RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 1/1 pp. 8-9
  • “Tarirai Munhu!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Tarirai Munhu!”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • “Tarirai! Munhu Wacho!”
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Pondiyo Pirato Aive Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kubva Kuna Pirato Kuenda Kuna Herodhe Nokudzokera Zvakare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Anogamuchidzwa Ndokuendeswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 1/1 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

“Tarirai Munhu!”

AORORWA nechimiro chaJesu nokuziva kusava nemhaka kwake, Pirato anotsvaka imwe nzira yokumusunungura nayo. “Imi mune tsika,” iye anoudza mapoka, “kuti ndikusunungurirei mumwe nepaseka.”

Bharabhasi, mupondi ane mbiri yakaipa, ari kuchengetwawo somusungwa, naizvozvo Pirato anobvunza, kuti: “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi, kana Jesu, unonzi Kristu?”

Vanyengetedzwa navaprista vakuru avo vavanyandura, vanhu vanokumbira kuti Bharabhasi asunungurwe asi kuti Jesu aurawe. Asingaregi, Pirato anopindura, achibvunza zvakare, kuti: “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri?”

“Bharabhasi,” ivo vanodanidzira kudaro.

“Ndichagoiteiko naJesu, unonzi Kristu?” Pirato anobvunza kudaro mukushamisika.

Nokudanidzira kumwe kukuru, ivo vanopindura, kuti: “Ngaarovererwe!” “Murovererei! Murovererei!”—NW.

Achiziva kuti vari kuraira rufu rwomunhu asina mhaka, Pirato anoteterera, achiti: “Uyu akagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari. Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.”

Pasinei zvapo nokuedza kwake, boka rashatiriswa, richikurudzirwa navatungamiriri varo vorudzidziso, rinoramba richishevedzera, kuti: “Ngaarovererwe!” (NW) Rapinzwa muupengo navaprista, boka rinoda ropa. Uye kufunga kuti, mazuva mashanu bedzi pamberi pezvi, vamwe vavo zvimwe vakanga vari pakati paavo vakagamuchira Jesu achipinda muJerusarema saMambo! Munguva iyoyo yose, vadzidzi vaJesu, kana vari ivo, vanoramba vanyerere uye vasingaoneki.

Pirato, achiona kuti zvikumbiro zvake hazvisi kuita zvakanaka asi, panzvimbo pezvo, kuti bopoto riri kumuka, anotora mvura uye anoshamba maoko ake pamberi peboka, uye anoti: “Handina mhaka neropa romunhu uyu wakarurama; mhaka yenyu.” Pana ikoko vanhu vanopindura, vachiti: “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napavana vedu.”

Naizvozvo, muwirirano nezvido zvavo—uye achishuva kugutsa boka kupfuura kuita chaanoziva kuti chakarurama—Pirato anosunungura Bharabhasi kwavari. Iye anotora Jesu uye anoita kuti abviswe zvipfeko uye ipapo kurohwa. Uku kwakanga kusati kuri kurovawo zvako. The Journal of the American Medical Association inorondedzera muitiro weRoma wokurova:

“Chishandiswa chenguva dzose yakanga iri tyava pfupi (flagrum kana kuti flagellum) ine fosi dzinoverengeka dzakaparadzana kana kuti dzeganda dzakarukwa dzourefu hwakasiana-siana, umo simbi duku dzakaurungana kana kuti zvidimbu zvakapinza zvamafupa amakwai zvaisungirirwa apa napapa. . . . Sezvo varwi veRoma vairova varovazve musana wanyajambwa nesimba rakazara, simbi dzakaurungana dzaiparira mavanga akadzama, uye fosi dzeganda namafupa amakwai zvaipinda muganda netsinga nepasi peganda. Ipapo, sezvo kurova kwaipfuurira, maronda aipinda mutsinga dziri pasi ndokuparira nyama inobuda ropa.”

Pashure pouku kurova kwokutambudza, Jesu anopinzwa muimba yamambo, uye boka rose ravarwi rinounganidzwa pamwe chete. Imomo varwi vanotutira kumwe kunyomba paari kupfurikidza nokuruka chiremba cheminzwa nokuchidzimikira pamusoro pake. Ivo vanoisa rutsanga murudyi rwake, uye vanomupfekedza nguvo yepepuru, rudzi rwaipfekwa naveimba youmambo. Ipapo vanoti kwaari nenzira yokunyomba: “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Uyewo, vanomupfira namate uye vanomurova nembama muchiso. Vachitora rutsanga rukuru muruoko rwake, vanorushandisa kumurova pamusoro, vachipinzazve kunyange mumusoro make minzwa yakapinza “korona” yake inodukupisa.

Chiremera chinoshamisa chaJesu nesimba mukutarisana nouku kubatwa kusakafanira zvinoorora Pirato kwazvo zvokuti iye anosundwa kuita kumwe kuedza kwokumusunungura. “Tarirai, ndamubudisira kwamuri, muzive kuti handiwani mhosva kwaari,” iye anoudza mapoka kudaro. Sezvinobvira iye anofungidzira kuti chiono chomugariro wokutambudzwa kwaJesu chichapfavisa mwoyo yavo. Sezvo Jesu anomira pamberi penyongori isina tsitsi, akapfeka korona ine minzwa nenguvo yokunze yepepuru uye nechiso chake chinobuda ropa chinoratidzira marwadzo, Pirato anozivisa, kuti: “Tarirai munhu!”

Kunyange zvazvo asvuurwa nokurovanywa, pano pamire munhu akatanhamara zvikurusa wenhau yose, zvirokwazvo munhu mukurusa ati amborarama! Hungu, Jesu anoratidza chiremera chakanyarara noruteramo izvo zvinoratidzira ukuru uhwo kunyange Pirato anofanira kubvuma, nokuti mashoko ake sezviri pachena muvhenganiswa wezvose zviri zviviri ruremekedzo netsitsi. Johane 18:39–19:5; Mateo 27:15-17, 20-30; Marko 15:6-19; Ruka 23:18-25.

◆ Pirato anoedza kuti Jesu asunungurwe munzirai?

◆ Pirato anoedza sei kuzvibvisira amene mutoro?

◆ Chii chinobatanidzwa mukurohwa?

◆ Jesu anonyombwa sei pashure pokurohwa?

◆ Ndikumwe kuedzai kunoita Pirato kusunungura Jesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe