Sechirikadzi, Ndakawana Nyaradzo Yechokwadi
Yakataurwa naLily Arthur
MUMWE mushumiri muduku weZvapupu zvaJehovha akanga achishanyira paimba neimba muchikamu cheOotacamund, India. Netsika vakadzi vakanga vasingazaruri suo kumuenzi akadaro. Pashure pamaawa mashomanene, aneta uye ati odzwei mwoyo, iye akatenderuka kuti aende kumba. Asi akamira, achinzwa nenzira yakati achisundwa kushanyira suo rinotevera. Rangarira chakaitika, sezvinorondedzerwa nomukadzi akamuzarurira suo.
NDINE mwanasikana wangu muduku ane mwedzi miviri yokukura mumaoko angu uye mwanakomana wangu ane mwedzi 22 yokukura parutivi pangu, ndakakurumidza kuzarura suo ndokuona muenzi akamira ipapo. Usiku hwapamberi chaihwo ndakanga ndatambudzika zvikuru. Ndichitsvaka nyaradzo, ndakanga ndanyengetera, kuti: “Baba vokudenga, ndapota ndinyaradzei kupfurikidza neShoko renyu.” Zvino, kushamisiko yangu, muenzi akatsanangura, kuti: “Ndiri kukuunzirai shoko renyaradzo netariro rinobva muShoko raMwari.” Ndakarangarira kuti anofanira kuva muporofita atumwa naMwari. Asi mugariroi wakanga wasunda munyengetero wangu nokuda kwebetsero?
Kudzidza Zvokwadi dzeBhaibheri
Ndakazvarwa muna 1922 mumusha weGudalur muNilgiri Hills wakaisvonaka wokumaodzanyemba kweIndia. Amai vangu vakafa pandaiva namakore matatu okukura. Gare gare, Baba, avo vakanga vari mufundisi wePurotesitendi, vakaroorazve. Nokukurumidza patakagona kutaura, Baba vakadzidzisa hanzvadzi dzangu navanun’una uye ini kunyengetera. Pazera ramakore mana, apo Baba vaigara zuva nezuva pachibhariro chavo vachirava Bhaibheri, ini ndaiva pauriri ndichirava Bhaibheri rangu ndimene.
Pakukura, ndakava mudzidzisi. Ipapo, pandakasvika zera ramakore 21, baba vangu vakaronga roorano yangu. Murume wangu neni takakomborerwa nomwanakomana, Sunder, uye gare gare mwanasikana, Rathna. Panenge panguva apo Rathna akazvarwa, zvisinei, murume wangu akarwara zvikuru, uye nokukurumidza pashure pacho akafa. Pazera ramakore 24, kamwe kamwe ndakava chirikadzi ine mutoro wavana vaduku vaviri.
Pashure paikoko ndakateterera Mwari kuti andinyaradze kubva muShoko rake, uye rakanga riri zuva rakatevera iro mushumiri weZvapupu zvaJehovha akashanya. Ndakamukoka kupinda ndokugamuchira bhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wazvokwadi.” Usiku ihwohwo pandakanga ndichirirava, ndakaramba ndichiona zita rokuti Jehovha, iro kwandiri rakanga riri chimwe chinhu chechienzi zvikuru. Gare gare mushumiri akadzokera ndokundiratidza muBhaibheri kuti irori izita raMwari.
Nokukurumidza ndakadzidzawo kuti dzidziso dzakadai soUtatu uye hero yomwoto hadzina kuvakirwa paBhaibheri. Nyaradzo netariro zvakauya kwandiri pandakadzidza kuti muUmambo hwaMwari pasi richava paradhiso uye vadiwa vakafa vachadzokera murumuko. Chinokosha zvikurusa, ndakavamba kuziva uye kuda Mwari wechokwadi, Jehovha, uyo akanzwa munyengetero wangu ndokundibetsera.
Kugoverana Zivo Ichangobva Kuwanwa
Ndakavamba kushamisika kuti ndakanga ndapotsa sei kurava ndima dzeBhaibheri idzodzo dzine zita raMwari. Uye nei ndakanga ndisina kuona mukurava Bhaibheri kwangu ndimene tariro yakajeka youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi? Ndakanga ndichidzidzisa muchikoro chaitarisirwa navafundisi vePurotesitendi, naizvozvo ndakaratidza ndima dzeBhaibheri kuna manija wechikoro. (Eksodho 6:3; Pisarema 37:29; 83:18; Isaya 11:6-9; Zvakazarurwa 21:3, 4) Ndakadudza kuti nenzira yakati takanga taafuratira. Asi kushamisiko yangu haana kuratidzika saakafadzwa.
Ipapo ndakanyorera mukuru akanga ari murimwe taundi, ndichinokora mashoko ndima dzeBhaibheri idzodzi. Ndakakumbira banza rokutaura naye. Iye akapindura kuti baba vake, mufundisi anosanozivikanwa akabva England, aizokurukura nhau yacho neni. Mukoma womukuru akanga ari bhishopi akatanhamara.
Ndakagadzirira mapfundo ose namagwaro ndokutora bhuku rangu ra“Mwari Ngaave Wazvokwadi” navana vangu kutaundi rinotevera. Nembavarira ndakatsanangura uyo ari Jehovha, kuti hakuna Utatu, uye zvimwe zvinhu zvandakanga ndadzidza. Vakateerera kwechinguvana asi havana kutaura shoko. Ipapo mufundisi akabva England akati: “Ndichakunyengeterera.” Ipapo akandinyengeterera ndokundiendesa.
Kupupurira Mumugwagwa
Rimwe zuva mushumiri weZvapupu zvaJehovha akandikoka kuti ndipupurire mumugwagwa namagazini eNharireyomurindi naMukai! Ndakamuudza kuti ichocho chakanga chiri chimwe chinhu chandaisatongogona kuita. Munoona, muIndia vanhu vaizofunga zvakaipisisa pamusoro pomukadzi aimira mumugwagwa kana kuti kuenda paimba neimba. Kwaizounza ruzvidzo pamukurumbira womukadzi uye kunyange pauyo wemhuri yake. Sezvo ndaida nokuremekedza baba vangu zvikuru, ndakanga ndisingadi kuunza ruzvidzo pavari.
Asi mushumiri akandiratidza ndima yeBhaibheri inoti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera, uye ita kuti mwoyo wangu ufare, kuti ndigopindura iye unondishora.” (Zvirevo 27:11, King James Version) Iye akati: “Unoita kuti mwoyo waJehovha ufare kupfurikidza nokuratidza pachena kuti unomutsigira noUmambo hwake.” Ndichishuva kupfuura chimwe chinhu chipi nechipi zvacho kuti ndiite kuti mwoyo waJehovha ufare, ndakatora bhegi ramagazini ndokupinda naye mubasa rokupupurira mumugwagwa. Kunyange zvino handigoni kufungidzira nzira yandakakuita nayo. Imomo makanga muri muna 1946, inenge mwedzi mina pashure pokunge ndawanwa.
Ndakakurudzirwa Kukurira Rutyo
Muna 1947, ndakagamuchira basa rokudzidzisa mumicheto meMadras, pamhenderekedzo yegungwa yokuMabvazuva yeIndia, uye ndakatamira ikoko navana. Boka duku ravanenge vasere veZvapupu zvaJehovha raisangana nguva dzose mutaundi. Kuti tipinde misangano iyoyo, taifanira kufamba mamaira 16. MuIndia shure panguva iyeyo, vakadzi vaisafamba vari voga kazhinji kazhinji. Vaitsamira pavarume kuti vavaendese. Ndakanga ndisingazivi nzira yokukwira nayo bhazi, nzira yokukumbira nayo tikiti, nzira yokuburuka nayo bhazi, uye zvichingodaro. Ndakarangarira kuti ndinofanira kuva ndichibatira Jehovha, asi sei? Naizvozvo ndakanyengetera, kuti: “Jehovha Mwari, handigoni kurarama ndisingakubatirii. Asi hakubviri chose chose nokuda kwangu somukadzi wechiIndia kuenda paimba neimba.”
Ndakakarira kuti Jehovha aizondirega ndichifa kuti andizorodze muiyi bonderano. Zvisinei, ndakasarudza kurava chimwe chinhu muBhaibheri. Kwakaitika kuti ndakazarura pabhuku raJeremia, apo rinoti: “Usati ndiri mwanana; nokuti kuna aninani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura. Usatya nokuda kwavo, nokuti: ‘Ini ndinewe, kuti ndikurwire.’”—Jeremia 1:7, 8.
Ndakanzwa kuti Jehovha zvamazvirokwazvo akanga achitaura kwandiri. Naizvozvo ndakashinga uye pakarepo ndakaenda kumucheni wangu wokusona ndokusona bhegi rokushandisa nokuda kwokutakura magazini. Pashure pomunyengetero wapachokwadi, ndakaenda ndiri ndoga paimba neimba, ndakagovera mabhuku angu ose, uye kunyange kutanga fundo yeBhaibheri zuva iroro. Ndakatsunga kupa Jehovha nzvimbo yokutanga muupenyu hwangu, uye ndakaisa rutsamiro rwangu nechivimbo zvakakwana maari. Basa rokuparidzira pachena rakava rutivi rwenguva dzose rwoupenyu hwangu pasinei zvapo namashoko anozvidza. Pasinei zvapo nechishoro, mubato wangu wakaorora vamwe zvakasimba.
Ikoku kwakaenzanisirwa apo mwanasikana wangu neni takaenda paimba neimba muMadras makore mazhinji gare gare. Mumwe murume wechiHindu, mutongi weDare rapaMusoro, achikanganisa zera rangu, akati: “Ndakaziva magazini iwaya kunyange chifo chapamberi pokunge wazvarwa! Makore makumi matatu apfuura mumwe mukadzi aiwanzomira nguva dzose paMount Road ndokuagovera.” Iye aida kuzvinyoresa.
Pane imwe imba Brahman wechiHindu, mukuru mukuru akarega kushanda, akatikoka kupinda ndokuti: “Makore mazhinji zvikuru apfuura mumwe mukadzi aiwanzogovera Nharireyomurindi paMount Road. Ndichatora amuri kundigovera nokuda kworuremekedzo nokuda kwake.” Ndaifanira kunyemwerera nemhaka yokuti ndaiziva kuti ndakanga ndiri mukadzi uyo vose vari vaviri vakanongedzera kwaari.
Ndakasimbiswa Uye Ndakakomborerwa
Makanga muri muna October 1947 umo ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. Panguva yacho ndini bedzi ndakanga ndiri mukadzi Chapupu anotaura chiTamil munyika yacho yose, asi zvino mazana avakadzi vechiTamil Zvapupu zvaJehovha zvakatendeka, zvinoshingaira.
Pashure pokunge ndabhapatidzwa, chishoro chakabva mumativi ose. Hanzvadzi yangu yakanyora, kuti: “Wapfuura faniro yose netsika.” Ndakagamuchirawo chishoro muchikoro uko ndaishanda uye munzanga. Asi ndakatosanonamatira kuna Jehovha kupfurikidza nomunyengetero unopfuurira, wapachokwadi. Kana ndakamuka pakati pousiku, ndaikurumidza kubatidza rambi ndokufunda.
Sezvo ndakasimbiswa, ndakanga ndava kugona zviri nane kunyaradza uye kubetsera vamwe. Mumwe mukadzi akwegura wechiHindu wandakafunda naye akatsigira zvakasimba kunamatwa kwaJehovha. Apo akafa, mumwe mukadzi mumhuri yacho akati: “Chakaita kuti tifare zvikuru rwakanga rwuri ruvimbiko rwake kuna Mwari waakasarudza kunamata kusvikira kumugumo chaiko.”
Mumwe mukadzi wandakafunda naye aisatongonyemwerera. Nguva dzose chiso chake chairatidzira funganyo uye rusuruvaro. Asi pashure pokumudzidzisa pamusoro paJehovha, ndakamukurudzira kunyengetera kwaari, sezvo achiziva zvinetso zvedu uye achititarisira. Vhiki rakatevera chiso chake chakanga chajeka. Yakanga iri nguva yokutanga yandakambomuona achinyemwerera. “Ndave ndichinyengetera kuna Jehovha,” iye akatsanangura, “uye ndine rugare rwendangariro nomwoyo.” Akatsaurira upenyu hwake kuti abatire Jehovha uye anoramba akatendeka pasinei zvapo nezvitambudzo zvizhinji.
Kudzikamisa Mitoro
Ndine vana vaduku vaviri vokutarisira, ndakarangarira kuti kuwanwa kwechishuvo changu chokubatira Jehovha nguva yakazara sapiona kwakanga kusingabviri. Asi ipapoka mukoto mutsva webasa wakazaruka apo mumwe munhu akanga achidikanwa kuti ashandure zvinyorwa zveBhaibheri mumutauro wechiTamil. Nebetsero yaJehovha ndakakwanisa kutarisira mugove iwoyo uye, panguva imwe cheteyo, kushanda kunyika somudzidzisi, kutarisira vana, kuita basa rangu romumba, kupinda misangano yose, uye kupinda mubasa romumunda. Pakupedzisira, apo vana vakakura, ndakava piona chaiye, ropafadzo yandakafarikanya kwamakore 33 apfuura.
Kunyange apo Sunder naRathna vakanga vari vaduku, ndakaedza kuroverera mavari rudo nokuda kwaJehovha uye chishuvo chokuisa nguva dzose fariro dzake pakutanga murutivi rwuri rwose rwoupenyu hwavo. Vaiziva kuti munhu vokutanga wavanofanira kutaura kwaari pakumuka akanga ari Jehovha uye kuti iye ndiye munhu wokupedzisira wavanofanira kutaura kwaari vasati vaenda kundorara. Uye vaiziva kuti gadziriro nokuda kwemisangano yechiKristu uye basa romumunda haifaniri kufuratirwa nemhaka yebasa rechikoro rinoitirwa kumba. Nepo ndaivakurudzira kuita unane hwavo mubasa ravo rechikoro, handina kutongoraira kuti vawane giredhi rapamusoro, ndichitya kuti vaizoita ikoko chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwavo.
Pashure pokunge vabhapatidzwa, vaishandisa mazororo echikoro kuti vapayone. Ndakakurudzira Rathna kuti ave noushingi, kwete anotya uye anonyara sezvandakanga ndiri. Pashure pokupedza chikoro chake chapamusoro uye rovedzo yezvokutengeserana, akavamba kupayona, uye gare gare akava piona chaiye. Pashure penguva yakati, iye akaroorwa nomutariri anofambira, Richard Gabriel, uyo zvino anobatira somutsinhiranisi weDare reBazu reWatch Tower Society muIndia. Ivo nomwanasikana wavo, Abigail, vanoshanda nguva yakazara pabazu reIndia, uye mwanakomana wavo muduku, Andrew, muparidzi wamashoko akanaka.
Pamakore 18 ezera, Sunder, zvisinei, akarwadza mwoyo wangu apo akarega kusonganirana neZvapupu zvaJehovha. Makore akatevera akanga ari amarwadzo makuru kwandiri. Ndakapfuurira kukumbira Jehovha kuti andikanganwire kudarika kupi nokupi kwandingave ndakava nako pakumurera uye kuita kuti Sunder afunge zvakanaka kuti agodzoka. Asi, pashure penguva yakati, ndakarasikirwa netariro yose. Ipapo rimwe zuva makore 13 gare gare iye akauya ndokundiudza kuti: “Amai, musanetseka, ndichaita zvakanaka.”
Nokukurumidza pashure paikoko, Sunder akaita nhamburiko chaidzo dzokuva akakura mumudzimu. Akafambira mberi kusvikira papfundo rokuronzeswa kutarisira ungano yeZvapupu zvaJehovha. Gare gare akarega basa rake rinobhadhara zvakanaka kuti ave piona. Zvino iye nomudzimai wake, Esther, vanobatira pamwe chete muiri basa muBangalore murutivi rwokumaodzanyemba kweIndia.
Nyaradzo Youpenyu Hwose
Ndinowanzoonga Jehovha nokuda kwokuva akandibvumidza kutambura nezvinetso mumakore ose apfuura. Pasina zvinoitika zvakadaro ndingadai ndisina kuva neropafadzo inokosha yokuravidza kusvikira kutambanuko yakadaro runako rwaJehovha, ngoni dzake, uye ratidziro dzake dzeitiro hanya uye chidakadaka. (Jakobho 5:11) Kunofadza kurava muBhaibheri pamusoro petarisiro neitiro hanya zvaJehovha ku“nherera nechirikadzi.” (Dheuteronomio 24:19-21) Asi hakusi chinhu pakuenzaniswa nenyaradzo nomufaro wokuwana chaizvoizvo tarisiro neitiro hanya zvake.
Ndakadzidza kuisa rutsamiro nechivimbo zvakakwana muna Jehovha, kwete kutsamira pakunzwisisa kwangu ndimene, asi kumucherechedza munzira dzangu dzose. (Pisarema 43:5; Zvirevo 3:5, 6) Sechirikadzi duku, ndakanyengetera kuna Mwari nokuda kwenyaradzo inobva muShoko rake. Zvino, pazera ramakore 68, ndinogona zvirokwazvo kutaura kuti mukunzwisisa Bhaibheri nokushandisa zano raro, ndakawana nyaradzo isingayerwi.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Lily Arthur nemitezo yemhuri yake