RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 4/15 pp. 14-20
  • Uchatevedzera Ngoni dzaMwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uchatevedzera Ngoni dzaMwari Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ruramisiro Youmwari Inoitwa
  • Ruramisiro Inodzikamiswa Nengoni
  • Itiro Hanya Yechakanga Charasika
  • Kufara Kwokudenga—Pachii?
  • Kushanda Kworupfidzo Nengoni
  • Ruramisiro Yechokwadi Nokururama—Zvinobva Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Tevedzera Jehovha—Shandisa Ruramisiro Nokururama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Kufara Panopfidza Mutadzi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Nzira Dzake Dzese Dzakarurama”
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 4/15 pp. 14-20

Uchatevedzera Ngoni dzaMwari Here?

“Ivai vatevedzeri vaMwari, savana vanodiwa.”—VAEFESO 5:1, “NW.”

1. Neiko kutevedzera vamwe kuchifanira kuva kweitiro hanya kwatiri tose?

NOKUDA kwezvakanaka kana kuti nokuda kwezvakaipa, vanhu vazhinjisa vanotevedzera vamwe. Avo takapoteredza, uye vatingatevedzera, vanogona kutitapura zvikuru. Munyori akafuridzirwa waZvirevo 13:20 akanyevera, kuti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” Nechikonzero chakanaka, ipapoka, Shoko raMwari rinoti: “Iva mutevedzeri, kwete wechiri chakaipa, asi wechiri chakanaka. Iye unoita zvakanaka anobva kuna Mwari.”—3 Johane 11, NW.

2. Ndiani watinofanira kutevedzera, uye munzirai?

2 Tine mienzaniso yakaisvonaka yeBhaibheri yavarume navakadzi vatinogona kutevedzera. (1 VaKorinte 4:16; 11:1; VaFiripi 3:17) Bva, mukurusa wokuti titevedzere ndiMwari. Pana VaEfeso 4:31–5:2 (NW), pashure pokutaura mavara nemiitiro zvatinofanira kudzivisa, muapostora Pauro akakurudzira kuti tive “vane tsitsi zvikuru, vanokanganwirana norusununguko.” Ikoku kwakatungamirira kupangiro huru, yokuti: “Naizvozvo, ivai vatevedzeri vaMwari, savana vanodiwa, uye rambai muchifamba murudo.”

3, 4. Mwari akagovera rondedzeroi yake amene, uye nei tichifanira kurangarira kuva kwake Mwari akarurama?

3 Ndedzipi dziri nzira dzaMwari namavara zvatinofanira kutevedzera? Pane mativi mazhinji ohunhu hwake namabasa, sezvinogona kuonwa munzira yaakazvirondedzera nayo amene kuna Mosesi, kuti: “Jehovha, Mwari uzere nenyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi usingapembedzi munhu une mhosva, unorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo.”—Eksodho 34:6, 7.

4 Sezvo Jehovha ari “mudi wokururama neruramisiro,” zvamazvirokwazvo tinofanira kusvika pakuziva ndokutevedzera iri vara rohunhu hwake. (Pisarema 33:5, NW;Pis 37:28) Iye ndiye Musiki, pamwe chete noMutongi Mukurusa worudzi rwomunhu noMupi weMitemo, naizvozvo anoratidzira ruramisiro kuna vose. (Isaya 33:22) Ikoku kunoratidzirwa zvakajeka munzira yaaida nayo ruramisiro ndokuiparira kuitwa pakati pavanhu vake Israeri uye gare gare mukati meungano yechiKristu.

Ruramisiro Youmwari Inoitwa

5, 6. Ruramisiro yakaratidzirwa sei mukubata kwaMwari naIsraeri?

5 Pakusarudza Israeri savanhu vake, Mwari akabvunza kana ivo ‘vaizoteerera chaizvoizvo inzwi rake uye zvamazvirokwazvo kuchengeta sungano yake.’ Vakaungana mujinga meGomo reSinai, vakapindura, kuti: “Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita.” (Eksodho 19:3-8) Ivimbiso yakakomba zvakadini! Kupfurikidza nengirozi, Mwari akapa vaIsraeri mitemo 600, iyo ivo, savanhu vakatsaurirwa kwaari, vakanga vane mutoro wokuchengeta. Zvakadiniko kana mumwe munhu aisazoita saizvozvo? Imwe nyanzvi muMutemo waMwari yakatsanangura, kuti: “Shoko rakataurwa kupfurikidza nengirozi rakabvumikisa kuva rakasimba, uye kudarika kuri kwose nechiito chokusateerera zvakagamuchira chirango chiri mutsinhirano neruramisiro.”—VaHebheru 2:2, NW.

6 Hungu, muIsraeri uyo aisazoteerera aitarisana ne“chirango chiri mutsinhirano neruramisiro,” kwete ruramisiro isina kukwana yavanhu, asi ruramisiro inobva kuMusiki wedu. Mwari akaraira zvirango zvakasiana-siana nokuda kwokuputswa kwomutemo. Chirango chakakomba zvikurusa chakanga chiri ‘kuuraya,’ kana kuti kuparadza. Ikoko kwaishanda kukuputsa kwakakomba, zvakadai sokunamata zvifananidzo, upombwe, vatano yehama dzokunyama, kuvatana nemhuka, vatano yavane mitezo mimwe cheteyo yevatano, kubaira vana, kuponda, uye kushandiswa kusina kufanira kweropa. (Revhitiko 17:14; 18:6-17, 21-29) Uyezve, muIsraeri upi noupi aiputsa noune, nenzira yokusapfidza mutemo upi noupi woumwari aigona ku“urawa.” (Numeri 4:15, 18; 15:30, 31) Apo iyi ruramisiro youmwari yaiitwa, miuyo ingasanonzwiwa navana vomuiti wezvakaipa.

7. Ndeipi yaiva mimwe miuyo yokushandiswa kweruramisiro pakati pavanhu vekare vaMwari?

7 Zvirango zvakadaro zvaisimbisa kukomba kwokuputsa mutemo woumwari. Somuenzaniso, kana mwanakomana akava chidhakwa nasadzandiuraye, aifanira kuunzwa pamberi pavatongi vakakura mumudzimu. Kana vakawana kuti akanga ari mutadzi wamaune, asingapfidzi, vabereki vaifanira kugoverana mukuita ruramisiro. (Dheuteronomio 21:18-21) Avo vedu vari vabereki vanogona kufungidzira kuti kwakanga kusiri nyore kuita ikoko. Asi Mwari aiziva kuti kwakanga kuchidikanwa kuti uipi husapararire pakati pavanamati vechokwadi. (Ezekieri 33:17-19) Ikoku kwakarongwa noUyo pamusoro pake kwaigona kunzi: “Nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri; wakarurama, ndowazvokwadi.”—Dheuteronomio 32:4.

8. Ruramisiro yakaratidzira sei kubata kwaMwari neungano yechiKristu?

8 Pashure pamazana mazhinji amakore Mwari akaramba rudzi rwaIsraeri ndokusarudza ungano yechiKristu. Asi Jehovha haana kuchinja. Akanga achiri akazvipira kururamisiro uye aigona kurondedzerwa se“mwoto unoparadza.” (VaHebheru 12:29; Ruka 18:7, 8) Naizvozvo akapfuurira kuva negadziriro yokuroverera rutyo rwoumwari muungano yose kupfurikidza nokudzinga vatadzi. MaKristu akazvitsaurira ayo akava vatadzi vasingapfidzi aifanira kudzingwa.

9. Chii chiri kudzinga, uye kunopedzei?

9 Chii chinobatanidzwa mukudzinga? Tinowana chidzidzo chinoshanda munzira iyo chinetso chaibatwa nayo muzana rokutanga ramakore. Mumwe muKristu muKorinte akapinda muutere nomudzimai wababa vake uye haana kupfidza, naizvozvo Pauro akaraira kuti iye adzingwe muungano iyoyo. Ikoku kwaifanira kuitwa kudzivirira rucheno rwavanhu vaMwari, nokuti “mbiriso shoma inovirisa bundu rose.” Kumudzinga kwaizodzivisa uipi hwake kuzvidza vose vari vaviri Mwari navanhu Vake. Chirango chakakomba chokudzingwa chingamukatyamadzawo kuti afunge zvakanaka ndokuroverera maari neungano rutyo rwakafanira rwaMwari.—1 VaKorinte 5:1-13; enzanisa naDheuteronomio 17:2, 12, 13.

