RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 6/1 pp. 8-9
  • Jesu Anopedza Zvose Mwari Anokumbira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anopedza Zvose Mwari Anokumbira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzarura Nzira Yokudzokera kuParadhiso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Paradhiso Ichadzorerwa Inorumbidza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Jesu Anoita Kuti Nyika Ive Paradhiso Uye Anopedzisa Basa Raakapiwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Apo Kuziva Mwari Kunozadza Pasi
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 6/1 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Jesu Anopedza Zvose Mwari Anokumbira

APO Murwi Mambo Jesu Kristu anobvisa Satani nenyika yake isina kururama, kuchava nechisakiso chakadini chokufara! Kutonga kwaMakore Ane Chiuru kune rugare kwaJesu kunovamba pakupedzisira!

Munhungamiro yaJesu namadzimambo vasonganiri vake, vapukunyuki veArmagedhoni vachabvisa matongo akasiiwa nehondo iyoyo yakarurama. Sezvingabvira, vapukunyuki vapasi vachaberekawo vana kwenguva yakati, uye ivava vachagoverana mubasa rinofadza rokurima pasi kuva bindu rakaisvonaka rakafanana nomunhanga.

Pashure penguva yakati Jesu achabudisa mamirioni asingatauriki mumakuva awo kuti afarikanye iyi Paradhiso yakaisvonaka. Iye achaita ikoku muzadziko yevimbiso yake amene, inoti: “Nguva iri kuuya umo vose avo vari mumakuva echirangaridzo vacha . . . buda.”—NW.

Pakati paavo Jesu anomutsa pachava naaichimbova muiti wezvakaipa uyo akafira parutivi pake padanda rokutambudzira. Yeuka kuti Jesu akamupikira, kuti: “Zvirokwazvo ndinokuudza nhasi, Iwe uchava neni muParadhiso.” (NW) Aiwa, munhu iyeyo haasati achizoendeswa kudenga kundotonga samambo naJesu, uyewo Jesu haasati achizova zvakare munhu ndokugara muParadhiso yapasi naye. Panzvimbo pezvo, Jesu achava naaichimbova muiti wezvakaipa mupfungwa yokuti Iye achamumutsira kuupenyu muParadhiso ndokuva nechokwadi chokuti zvinodikanwa zvake, zvose zviri zviviri zvomuviri nezvomudzimu, zvinotarisirwa, sezvinoratidzirwa papeji ino.

Funga nezvako! Mungwariro yorudo yaJesu, mhuri yose yavanhu—vapukunyuki veArmagedhoni, vana vavo, uye zviuru zvamamirioni zvavakafa vanomutswa vanomuteerera—vachakura vakananga kukukwana kwohunhu. Jehovha, kupfurikidza noMwanakomana wake woumambo, Jesu Kristu, achagara nenzira yomudzimu norudzi rwomunhu. “Uye,” seizvo inzwi Johane akanzwa richibva kudenga rinoti, “achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu harusati ruchizotongovapozve, kana kuti kuchema kana kuti kurira kana kuti marwadzo hazvisati zvichizotongovapozve.” (NW) Hakuna munhu pasi pano achatambura kana kuti kurwara.

Panosvika mugumo woKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaJesu, mugariro uchava wakaita chaizvo seizvo Mwari akaronga pakuvamba apo akaudza vaviri vohunhu vokutanga, Adhama naEvha, kuwanda ndokuzadza pasi. Hungu, pasi richazadzwa nedzinza rakarurama ravanhu vakakwana. Ikoku imhaka yokuti betsero dzechibairo chorudzikinuro chaJesu dzichava dzashandiswa kumunhu ari wose. Rufu nemhaka yechivi chaAdhama harusati ruchizovapozve!

Nokudaro, Jesu achava aita zvose izvo Jehovha akamukumbira. Naizvozvo, pamugumo wamakore ane chiuru, iye achagamuchidza Umambo nemhuri yavanhu yakakwaniswa kuna Baba vake. Mwari ipapo achasunungura Satani namadhemoni ake mugomba rakadzika-dzika rokusashanda kwakafanana norufu. Nokuda kwedonzoiko?

Eya, panosvika mugumo wamakore ane chiuru, vazhinjisa vaavo vanorarama muParadhiso vachava vakamutswa vasina kutongoedzerwa kutenda kwavo. Vasati vafa, ivo vakanga vasina kutongoziva zvipikirwa zvaMwari uye naizvozvo vaisagona kuratidzira kutenda mazviri. Ipapo, pashure pokumutswa ndokudzidziswa zvokwadi dzeBhaibheri, kwakanga kuri nyore nokuda kwavo muParadhiso, pasina chishoro chipi nechipi, kubatira Mwari. Asi kudai Satani akapiwa banza rokuedza kuvaregedzesa kupfuurira kubatira Mwari, vaizobvumikisa kuva vakavimbika here mumuedzo? Kupedza uyu mubvunzo, Satani achasunungurwa.

Chizaruro chakapiwa kuna Johane chinozivisa kuti pashure poKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaJesu, Satani achabvumikisa kuva anobudirira mukubvisa chiverengero chisingazivikanwi chavanhu pakubatira Mwari. Asi ipapo, apo muedzo wokupedzisira unopedzwa, Satani, madhemoni ake, uye vose avo iye anobudirira mukutsausa vachaparadzwa nokusingaperi. Pano rumwe rutivi, vapukunyuki vaedzwa zvizere, vakavimbika vachapfuurira kurarama kuti vafarikanye zvikomborero zvaBaba vavo vokudenga nokusingagumi kwose.

Nenzira yakajeka, Jesu akaita, uye achapfuurira kuita, basa rinokosha mukuita madonzo ane mbiri aMwari. Inguva yemberi yakaisvonaka zvakadini yatingafarikanya somuuyo wezvose izvo iye anoita saMambo mukuru wokudenga waMwari! Bva, hatigoni kukanganwa zvose izvo iye akaita apo akanga ari munhu.

Jesu akauya kupasi nokudisa ndokutidzidzisa pamusoro paBaba vake. Kupfuura ikoku iye akaratidzira mavara anokosha aMwari. Mwoyo yedu inoororwa apo tinorangarira ushingi hwake hwakaisvonaka nokusatya, uchenjeri hwake husingaenzaniswi, mano ake akaisvonaka somudzidzisi, utungamiriri hwake hwokusatya, uye ngoni dzake huru netsitsi. Apo tinoyeuka kutambura kwaakaita nenzira isingarondedzereki sezvaakagovera rudzikinuro, kupfurikidza narwo rwoga tingawana upenyu, zvirokwazvo mwoyo yedu inoororwa nokumuonga!

Zvirokwazvo, munhu akadini wataona muiyi fundo youpenyu hwaJesu! Ukuru hwake huri pachena uye hukuru. Tinosundwa kudzokorora mashoko agavhuna weRoma Pontio Pirato, anoti: “Tarirai! Munhu!”

Kupfurikidza nokugamuchira kwedu gadziriro yechibairo chake chorudzikinuro, mutoro wechivi norufu zvakagarwa nhaka kuna Adhama unogona kubviswa patiri, uye Jesu anogona kuva “Baba Asingagumi” wedu. Vose vangawana upenyu husingaperi vanofanira kupinza zivo kwete bedzi yaMwari asiwo yoMwanakomana wake, Jesu Kristu. Itariro yedu kuti kurava kwako nokufunda iyi nhevedzano yenyaya pamusoro poupenyu hwaJesu noushumiri ichava yakubetsera kupinza zivo yakadaro inopa upenyu! 1 Johane 2:17; 1:7; Johane 5:28, 29; 3:16; 17:3; 19:5; Ruka 23:43; Genesi 1:28; 1 VaKorinte 15:24-28; Zvakazarurwa 20:1-3, 6-10; 21:3, 4; Isaya 9:6.

◆ Ndeipi ichava ropafadzo inofadza yavapukunyuki veArmagedhoni navana vavo?

◆ Ndivanaani vachafarikanya Paradhiso mukuwedzera kuvapukunyuki veArmagedhoni navana vavo, uye Jesu achava navo mupfungwai?

◆ Ndoupi uchava mugariro pamugumo wamakore ane chiuru, uye chii chichaita Jesu panguva iyeyo?

◆ Neiko Satani achasunungurwa mugomba rakadzika-dzika, uye chii chichaitika pakupedzisira kwaari naavo vose vanomutevera?

◆ Jesu anogona sei kuva “Baba Asingagumi” wedu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe