RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 1/15 p. 7
  • Unosanoziva Sei Bhaibheri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unosanoziva Sei Bhaibheri?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku Risingafungwi Nezvaro Nevechiduku Vakawanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Nhau dzomuTV—Nhau Chaidzo Dzakawanda Sei?
    Mukai!—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 1/15 p. 7

Unosanoziva Sei Bhaibheri?

‘Bhuku raThomas? Chokwadi, iroro riri muBhaibheri. Asi bhuku raJona harisi. Nzvimbo yokuberekwa kwaKristu? Haiwa, irori iJerusarema—kana kuti yakanga iri Nazareta here? Handina chokwadi chaizvoizvo kana bhuku raIsaya riri murutivi rwokutanga kana rwechipiri rweBhaibheri. Chiverengero chavaapostora? Handizivi chaizvoizvo.’

“UKU kuwana kungasava chishamiso kudai mashoko acho akanga aunganidzwa pakati pavasiri maKristu,” inodaro magazini Christianity Today. “Chinoshamisa—uye chinokangaidza—ndihwo ukuru hwokusaziva Magwaro hwakawanwa pakati pamaKristu akaberekwazve.”

Somuenzaniso, 22 muzana yamaKristu nezita yakanzverwa yakafunga kuti chaizvoizvo kwakanga kune bhuku raThomas muBhaibheri, nepo 13 muzana vakanga vasina chokwadi. Kana ari Jona, 27 muzana yakati akanga asiri muBhaibheri, uye 12 muzana yakanga isingazivi. Vatanhatu muzana havana kugona kunyange kufungidzira uko Kristu akaberekerwa, nepo 16 muzana yakadudza Jerusarema, uye 8 muzana yakati yakanga iri Nazareta. Ine 13 muzana yakazara yakanga isingazivi uko bhuku raIsaya raigona kuwanwa muBhaibheri, nepo 11 muzana yakariisa muMagwaro echiGiriki echiKristu (“Testamente Itsva”). Uye nepo vazhinjisa vaiziva kuti kwaiva navaapostora 12, 12 muzana yakapa imwe nhamba, kuvambira pa 2 kusvikira kuvanopfuura 20, uye 10 muzana yakanga isingatongozivi.

Mubvunzo wakapa nhamo hurusa wakanga uri kana kutaura kwokuti “Mwari anobetsera avo vanozvibetsera vamene” kwakanga kuri muBhaibheri kana kuti kwete. Ine 38 muzana bedzi ya“maKristu” akanzverwa yaiziva kuti kwaisawanwa munzvimbo ipi neipi muBhaibheri, nepo nhamba huru zvikuru, 42 muzana, yakafunga kuti kwaiva kunokorwa mashoko kweBhaibheri. Vasara havana kuziva.

“Neiko pane kusaziva kukuru kwazvo pamusoro peBhaibheri?” inobvunza Christianity Today. “Sezvingabvira zvikurusa, kunobva mukushaikwa kwokurava Bhaibheri. Hafu yavaAmerica vose hairavi Bhaibheri. Ruzhinji rwamaKristu ose akaberekwa zvakare vanorava Bhaibheri kamwe kana kaviri pavhiki, kana kusatongorava. Hakushamisi kuti maKristu akawanda kwazvo anoziva zvishomanene kwazvo pamusoro paMagwaro!”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe