RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 11/15 pp. 10-15
  • “Chikuru Pakati Pazvo Ndirwo Rudo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Chikuru Pakati Pazvo Ndirwo Rudo”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Marudzi Mana Orudo
  • Neiko Rwuri Rukuru Kupfuura Kutenda Netariro?
  • Rukuru Zvikuru Kupfuura Uchenjeri, Ruramisiro, Uye Simba Here?
  • Chikurusa Chezvibereko Zvomudzimu
  • Rudo (Agape)—Charwusiri Uye Charwuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Ida Mwari Anokuda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Vakwa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Rambai Muchifamba Murudo”
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 11/15 pp. 10-15

“Chikuru Pakati Pazvo Ndirwo Rudo”

“Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.”—1 VAKORINTE 13:13.

1. Chii chakataura imwe nyanzvi yesayenzi yamavambo orudzi rwomunhu pamusoro porudo?

IMWE yenyanzvi hurusa dzenyika dzesayenzi yamavambo orudzi rwomunhu yakamboti: “Tinonzwisisa kwenguva yokutanga munhau yamarudzi edu kuti chinokosha zvikurusa chezvinodikanwa zvikuru zvose zvavanhu zvokushanda kwendangariro ndichinodikanwa chorudo. Runomira pakati pezvinodikanwa zvose zvavanhu kungofanana nezuva redu rinomira pakati pegadziriro yedu yenyika dzomuchadenga dzinopoterera zuva nenyika dzomuchadenga dzinoritenderera. . . . Mwana asina kudiwa akasiana zvikuru mukurarama, mumuviri, uye mundangariro nouyo ave achidiwa. Wokutanga anotokura zvakasiana nowapashure. Chatinoziva zvino ndechokuti munhu anoberekwa kuti ararame sokunge kuti kurarama norudo chinhu chimwe. Chokwadika, ikoku hakuzati kuri kutsva. Ikoku kusimbiswa kweMharidzo yapaGomo.”

2. (a) Muapostora Pauro akaratidza sei ukoshi hworudo? (b) Mibvunzoi zvino yakafanirwa nerangariro?

2 Hungu, sokubvuma kwakaita uyu murume wedzidzo yenyika, iyi zvokwadi pamusoro poukoshi hworudo kugarikano yavanhu haisati iri chimwe chinhu chitsva. Kungangova zvino bedzi kwakasvika pakunzwisiswa navanhu vakadzidza venyika, asi yakaoneka muShoko raMwari anopfuura mazana amakore 19 akapfuura. Ndicho chikonzero nei muapostora Pauro aigona kunyora, kuti: “Zvino, kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.” (1 VaKorinte 13:13) Unoziva here nei rudo rwuri rukuru zvikuru kupfuura kutenda netariro? Neiko kungataurwa kuti rudo ndirwo rukurusa rwamavara aMwari uye rwezvibereko zvomudzimu wake?

Marudzi Mana Orudo

3. Mienzanisoi yapaMagwaro iripo yorudo rwenyengano?

3 Mano avanhu okuratidza rudo kuratidzirwa kwouchenjeri hwaMwari neitiro hanya yorudo nokuda kworudzi rwomunhu. Nenzira inofadza, vaGiriki vekare vakanga vaine mashoko mana nokuda kwo“rudo.” Rimwe rakanga riri eʹros, rinoratidzira rudo rwenyengano rwakabatanidzwa nekwezvo yevatano. Vanyori vaMagwaro echiKristu echiGiriki vakanga vasina nhambo yokushandisa eʹros, kunyange zvazvo Septuagint ichishandisa zvimiro zvaro pana Zvirevo 7:18 uye 30:16, uye pane dzimwe nongedzero kurudo rwenyengano muMagwaro echiHebheru. Somuenzaniso, tinorava kuti Isaka “akadanana” naRebheka. (Genesi 24:67, NW) Muenzaniso wakatanhamara zvirokwazvo wourwu rudzi rworudo unowanika muchinoitika chaJakobho, uyo sezviri pachena akadanana naRakeri akaisvonaka paonano yokutanga. Kutaura idi, “Jakobho akapfuurira kubatira makore manomwe nokuda kwaRakeri, asi mumeso ake akabvumikisa kuva akafanana namazuva mashomanene nemhaka yorudo rwake nokuda kwake.” (Genesi 29:9-11, 17, 20, NW) Rwiyo rwaSoromoni runobatawo norudo rwenyengano pakati pomufudzi nemhandara. Asi hakugoni kusimbiswa zvikuru kwazvo kuti urwu rudzi rworudo, urwo rwungava manyuko egutsikano huru nomufaro, runofanira kuratidzwa bedzi mutsinhirano nemipimo yakarurama yaMwari. Bhaibheri rinotiudza kuti kuri bedzi norudo rwomudzimai akaroorwa nenzira yapamutemo womurume amene kuti iye a“gare achigutiswa norudo rwake.”—Zvirevo 5:15-20.

4. Rudo rwemhuri runoenzanisirwa sei muMagwaro?

4 Ipapo pane rudo rwakasimba rwemhuri, kana chidakadaka chomuzvarirwo, chakavakirwa paukama hweropa, urwo vaGiriki vaiva neshoko rarwo rokuti stor·geʹ. Rune mutoro wokutaura kwokuti, “Wako ndowako.” Tine muenzaniso wakaisvonaka waikoku murudo urwo mukoma nomunun’una Maria naMarta vakanga vanarwo nokuda kwehanzvadzi yavo Razaro. Kuti aikosha zvikuru kwavari kunogona kuonekwa kupfurikidza nokuchema zvikuru kwavakaita rufu rwake rwakamwe kamwe. Uye vakafara sei apo Jesu akadzorera Razaro wavo anodiwa kuupenyu! (Johane 11:1-44) Rudo urwo mai vanarwo nokuda kwomwana wavo ndomumwe muenzaniso wourwu rudzi rworudo. (Enzanisa na 1 VaTesaronika 2:7.) Nokudaro, kusimbisa kuti rudo rwake rwakanga rwuri rukuru sei nokuda kweZioni, Jehovha akataura kuti rwakanga rwakatokura zvikuru kupfuura rwuya rwamai nokuda kwomwana wake.—Isaya 49:15.

5. Kushaikwa kwechidakadaka chomuzvarirwo kuri pachena sei nhasi?

5 Imwe ratidziro yokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” ne“nguva [dzawo] dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo” kushaikwa kwe“chidakadaka chomuzvarirwo.” (2 Timotio 3:1, 3, NW) Nemhaka yokuti rudo rwemhuri rwuri kushaikwa, pwere dzakati dzinotiza pamusha, uye vamwe vana vakura vanoregeredza vabereki vavo vakwegura. (Enzanisa naZvirevo 23:22.) Kushaikwa kwechidakadaka chomuzvarirwo kunoonekawo mukupararira kwokubatwa zvisina kufanira kwavana—vamwe vabereki vachirova vana vavo zvakakomba kwazvo zvokuti vanoda kupinzwa muchipatara. Kushaikwa kworudo rwavabereki kuri pachenawo, mukukundikana kwavabereki vazhinji kuranga vana vavo. Kurega vana vachiita madiro avo vamene hakusati kuri ufakazi hworudo asi kunoguma nokutevera nzira iri nyore zvikurusa. Baba anoda vana vake zvirokwazvo achavaranga pakunenge kuri madikanwa.—Zvirevo 13:24; VaHebheru 12:5-11.

6. Ipa mienzaniso yapaMagwaro yechidakadaka pakati peshamwari.

6 Ipapo pane shoko rechiGiriki rokuti phi·liʹa, rinoratidzira chidakadaka (chisina mifungo yevatano) pakati peshamwari, sapakati pavarume vaviri vakura kana vakadzi. Tine muenzaniso wakaisvonaka waikoku murudo urwo Dhavhidhi naJonatani vakanga vanarwo nokuda kwomumwe nomumwe. Apo Jonatani akaurawa muhondo, Dhavhidhi akamuchema, achiti: “Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, munun’una wangu Jonatani; wakanga uchindifadza kwazvo; rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaipfuura rudo rwavakadzi.” (2 Samueri 1:26) Tinodzidzawo kuti Kristu akanga aine rudo chairwo nokuda kwomuapostora Johane, anozivikanwa somudzidzi “uyo Jesu akanga achida.”—Johane 20:2, NW.

7. Chii chiri chimiro chaa·gaʹpe, uye urwu rudo rwakaratidzwa sei?

7 Ishokoi rechiGiriki iro Pauro akashandisa pana 1 VaKorinte 13:13, apo akadudza kutenda, tariro, uye rudo ndokutaura kuti “chikuru pakati pazvo ndirwo rudo”? Pano shoko racho ndia·gaʹpe, rimwe chetero iro muapostora Johane akashandisa paakati: “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8, 16) Urwu ndirwo rudo runotungamirirwa kana rwunodzorwa nenheyo. Rungabatanidza kana kusabatanidza chidakadaka nokuda, asi murangariro usina udyire kana kunzwa kunoitira hanya kuita zvakanaka kuna vamwe pasinei hapo nefaniro dzomugamuchiri kana betsero dzipi nedzipi dzinouya kumupi. Rudo rwourwu rudzi rwakaparira Mwari kupa pfuma inodikanwa zvikurusa yomwoyo wake, Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu, “kuti ani naani anoshandisa kutenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16, NW) Sezvo Pauro anosanotiyeuchidza kwazvo: “Nokuti zvinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti zvimwe mumwe ungatsunga kufira wakanaka. Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi.” (VaRoma 5:7, 8) Hungu, a·gaʹpe anoita zvakanaka kuna vamwe pasinei hapo nomugariro wavo muupenyu kana ndyiko kunouyo ari kuratidzira rudo rwacho.

Neiko Rwuri Rukuru Kupfuura Kutenda Netariro?

8. Neiko a·gaʹpe ari mukuru zvikuru kupfuura kutenda?

8 Asi neiko Pauro akataura kuti urwu rudzi rworudo (a·gaʹpe) rwakanga rwuri rukuru zvikuru kupfuura kutenda? Iye akanyora pana 1 VaKorinte 13:2 (NW), kuti: “Kana ndine chipo chokuporofita uye ndakarovedzana nezvakavanzika zvose zvinoyera nezivo yose, uye kana ndine kutenda kwose kuti ndibvise makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.” (Enzanisa naMateo 17:20.) Hungu, kana nhamburiko dzedu dzokuwana zivo ndokukura mukutenda dzikaitwa nokuda kwedonzo roudyire, ikoku hakungatiunziri betsero inobva kuna Mwari. Nenzira yakafanana, Jesu akaratidza kuti vamwe vaizo‘porofita muzita rake, kudzinga madhemoni muzita rake, uye kuita mabasa mazhinji esimba muzita rake’ asi vaisazova netendero yake.—Mateo 7:22, 23.

9. Neiko rudo rwuri rukuru zvikuru kupfuura tariro?

9 Neiko chimiro chaa·gaʹpe chorudo chiri chikuruwo zvikuru kupfuura tariro? Nemhaka yokuti tariro ingava youdyire, munhu achiva anoitira hanya zvikuru betsero kwaari amene, nepo rudo “haruzvitsvakiri fariro dzarwo rumene.” (1 VaKorinte 13:4, 5, NW) Uyezve, tariro—yakadai seiya yokurarama tichipfuura no“mudambudziko guru” kupinda munyika itsva—inopera apo chinokarirwa chinowanikwa. (Mateo 24:21, NW) Sokutaura kunoita Pauro: “Takaponeswa muiyi tariro; asi tariro inoonekwa haisati iri tariro, nokuti apo munhu anoona chimwe chinhu, iye anochikarira here? Asi kana tichikarira chatisingaoni, tinoramba tichichimirira netsungiriro.” (VaRoma 8:24, 25, NW) Rudo rumene runotsungirira zvinhu zvose, uye harutongokundikani. (1 VaKorinte 13:7, 8) Nokudaro, rudo rusina udyire (a·gaʹpe) rukuru zvikuru kupfuura kutenda kana zvimwe tariro.

Rukuru Zvikuru Kupfuura Uchenjeri, Ruramisiro, Uye Simba Here?

10. Neiko kuchigona kutaurwa kuti rudo ndirwo chikurusa chamavara makuru mana aMwari?

10 Zvino ngatirangarirei mavara makuru mana aJehovha Mwari: uchenjeri, ruramisiro, simba, uye rudo. Kunogonawo kutaurwa here kuti rudo ndirwo rukurusa rwaiwaya? Zvamazvirokwazvo kunogona. Neiko? Nemhaka yokuti rudo ndirwo simba rinosunda riri seri kweizvo Mwari anoita. Ndicho chikonzero nei muapostora Johane akanyora, kuti: “Mwari rudo.” Hungu, Jehovha rudo runotaurwa somunhu. (1 Johane 4:8, 16) Hapana patinorava muMagwaro kuti Mwari uchenjeri, ruramisiro, kana simba. Panzvimbo pezvo, tinoudzwa kuti Jehovha ane aya mavara. (Jobho 12:13; Pisarema 147:5; Dhanieri 4:37) Maari aya mavara mana anodzikamiswa zvakakwana. Achisundwa norudo, Jehovha anoita madonzo ake nokushandisa mamwe mavara matatu kana kuarangarira.

11. Chii chakasunda Jehovha kusika chisiko chapose pose nomudzimu nezvisikwa zvavanhu?

11 Naizvozvo, ipapoka, chii chakasunda Jehovha kusika chisiko chapose pose nezvisikwa zvakangwara zvomudzimu nezvavanhu? Hwakanga huri uchenjeri kana simba here? Aiwa, nokuti Mwari akangoshandisawo hake uchenjeri hwake nesimba muchisiko. Somuenzaniso, tinorava, kuti: “Jehovha wakateya pasi nouchenjeri.” (Zvirevo 3:19) Kupfuurirazve, vara rake reruramisiro harina kuda kuti asike vanhu vanoita zvavanoda. Rudo rwaMwari rwakamusunda kugoverana mifarwa yokuvapo kwouchenjeri navamwe. Rwakanga rwuri rudo rwakawana nzira yokubvisa nayo shurikidzo iyo ruramisiro yakaisa parudzi rwomunhu nemhaka yokudarika kwaAdhama. (Johane 3:16) Hungu, uye rwakanga rwuri rudo rwakasunda Jehovha kuronga kuti rudzi rwomunhu runoteerera runofanira kurarama muParadhiso yapasi iri kuuya.—Ruka 23:43.

12. Tinofanira kuita sei kusimba raMwari, ruramisiro, uye rudo?

12 Nemhaka yesimba gurusa raMwari, hatitsungi kumunyandurira kugodo. Pauro akabvunza, kuti: “‘Tiri kunyandurira Jehovha kugodo here’? Hatina kusimba zvikuru kupfuura zvaakaita, takadaro here?” (1 VaKorinte 10:22, NW) Chokwadika, Jehovha ndi“Mwari ane godo,” kwete mupfungwa yakaipa, asi “mukuraira kuzvipira kwapoga.” (Eksodho 20:5; King James Version) SamaKristu, tinotyiswa neratidzirwo zhinji dzouchenjeri husingayereki hwaMwari. (VaRoma 11:33-35) Ruremekedzo rwedu rukuru nokuda kweruramisiro yake runofanira kutiparira kuramba tiri kure nechivi choune. (VaHebheru 10:26-31) Asi rudo nenzira isingapanikirwi ndirwo rukurusa rwamavara makuru mana aMwari. Uye ndirwo rudo rusati rwuri rwoudyire rwaJehovha urwo runotikwevera kwaari ndokutiita kuti tide kumufadza, kumunamata, uye kugoverana mukutsveneswa kwezita rake dzvene.—Zvirevo 27:11.

Chikurusa Chezvibereko Zvomudzimu

13. Rudo rwuri papi pakati pezvibereko zvomudzimu waMwari?

13 Rudo rwuri papi pakati pezvibereko zvipfumbamwe zvomudzimu waMwari, zvinodudzwa pana VaGaratia 5:22, 23? Izvi ndizvo “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” Nechikonzero chakanaka Pauro akaronga rudo pakutanga. Rudo rukuru zvikuru kupfuura mufaro here, vara rinotevera raanodudza? Hungu, rwakadaro, nokuti hapagoni kuva nomufaro unotsungirira pasina rudo. Kutaura idi, nyika haifari kwazvo nemhaka youdyire, kushaikwa kworudo. Asi Zvapupu zvaJehovha zvine rudo pakati pazvo zvimene, uye zvine rudo nokuda kwaBaba vazvo vokudenga. Naizvozvo tinofanira kuzvikarira kuva zvinofara, uye kwakadeya kutaurwa kuti zvaizo“danidzira nokufara nemhaka yomugariro wakanaka womwoyo.”—Isaya 65:14, NW.

14. Neiko kuchigona kutaurwa kuti rudo rukuru zvikuru kupfuura chibereko chomudzimu chorugare?

14 Rudo rukuruwo zvikuru kupfuura chibereko chomudzimu chorugare. Nemhaka yokushaikwa kworudo, nyika yakazadzwa nerwisano negakava. Asi vanhu vaJehovha vane rugare nomumwe nomumwe mupasi rose. Ari echokwadi kwavari mashoko owezvamapisarema, anoti: “Jehovha amene achakomborera vanhu vake norugare.” (Pisarema 29:11, NW) Vane urwu rugare nemhaka yokuti vane chiratidzo chinozivisa chamaKristu echokwadi, ndiko kuti, rudo. (Johane 13:35) Rudo rwoga runogona kukurira zvinhu zvose zvinokamuranisa, zvingava zvedzinza, zvorudzi, kana zvetsika. “Chisungo chakakwana chechinzwano.”—VaKorose 3:14, NW.

15. Basa gurusa rorudo rinoonekwa sei mukuenzaniswa nechibereko chomudzimu chomwoyo murefu?

15 Basa gurusa rorudo rinoonekawo parinoenzaniswa nomwoyo murefu, kutsungirirwa kwokushivirira kwechakaipa kana kutsamwiswa. Kuva ane mwoyo murefu kunoreva kuva anoshivirira pamwe chete nokunonoka kutsamwa. Chii chinoparira vanhu kuva vasingashiviriri ndokukurumidza kuva vanotsamwa? Hakusati kuri kushaikwa kworudo here? Zvisinei, Baba vedu vokudenga vane mwoyo murefu uye “vanononoka kutsamwa.” (Eksodho 34:6; Ruka 18:7) Neiko? Nemhaka yokuti ivo vanotida uye “havasati vachida kuti upi noupi aparadzwe.”—2 Petro 3:9, NW.

16. Rudo runoenzaniswa sei nomutsa, runako, unyoro, uye kuzvidzora?

16 Taona kare chikonzero nei rudo rwuri rukuru zvikuru kupfuura kutenda, uye zvikonzero zvapiwa zvinoshanda kuzvibereko zvasara zvomudzimu, ndiko kuti, mutsa, runako, unyoro, uye kuzvidzora. Ose iwaya mavara ari madikanwa, asi haasati achizotibetsera pasina rudo, kunyange sezvo Pauro akataura pana 1 VaKorinte 13:3, apo akanyora, kuti: “Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsirwi chinhu.” Pane rumwe rutivi, ndirwo rudo runobudisa mavara akadai somutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. Nokudaro, Pauro akapfuurira kutaura kuti rudo rune mutsa uye kuti “runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose.” Hungu, uye [“rudo harutongokundikani,” NW]. (1 VaKorinte 13:4, 7, 8) Kwakasanocherekedzwa kuti zvimwe zvibereko zvomudzimu iratidzirwo, kana mativi akasiana-siana, orudo, urwo runodudzwa pakutanga. Zvirokwazvo, kunobva kwadaro kuti pamavara ose mapfumbamwe omudzimu, zvamazvirokwazvo rudo ndirwo rukurusa.

17. Kutaurai kwapaMagwaro kunotsigira mhedziso yokuti rudo chibereko chikurusa chomudzimu?

17 Anotsigira mhedziso yokuti rudo ndirwo chikurusa chezvibereko zvomudzimu waMwari mashoko aPauro, anoti: “Musava nechikwereti nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe, wazadzisa murairo. Nokuti [bumbiro remitemo, NW] . . . rakaunganidzwa pashoko rokuti: ‘Ude wokwako sezvaunozvida iwe.’ Rudo harwuitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murairo.” (VaRoma 13:8-10) Nenzira yakakodzera zvikurusa, mudzidzi Jakobho anonongedzera kuno uyu mutemo wokuda muvakidzani wako sewe umene so“mutemo woumambo.”—Jakobho 2:8, NW.

18. Ndohumwe ufakazii huripo hwokuti rudo ivara gurusa?

18 Pachine chimwe chipupuriro here chokuti rudo ivara gurusa? Hungu, zvamazvirokwazvo. Rangarira chakaitika apo mumwe munyori akabvunza Jesu, kuti: “Ndoupi uri murairo mukuru kupfuura yose?” Iye angave akasanokarira Jesu kunokora mashoko mumwe weMirairo Gumi. Asi Jesu akanokora mashoko muna Dheuteronomio 6:4, 5 ndokuti: “Wokutanga ndouyu, ‘Inzwa, Haiwa Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe, uye unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako yose uye nesimba rako rose.’” Ipapo Jesu akawedzera, kuti: “Wechipiri ndouyu, ‘Unofanira kuda muvakidzani wako sewe umene.’ Hakuna mumwe murairo mukuru zvikuru kupfuura iyoyi.”—Marko 12:28-31, NW.

19. Ndezvipi zviri zvimwe zvezvibereko zvakatanhamara zvaa·gaʹpe?

19 Zvirokwazvo, Pauro haana kukatutsira paakadudza kutenda, tariro, uye rudo ndokuti: “Chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.” Kuratidzirwa kworudo kunoguma noukama hwakanaka naBaba vedu vokudenga navamwe, kubatanidza avo vari muungano nemitezo yemhuri dzedu. Rudo rune muuyo unovaka patiri. Uye nyaya inotevera icharatidza kuti rudo rwechokwadi runogona sei kuva runototusa chaizvo.

Waizopindura Sei?

◻ Rudo rukuru zvikuru sei kupfuura kutenda netariro?

◻ Chii chiri a·gaʹpe, uye rudo rwakadaro runoratidzwa sei?

◻ Neiko rudo rwuri chikurusa chamavara makuru mana aMwari?

◻ Munzirai umo rudo rwuri rukuru zvikuru kupfuura zvimwe zvibereko zvomudzimu?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Rudo rwakasunda Mwari kusika rudzi rwomunhu nokuda kwoupenyu muparadhiso yapasi. Unokarira kuvamo here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe