Chii Chakaitika Kuhunhu?
“Neiko kuchidaro kuti tine vana vanoitirwa utsinye muzera rino? Neiko kuchidaro kuti tine mhuka dzinoitirwa utsinye? Neiko kuchidaro kuti tine masimba masimba? . . . Neiko kuchidaro kuti vanhu vanovamba ugandanga? Neiko kuchidaro kuti vanhu vanovamba kunwa mirimo? . . . Neiko, apo unenge une chinhu chiri chose, vamwe vanhu vachitendeukira kuzvinhu zviya zvikuru zvinosekesa shambidziko yose?”
MIBVUNZO iyoyo yakabvunzwa zvinonzwika negurukota guru reBritain. Iwe zvichida wakabvunza mibvunzo yakafanana kakawanda. Wati wawana mhinduro dzipi nedzipi dzinogutsa here?
Richiita kuti mibvunzo yaro inzwisiswe, gurukota guru rakati: “Kwamakore apo ndakanga ndiri muduku uye ndiri mumatongerwe enyika netariro dzangu dzose nezvinetso negwinyiro, kwairatidzika kwandiri nokuvazhinji vavabiyangu kuti kana tikawana zera umo tinova nedzimba dzakanaka, dzidzo yakanaka, mupimo une mufungo wokurarama, ipapo chinhu chiri chose chaizova charongwa uye tinofanira kuva nenguva yemberi yakanaka neiri nyore zvikuru. Tinoziva zvino kuti ikoko hakuna kudaro. Tiri kurwisana nezvinetso chaizvoizvo zvohunhu.”—Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.
Hunhu hunogona kurondedzerwa so“mubatanidzwa wezvimiro zvikuru namavara zvavanhu.” Sezvinooneka, zvimiro zvinorwisana namavara zvinogona kuparira zvinetso pamwero womunhu oga, worudzi, kana kuti kunyange wamarudzi ose. Asi hunhu hunofanira kushorwa chaizvoizvo kusvikira patambanukoi nokuda kwekombamiro dzine ngozi dzanhasi mumasimba masimba, ugandanga, kutengesa mirimo, uye zvakafanana?
Ko hunhu hunofanira kushorwa chose chose here nokuda kwemigariro inotyisidzira ku“sekesa shambidziko yose”? Kana kuti pane zvimwe zvinhu here zvatinofanira kurangarira kuti titsanangure nei vanhu vachikombamira nenzira iri nyore kwazvo kumiitiro inoshatisa, youdyire apo ivo vangagona kushuva zvirondwa zvakakwirira zvikuru, zvakaisvonaka zvikuru? Ngationei.