RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 11/1 pp. 18-22
  • Basa Rezviremera Zvikuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Basa Rezviremera Zvikuru
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MaKristu Echokwadi‘Haashori Chiremera’
  • Kuteerera Mutemo
  • Chinhu Chinotyiwa
  • “Ndiye Mushumiri waMwari”
  • Dikanwo Yokutenda
  • Apo Hurumende Inenge Isati Ichizobetsera
  • Murangariro wechiKristu Wechiremera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Murangariro womuKristu Wezviremera Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Chiremera Chaani Chaunofanira Kuziva?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Kuremekedza Vane Simba—Nei Kuchikosha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 11/1 pp. 18-22

Basa Rezviremera Zvikuru

“Nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya.”—VAROMA 13:4.

1, 2. Vazhinji vari muchiKristudhomu vakabatanidzwa sei mumibato yokumukira?

MAKORE maviri apfuura kuungana kwamabhishopi muLondon kwakanyandura chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau chakatsamwa muNew York Post. Kuungana kwacho kwaiva Lambeth Conference, yakapindwa namabhishopi anopfuura 500 ekomuniyoni yeAnglican. Kutsamwa kwacho kwakanyandurwa nechisarudzo chakaitwa nomusangano chinoratidzira kunzwisisa nokuda kwavanhu “avo, pashure pokupedza mimwe mitoo yose, vanosarudza nzira yokurwa nezvombo senzira bedzi yokururamisiro.”

2 Post yacho yakataura kuti ikoku kwakanga kuri, chaizvoizvo, kubvumirwa kwougandanga. Zvisinei, mabhishopi aingoteverawo zvawo kombamiro inokura. Chimiro chavo chakanga chisina kusiana neicho chomuprista weKaturike muGhana uyo akarumbidza hondo yougandanga senzira yokukurumidzisa, yechokwadi zvikurusa, uye yakakotsekana zvikurusa yokusunungura nayo Africa; kana kuti kwabhishopi weMethodist weAfrica akaita mhiko yokusvitsa “hondo yorusununguko kumugumo unorwadza”; kana kuti kwavafundisi vakawanda vechiKristudhomu vakarwa navapanduki mukurwisa hurumende dzakagadzwa muAsia neSouth America.

MaKristu Echokwadi‘Haashori Chiremera’

3, 4. (a) Inheyoi dziri kuputswa navanonzi maKristu vanosimudzira kumukira? (b) Chii chakawana mumwe munhu pamusoro peZvapupu zvaJehovha?

3 Muzana rokutanga ramakore, Jesu akati nezvavateveri vake: “Havasati vari rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johane 17:14, NW) Upi noupi anonzi muKristu anosimudzira kumukira rutivi zvikuru kwazvo rwenyika. Iye haasi muteveri waJesu; uyewo haasi “kuzviisa pasi pezviremera zvikuru.” (VaRoma 13:1, NW) Angaita zvakanaka kuteerera nyevero yomuapostora Pauro yokuti “uyo unoramba simba unodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa vachagamuchira rutongeso rwavo vamene.”—VaRoma 13:2, NW.

4 Mukupesana navakawanda vari muchiKristudhomu, Zvapupu zvaJehovha hazvina chokuita namasimba masimba akashongedzerwa nezvombo. Mumwe murume muEurope akawana ikoku. Iye anonyora, kuti: “Pakuona icho rudzidziso nezvamatongerwe enyika zvakaita, ndakazvipira kukupidigura nhevedzano yenzanga yakagadzwa. Ndakakumbanira boka ramagandanga ndokugamuchira rovedzo mukushandiswa kwamarudzi ose ezvombo; ndakagoverana mukuba ndakashongedzerwa nezvombo kakawanda. Upenyu hwangu hwakanga huri mungozi yenguva dzose. Sezvo nguva yakapfuura, kwakava pachena kuti takanga tichirwa hondo yokukundwa. Ndakanga ndiri murume akavhiringidzika, akakurirwa nokusava netariro zvachose chose muupenyu. Ipapo Chapupu chakagogodza pasuo redu. Chakandiudza nezvoUmambo hwaMwari. Ndichitaura kuti uku kwakanga kuri kupambadzwa kwenguva yangu, ndakakarakadza kuti mudzimai wangu ateerere. Akaita kudaro, uye fundo yeBhaibheri yapamusha yakatangwa. Pakupedzisira, ndakabvuma kupinda fundo yacho. Mashoko anokundikana kutakura nyaradzo yandakanzwa mukunzwisisa simba rinosunda rinosundira rudzi rwomunhu kuzvakaipa. Chipikirwa chinoshamisa choUmambo chakandipa tariro inotsigira nedonzo muupenyu.”

5. Nei maKristu achiramba achizviisa pasi pezviremera zvikuru nenzira ine rugare, uye ikoku kuchava kwakadaro kusvikira rini?

5 MaKristu vanyayi kana kuti nhume dzaMwari uye dzaKristu. (Isaya 61:1, 2; 2 VaKorinte 5:20; VaEfeso 6:19, 20) Savakadaro, vanoramba vasingatori rutivi murwisano dzenyika ino. Kunyange zvazvo mamwe masangano ezvamatongerwe enyika achiratidzika kuva anobudirira zvikuru mune zvemari kupfuura mamwe, uye mamwe achibvumira rusununguko rwakawanda kupfuura mamwe, maKristu haasimudziri kana kuti kuisa sangano rimwe pamusoro perimwe. Anoziva kuti masangano ose haana kukwana. “Igadziriro yaMwari” kuti iwaya apfuurire kuvapo kutozosvikira Umambo hwake hwodzora. (Dhanieri 2:44) Nokudaro, maKristu nenzira ino rugare anoramba ari pasi pezviremera zvikuru paanenge achisimudzira garikano isingagumi yavamwe kupfurikidza nokuparidzira mashoko akanaka oUmambo.—Mateo 24:14; 1 Petro 3:11, 12.

Kuteerera Mutemo

6. Nei mitemo yakawanda yavanhu yakanaka kunyange zvazvo “nyika yose iri musimba rowakaipa”?

6 Hurumende dzamarudzi dzinogadza mitemo, uye mizhinjisa yemitemo iyoyi yakanaka. Ikoku kunofanira kutishamisa here, nemhaka yeidi rokuti “nyika yose iri musimba rowakaipa”? (1 Johane 5:19, NW) Aiwa. Jehovha akapa baba vedu vokutanga, Adhama, hana, uye iyi pfungwa yomuzvarirwo yechakarurama nechisakarurama inoratidzirwa munzira dzakawanda mumitemo yavanhu. (VaRoma 2:13-16) Hammurabi, mupi wemitemo weBhabhironi rekare, akasuma bumbiro rake remitemo sezvinotevera: “Panguva iyoyo [ivo] vakandisarudza kusimudzira garikano yavanhu, ini, Hammurabi, muchinda wapachokwadi, anotya Mwari, kuparira ruramisiro kutekeshera munyika, kuparadza vakaipa navakashata, kuti vane simba vasadzvinyirire vasina simba.”

7. Kana mumwe munhu akaputsa mutemo, ndiani ane maruramiro okumuranga, uye nei?

7 Hurumende zhinjisa dzingataura kuti donzo remitemo yadzo rakafanana: kusimudzira garikano yavagari vemo nenhevedzano munzanga. Nokudaro, dzinoranga zviito zvinorwisana nenzanga, zvakadai sokuuraya nokuba, uye kuisa mirau, yakadai seganhuriro dzokumhanya uye mitemo yokupaka. Vapi navapi vanoputsa noune mitemo yadzo vanorwisana nechiremera uye “vachagamuchira rutongeso kwavari vamene.” Rutongeso kubva kunaaniko? Kwete hazvo kubva kuna Mwari. Shoko rechiGiriki pano rinoshandurwa kuti rutongeso rinogona kunongedzera kumiitiro yehurumende panzvimbo pamarutongeso anoitwa naJehovha. (Enzanisa na 1 VaKorinte 6:7.) Kana ani naani akaita zvisiri pamutemo, chiremera chikuru chine maruramiro okumuranga.

8. Ungano ichaita sei kana mutezo ukapara mhaka yakakomba?

8 Zvapupu zvaJehovha zvine mukurumbira wakanaka wokusashora zviremera zvavanhu. Kana kukaitika kuti mumwe munhu ari muungano anoputsa mutemo, ungano haisati ichizomubetsera kunzvenga chirango chapamutemo. Kana ani naani achiba, achiuraya, achishora, achibiridzira mitero yake, achibata chibharo, achikorovhera, achishandisa mirimo isiri pamutemo, kana kuti muimwe nzira ipi neipi achishora chiremera chapamutemo, iye achatarisana nechirango chakakomba chinobva kuungano—uye haafaniri kunzwa achitambudzwa apo anorangwa nechiremera chenyika.—1 VaKorinte 5:12, 13; 1 Petro 2:13-17, 20.

Chinhu Chinotyiwa

9. Ibetseroi iyo maKristu anayo nenzira yakafanira kana akatyisidzirwa navanhu vasingateereri mutemo?

9 Pauro anopfuuridzira kurukurirano yake yezviremera zvikuru, achiti: “Nokuti vabati havatyisi unobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya [chiremera, NW] here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa nacho.” (VaRoma 13:3) Haasati ari maKristu akavimbika anofanira kutya chirango chinobva kuchiremera asi vanoita zvakaipa, avo vanoita ‘zviito zvakaipa,’ mabasa outsotsi. Apo zvinotyisidzirwa navanhu vasingateereri mutemo vakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvingagamuchira nenzira yakakodzera kubva kuchiremera dziviriro yamapurisa kana kuti yamauto.—Mabasa 23:12-22.

10. Zvapupu zvaJehovha ‘zvakagamuchira rumbidzo’ sei kubva kuchiremera?

10 KumuKristu anochengeta mutemo wechiremera chikuru, Pauro anoti: “Unorumbidzwa nacho.” Somuenzaniso waikoku, rangarira tsamba dzakagamuchirwa neZvapupu zvaJehovha muBrazil pashure pekokorodzano dzazvo dzeruwa. Kubva kumukuru webato remanisiparati remitambo: “Rumbidzo hurusa yakafanirwa nokuda kwomufambiro wenyu uno rugare. Kunonyaradza munyika yanhasi yanetseka kuziva kuti vakawanda kwazvo vachiri kudavira ndokunamata Mwari.” Kubva kumutungamiriri wenhandare yemanisiparati: “Pasinei zvapo nechiverengero chikuru zvikuru chavapinda, hapana chakaitika chakanyorwa kusvibisa chinoitika chacho, kuonga kusangano risina mhaka.” Kubva kuhofisi yameya: “Tinoda kutora banza iri kukukorokotedzai pamusoro pokuva kwenyu nenhevedzano uye chirango chinoshamisa, chokudisa, uye tinokushuvirai kubudirira kuri kwose muzvinoitika zvenguva yemberi.”

11. Nei kuparidzirwa kwamashoko akanaka kusingagoni kutaurwa munzira ipi neipi kuti chiito chakashata?

11 Kutaura kwokuti “basa rakanaka” kunonongedzera kumabasa mukuteerera mitemo yezviremera zvikuru. Mukuwedzera, basa redu rokuparidzira, iro rinorairwa naMwari, kwete nomunhu, harisi chiito chakashata—pfundo iro zviremera zvamatongerwe enyika zvinofanira kuziva. Ibasa rinoitirwa vose rinosimudzira mwero wetsika dzaavo vanogamuchira. Naizvozvo, itariro yedu kuti zviremera zvikuru zvichadzivirira maruramiro edu okuparidzira kuvamwe. Pauro akakwirira kuzviremera kuti asimbise nenzira yapamutemo paridzirwo yamashoko akanaka. (Mabasa 16:35-40; 25:8-12; VaFiripi 1:7) Misi ichangobva kupfuura iyi, Zvapupu zvaJehovha zvakatsvaga nenzira yakafanana ndokuwana zivikanwo yapamutemo yebasa razvo muEast Germany, Hungary, Poland, Romania, Benin, uye Myanmar (Burma).

“Ndiye Mushumiri waMwari”

12-14. Zviremera zvikuru zvakashanda sei somushumiri waMwari (a) munguva dzeBhaibheri? (b) munguva dzazvino uno?

12 Achitaura nezvechiremera chenyika, Pauro anopfuurira, kuti: “Ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya: nokuti iye haabati munondo pasina, nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kuno unoita zvakaipa.”—VaRoma 13:4.

13 Zviremera zvamarudzi zvakabatira pane dzimwe nguva savashumiri vaMwari munzira chaidzoidzo. Koreshi akaita saizvozvo apo akaraira vaJudha kudzokera kubva Bhabhironi ndokuvakazve imba yaMwari. (Ezra 1:1-4; Isaya 44:28) Artashasta akanga ari mushumiri waMwari apo akatuma Ezra nomupiro wokuvakwazve kweimba iyoyo uye gare gare apo akatuma Nehemia kuvakazve masvingo eJerusarema. (Ezra 7:11-26; 8:25-30; Nehemia 2:1-8) Chiremera chikuru cheRoma chakabatira saizvozvo apo chakasunungura Pauro munyongori muJerusarema, chakamudzivirira mukati mokupunzika kwechikepe, uye chakamurongera kuti ave neimba yake amene muRoma.—Mabasa 21:31, 32; 28:7-10, 30, 31.

14 Nenzira yakafanana, zviremera zvenyika zvakabatira savashumiri vaMwari munguva dzazvino uno. Muna 1959, somuenzaniso, Dare rapaMusoro reCanada rakasarudza kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha akapomerwa muQuebec kuparadzira kutaura kwokupandukira nokwokuzvidza akanga asina mhaka—nokudaro richikurira fungira mano yakaipa yegurukota guru rapanguva iyeyo reQuebec, Maurice Duplessis.

15. Munzirai inozivikanwa zvikuru umo zviremera zvinoita somushumiri waMwari, uye ikoku kunozvipa maruramiroi?

15 Uyezve, munzira inozivikanwa zvikuru, hurumende dzamarudzi dzinobatira somushumiri waMwari kupfurikidza nokuchengeta nhevedzano yavose kusvikira Umambo hwaMwari hwatora mutoro iwoyo. Mukuwirirana naPauro, neiri donzo chiremera “chinobata munondo,” kuratidzira maruramiro acho okupa chirango. Kazhinji kazhinji, ikoku kunobatanidza kuiswa mutorongo kana kuti kubhadhara faindi. Mune dzimwe nyika kungabatanidzawo chirango chorufu.a Pano rumwe rutivi, marudzi mazhinji akasarudza kusava nechirango chorufu, uye ikokowo maruramiro avo.

16. (a) Sezvo chiremera chiri mushumiri waMwari, chii icho vamwe vavabatiri vaMwari vakakurangarira kuva kwakafanira kuita? (b) Rudzii rwebasa urwo muKristu aisazogamuchira, uye zvokona nei?

16 Idi rokuti zviremera zvikuru vashumiri vaMwari rinotsanangura chikonzero nei Dhanieri, VaHebheru vatatu, Nehemia, uye Mordhekai vakakwanisa kugamuchira nzvimbo dzomutoro muhurumende dzeBhabhironi nePersia. Ivo vaigona nokudaro kukwirira kuchiremera cheHurumende nokuda kwenakirwo yavanhu vaMwari. (Nehemia 1:11; Estere 10:3; Dhanieri 2:48, 49; 6:1, 2) Nhasi mamwe maKristu anoshandawo mubasa rehurumende. Asi sezvo akaparadzana nenyika, haakumbaniri mapato ezvamatongerwe enyika, kutsvaka nzvimbo yezvamatongerwe enyika, kana kuti kugamuchira nzvimbo dzokuita miitiro mumasangano ezvamatongerwe enyika.

Dikanwo Yokutenda

17. Migariroi inganyandura vasiri maKristu kuti vadzivise chiremera?

17 Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana chiremera chichishivirira ushati kana kuti kunyange dzvinyiriro? MaKristu anofanira kuedza kutsiva chiremera neicho chinoratidzika kuva chiri nani here? Eya, kusaruramisira kwehurumende noushati hazvisi chinhu chitsva. Muzana rokutanga ramakore, Umambo hweRoma hwakatsigira kusaruramisira kwakadai souranda. Ihwo hwakashivirirawo vakuru vakuru vakashata. Bhaibheri rinotaura nezvavateresi vaibira, mutongi asina kururama, uye gavhuna woruwa aitsvaka pfumbamuromo.—Ruka 3:12, 13; 18:2-5; Mabasa 24:26, 27.

18, 19. (a) MaKristu anoita sei kana pane kushatiswa kana kuti ushati kuvashandi vehurumende? (b) MaKristu akavandudza sei upenyu hwavanhu, sezvinoratidzirwa nowezvenhau nebhokisi riri pasi apa?

18 MaKristu aigona kuva akaedza kugumisa ushati hwakadaro shure panguva iyeyo, asi haana. Somuenzaniso, Pauro haana kuparidza kuguma kwouranda, uye iye haana kuudza maKristu aiva navaranda kusunungura varanda vavo. Panzvimbo pezvo, akapa zano varanda navaiva navaranda kuratidza kunzwira urombo kwechiKristu pakubata nomumwe nomumwe. (1 VaKorinte 7:20-24; VaEfeso 6:1-9; Firemoni 10-16; onawo 1 Petro 2:18.) Nenzira yakafanana, maKristu haana kubatanidzwa mumubato wokumukira. Iwo akanga akabatikana zvikuru kuparidzira “mashoko akanaka orugare.” (Mabasa 10:36) Muna 66 N.V., hondo yeRoma yakakomba Jerusarema uye ipapo yakadzokera. Panzvimbo pokugara navadziviriri vanopandukira veguta, maKristu eHebheru ‘akatizira kumakomo’ mukuteerera nhungamiro yaJesu.—Ruka 21:20, 21.

19 MaKristu apakuvamba airarama nezvinhu sezvazvakanga zvakaita ndokuedza kuvandudza upenyu hwavanhu vamwe navamwe kupfurikidza nokuvabetsera kutevera nheyo dzeBhaibheri. Wezvenhau John Lord, mubhuku rake The Old Roman World, akanyora, kuti: “Marukundo echokwadi echiKristu akaoneka mukuita varume vakanaka vaavo vaibvuma dzidziso dzacho, panzvimbo pokuchinja masangano akakurumbira nechokunze, kana kuti hurumende, kana kuti mitemo.” Ko maKristu nhasi anofanira kuita nenzira ipi neipi yakasiana here?

Apo Hurumende Inenge Isati Ichizobetsera

20, 21. (a) Chimwe chiremera chenyika chakakundikana sei kuita somushumiri waMwari nokuda kwezvakanaka? (b) Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuita sei apo zvinotambudzwa nerangano yeHurumende?

20 Muna September 1972, chitambudzo chinotyisa chakamuka mukurwisa Zvapupu zvaJehovha munyika iri pakati peAfrica. Zviuru zvakabirwa zvinhu zvazvo zvose ndokupinzwa muhumwe hutsinye, kubatanidza kurova, kutambudzwa, uye kuuraya. Ko chiremera chikuru chakaita basa racho rokudzivirira Zvapupu here? Aiwa! Panzvimbo pezvo, chakakurudzira masimba masimba, kuchimanikidzira aya maKristu asingakuvadzi kutizira kunyika dzakavakidzana nokuda kwekotsekano.

21 Ko Zvapupu zvaJehovha hazvifaniri kusimuka zvakashatirwa mukurwisana navatambudzi vakadaro here? Aiwa. MaKristu anofanira kutsungirira nomutoo wokushivirira kunyadziswa kwakadaro, achiita nokuzvininipisa mukutevedzera Jesu: “Wakati achitambudzika, haana kutyisidzira, asi wakaramba achizviisa amene kuno uyo anotonga zvakarurama.” (1 Petro 2:23, NW) Anoyeuka kuti apo Jesu akasungwa mubindu reGetsemani, akatuka mudzidzi akamudzivirira nomunondo, uye gare gare iye akaudza Pontio Pirato, kuti: “Umambo hwangu hahusati huri rutivi rwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, vateveri vangu vaizondirwira kuti ndisaiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu haubvi mumanyuko iwaya.”—Johane 18:36, NW; Mateo 26:52; Ruka 22:50, 51.

22. Muenzanisoi wakaisvonaka uyo zvimwe Zvapupu muAfrica zvakagadza apo zvakatambura chitambudzo chakakomba?

22 Zvichirangarira muenzaniso waJesu, Zvapupu izvozvo zveAfrica zvakava noushingi hwokutevera zano raPauro: “Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Musatsiva vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa nokuti kwakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira, ndizvo zvinotaura Jehovha.’” (VaRoma 12:17-19; enzanisa naVaHebheru 10:32-34.) Muenzaniso unonyandura zvakadini uyo hama dzedu dzeAfrica dziri nokuda kwedu tose nhasi! Kunyange apo chiremera chinoramba kuita nenzira inokudzwa, maKristu echokwadi haasiyi nheyo dzeBhaibheri.

23. Mibvunzoi yasara kuti ikurukurwe?

23 Chii, kunyanguvezvo, chinogona kukarira zviremera zvikuru kumaKristu? Uye kune ganhuriro dzipi nedzipi here kuzvirairo zvinogona kuita nenzira yakarurama? Ikoku kuchakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Bumbiro reMitemo rakapiwa nenzira youmwari muna Israeri wakare rakabatanidza chirango chorufu nokuda kwemhaka dzakakomba.—Eksodho 31:14; Revhitiko 18:29; 20:2-6; Numeri 35:30.

Unogona Kutsanangura Here?

◻ Ndidzimwei nzira idzo mumwe munhu anogona ku‘rwisana’ nadzo nezviremera zvikuru?

◻ Chii chiri “gadziriro yaMwari” pamusoro pechiremera chehurumende?

◻ Munzirai umo zviremera zviri “chinhu chinotyiwa”?

◻ Hurumende dzavanhu dzinobatira sei so“mushumiri waMwari”?

[Bhokisi riri papeji 21]

Tsamba Yakabva Kumukuru Wamapurisa

TSAMBA ine chiratidzo chinoti “Bato Ravashandi veHurumende yeMinas Gerais” yakauya kuhofisi yebazu yeWatch Tower Society muBrazil. Yaibva kumukuru wamapurisa wetaundi reConquista. Kwakanga kune chimwe chinhu chakaipa here? Tsamba yacho ngaitsanangure. Iyo inoti:

“Changamire Anodiwa:

“Mufaro kuzvisuma ndimene kwamuri kupfurikidza netsamba ino. Ndave ndiri mukuru wamapurisa mutaundi reConquista, Minas Gerais, kwaanodokusvika makore matatu. Kubasa, nguva dzose ndinoedza kuva anongwarira, asi ndaisiva nezvinetso mukuchengeta rugare mutorongo. Vasungwa, kunyange zvazvo vapiwa rovedzo mumabasa akati, vakanga vasingaterami.

“Mwedzi yakati yapfuura, Senhor O— akauya kutaundi redu ndokuzvisuma amene somumwe weZvapupu zvaJehovha. Iye akavamba kuparidza Bhaibheri kuvamwe vavasungwa, achivadzidzisa kurava nokunyora nokuvaratidza zvikuru zvoutsanana nounyanzvi hwomunzanga pamwe chete nokuvaudza pamusoro peBhaibheri Dzvene. Nzira yakashanda nayo uyu muparidzi yakaratidza kuzvipira, rudo, uye kuzvibaira. Mufambiro wavasungwa wakakurumidza kuchinja zvinocherekedzwa nokuda kwezviri nani, kukushamiswa kukuru nokuonga kwaavo vanocherekedza.

“Nemhaka yazvakaitika mutorongo redu, ndinoda nechiremera chehurumende kuzivisa Watch Tower Bible and Tract Society nezvokuonga kwedu basa rakaisvonaka rakaitwa munzanga medu nomuparidzi akafanira.”

Pamusoro pechiremera chehurumende, muapostora Pauro, akati: “Ita zvakanaka, ugorumbidzwa nacho.” (VaRoma 13:3, NW) Ikoku zvamazvirokwazvo kwakanga kuri kwechokwadi muchinoitika chiri pamusoro apa. Chipupuriro chakadini kusimba rinoshandura reShoko raMwari iro mashoko akanaka akaita munhau yemwedzi yakati icho gadziriro yokuranga yaisagona kuita mumakore!—Pisarema 19:7-9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe