Utiziro Hwavo—Inhema!
“Takaita nhema utiziro hwedu uye takazvivanza timene mumanyepo.” —ISAYA 28:15, NW.
1, 2. (a) Isanganoi nhasi rinofanira kucherekedza chakaitika kurudzi rwekare rwaJudha? (b) Chivimboi chakaiswa pasina kururama icho Judha aiva nacho?
MASHOKO iwayo anoshanda kuchiKristudhomu nhasi sezvaakaita kuumambo hwekare hwendudzi mbiri hwaJudha here? Zvirokwazvo, anodaro! Uye fanano iyoyo inoratidzira zvakashata nokuda kwechiKristudhomu chomuzuva razvino uno. Inoreva kuti ngwavaira ichakurumidza kusvikira sangano iroro rorudzidziso rakawa pakutenda.
2 Kuchamhembe kwaJudha kwakanga kune umambo hwendudzi gumi hwaIsraeri. Apo Israeri akabvumikisa kuva asina kutenda, Jehovha akamubvumira kukurirwa neAsiria muna 740 P.N.V. Umambo biyake, Judha, hwakapupurira ichi chinoitika chine ngwavaira asi hwakanzwa nenzira yakajeka kuti chinhu chakadaro hachisati chaizotongoitika kwahuri. ‘Chokwadi,’ vatungamiriri vahwo vakaganza kudaro, ‘tembere yaJehovha haisi muJerusarema here? Hatisi vanhu vanodiwa vaMwari here? Vaprista vedu navaporofita havatauri muzita raJehovha here?’ (Enzanisa naJeremia 7:4, 8-11.) Vatungamiriri ivavo vorudzidziso vakanga vane chivimbo chokuti vakanga vakakotsekana. Asi vakanga vasina kururama! Vakanga vasina kutenda kungofanana nehama dzavo dzokunyama dzokuchamhembe. Naizvozvo, chakaitika kuSamaria chaizoitikawo kuJerusarema.
3. Neiko chiKristudhomu chichinzwa chine chivimbo pamusoro penguva yemberi, asi pane chikonzero chakanaka here chechivimbo chacho?
3 Nenzira yakafanana, chiKristudhomu chinotaura kuti chine ukama chaihwo naMwari. ‘Chokwadi,’ chinoganza kudaro, ‘tine makumi ezviuru amachechi navakuru vakuru vorudzidziso vane unyanzvi, pamwe chete namazana amamirioni avatsigiri. Tinewo Bhaibheri, uye tinoshandisa zita raJesu mukunamata kwedu. Zvirokwazvo, tinodiwa naMwari!’ Asi chakaitika kuJerusarema rekare chinomira senyevero yakasimba. Pasinei hapo nezvinoitika zvemisi ichangobva kupfuura iyi zvechienzi zvamatongerwe enyika, tinoziva kuti Jehovha achakurumidza kuita chiito chose chose mukurwisana nechiKristudhomu namamwe marudzidziso ose enhema.
“Sungano Norufu”
4. Isunganoi iyo Judha akafunga kuti akanga aita?
4 Munguva dzekare, Jerusarema risina kutendeka rakagamuchira nyevero zhinji kupfurikidza navaporofita vechokwadi vaMwari, asi harina kudzidavira. Panzvimbo pezvo, rakaganza kuti rufu harusati rwaizotongoriburutsira muSheori, guva, sezvarwakanga rwaburutsira umambo hwokuchamhembe hwaIsraeri. Isaya muporofita akafuridzirwa kutaura kuna Judha, kuti: “Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vadadi, vanobata noushe vanhu ava vari paJerusarema: Imi zvamakati: ‘Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nokuti ‘[Takaita nhema utiziro hwedu uye takazvivanza timene mumanyepo, NW].’”—Isaya 28:14, 15.
5. (a) Isunganoi norufu yaifungidzirwa yaJudha? (b) Inyeveroi yakapiwa kuna Mambo Asa iyo Judha akanga akanganwa?
5 Hungu, vatungamiriri veJerusarema vaifunga kuti vakanga vane bvumirano, sokunge zvakadaro, norufu neSheori zvokuti guta ravo raizochengetwa. Asi sungano yaifungidzirwa yeJerusarema norufu yakareva kuti rakanga rapfidza zvivi zvaro ndokuvimba zvino naJehovha nokuda kworuponeso here? (Jeremia 8:6, 7) Nyangwe! Panzvimbo pezvo, rakatendeukira kuvatongi vezvamatongerwe enyika vohunhu nokuda kwebetsero. Asi kutsamira kwaro pamibatanidzwa yenyika kwakanga kuri nyengedzo, nhema. Vanhu venyika varakanga richivimba navo havaigona kuriponesa. Uye sezvo rakasiya Jehovha, Jehovha akasiya Jerusarema. Kwakaitika kungofanana nokunyevera kwakanga kwaita muporofita Azaria Mambo Asa, kuti: “Jehovha anemi chero bedzi mukabvumikisa kuva naye; uye kana mukamutsvaka, iye achazviita amene kuti awanike nemi, asi kana mukamusiya iye achakusiyai.”—2 Makoronike 15:2, NW.
6, 7. Inhanoi idzo Judha akaita kuva nechokwadi chechengeteko yake, asi nomuuyoi wokupedzisira?
6 Vane chivimbo mumibatanidzwa yavo yezvamatongerwe enyika, vatungamiriri veJerusarema vaiva nechokwadi chokuti hapana “shamhu, inokukura, ichipfuura” yehondo dzinovhozhokera yaizouya pedyo navo kuzovhiringidza rugare rwavo nechengeteko. Paakatyisidzirwa nomubatanidzwa waIsraeri neSiria, Judha akatendeukira kuAsiria nokuda kwebetsero. (2 Madzimambo 16:5-9) Gare gare, paakatyisidzirwa namauto ehondo eBhabhironi, akakumbira kuEgipita nokuda kwetsigiro uye Farao akapindura, achitumira uto kuzobetsera.—Jeremia 37:5-8; Ezekieri 17:11-15.
7 Asi hondo dzeBhabhironi dzakanga dzine simba zvikuru, uye mauto eEgipita aitofanira kubva. Kuisa chivimbo kweJerusarema muEgipita kwakabvumikisa kuva chikanganiso, uye muna 607 P.N.V., Jehovha akarisiya kuruparadziko rwaakanga adeya kutaura. Naizvozvo vatongi veJerusarema navaprista vakanga vasina kururama! Chivimbo chavo mumibatanidzwa yenyika nokuda kworugare nechengeteko chaiva “nhema” iyo yakakukurwa namafashamo anokukura ehondo dzeBhabhironi.
Kuramba “Dombo Rakaedzwa”
8. ChiKristudhomu chakaita sei chimiro chakafanana zvikuru neicho chaJudha wekare?
8 Pane mugariro wakafanana here nhasi? Hungu, uriko. Vakuru vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu vanonzwawo kuti hakuna ngwavaira ichavasvikira. Chaizvoizvo, vanotaura sezvakadeya kutaura Isaya, kuti: “Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nokuti [takaita nhema utiziro hwedu uye takazvivanza timene mumanyepo, NW].” (Isaya 28:15) Kufanana neJerusarema rekare, chiKristudhomu chinotarira kumibatanidzwa yenyika nokuda kwechengeteko, uye vakuru vakuru vacho vorudzidziso vanoramba kuvanda muna Jehovha. Chokwadi, havamboshandisi zita rake, uye vanonyomba ndokutambudza avo vanokudza zita iroro. Vakuru vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu vakaita izvo chaizvo vaprista vakuru vechiJudha muzana rokutanga ramakore vakaita apo vakaramba Kristu. Chaizvoizvo, vakati, “Hatina mambo, asi Kesari chete.”—Johane 19:15.
9. (a) Ndiani ari kunyevera chiKristudhomu nhasi munzira imwe cheteyo iyo Isaya akanyevera nayo Judha? (b) ChiKristudhomu chinofanira kutendeukira kuna ani?
9 Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinonyevera kuti mafashamo ehondo dzinouraya achakurumidza kuparadza chiKristudhomu. Uyezve, zvinonongedzera kunzvimbo yechokwadi youtiziro pamafashamo iwayo. Zvinonokora mashoko Isaya 28:16, iyo inoti: “Naizvozvo Ishe Jehovha unoti: ‘Tarirai, ndinoisa paZioni [dombo rive nheyo, dombo rakaedzwa, NW], rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba; unotenda [haatyi, NW].’” Ndiani ari iri ‘dombo rinokosha rapakona’? Muapostora Petro akanokora aya mashoko ndokuashandisa kuna Jesu Kristu. (1 Petro 2:6) Kudai chiKristudhomu chakanga chatsvaka rugare naMambo waJehovha, Jesu Kristu, ipapo chingadai chakadzivisa mafashamo anokurumidza kuuya.—Enzanisa naRuka 19:42-44.
10. Kubatanidzwai uko chiKristudhomu chakasakurira?
10 Zvisinei, hachina kuita saizvozvo. Panzvimbo pezvo, mukutsvaka kwacho rugare nechengeteko, chinozvipinza chimene mumutsa wavatungamiriri vezvamatongerwe enyika vamarudzi—ikoku pasinei hapo nenyevero yeBhaibheri yokuti ushamwari nenyika kuvengana naMwari. (Jakobho 4:4) Uyezve, muna 1919 chakareverera nesimba Chinzwano chaMarudzi setariro yakanakisisa yomunhu yorugare. Chifo cha 1945 chakaisa tariro yacho muChibatanwa chaMarudzi. (Enzanisa naZvakazarurwa 17:3, 11.) Kubatanidzwa kwacho neiri sangano kwakakura sei?
11. Rudzidziso runomirirwa zvakadini kuCM?
11 Rimwe bhuku razvino uno rinopa mufungo parinoti: “Hakuna masangano ari pasi pamakumi maviri namana eKaturike anomirirwa kuCM. Vanoverengeka vavatungamiriri vorudzidziso venyika vakashanyira sangano ramarudzi ose. Dzinoyeukwa zvikurusa dzaiva shanyo dzaHis Holiness Pope Paul VI mukati meGeneral Assembly muna 1965 nedzaPope John Paul II muna 1979. Marudzidziso mazhinji ane minamato chaiyo, minyengetero, nziyo namabasa zveChibatanwa chaMarudzi. Mienzaniso inokosha zvikurusa ndeiya yezvitendero zvavaKaturike, Unitarian-Universalist, vaBaptist navaBahai.”
Tariro Dzisina Maturo Dzorugare
12, 13. Pasinei hapo netariro dzakapararira dzokuti rugare rwava pedyo, neiko Zvapupu zvaJehovha zvine chivimbo chokuti nyevero dzazvo ndedzechokwadi?
12 Mumwe wavatungamiriri vezvamatongerwe enyika ane simba zvikurusa akadzokorora tariro dzavazhinji paakati: “Chizvarwa ichi chavanhu vari pasi pano chingapupurira kusvika kwenhambo isingachinjiki yorugare munhau yepepuko.” Akanga akarurama here? Zvinoitika zvazvino uno zvinoreva here kuti nyevero dzakapiwa neZvapupu zvaJehovha pamusoro pokuita rutongeso kwaJehovha pamarudzi hadzisati dzichizoitika? Zvapupu zvaJehovha hazvina kururama here?
13 Aiwa, hazvisati zviri zvisina kururama. Zvinoziva kuti zviri kutaura zvokwadi nemhaka yokuti zvinoisa chivimbo chazvo muna Jehovha nomuBhaibheri, iro riri Shoko raMwari amene rezvokwadi. Tito 1:2 (NW), inoti: “Mwari . . . haagoni kureva nhema.” Naizvozvo zvine chivimbo chakazara chokuti apo uporofita hweBhaibheri hunotaura kuti chinhu chakati chichaitika, pasina kundikano chichaitika. Jehovha amene anoti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:11.
14, 15. (a) Chii icho vatungamiriri vaJudha vakanga vachizivisa nguva shomanene pamberi poruparadziko rweJerusarema muna 607 P.N.V.? (b) Chii icho Pauro akadeya kutaura kuti chaizoziviswa ruparadziko rwakamwe kamwe rusati rwauya panyika ino? (c) Chii chatinogona kukarira pamugumo weziviso yakaporofitwa pana 1 VaTesaronika 5:3?
14 Mumakore apamberi poruparadziko rweJerusarema muna 607 P.N.V., Jeremia akashuma kuti vatungamiriri vakanga vachidanidzira vachiti, “Kune rugare! Kune rugare!” (Jeremia 8:11, NW) Zvisinei, idzodzo dzakanga dziri nhema. Jerusarema rakaparadzwa muzadziko yenyevero dzakafuridzirwa dzavaporofita vechokwadi vaJehovha. Muapostora Pauro akanyevera kuti chimwe chinhu chakafanana chaizoitika muzuva redu. Akataura kuti vanhu vaizova vachidanidzira kuti “Rugare nechengeteko!” Asi ipapo, akati, “ruparadziko rwakamwe kamwe” rwaizova “pavari nokukurumidza.”—1 VaTesaronika 5:3, NW.
15 Sezvatakapinda muma 1990, mapepanhau namagazini kunzvimbo iri yose akanga achitaura kuti Utsinye Hukuru pakati pamarudzi hwakapera uye kuti rugare rwenyika pakupedzisira rwava kuoneka. Asi ipapo hondo yokupfurana yakatanga muMiddle East. Zvisinei, gare gare mugariro wenyika uchasvika kupfundo apo kudanidzira kwokuti “Rugare nechengeteko!” kwakaporofitwa pana 1 VaTesaronika 5:2, 3 kuchawedzera kusvikira kumugumo. Netariro dzedu dzakasimbiswa zvikuru muShoko raMwari, tinoziva kuti, sezvo mugumo iwoyo unosvikwa, marutongeso aMwari achaitwa nokukurumidza uye nokusakanganisa. Hakuna ziviso dzenhema dzorugare nechengeteko dzinofanira kutiita kuti tifunge kuti ruparadziko rwakadeya kutaurwa naMwari harusati ruchizouya. Marutongeso aJehovha akanyorwa nenzira isingachinjiki muShoko rake Bhaibheri. ChiKristudhomu, pamwe chete norumwe rudzidziso rwose rwenhema, zvichaparadzwa. Uye ipapo marutongeso anoparadza aJehovha acharatidzirwa mukurwisana nenyika yose yasara yaSatani. (2 VaTesaronika 1:6-8; 2:8; Zvakazarurwa 18:21; 19:19-21) Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvine chivimbo chokuti Jehovha achazadzika shoko rake, zvinopfuurira kungwarira zviri munhungamiro yeboka romuranda akatendeka naakachenjera ndokucherekedza nokungwarira zvinoitika zvenyika zvichipetenuka. (Mateo 24:45-47) Zvamazvirokwazvo, hakuna nhamburiko dzokuita rugare dzomunhu dzinofanira kutiita kuti tifunge kuti Jehovha akarega donzo rake rokuunza mafashamo anokurumidza oruparadziko pachiKristudhomu chakaremerwa nezvivi.
‘Mwari Ndiye Utiziro Hwedu’
16, 17. Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei kana vamwe vakagumburwa nokujeka kweshoko razvo?
16 Vamwe vangagumburwa nokutaura kwakananga kweZvapupu zvaJehovha mukuzivisa ikoku. Zvisinei, pazvinotaura kuti vatongi vorudzidziso vechiKristudhomu vakavanda mugadziriro yenhema, zvinongorondedzera hazvo izvo Bhaibheri rinotaura. Pazvinoti chiKristudhomu chinofanirwa nechirango nemhaka yokuti chakava rutivi rwenyika, zvinongoshumawo hazvo izvo Mwari amene anotaura muBhaibheri. (VaFiripi 3:18, 19) Uyezve, nemhaka yokuti chiKristudhomu chinoisa chivimbo chacho mugadziriro dzinoitwa nenyika ino, chaizvoizvo chinotsigira mwari wenyika ino, Satani Dhiabhorosi, uyo Jesu akati ndibaba wenhema.—Johane 8:44; 2 VaKorinte 4:4.
17 Naizvozvo, Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa, kuti: Kana tiri isu, hatikurudziri tariro dzenhema dzorugare rwenyika nemhaka yechiono chinochinja chezvamatongerwe enyika. Panzvimbo pezvo, tinodzokorora mashoko owezvamapisarema, okuti: “Mwari ndiye utiziro hwedu. . . . Vanhu vasingakudzwi mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema. Pakuyerwa havaremi; vose pamwe chete vakareruka kupfuura mweya.” (Pisarema 62:8, 9) Gadziriro dzohunhu dzokusimudzira ndokuchengeta chiKristudhomu netsika iyi yose yezvinhu yasara manyepo, nhema! Dzose pamwe chete hadzina simba rokudzivisa madonzo aJehovha kupfuura zvinoita muromo wakazara mhepo inopisa!
18. Inyeveroi yowezvamapisarema yakafanira nhasi?
18 Zvapupu zvaJehovha zvinonokorawo mashoko Pisarema 33, ndima 17 kusvikira ku 19, iro rinozivisa kuti: “Bhiza [reEgipita, rinofananidzira hondo] haribatsiri pakukunda; harigoni kurwira nesimba raro guru. Tarirai, Ziso raJehovha rinotarira vanomutya, ivo, vanorindira tsitsi dzake; kurwira mweya wavo parufu, nokuvararamisa panguva yenzara.” Nhasi, maKristu echokwadi anovimba naJehovha noUmambo hwake hwokudenga, gadziriro bedzi inogona kuunza rugare rwechigarire.
ChiKristudhomu “Nzvimbo Yokutsikwa-tsikwa”
19. Neiko kutsamira pamasangano ezvamatongerwe enyika kuti aunze rugare kuri nyengedzo?
19 Kuvimba nechinotsiva Umambo hwaMwari chipi nechipi chakaitwa nomunhu kunoita chinotsiva ichecho mufananidzo, chinhu chokunamata. (Zvakazarurwa 13:14, 15) Nokudaro, kukurudzira rutsamiro pamasangano ezvamatongerwe enyika, akadai seChibatanwa chaMarudzi, nokuda kworugare nechengeteko inyengedzo, nhema. Pamusoro pezvinhu zvakadaro zvetariro dzenhema, Jeremia anoti: “Chifananidzo chake chaakaumba, ndechenhema; hakuna [mudzimu, NW] mazviri. Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera.” (Jeremia 10:14, 15) Naizvozvo, mabhiza ehondo eEgipita yokufananidzirwa, ndiko kuti, simba rehondo rezvamatongerwe enyika ramarudzi nhasi, harisati richizodzivirira nzvimbo yorudzidziso yechiKristudhomu muzuva racho renjodzi. Mubatanidzwa wamarudzidziso echiKristudhomu nenyika ino zvirokwazvo uchakundikana kuadzivirira.
20, 21. (a) Chii chakaitika kuChinzwano chaMarudzi, uye neiko Chibatanwa chaMarudzi chisati chichizoita zviri nani? (b) Isaya akaratidza sei kuti mibatanidzwa yechiKristudhomu nenyika haisati ichizochiponesa?
20 ChiKristudhomu chakaisa tariro dzacho paChinzwano chaMarudzi, asi chakapidigurwa kunyange pasina kuuya kweArmagedhoni. Zvino chakachinjira ruvimbiko rwacho kuChibatanwa chaMarudzi. Asi chichakurumidza kutarisana ne“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose,” uye hachisati chichizopukunyuka. (Zvakazarurwa 16:14, NW) Kunyange CM yakamutsidzirwa haitongogoni kuunza rugare nechengeteko. Shoko raMwari rouporofita rinoratidza kuti sangano reChibatanwa chaMarudzi namarudzi ari mitezo yaro “richarwa neGwaiana [Kristu musimba roUmambo], asi, nemhaka yokuti ndiro Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo, Gwaiana richaakunda.”—Zvakazarurwa 17:14, NW.
21 Zvapupu zvaJehovha zvinotaura nechivimbo kuti hakuna ruponeso nokuda kwechiKristudhomu mumibatanidzwa yacho nenyika yaSatani. Uye pazvinotaura ikoku, zviri kungoonesawo hazvo izvo Bhaibheri rimene rinotaura. Isaya 28:17, 18 inonokora mashoko Jehovha saanoti: “Kururamisira ndichakuita rwonzi, nokururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenhema, mvura ichafukidza nzvimbo yokuvanda. Sungano yenyu yamakaita norufu ichadzimwa, nokutenderana kwenyu neSheori hakungamiri; kana shamhu, inokukura ichipfuura, muchatsikwa pasi nayo.”
22. Apo ruramisiro yakakwana inoshandiswa kuchiKristudhomu, chii chichava muuyo?
22 Apo chisarudzo chokutonga chaJehovha chinoitwa, chichava mukuwirirana neruramisiro yakakwana. Uye hwaro hwechiKristudhomu hwechivimbo, “sungano [yacho] norufu,” huchabviswa chose chose sokunge namafashamo anokurumidza. Isaya anopfuurira kuti: “Masikati nousiku, mangwanani namangwanani, ichapfuura; kuchangotyisa bedzi kunzwisisa mharidzo yakadaro.” (Isaya 28:19) Kuchava kunotyisa sei kuvaoni kupupurira simba rakazara rorutongeso rwaJehovha! Kunotyisa sei nokuda kwavakuru vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu navateveri vavo kuwana, kwava kunyanyononoka, kuti vakavimba nenhema!
Zita raJehovha “Inhare Yakasimba”
23, 24. Panzvimbo pokutsvaka chengeteko munyika ino, Zvapupu zvaJehovha zvichaitei?
23 Asi zvakadiniko neZvapupu zvaJehovha? Kunyange mukutarisana noruvengo rwamarudzi ose nechitambudzo, zvinopfuurira kuramba zvakaparadzana nenyika. Hazvitongokanganwi kuti Jesu akati nezvavateveri vake: “Havasati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johane 17:16, NW) Mukati mamazuva ano okupedzisira ose, zvakaisa chivimbo chazvo muUmambo hwaJehovha, kwete mugadziriro dzohunhu. Naizvozvo, ngwavaira yechiKristudhomu haisati ichizoparira Zvapupu zvaJehovha kuva zvinotyiswa. Sokudeya kutaura kwakaita Isaya: “Unotenda, [haatyi, NW].”—Isaya 28:16.
24 Zvirevo 18:10 inoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba; wakarurama unovangiramo, ndokuchengetwa.” Naizvozvo tinokoka vanhu vose vakafanana namakwai kuvanda muna Jehovha nomuUmambo hwake hunodzorwa naKristu. Senzvimbo yokuvanda, Jehovha haasi manyepo! Umambo hwake hunodzorwa naKristu hahusati huri nhema! Utiziro hwechiKristudhomu inhema, asi utiziro hwamaKristu echokwadi izvokwadi.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Judha wekare akavanda sei munhema?
◻ Munzirai umo chiKristudhomu chakaedza kuzvivanza chimene mumanyepo?
◻ Isaya akanyevera sei Judha, uye Zvapupu zvaJehovha zvinotaura sei nyevero yakafanana nhasi?
◻ ChiKristudhomu chichawana sei kuti chivimbo chacho chakaiswa panzvimbo isina kururama?
◻ Mukusiana nechiKristudhomu, chimiroi icho Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta?
[Bhokisi riri papeji 17]
TARIRO DZAKAKWIRIRA DZAKATAURWA NOKUDA KWECHIBATANWA CHAMARUDZI
“Kwenguva yokutanga chifo cheHondo yeNyika II chaunga chamarudzi ose chabatanidzwa. Utungamiriri hweChibatanwa chaMarudzi, hwakambova bedzi pfungwa inokarirwa, zvino hwosimbisa chiono chavavambi vacho. . . . Naizvozvo nyika inogona kubata iri banza kuti izadzise chipikirwa chakapiwa kwenguva refu chenhevedzo itsva yenyika.”—Purezidhendi Bush weUnited States mushoko reHurumende yake yoMubatanidzwa kurudzi irworwo, January 29, 1991