru akabviswa akaratidzira?
18 Kana iwe pane imwe nguva wakanga uri mukuru kana kuti mubatiri anoshumira asi zvino usati uchibatira munzvimbo iyoyo, iva nechokwadi chokuti Mwari achiri kukuitira hanya, uye zvichida iye achakupa maropafadzo asingakarirwi munguva yemberi. (1 Petro 5:6, 7) Kana uchida kuita chinjo dzakati, iva anodisa kubvuma chikanganiso ndokushandira pachiri nebetsero yaMwari. Vamwe avo vakabviswa savakuru vakagamuchira chimiro chisati chiri chechikristu, uye vashomanene vakava vasingaiti basa kana kuti vakabva muzvokwadi. Asi kuchenjera sei kuva akafanana naavo vakaratidzira mudzimu wakaisvonaka! Somuenzaniso, apo mumwe mukuru uyo akanga abatira kwamakore muCentral America akabviswa, iye akati: “Kunondirwadza zvikuru kwazvo kuva ndakarasikirwa neropafadzo iyo ndakakoshesa kwenguva yakareba kwazvo kudaro. Asi ndichashanda nesimba munzira ipi neipi umo hama dzingada kundishandisa ndokushanda kuti ndiwanezve maropafadzo angu ebasa.” Pashure penguva yakati, iyi hama yakaropafadzwa kubatira somukuru zvakare.
19. Izanoi rakakodzera rinopiwa kuhama yakabviswa somukuru kana kuti mubatiri anoshumira?
19 Kana wakabviswa somukuru kana kuti somubatiri anoshumira, ipapoka, chengeta mudzimu wokuzvininipisa. Dzivisa chimiro chakakasharara icho chisingazokukwanirisi nokuda kwamaropafadzo omunguva yemberi. Mudzimu woumwari unowana ruremekedzo. Panzvimbo pokuva anoodzwa mwoyo, rangarira kuti Jehovha ari kukomborera sei ushumiri hwako kana kuti imba yako. Vaka mhuri yako mumudzimu, shanyira vanorwara, uye kurudzira vakaneta. Kupfuura zvose, koshesa ropafadzo yako yokurumbidza Mwari nokuzivisa mashoko akanaka somumwe weZvapupu zvaJehovha.—Pisarema 145:1, 2; Isaya 43:10-12.
20. Mutumbi wavakuru ungakwanisa sei kubetsera aichimbova mutariri kana kuti mubatiri anoshumira?
20 Mutumbi wavakuru unofanira kuziva kuti kubvisa kungaparira funganyo nokuda kweaichimbova mutariri kana kuti mubatiri anoshumira, kunyange kana iye akarega ropafadzo yacho nokuzvidira. Kana iye asina kudzingwa, asi vakuru vachiona kuti hama yacho yaora mwoyo, vanofanira kugovera betsero yorudo yomudzimu. (1 VaTesaronika 5:14) Vanofanira kumubetsera kuziva kuti anodikanwa muungano. Kunyange kana zano rave richidikanwa, kungasava nguva refu zvikuru murume anozvininipisa naanoonga asati agamuchirazve maropafadzo akawedzerwa ebasa muungano.
21. Ndivanaani vakamirira maropafadzo ebasa, uye chii chinokarakadzwa kuna avo vakaamirira nhasi?
21 Kana uri kusvasvavirira, ungafanira kumirira kwechinguva pamberi pokugamuchira mamwe maropafadzo ebasa. Usava asingashiviriri. Mosesi akamirira kwamakore 40 Mwari asati amushandisa pakusunungura vaIsraeri muubatwa hweEgipita. (Mabasa 7:23-36) Pamberi pokugadzwa somutsivi waMosesi, Joshua akabatira kwenguva refu somurindiri wake. (Eksodho 33:11; Numeri 27:15-23) Dhavhidhi akamirira kwenguva yakati pamberi pokuiswa pachigaro choumambo chaIsraeri. (2 Samueri 2:7; 5:3) Petro naJohane Marko sezviri pachena vakapfuura nomunhambo dzokunatsa. (Mateo 26:69-75; Johane 21:15-19; Mabasa 13:13; 15:36-41; VaKorose 4:10) Naizvozvo kana usati uine mabasa eungano zvino, Jehovha angave ari kukubvumira kuumbwa kupfurikidza nokuwana ruzivo rwokuzviwanira rukuru. Pasinei zvapo nechipi kana chipi, tsvaka betsero yaMwari sezvaunosvasvavirira, uye iye achakukomborera namaropafadzo okuwedzera ebasa. Munguvayi, shanda nokushingaira kuti ukwanirise nokuda kwomutoro weungano ndokuratidzira mudzimu waDhavhidhi, uyo akazivisa, kuti: “Muromo wangu uchataura rumbidzo yaJehovha; uye nyama yose ngairumbidze zita rake dzvene kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.”—Pisarema 145:21, NW.
Waizopindura Sei?
◻ Vakuru vechiKristu vanofanira kungwarira ngozii?
◻ Chii chinogona kubetsera avo vasingasvasvaviriri nemhaka yefunganyo kana kuti kunzwa kwokuperevedza?
◻ Chii chinogona kusunda munhu kuzviita amene anowanika nokuda kwomutoro weungano?
◻ Vaichimbova vakuru navabatiri vanoshumira vanofanira kutarira kunguva yemberi nechimiroi?
[Mufananidzo uri papeji 19]
W. J. Thorn akagadza muenzaniso wakaisvonaka somukuru anozvininipisa
[Mufananidzo uri papeji 21]
Kufanana naJesu, ko iwe unodisa kuita chinhu chiri chose chinobvira mubasa raJehovha here?