Fambai Savashandi Biyedu Muzvokwadi
Mapfundo Makuru Anobva Muna Johane Wechipiri Nowechitatu
ZIVO yezvokwadi chiratidzo chinozivisa chavanamati vaJehovha. (Johane 8:31, 32; 17:17) Kufamba muzvokwadi youmwari kunokosha nokuda kworuponeso. Uye vabatiri vaMwari vanofanira kuva vashandi biyedu muzvokwadi.
Tsamba dzakafuridzirwa dzomuapostora Johane yechipiri neyechitatu dzinotaura nezvo“kufamba muzvokwadi.” (2 Johane 4; 3 Johane 3, 4) Johane Wechitatu anokurudzirawo batira pamwe sa“vashandi biyedu muzvokwadi.” (3 Johane 5-8, NW) Sezvingabvira, tsamba dzose dziri mbiri dzakanyorerwa muEfeso kana kuti pedyo nayo munenge muna 98 N.V. Asi zvadzinotaura zvinogona kubetsera vanhu vaJehovha nhasi.
Johane Wechipiri Anosimbisa Zvokwadi
Johane Wechipiri akatanga kusimbisa zvokwadi norudo ndokunyevera pamusoro pa“antikristu.” (Ndima 1-7) Tsamba yacho yakanyorerwa “mai vakasanangurwa,” zvichida munhu mumwe. Asi kana yakatumirwa ungano, “vana” vavo vakanga vari maKristu akaberekwa nomudzimu “akasanangurwa” naMwari nokuda kwoupenyu hwokudenga. (VaRoma 8:16, 17; VaFiripi 3:12-14) Johane akafara kuti vakati vakanga “vachifamba muzvokwadi” uye nokudaro vachidzivisa kuwa pakutenda. Bva, vaifanira kudzivisa “antikristu,” uyo anoramba kuti Jesu akauya munyama. Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoteerera nyevero dzakadaro pamusoro pokuwa pakutenda.
Johane akatevera kupa zano pakubata navawi pakutenda uye ipapo akapedzisa nechishuvo chomunhu oga nekwaziso. (Ndima 8-13) Kupfurikidza namabasa akadai sokuparidzira, iye navamwe vakanga vabereka zvibereko zvakaguma nokutendeutswa kwaavo iye akanga atumira tsamba yake. Kupfurikidza bedzi no‘kuzvingwarira’ vamene mumudzimu vaizo“wana mubairo wakazara,” sezviri pachena kubatanidza “korona” yokudenga yakachengeterwa vakazodzwa vakatendeka. (2 Timotio 4:7, 8) Kana ani naani ‘asingarambiri mudzidziso yaKristu’ akauya kwavari, havafaniri ‘kutongomugamuchira mumisha yavo kana kuti kumukwazisa’ kuti vadzivise kuva vagoverani mu“mabasa [ake] akaipa.” Pashure pokutaura tariro yokuti aizouya ndokutaura navatendi biyake ivavo vakatarisana, Johane akapfiga nekwaziso.
Johane Wechitatu Anosimbisa Batira Pamwe
Johane Wechitatu akanangidzirwa kuna Gayo uye akatanga kucherekedza zvaakanga achiitira vatendi biyake. (Ndima 1-8) Gayo akanga “achifamba muzvokwadi” kupfurikidza nokunamatira kudzidziso dzose dzechiKristu. Akangawo “achiita basa rokutendeka” mukubetsera hama dzaishanya. Johane akanyora, kuti: “Isu . . . tine musengwa wokugamuchira vanhu vakadaro nenzira yomutsa, kuti tive vashandi biyavo muzvokwadi.” (NW) Zvapupu zvaJehovha zvinotambanudzira mutsa wakafanana kuvatariri vanofambira nhasi.
Pashure pokusianisa mufambiro wakaipa waDhiotrefe nouyo waDhemetrio, Johane akagumisa tsamba yake. (Ndima 9-14) Dhiotrefe anotsvaka mbiri haana kuratidza ruremekedzo nokuda kwaJohane uye akatoedza kudzinga muungano avo vaigamuchira hama nomutsa. Kunyanguvezvo, Dhemetrio akati akadudzwa somuenzaniso wakaisvonaka. Johane aikarira kuona Gayo nokukurumidza ndokugumisa nekwaziso nechishuvo chokuti Gayo afarikanye rugare.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 30]
Nepepa, Peni, Uye Ingi: Johane aishuva kushanyira “mai vakasanangurwa” uye “vana” vake panzvimbo pokunyora zvinhu zvakawanda kwavari “nepepa neingi.” Panzvimbo pokupfuurira kunyorera Gayo “neingi nepeni,” muapostora aikarirawo kumuona nokukurumidza. (2 Johane 1, 12; 3 Johane 1, 13, 14) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “peni” (kaʹla·mos) rinonongedzera kunzimbe kana tsanga uye rinogona kushandurwa kuti “tsanga yokunyoresa.” Pakati pavaGiriki navaRoma, peni yetsanga yakanga yakavezwa uye yakatsemurwa kufanana nepeni dzakaitwa neminhenga dzomunguva dzapashure. Shoko rechiGiriki rokuti meʹlan, rakashandurwa kuti “ingi,” chimiro cheneuter chameʹlas wechirume wechipauro, anoreva kuti “zvitema.” Muingi dzekaresa, chinhu chinosvibisa chakanga chiri marasha matema—zvimwe chimiro chechin’ai chaiwanikwa mukupisa mafuta kana miti, kana marasha akaita sekristari aibva mumiriwo kana manyuko emhuka. Kazhinji kazhinji, ingi dzaichengetwa samagodo akaomeswa kana makeke, ayo ainyoroveswa nomunyori ndokushandiswa nebhuracho rake kana tsanga. Pepa ramazuva iwayo rakanga riri chinhu chitete chakagadzirwa kuva mapepa kubva mutambo dzaiwanwa pamuti wenhokwe. MaKristu apakuvamba aishandisa pepa rakadaro nokuda kwetsamba, mipumburu yamanyoro, uye manyoro.