10. Vabatiri vaMwari vanofanira kuita sei kana mumwe munhu akadzingwa?

10 Murairo woumwari ndowokuti kana munhu akaipa akadzingwa, maKristu anofanira “kurega kufambidzana [naye] . . . , musadya nowakadai.”a Nokudaro iye anobviswa muruwadzano, kubatanidza ushamwaridzani, navakavimbika vanoremekedza ndokuda kufamba mukuwirirana nomutemo waMwari. Vamwe vavo vangava vari hama dzokunyama dziri kunze kwemhuri yapedyo, vasiri rutivi rweimba imwe cheteyo. Kungava kwakaomera hama dzokunyama idzodzo kushandisa uyu muraidzo woumwari, kunyange sezvakwakanga kusiri nyore nokuda kwavabereki vechiHebheru vaiva muMutemo waMosesi kugoverana mukuuraya mwanakomana akaipa. Zvisinei, murairo waMwari wakajeka; nokudaro tinogona kuva nechokwadi chokuti kudzinga kwakarurama.—1 VaKorinte 5:1, 6-8, 11; Tito 3:10, 11; 2 Johane 9-11; ona Nharireyomurindi, March 15, 1982, mapeji 25-30; April 15, 1988, mapeji 28-31.

11. Mativi akasiana-siana ohunhu hwaMwari angagona sei kuva pachena pamusoro pokudzinga?

11 Yeuka, kunyanguvezvo, kuti Mwari wedu haasati ariwo zvake akarurama; iyewo “une nyasha huru, unokanganwira zvakaipa nokudarika.” (Numeri 14:18) Shoko rake rinojekesa kuti munhu akadzingwa angapfidza, achitsvaka kanganwiro youmwari. Ipapo chii chinoitika? Vatariri vane ruzivo rwokuzviwanira vangasangana naye kuti vasarudze nenzira yokunyengetera uye nenzira yokungwarira kana ari kupa ufakazi hwokuva anopfidza pachakaipa chakatungamirira kukudzingwa kwake. (Enzanisa naMabasa 26:20.) Kana zvakadaro, angadzorerwa muungano, sezvo 2 VaKorinte 2:6-11 ichiratidzira chakaitika nomunhu aiva muKorinte. Bva, vamwe vakadzingwa vave vasiri muungano yaMwari kwamakore, naizvozvo chinhu chipi nechipi chinogona kuitwa here kuvabetsera kuona nzira yokudzokera nayo?

Ruramisiro Inodzikamiswa Nengoni

12, 13. Neiko kutevedzera kwedu Mwari kuchifanira kubatanidza zvinopfuura kuratidzira ruramisiro yake?

12 Zvichangobva kududzwa zvabata zvikurukuru norutivi rumwe rwamavara aMwari, sezvinodudzwa pana Eksodho 34:6, 7. Ndima idzodzo, zvisinei, dzinoonesa zvizhinji zvikuru kupfuura ruramisiro yaMwari, uye avo vanoda kumutevedzera havanangidziri ngwariro bedzi bedzi pakushandisa ruramisiro. Kudai uri kuita mufananidzo wetembere yakavakwa naSoromoni, ungafunda imwe bedzi yeshongwe dzayo here? (1 Madzimambo 7:15-22) Aiwa, nokuti ikoko hakusati kwaizotongokupa mufananidzo wakadzikama wechimiro nebasa zvetembere. Nenzira yakafanana, kana tichishuva kutevedzera Mwari, tinofanira kutevedzerawo dzimwe dzenzira dzake namavara, zvakadai sokuva kwake “uzere nenyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo.”

13 Ngoni nekanganwiro mavara makuru aMwari, sezvatinoona munzira yaakabata nayo naIsraeri. Mwari weruramisiro haana kuvahesvura pachirango nokuda kwechikanganiso chinodzokororwa, bva iye akaratidzira ngoni huru nekanganwiro. “Wakazivisa Mosesi nzira dzake, navana vaIsraeri zvaakaita. Jehovha une tsitsi nenyasha, haangachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji. Haangarambi achirwa; uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi.” (Pisarema 103:7-9; 106:43-46) Hungu, murangariro wekare wokubata kwake kwaanopfuura mazana amakore unobvumikisa mashoko iwayo kuva echokwadi.—Pisarema 86:15; 145:8, 9; Mika 7:18, 19.

14. Jesu akaratidza sei kuti aitevedzera ngoni dzaMwari?

14 Sezvo Jesu Kristu ari “chadzera chokubwinya kwa[Mwari], nomufananidzo wake chaiye,” tinofanira kumukarira kuratidzira ngoni dzakafanana nokudisa kukanganwira. (VaHebheru 1:3) Akadaro, sokuratidza kunoita zviito zvake kuna vamwe. (Mateo 20:30-34) Akasimbisawo ngoni namashoko ake atinorava muna Ruka ganhuro 15. Mienzanisiro mitatu iri imomo inobvumikisa kuti Jesu akatevedzera Jehovha, uye inogovera zvidzidzo zvinokosha nokuda kwedu.

Itiro Hanya Yechakanga Charasika

15, 16. Chii chakasunda Jesu kupa mienzanisiro iri muna Ruka 15?

15 Mienzanisiro iyoyo inopupurira fariro yaMwari yengoni muvatadzi, ichiratidzira mufananidzo unotsinhirana wokuti titevedzere. Rangarira mugariro wemienzanisiro yacho: “Zvino vateresi vose navatadzi vakaswedera kwaari [Jesu], kuzomunzwa. VaFarise navanyori vose vakan’un’una, vachiti: ‘Uyu munhu unogamuchira vatadzi, achidya navo.’”—Ruka 15:1, 2.

16 Vanhu vose vaibatanidzwa vaiva vaJudha. VaFarise navanyori vaidada nokuomerera kwavo kunofungidzirwa kworumano kuMutemo waMosesi, rudzi rwakati rwokururama kwapamutemo. Mwari, kunyanguvezvo, haana kubvumirana nokururama kwakadaro kwokuzvizivisa. (Ruka 16:15) Sezviri pachena, vateresi vakadudza vaiva vaJudha avo vaiteresa nokuda kweRoma. Nemhaka yokuti vazhinji vakaraira zvitsama zvakanyanyisa kuvaJudha biyavo, vateresi vakanga vari boka rinozvidzwa. (Ruka 19:2, 8) Vaiiswa muboka na“vatadzi,” iro raibatanidza vanhu vane utere, kunyange mhombwe. (Ruka 5:27-32; Mateo 21:32) Asi Jesu akabvunza vatungamiriri vorudzidziso vanonyunyuta, kuti:

17. Ndoupi waiva muenzanisiro wokutanga waJesu uri muna Ruka 15?

17 “Ndianiko kwamuri ane makwai ane zana, kana akarasikirwa nerimwe rawo, ungasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvikira ariwana? Kana ariwana, unoriisa pamafudzi ake, achifara. Kana asvika kumusha, unokokera shamwari dzake navakavaka naye, akati kwavari: ‘Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu rakanga rakarasika.’ Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe unotendeuka, kupfuura pavakarurama vana makumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.” Vatungamiriri vorudzidziso vaigona kunzwisisa mufananidzo wacho, nokuti makwai navafudzi vaiwanzoonekwa. Nemhaka yeitiro hanya, mufudzi akasiya makwai 99 kuti afure mumafuro akarovedzeka paakaenda kundotsvaka rakarasika. Achipfuurira kusvikira ariwana, akatakura nenzira younyoro gwai rinotyiswa kudzokera kuboka.—Ruka 15:4-7.

18. Sezvinosimbiswa mumuenzanisiro wechipiri waJesu uri muna Ruka 15, chii chakaparira kufara?

18 Jesu akawedzera muenzanisiro wechipiri: “Ndoupiko mukadzi una madrakema ane gumi, kana akarasikirwa nerimwe, ungarega kutungidza mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa, kusvikira ariwana? Kana ariwana, unokokera hama dzake navakavaka naye, akati kwavari: ‘Farai neni, nokuti ndawana drakema randakanga ndarasikirwa naro.’ Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uripo pakati [pengirozi, NW] dzaMwari pamusoro pomutadzi mumwe unotendeuka.” (Ruka 15:8-10) Drakema rakanga richikosha unodokusvika muripo wezuva womushandi. Mari yomukadzi wacho ingave yaiva husiiranwa, kana kuti ingave yaiva rutivi rwezvinhu zvakagadzirwa kuva mabwe anokosha. Payakarasika, akatsvaka zvakaoma kuti awane mari yacho, uye ipapo iye neshamwarikadzi dzake vakafara. Ikoku kunotiudzei pamusoro paMwari?

Kufara Kwokudenga—Pachii?

19, 20. Mienzanisiro miviri yokutanga yaJesu iri muna Ruka 15 zvikurukuru yakanga iri pamusoro paani, uye yakaita pfundoi guru?

19 Iyi mienzanisiro miviri yakanga iri mumhinduro kukutsoropodzwa kwaJesu, uyo mwedzi yakati pamberi pezvi akanga azvizivisa amene so“mufudzi akaisvonaka” uyo aizopa mweya wake nokuda kwamakwai ake. (Johane 10:11-15, NW) Kunyanguvezvo, mienzanisiro yacho yakanga isiri zvikurukuru pamusoro paJesu. Zvidzidzo izvo vanyori navaFarise vakanga vachida kudzidza zvainangidzira pachimiro chaMwari nenzira. Nokudaro, Jesu akataura kuti mune mufaro mudenga pamusoro pomutadzi anopfidza. Vezvorudzidziso ivavo vaitaura kuti vanobatira Jehovha, bva vakanga vasiri kumutevedzera. Nzira dzengoni dzaJesu, pane rumwe rutivi, dzaimirira kuda kwaBaba vake.—Ruka 18:10-14; Johane 8:28, 29; 12:47-50; 14:7-11.

20 Kana rimwe muzana rakanga riri hwaro hwomufaro, mari imwe mugumi yakanga yakadaro zvikuru. Kunyange nhasi, tinogona kunzwa mirangariro yavakadzi vanofara pakuwana mari! Panowo, chidzidzo chacho chinonangidzira ngwariro mudenga, mukuti “ngirozi dzaMwari” dzinofara naJehovha “pamutadzi mumwe anopfidza.” Cherekedza shoko iroro rokupedzisira, “anopfidza.” Iyi mienzanisiro yakanga iri chaizvoizvo pamusoro pavatadzi vanopfidza. Uye unogona kuona kuti yose iri miviri yaisimbisa kufanira kwokuva nomufaro parupfidzo rwavo.

21. Chidzidzoi chatinofanira kudzidza mumienzanisiro yaJesu iri muna Ruka 15?

21 Vatungamiriri vorudzidziso ivavo vakatsauswa vainzwa vachigutswa nokuwirirana kwapamusoro noMutemo vaifuratira kuva kwaMwari “une nyasha nengoni, . . . unokanganwira zvakaipa nokudarika nechivi.” (Eksodho 34:6, 7, NW) Kudai vakanga vachitevedzera urwu rutivi rwenzira dzaMwari nohunhu, vangadai vakaonga ngoni dzaJesu kuvatadzi vaipfidza. Zvakadiniko nesu? Tiri kufungisisa chidzidzo chacho ndokuchishandisa here? Eya, cherekedza muenzanisiro wechitatu waJesu.

Kushanda Kworupfidzo Nengoni

22. Mukupfupikisa, chii icho Jesu akapa somuenzanisiro wechitatu muna Ruka 15?

22 Uyu kazhinji kazhinji wakanzi muenzanisiro womwanakomana anopambadza. Bva, mukuurava ungaona chikonzero nei vamwe vachifunga nezvawo somuenzaniso worudo rwababa. Unotaura nezvomwanakomana muduku mumhuri, uyo anowana nhaka yake kuna baba vake. (Enzanisa naDheuteronomio 21:17.) Uyu mwanakomana anoenda kunyika iri kure, uko anopambadza yose mukurarama kwoutere, anofanira kutanga kuita basa rokufudza nguruve, uye anotoderedzerwa kukushuva zvokudya zvenguruve. Pakupedzisira anosvika pakufunga zvakanaka uye anosarudza kudzokera kumusha, kunyange kundoshandira baba vake somushandi akapinzwa basa. Sezvaanosvika pedyo nomusha, baba vake vanoita nhano yakanaka yokumugamuchira, kunyange kuita mabiko. Mukoma, uyo akanga asara pamusha achishanda, anoshatirirwa ngoni dzinoratidzwa. Asi baba vanotaura kuti vanofanira kufara nemhaka yokuti mwanakomana akanga afa zvino mupenyu.—Ruka 15:11-32.

23. Tinofanira kudzidzei mumuenzanisiro pamusoro pomwanakomana anopambadza?

23 Vamwe vanyori navaFarise vangave vakanzwa kuti vakanga vachienzaniswa nomwanakomana mukuru, mukusiana navatadzi vakanga vakafanana nomwanakomana muduku. Ko ivo, kunyanguvezvo, vakanzwisisa pfundo guru romuenzanisiro wacho, uye isu tinodaro here? Unosimbisa vara rakatanhamara raBaba vedu vokudenga vane ngoni, kudisa kwavo kukanganwira pahwaro hworupfidzo rwechokwadi rwomutadzi nokutendeuka. Unofanira kuva wakasunda vateereri kugamuchira nomufaro pakudzikinurwa kwavatadzi vanopfidza. Ndiwo marangarire anoita Mwari nhau namaitire aanoita, uye avo vanomutevedzera vanoita zvakafanana.—Isaya 1:16, 17; 55:6, 7.

24, 25. Inzirai dzaMwari dzatinofanira kuva tichitsvaka kutevedzera?

24 Nenzira yakajeka, ruramisiro inoratidzira nzira dzose dzaMwari, naizvozvo avo vanoda kutevedzera Jehovha vanokoshesa uye vanoronda ruramisiro. Zvisinei, Mwari wedu haasundwi neruramisirowo zvayo kana kuti yorumano. Ngoni dzake norudo zvikuru. Iye anoratidza ikoku kupfurikidza nokudisa kukanganwira kwakavakirwa parupfidzo rwechokwadi. Kwakakodzera, ipapoka, kuti Pauro akabatanidza kukanganwira kwedu nokutevedzera kwedu Mwari: “[Ivai] vanokanganwira norusununguko sezvamakakanganwirwa naMwari kupfurikidza naKristu. Naizvozvo, ivai vatevedzeri vaMwari, savana vanodiwa, uye rambai muchifamba murudo.”—VaEfeso 4:32–5:2, NW.

25 MaKristu echokwadi akaedza kwenguva refu kutevedzera ruramisiro yaJehovha pamwe chete nengoni dzake nokudisa kukanganwira. Kana tikamuziva zvikuru, kunofanira kuva nyore zvikuru kuti timutevedzere muaya mativi. Kunyanguvezvo, tingashandisa sei ikoku kumunhu akagamuchira nenzira yakarurama chirango chakakomba nemhaka yokuti akaronda nzira yechivi? Ngationei.

[Mashoko Omuzasi]

a “Kutanda mupfungwa yako inozivikanwa navose zvikurusa chiito chamaune kupfurikidza nacho boka rinonyima maropafadzo ohumutezo hwaro kune avo vaimbova mitezo ine chimiro chakanaka. . . . Kutanda kwakapinda muzera rechiKristu kunonongedzera kuchiito chokubvisa kupfurikidza nacho nzanga yorudzidziso inonyima vatadzi masakaramende, kunamata kweungano, uye sezvinobvira onano yefambidzano yorudzi rupi norupi.”—The International Standard Bible Encyclopedia.

Chii Chawadzidza?

◻ Ruramisiro yaMwari yakaratidzirwa sei muungano yaIsraeri nomuungano yechiKristu?

◻ Neiko tichifanira kutevedzera ngoni dzaMwari, mukuwedzera kururamisiro yake?

◻ Chii chakamutsa mienzanisiro mitatu iri muna Ruka ganhuro 15, uye zvidzidzoi zvainofanira kutidzidzisa?

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Bani reer-Raha pamberi peGomo reSinai (seri kuruboshwe)

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 15]

Garo Nalbandian

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 18]

Garo Nalbandian

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe