RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 11/15 pp. 21-22
  • “Nyengetereranai”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Nyengetereranai”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunyengetereranei?
  • Kunyengetera Pamusoro Pechii?
  • Mavara echiKristu Anosimbiswa
  • Rambai Muchinyengetererana
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 11/15 pp. 21-22

“Nyengetereranai”

JEHOVHA “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Iye anonzwa nguva dzose minyengetero yaavo vakazvipira nomwoyo wose kwaari, uye tinogona kuva nechokwadi chokuti anoteerera apo vanonyengetererana.

Asi kunyengetereranei? Minyengetero yakadaro inofanira kupiwa pamusoro pechii? Uye mavarai oumwari anosimbiswa apo tinonyengetererana?

Kunyengetereranei?

Magwaro anokurudzira vanhu vaJehovha kunyengetererana. Minyengetero nokuda kwavamwe yaiva pakati pemikumbiro yomuapostora Pauro kuna Mwari. (VaKorose 1:3; 2 VaTesaronika 1:11) Uyezve, mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Nyengetereranai.”—Jakobho 5:16, NW.

Minyengetero nokuda kwavamwe vabatiri vaMwari inoshanda. Ikoku kunoratidzwa pana Jakobho 5:13-18 (NW), apo muKristu anorwara mumudzimu anokurudzirwa kuti arege vakuru veungano vachi“munyengeterera, vachimuzodza namafuta muzita raJehovha.” Kunzwa munyengetero wavo kungasimbisa munhu anotambudzika ndokumupwisa kuti Mwari achapindurawo minyengetero yake amene. (Pisarema 23:5; 34:18) Kunze kwokunyengetera nomunhu wacho, vakuru vanoedza kudzorera utano hwake hwomudzimu kupfurikidza nokutaura mifungo yapaMagwaro yakafanana namafuta anozorodza.

Jakobho anowedzera, kuti: “Munyengetero wokutenda uchaponesa unorwara, uye Jehovha uchamumutsa.” Hungu, munhu ari kurwara mumudzimu sezvingabvira achabetserwa no“munyengetero wokutenda” wavakuru. Uyezve, Mwari “uchamumutsa” kuutano hwomudzimu kana achidisa kubetserwa naMagwaro. Asi zvakadini kana chirwere chomudzimu chakabva muchivi chakakomba? Eya, kana munhu wacho achipfidza, Jehovha achamukanganwira.

“Naizvozvo,” anodaro Jakobho, “reururiranai zvivi zvenyu pachena uye munyengetererane, mugoporeswa. Mukumbiro womunhu akarurama, apo unenge uchishanda, une simba guru. Eria . . . akanyengetera kuti kusanaya; uye kukasanaya panyika kwamakore matatu nemwedzi mitanhatu. Uye akanyengeterazve, uye denga rakapa mvura uye nyika ikabereka zvibereko zvayo.” (1 Madzimambo 17:1-7; 18:1, 42-45) Mumunyengetero womunhu akarurama uri mutsinhirano nokuda kwaMwari mune simba.—1 Johane 5:14, 15.

Kunyengetera Pamusoro Pechii?

Nhau ipi neipi inogona kuva nhau yeminyengetero yedu nokuda kwomutendi biyedu. Somuenzaniso, Pauro akakumbira vamwe kunyengetera kuti agova namano okutaura mashoko akanaka. (VaEfeso 6:17-20) Zvakadiniko kana tichiziva kuti mumwe munhu ari kuedzwa? Tinogona kunyengetera kuti ‘asaite chinhu chakashata’ uye kuti Mwari asamusiye kumuedzo asi amununure pano wakaipa, Satani Dhiabhorosi. (2 VaKorinte 13:7; Mateo 6:13) Uye kana mumwe munhu ari kurwara mumuviri, tinogona kukumbira Jehovha kumupa ushingi hunodikanwa kutsungirira chirwere chake.—Pisarema 41:1-3.

Kwakakodzera nguva dzose kunyengeterera vanamati biyedu vanotambudzwa vaJehovha. Pauro navasonganiri vake vakatambura chitambudzo chikuru, uye iye akaudza maKristu eKorinte, kuti: “Nemiwo muchibatsirana pakutikumbirira kwenyu kuti, vanhu vazhinji vaonge pamusoro pedu nokuda kwechipo chedu chenyasha chatakapiwa nokunyengetera kwavazhinji.” (2 VaKorinte 1:8-11; 11:23-27) Kunyange kana tikaiswa mutorongo, tinogona kunyengeterera dzimwe hama dziri kutambudzwa, tichiyeuka nguva dzose kuti Jehovha anonzwa “munyengetero wavakarurama.”—Zvirevo 15:29.

Zvikurukuru tinofanira kunyengeterera hama dzedu dzinoita mitoro mikuru mukati mesangano raJehovha. Ikoku kunobatanidza avo vanotungamirira sangano uye kugadzirira zvokudya zvomudzimu zvinogoverwa no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Somuenzaniso, mitezo yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha yakafanirwa neminyengetero yedu, uye tinogona kunyengetera kuti Mwari avape “mudzimu wouchenjeri.”—VaEfeso 1:16, 17, NW.

Mavara echiKristu Anosimbiswa

Kupfurikidza nokunyengeterera vatendi biyedu, tinozviratidza timene kuva vanoitira hanya, vasina udyire, uye vano rudo. Kuitira hanya kusina udyire, kworudo hama dzedu nehanzvadzi dzomudzimu kunotsinhirana nepfundo raPauro rokuti rudo “harutsvaki fariro dzarwo rumene.” (1 VaKorinte 13:4, 5, NW) Kunyengeterera vamwe inzira imwe yo“kungwarira, kwete fariro yomunhu oga pazvinhu zvako umene, asiwo fariro yomunhu oga paizvo zvavamwe.” (VaFiripi 2:4, NW) Apo tinoita garikano yomudzimu yavamwe itiro hanya yedu mumunyengetero, tinozviwanawo timene tichiswedera pedyo navo murudo rwouhama urwo runozivisa vadzidzi vaJesu.—Johane 13:34, 35.

Vara rokunzwira tsitsi rinotangwa kuavo tinonyengeterera. (1 Petro 3:8) Tinovanzwira tsitsi, tichigoverana mufariro dzavo namadambudziko. Mumuviri womunhu, kana ruoko rumwe rukakuvadzwa, rumwe runorutarisira uye runoedza kuderedza kutambura kunoparirwa nechironda. (Enzanisa na 1 VaKorinte 12:12, 26.) Nenzira yakafanana, kunyengeterera hama nehanzvadzi dziri kutambura kunokudziridza kuvanzwira tsitsi kwedu uye kunotibetsera kuvachengeta mumurangariro. Kurasikirwa kwedu kana tikaregeredza maKristu biyedu akatendeka muminyengetero yedu, nokuti Mwari naKristu havavasiyi.—1 Petro 5:6, 7.

Mavara oumwari akasiana-siana anosimbiswa apo tinonyengeterera vamwe. Tinova vanonzwisisa zvikuru navanoshivirira kwavari. Kukasharara kunobvira kunodzurwa, kuchibvumira nzvimbo yemifungo inovaka inoita kuti tive vane rudo uye vanofara. Kunyengeterera vamwe kunosimudzirawo rugare nechinzwano pakati pavanhu vaJehovha.—2 VaKorinte 9:13, 14.

Rambai Muchinyengetererana

Kufanana naPauro, tinogona kukumbira vamwe kuti vatinyengeterere. Kunze kwokunyengetera nesu, shamwari dzedu dzingatinyengeterera somunhu oga kuna Mwari, kutidudza mazita, kududza chinetso chedu, uye kukumbira kuti atibetsere. Uye betsero ichauya, nokuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo.”—2 Petro 2:9, NW.

Zvapupu zvaJehovha zvinotidudza muminyengetero yazvo zvinewo miedzo—sezvinobvira inotambudza zvikuru kupfuura yedu timene. Bva, zvinotakura itiro hanya dzedu pamberi paMambo Asingagumi, zvichida kunyange kubudisa misodzi nokuda kwedu. (Enzanisa na 2 VaKorinte 2:4; 2 Timotio 1:3, 4.) Tinofanira kuva vanoonga sei nokuda kwaikoku! Mukuonga uye nokuda kwezvimwe zvikonzero zvichangobva kukurukurwa, nokudaro, ngatinyengetereranei.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe