Kuzviisa Kwedu Kune Mwero Pasi Pezviremera Zvikuru
“Naizvozvo pane chikonzero chinogombedzera chokuti imi vanhu muve vanozviisa pasi.”—VAROMA 13:5, “NW.”
1. Ndizvinoitikai zvakaoma zvakava neZvapupu zvaJehovha pasimba rezviremera zvikuru zveNazi, uye ikoku kwakanga kuri here nemhaka yo“kuita chiri chakashata”?
PANA January 7, 1940, Franz Reiter navamwe vaAustria vaduku vashanu vakaurawa nomuchina unogura musoro. Ivo vakanga vari vaBibelforscher, Zvapupu zvaJehovha, uye ivo vakafa nemhaka yokuti vaisagona nenzira yokutungamirirwa nehana kurwira Reich yaHitler. Reiter akanga ari mumwe wezviuru zveZvapupu zvakafira kutenda kwazvo mukati mehondo yenyika yechipiri. Vamwe vazhinji vakatsungirira makore marefu mumisasa yechibharo. Ko vose ivava vakatambura no“munondo” wezviremera zvikuru zveNazi nemhaka yo“kuita chiri chakashata” here? (VaRoma 13:4, NW) Nyangwe! Mamwe mashoko aPauro anoratidza kuti aya maKristu akateerera mirairo yaMwari iri muna VaRoma ganhuro 13, kunyange zvazvo ivo vakatambura pasimba rechiremera.
2. Ndechipi chiri chikonzero chinogombedzera chokuzviisa pasi pezviremera zvikuru?
2 Pana VaRoma 13:5 (NW), muapostora anonyora, kuti: “Naizvozvo pane chikonzero chinogombedzera chokuti imi vanhu muve vanozviisa pasi, kusati kuri bedzi nokuda kwokutsamwa ikoko asiwo nokuda kwehana yenyu.” Pamberi pezvi, Pauro akataura kuti kubata kwechiremera “munondo” kwakanga kuri chikonzero chakanaka chokuzviisa pasi pacho. Zvino, kunyanguvezvo, iye anopa chikonzero chakasimba zvikuru: hana. Tinovavarira kubatira Mwari “nehana yakachena.” (2 Timotio 1:3) Bhaibheri rinotiudza kuzviisa pasi pezviremera zvikuru, uye tinoteerera nemhaka yokuti tinoda kuita chiri chakarurama mumeso aMwari. (VaHebheru 5:14) Zvamazvirokwazvo, hana yedu yakarovedzwa neBhaibheri inotisunda kuteerera chiremera kunyange pasina munhu aripo kuti atinzvere.—Enzanisa naMuparidzi 10:20.
“Ndicho Chikonzero Nei Imi Muchiripawo Mitero”
3, 4. Mukurumbirai une Zvapupu zvaJehovha, uye nei maKristu achifanira kuripa mitero?
3 MuNigeria makore akati apfuura, makanga mune zvimurenga pamusoro pokuripirwa kwemitero. Upenyu hunoverengeka hwakarasika, uye zviremera zvakashevedza hondo. Varwi vakapinda muHoro yoUmambo umo musangano wakanga uchipfuurira uye vakaraira kuziva donzo rokuungana. Pakuwana kuti wakanga uri musangano wefundo yeBhaibheri weZvapupu zvaJehovha, mukuru aitarisira akaudza varwi kuenda, achiti: “Zvapupu zvaJehovha hazvisi vakuchidziri vokurwisa kuramba kuripa mitero.”
4 Zvapupu izvozvo zveNigeria zvaiva nembiri yokurarama mutsinhirano namashoko aPauro, anoti: “Nokuti ndicho chikonzero nei imi muchiripawo mitero; nokuti ivo vabatiri vavose vaMwari vanobatira iri donzo rimene.” (VaRoma 13:6, NW) Apo Jesu akapa mutemo unoti, ‘Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari,’ iye akanga achitaura pamusoro pokuripa mitero. (Mateo 22:21) Zviremera zvenyika zvinogovera migwagwa, dziviriro yamapurisa, maraibhurari, zvokufambisa, zvikoro, positi hofisi, uye zvimwe zvakawanda. Kazhinji kazhinji tinoshandisa gadziriro idzodzi. Kunongova bedzi kwakarurama kuti tinofanira kuzvibhadhara kupfurikidza nemitero yedu.
“Ipai Kuna Vose Faniro Dzavo”
5. Chii chinorehwa nokutaura kwokuti “kupa kuvose faniro dzavo”?
5 Pauro anopfuurira, kuti: “Ipai kuna vose faniro dzavo, kuna iye unoraira mutero, mutero; kuna iye unoraira muripo, muripo; kuna iye unoraira rutyo, rutyo rwakadaro; kuna iye unoraira rukudzo, rukudzo rwakadaro.” (VaRoma 13:7, NW) Shoko rokuti “vose” rinobatanidza chiremera chenyika chiri chose icho chiri mubatiri wavose waMwari. Hakuna zvinosiiwa. Kunyange kana tichigara mugadziriro yezvamatongerwe enyika iyo isu somunhu oga tisingadi, tinoripa mitero. Kana marudzidziso asingaripi mitero kwatinogara, ungano dzinogona kushandisa ikoku. Uye kufanana navamwe vagari vemo, maKristu anogona kushandisa gadziriro dzipi nedzipi dzapamutemo dzinoitwa kuganhurira mitero yaanoripa. Asi hakuna muKristu anofanira nenzira yapamutemo kunzvenga kuripa mitero.—Enzanisa naMateo 5:41; 17:24-27.
6, 7. Tinofanirirei kuripa mitero kunyange kana mari ichishandiswa kutsigira chimwe chinhu chatisingabvumirani nacho kana kuti kunyange kana chiremera chichititambudza?
6 Ngatiti, kunyanguvezvo, mutero unoratidzika kuva usina kururama. Kana kuti zvakadini kana rutivi rwemari yomutero rwuchishandiswa kuwanira mari chimwe chinhu tisingabvumirani nacho, zvakadai sokubvisa pamuviri kwapachena, munochengeterwa ropa, kana kuti gadziriro dzinorwisana nemirangariro yedu yokusatora rutivi? Tinongoripa mitero yedu yose. Ndicho chiremera chinofanira kuva nomutoro wokuti chinoshandisa sei mari yomutero. Isu hatisati tichitumwa kuzotonga chiremera. Mwari ndiye “Mutongi wapasi,” uye munguva yake amene, achava nokuzvidavirira nehurumende pamusoro pokuti dzakashandisa sei chiremera chadzo. (Pisarema 94:2; Jeremia 25:31) Kutozosvikira ikoko kwaitika, tinoripira mitero yedu.
7 Zvakadiniko kana chiremera chikatitambudza? Tinongoripa mitero nemhaka yamabasa ezuva riri rose anoitwa. Pamusoro peZvapupu zvinotambura chitambudzo muimwe nyika yeAfrica, San Francisco Examiner yakati: “Mungazvirangarira savagari vemo vomuenzaniso. Ivo vanoripa mitero nokushingaira, vanotarisira vanorwara, vanorwisa kusagona kunyora nokurava.” Hungu, Zvapupu zvakatambudzwa izvozvo zvakaripa mitero yazvo.
“Rutyo” uye “Rukudzo”
8. Chii chiri “rutyo” rwatinopa kuchiremera?
8 “Rutyo” rwaVaRoma 13:7 harusi rutyo rwoumbwende asi, panzvimbo pezvo, kuremekedzwa kwechiremera chenyika, rutyo rwokupunza mutemo wacho. Ruremekedzo irworwu runopiwa nemhaka yenzvimbo inobatanidzwa, kwete nguva dzose nemhaka yomunhu ane nzvimbo yacho. Bhaibheri, pakutaura nenzira youporofita nezvamambo weRoma Tibherio, rinomudana kuti “unofanira kuzvidzwa.” (Dhanieri 11:21) Asi iye akanga ari mambo, uye saakadaro, muKristu aizofanira kumutya nokumukudza.
9. Ndedzipi dziri dzimwe nzira idzo tinopa nadzo rukudzo kuzviremera zvavanhu?
9 Pamusoro porukudzo, tinotevera murairo waJesu wokusapa mazita okuremekedza akavakirwa panzvimbo yorudzidziso. (Mateo 23:8-10) Asi apo kunouya kuzviremera zvenyika, tinofara kuzvidana nezita rokuremekedza ripi neripi ringadikanwa mukuvakudza. Pauro akashandisa shoko rokuti “Wakakurumbira” pakutaura kumagavhuna eRoma. (Mabasa 26:25) Dhanieri akadana Nebhukadnezari kuti “ishe wangu.” (Dhanieri 4:19) Nhasi, maKristu angashandisa kutaura kwakadai sa“Ishe Wangu” kana kuti “Changamire Wangu.” Ivo vangamira apo mutongi anopinda mukamuri redare kana kuti kukotama nenzira yokuremekedza pamberi pomutongi kana ikoko kuri tsika.
Kuzviisa Pasi Kune Mwero
10. Jesu akaratidza sei kuti pane miganho kuicho chiremera chomunhu chinogona kuraira muKristu?
10 Sezvo Zvapupu zvaJehovha zviri pasi pechiremera chavanhu, neiko Franz Reiter navamwe vazhinji kwazvo vakatambura sezvo vakaita? Nemhaka yokuti kuzviisa kwedu pasi kune mwero, uye chiremera hachizivi nguva dzose kuti kune miganhu yakagadzwa neBhaibheri kuicho chinogona kuraira. Kana chiremera chikaraira chimwe chinhu chinogumbura hana yakarovedzwa yechiKristu, chiri kupfuura muganhu wacho wakapiwa naMwari. Jesu akaratidzira ikoku paakati: “Dzorerai . . . zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mateo 22:21, NW) Apo Kesari anoraira chiri chaMwari, tinofanira kuziva kuti Mwari anokuraira kwokutanga.
11. Inheyoi inoratidzira kuti kune miganhu kuicho chiremera chavanhu chinogona kuraira inogamuchirwa zvikuru?
11 Ko ichi chimiro ndechokumukira kana kuti ndechokunyengera here? Nyangwe. Icho, kutaura idi, kukudzwa kwenheyo inozivikanwa namarudzi akashambidzika zvikurusa. Muzana ramakore rechi 15, mumwe Peter von Hagenbach akatongwa nokuda kwokutanga kutonga kworutyo munharaunda yeEurope iyo aiva nechiremera pamusoro payo. Dziviriro yake, yokuti iye akanga achingotevera zvake mirairo yashe wake, Mambo weBurgundy, yakarambwa. Kutaura kwokuti munhu anoita utsinye haana mutoro kana ari kutevera mirairo yechiremera chikuru kwakaitwa kwechiverengero chakati chibviro chenguva iyoyo—zvinocherechedzwa zvikurusa namatsotsi ehondo yeNazi pamberi peInternational Tribunal paNuremberg. Kutaura kwacho kazhinji kazhinji kwakarambwa. International Tribunal yakati murutongeso rwayo: “Vanhu vamwe navamwe vane mabasa amarudzi ayo anopfuura misengwa yorudzi yeteerero inoiswa nehurumende imwe neimwe.”
12. Ndeipi iri mienzaniso yapaMagwaro yavabatiri vaMwari vakaramba kuteerera zvirairo zvisina mufungo zvakaitwa nechiremera?
12 Vabatiri vaMwari nguva dzose vakaziva kuti kune miganhu kukuzviisa pasi uko vanopa nenzira yokutungamirirwa nehana kuzviremera zvikuru. Panenge panguva apo Mosesi akaberekwa muEgipita, Farao akaraira vachingi vaviri vechiHebheru kuuraya vakomana vose vechiHebheru vachangobva kuberekwa. Vachingi, zvisinei, vakachengeta vana vari vapenyu. Vakanga vasina kururama here kusateerera Farao? Aiwa, ivo vakanga vachitevera hana yavo yakapiwa naMwari, uye Mwari akavakomborera nokuda kwako. (Eksodho 1:15-20) Apo Israeri akanga ari muutapwa muBhabhironi, Nebhukadnezari akaraira kuti vakuru vakuru vake, kubatanidza vaHebheru Shadreki, Misheki, uye Abhedhinego, vakotame pamberi pechifananidzo chaakanga aisa pabani reDhura. VaHebheru vatatu vakaramba. Vakanga vasina kururama here? Aiwa, sezvo kutevera murairo wamambo kungadai kwakareva kusateerera mutemo waMwari.—Eksodho 20:4, 5; Dhanieri 3:1-18.
“Kuteerera Mwari Somutongi”
13. Muenzanisoi uyo maKristu apakuvamba akagovera munhau yokuzviisa pasi kune mwero pezviremera zvikuru?
13 Nenzira yakafanana, apo zviremera zvechiJudha zvakaraira Petro naJohane kurega kuparidzira pamusoro paJesu, ivo vakapindura, kuti: “Tongai henyu imi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari.” (Mabasa 4:19; 5:29) Ivo vaisagona kuramba vakanyarara. Magazini inonzi The Christian Century inokwevera ngwariro kuchimwe chimiro chokutungamirirwa nehana chakaitwa namaKristu apakuvamba painoti: “MaKristu apakuvamba zvikurusa akanga asingabatiri mumauto akashongedzerwa. Roland Bainton anotaura kuti ‘kuvambira pamugumo penhambo yeTestamende Itsva kusvikira kumakore gumi aA.D. 170-180 hapana ufakazi hupi nohupi hwamaKristu aiva muhondo’ (Christian Attitudes Toward War and Peace [Abingdon, 1960], mapeji 67-8). . . . Swift anoti Justin Martyr ‘anokurangarira senhau yokuti maKristu arege mabasa amasimba masimba.’”
14, 15. Ndedzipi dziri nheyo dzeBhaibheri dzakadzora teerero ine mwero yamaKristu apakuvamba kuzviremera zvavanhu?
14 Neiko maKristu apakuvamba asina kubatira savarwi? Pasina panikiro, mumwe nomumwe aifunda nokungwarira Shoko raMwari nemitemo ndokuita chisarudzo chake chomunhu oga pahwaro hwehana yake yakarovedzwa neBhaibheri. Akanga asingatori rutivi, “asiri rutivi rwenyika,” uye kusatora rutivi kwawo kwakaarambidza kusarudza rutivi murwisano dzenyika ino. (Johane 17:16, NW; 18:36) Uyezve, aiva aMwari. (2 Timotio 2:19) Kuradzika upenyu hwawo nokuda kweHurumende kungadai kwakareva kupa Kesari chaiva chaMwari. Uyezve, iwo akanga ari rutivi rwouhama hwamarudzi ose akasungwa pamwe chete murudo. (Johane 13:34, 35; VaKorose 3:14; 1 Petro 4:8; 5:9) Iwo aisagona nehana yakanaka kutora zvombo nebviro yokuuraya muKristu biyawo.
15 Mukuwedzera kuna ikoku, maKristu aisagona kuwirirana nechengeto dzorudzidziso dzakakurumbira, zvakadai sokunamatwa kwamambo. Somuuyo, airangarirwa sa“vanhu vechienzi navane ngozi, uye vasara vose vechiverengero chavagari vemo vaivanyumwira nenzira yomuzvarirwo.” (Still the Bible Speaks, rakanyorwa naW. A. Smart) Kunyange zvazvo Pauro akanyora kuti maKristu anofanira ‘kupa kwaari anoraira rutyo, rutyo rwakadaro,’ haana kukanganwa kutya kwawo kukuru zvikuru, kana kuti kuremekedza, Jehovha. (VaRoma 13:7; Pisarema 86:11) Jesu amene akati: “Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya; asi panzvimbo pezvo ityai uyo anogona kuparadza zvose zviri zviviri mweya nomuviri muGehena.”—Mateo 10:28, NW.
16. (a) MaKristu anofanira kuyera nokungwarira kuzviisa pasi kwavo pezviremera zvikuru munharaundai? (b) Bhokisi riri papeji 27 rinoratidzirei?
16 SamaKristu, tinotarisana nedenho dzakafanana nhasi. Hatigoni kutora rutivi muchimiro chipi nechipi chazvino uno chokunamata zvidhori—zvingava zviito zvokunamata kumufananidzo kana kuti chiratidzo kana kuti kupa ruponeso kumunhu kana kuti sangano. (1 VaKorinte 10:14; 1 Johane 5:21) Uye kufanana namaKristu apakuvamba, hatigoni kubvumiranisa pane zvisina kufanira kusatora rutivi kwedu kwechiKristu.—Enzanisa na 2 VaKorinte 10:4.
“Unyoro Noruremekedzo Rukuru”
17. Izanoi rakapa Petro kuavo vaitambura nemhaka yehana?
17 Muapostora Petro akanyora nezvechimiro chedu chokutungamirirwa nehana ndokuti: “Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira pakutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari, achitambudzika asina mhosva.” (1 Petro 2:19) Hungu, kunofadza kuna Mwari apo muKristu anomira akasimba pasinei zvapo nechitambudzo, uye kune betsero yokuwedzera yokuti kutenda kwomuKristu kunosimbiswa uye kunonatswa. (Jakobho 1:2-4; 1 Petro 1:6, 7; 5:8-10) Petro akanyorawo, kuti: “Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa. Asi itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita no[unyoro noruremekedzo, NW].” (1 Petro 3:14, 15) Zano rinobetsera zvamazvirokwazvo!
18, 19. Chimiro choruremekedzo rukuru nokuva nomufungo chinogona sei kubetsera kana chiremera chikaisa miganho parusununguko rwedu rwokunamata?
18 Apo chitambudzo chinomuka nemhaka yokuti chiremera hachinzwisisi chimiro chechiKristu kana kuti nemhaka yokuti vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vakakwenengera Zvapupu zvaJehovha kuchiremera, kupa maidi kuchiremera kungaguma nokupfaviswa kwedzvinyiriro. Ane unyoro noruremekedzo rukuru, muKristu haadzoreri mumuviri mukurwisana navatambudzi. Iye, zvisinei, anoshandisa mutoo uri wose wapamutemo unowanika kudzivirira kutenda kwake. Ipapo iye anosiira zvinhu mumaoko aJehovha.—VaFiripi 1:7; VaKorose 4:5, 6.
19 Ruremekedzo rukuru runotungamirirawo muKristu kusvika paanogona, pasina kupunza hana yake, kuteerera chiremera. Kana, somuenzaniso, misangano yeungano ikarambidzwa, maKristu achawana nzira iri pachena zvishoma yokupfuurira nayo kudya patafura yaJehovha. Chiremera Chikurusa, Jehovha Mwari, chinotiudza kupfurikidza naPauro, kuti: “Ngatirangariranei timutsane mwoyo kurudo namabasa akaisvonaka, tisingaregi kuungana kwedu pamwe chete, savamwe vano muitiro wacho.” (VaHebheru 10:24, 25, NW) Asi kuungana kwakadaro kunogona kuitwa nokungwarira. Kunyange kana vashomanene chete varipo, tinogona kuva nechivimbo chokuti Mwari anokomborera gadziriro dzakadaro.—Enzanisa naMateo 18:20.
20. Kana kuparidzirwa pachena kwamashoko akanaka kukarambidzwa, maKristu angabata sei nomugariro wacho?
20 Nenzira yakafanana, zvimwe zviremera zvakarambidza kuparidzirwa pachena kwamashoko akanaka. MaKristu anogara pasi pazvo anoyeuka kuti, kupfurikidza naJesu amene, Chiremera Chikurusa chakati: “Mashoko akanaka anofanira kutanga kuparidzirwa mumarudzi ose.” (Marko 13:10, NW) Nokudaro, anoteerera Chiremera Chikurusa pasinei zvapo nechinoitika kwaari amene. Pakunobvira, vaapostora vakaparidzira pachena uye paimba neimba, asi kune dzimwe nzira dzokusvika nadzo vanhu, dzakadai sokupupurira kwamasanga. (Johane 4:7-15; Mabasa 5:42; 20:20) Kazhinji kazhinji zviremera hazvisati zvichizodzongonyedza basa rokuparidzira kana Bhaibheri chete richishandiswa—uko kunosimbisa kudikanwa kwokuti Zvapupu zvose zvisanorovedzwe mukurangarira muMagwaro. (Enzanisa naMabasa 17:2, 17.) Kupfurikidza nokuva akashinga, bva anoremekedza, maKristu kazhinji kazhinji angawana nzira yokuteerera nayo Jehovha pasina kukoka hasha dzezviremera zvikuru.—Tito 3:1, 2.
21. Kana Kesari asina tsitsi muchitambudzo chake, inzirai inofanira kusarudza maKristu?
21 Pane dzimwe nguva, kunyanguvezvo, chiremera hachina tsitsi mukutambudza maKristu. Ipapo, nehana yakachena, tinongogona bedzi kutsungirira mukuita chiri chakarurama. Muduku Franz Reiter akatarisana nechisarudzo: kubvumiranisa pane zvisina kufanira kutenda kwake kana kuti kufa. Sezvo iye aisagona kurega kunamata Mwari, iye noushingi akaenda kurufu rwake. Usiku hwapamberi pokufa, Franz akanyorera amai vake, achiti: “Ndichaurawa mangwana mangwanani. Ndine simba rangu rinobva kuna Mwari, zvimwe sezvo kwakanga kwakangoita namaKristu echokwadi ose kudzokera shure munguva yakapfuura . . . Kana muchizomira makasimba kusvikira parufu, tichasanganazve murumuko.”
22. Tine tariroi, uye tinofanira kupfuurira sei munguva ino?
22 Rimwe zuva rudzi rwose rwomunhu ruchava pasi pomutemo mumwe chete, uya waJehovha Mwari. Kutozosvikira ipapo, tinofanira nehana yakanaka kuchengeta gadziriro yaMwari ndokuchengeta kuzviisa kwedu kune mwero pasi pezviremera zvikuru panguva imwe cheteyo tichiteerera Changamire Ishe wedu Jehovha muzvinhu zvose.—VaFiripi 4:5-7.
Unoyeuka Here?
◻ Ndechipi chiri chikonzero chinogombedzera chokuzviisapasi pezviremera zvikuru?
◻ Neiko tisingafaniri kuzengurira kuripa mitero inoiswa naKesari?
◻ Rudzii rworukudzo rwatinofanira kupa kuchiremera?
◻ Neiko kuzviisa kwedu pasi paKesari kuchingova bedzikune mwero?
◻ Kana tikatambudzwa nemhaka yokuti Kesari anoraira zvaMwari, tinofanira kuita sei?
[Bhokisi riri papeji 27]
Ruremekedzo, kwetekunamata
Mamwe mangwanani mukati mekirasi, Terra, Chapupu chiduku cheCanada chaJehovha, akacherechedza kuti mudzidzisi wake akabudisa mudzidzi biyake kunze kwekamuri rekirasi kwenguva shomanene. Nokukurumidza pashure paikoko, mudzidzisi chinyararire akakumbira Terra kumuperekedza kuhofisi yomukuru wechikoro.
Pakusvika ikoko, Terra akacherechedza mureza weCanada wakaiswa pachibhariro chomukuru wechikoro. Mudzidzisi akaudza Terra kupfira mureza! Iye akakarakadza kuti sezvo Terra aisaimba rwiyo rworudzi kana kuti kukwazisa mureza, pakanga pasina chikonzero nei iye aisagona kuita chinhu chakadaro. Terra akaramba, achitsanangura kuti kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvisinganamati mureza, zvinouremekedza.
Vadzoka mukamuri rekirasi, mudzidzisi akazivisa kuti iye akanga achangobva kuita nzvero. Akanga aendesa vadzidzi vaviri mumwe panguva kuhofisi yomukuru wechikoro ndokuvaraira kupfira mureza. Wokutanga aitora rutivi muzvinoitika zvokuvimbika kunyika yako, asi iye akapfira mureza apo iye akaudzwa kuita saizvozvo. Mukupesana, Terra aisaimba rwiyo rworudzi kana kuti kukwazisa mureza; kunyanguvezvo, iye akaramba kuzvidza mureza neiyi nzira. Mudzidzisi akaonesa kuti Terra ndiye akaratidza ruremekedzo rwakafanira.—1990 Yearbook of Jehovah’s Witnesses.
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 23]
French Embassy Press & Information Division
USSR Mission to the UN