Kunzvera Mativi Ebwe Rinokosha raMwari—Bhaibheri!
MUNA 1867 murimi weSouth Africa anonzi Schalk van Niekerk akanga achitarira vana vachitamba namabwe. Ibwe rimwe raipenya zvikuru nerakanaka rakabata ziso rake. “Munogona kuva naro, kana muchirida,” vakadaro amai vevana vacho. Van Niekerk, kunyanguvezvo, akatumira ibwe racho kunyanzvi yamatombo kuti rinzverwe. Vana vacho vakanga vasina kutongoziva kuti vakanga vari kutamba nedhaimana guru rinokosha £500!
Kunobvira here kuti iwewo une ibwe rinokosha usingazvizivi? Vakawanda, somuenzaniso, vane Bhaibheri, sezvo riri chinhu chinotengwa zvikurusa nguva dzose, rinowanikwa rose kana kuti murutivi muinopfuura mitauro 1 900. Bva, vanhu vazhinjisa havana kurava Bhaibheri uye nokudaro vanoziva zvishomanene pamusoro pezviri mukati maro.
Bhaibheri rinotaura kuti raka“furidzirwa naMwari” uye naizvozvo iShoko raMwari. (2 Timotio 3:16; enzanisa na 1 VaTesaronika 2:13.) Iro chinhu chinokosha zvikurusa chorudzi rwomunhu. Kupfurikidza naro, tinodzidza nzira yokuwana nayo zvakanakisisa muupenyu zvino uye, chinokosha zvikuru, nzira yokuwana nayo upenyu husingaperi! (Johane 17:3, 17) Chinhu chipi nechipi chingagona kuva chinokosha zvikuru kupfuura izvozvo here?
Zvisinei, kuti anzwisise ibwe rinokosha irori namativi aro ose, mumwe anofanira kuva akarovedzana naro. Pakuringa kwokutanga, ikoku kungaratidzika kuva kwakaoma zvikuru. Pashure pokurangarira zvose, Bhaibheri muunganidzwa wamabhuku 66 akasiana-siana. Mabhuku iwayo anei? Pane chikonzero chakati chenhevedzano yaanooneka ari mairi here? Kana kwakadaro, munhu anogona sei kuwana zvikamu chaizvo muBhaibheri?
Kuva akarovedzana neBhaibheri idenho. Asi kufanana neibwe rinokosha chairoiro, Bhaibheri rine yevedzo nenhevedzano. Tinogona kuona ikoko kana tikarangarira nenzira yokupfupikisa zviri mukati maro.
Magwaro echiHebheru—Anonongedzera Kuna Kristu
Bhaibheri rakakamurwa zvikurukuru kuva “Testamente Yekare” ne“Testamente Itsva.” Iwaya mazita asina kururama, kunyanguvezvo, anopa mufungo wokuti “Testamente Yekare” ndeyechinyakare uye ndeyeukoshi huduku. Zita rakakodzera zvikuru nokuda kwechikamu ichocho choRugwaro raizova rokuti Magwaro echiHebheru, sezvo chikamu ichochi chakanyorwa pakuvamba zvikurukuru mumutauro wechiHebheru. “Testamente Itsva” yakanyorwa muchiGiriki muzana rokutanga ramakore N.V.; nokudaro, inodanwa nenzira yakakodzera zvikuru kuti Magwaro echiKristu echiGiriki.
Bhuku rokutanga reBhaibheri, Genesi, rinotanga makore akawanda apfuura apo Mwari anosika denga nepasi uye gare gare anovamba kugadzirira pasi kuti rigarwe navanhu. Vaviri vohunhu vokutanga vanosikwa vakakwana; zvisinei, vanosarudza nzira yechivi, nemiuyo ine ngwavaira nokuda kwavana vavo. Bva, kufanana nebwe rinopenya rinooneka muchiedza chisina kujeka, Bhaibheri rinogovera chiedza chetariro yorudzi rwomunhu rwakawa: “mbeu” iyo pakupedzisira ichabvisa tapuro dzechivi norufu. (Genesi 3:15, NW) Mbeu iyoyi ichava ani? Genesi anovamba kuronda mutsara weiyi Mbeu inouya, achinangidzira ngwariro paupenyu hwavamwe vavakare vakatendeka veMbeu yacho, vakadai saAbrahama, Isaka, uye Jakobho.
Eksodho anotevera kurondedzera kuberekwa kwaMosesi. Munzira dzakawanda upenyu hwaMosesi hunodeya kufananidzira uhwo hweMbeu inouya. Pashure pamatambudziko gumi, Israeri anoita Kubuda kukuru achibva muEgipita uye anotangwa sorudzi rwakasarudzwa rwaMwari paGomo reSinai. Revhitiko, sezvinoratidzira zita racho, anoratidza mirairo yaMwari youprista hwaRevhi muna Israeri. Numeri anotaura nezvenhambo apo vaIsraeri vakaverengwa (kupfurikidza nokuverengwa kwavanhu) uye nezvezvinoitika mukati mokugara kwechinguvana kwaIsraeri murenje. Uye zvino, agadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa, Israeri anogamuchira pangiro dzokupedzisira dzaMosesi. Uyu ndiwo musoro waDheuteronomio. Achinongedzera kuMbeu inouya, Mosesi anokurudzira rudzi rwacho kuteerera ‘muporofita uyo Mwari achamutsa.’—Dheuteronomio 18:15.
Mabhuku enhau anotevera. Iwaya ari zvikurukuru munhevedzano yokuverengwa kwenguva. Joshua anorondedzera rukundo nokukamurwa kweNyika Yakapikirwa. Vatongi anorondedzera zvinoitika zvinoshamisa zvamakore anotevera apo Israeri anodzorwa nenhevedzano yavatongi. Rute anotaura nezvomukadzi anotya Mwari, uyo anorarama mukati menhambo yaVatongi uye uyo ane ropafadzo yokuva mukarekadzi waJesu Kristu.
Nhambo yokutonga kunoitwa navatongi, zvisinei, inosvika kumugumo. Samueri Wokutanga anotaura nezvokutonga kune ngwavaira kwamambo wokutanga waIsraeri, Sauro, sezvinoonekwa kupfurikidza nameso omuporofita Samueri. Samueri Wechipiri anorondedzera kutonga kunobudirira kwaDhavhidhi, mutsivi waSauro. Ipapo Madzimambo Wokutanga noWechipiri anotibvisa mukutonga kune mbiri kwaSoromoni kuenda kuutapwa hunosuruvarisa hweBhabhironi kworudzi rwaIsraeri muna 607 P.N.V. Makoronike Wokutanga noWechipiri anorondedzerazve nhau iyoyi sezvainorangarirwa nechiono chakanaka chorudzi rwakadzorerwa kubva muutapwa ihwohwu. Pakupedzisira, Ezra, Nehemia, uye Estere vanorondedzera nzira iyo vaIsraeri vanodzorerwa nayo kunyika yokumusha kwavo neimwe yenhau yavo yapashure pacho.
Mabhuku enhetembo ndiwo anotevera, achiva nedzimwe dzenhetembo dzakanaka zvikurusa dzati dzambonyorwa. Jobho anogovera chiono chinonyandura cheperero mukutambura netuso yako. Bhuku reMapisarema rine nziyo dzerumbidzo kuna Jehovha neminyengetero nokuda kwengoni nebetsero. Idzodzi dzakanyaradza vabatiri vasingaverengeki vaMwari. Mukuwedzera, Mapisarema ane mauporofita akawanda anotijekeserazve pamusoro paMesia anouya. Zvirevo naMuparidzi vanozivisa mativi ouchenjeri hwoumwari kupfurikidza namashoko mapfupi, nepo Rwiyo Rukuru rwaSoromoni rwuri nhetembo yorudo yakaisvonaka ine revo huru youporofita.
Mabhuku 17 anotevera—kubva pana Isaya kusvikira kuna Maraki—zvikurukuru ndeouporofita. Ose, kunze kwaMariro aJeremia, ane zita romunyori. Mazhinji amauporofita iwaya akatova nezadziko dzinoshamisa. Iwo anonongedzerawo kuzvinoitika zvokupedzisira muzuva redu nomunguva yemberi iri pedyo.
Nokudaro Magwaro echiHebheru anopa mhatsa inokatyamadza muchimiro nomuitiro. Bva, ose ane musoro mumwe chetewo. Mauporofita awo, nhauro dzamadzinza, uye zvinoitika zvinopenya nouchenjeri hunoshanda nerevo youporofita.
Magwaro echiKristu echiGiriki—Mbeu Inooneka
Makore ane zviuru zvina apfuura chifo chokuwira kwomunhu muchivi. Kamwe kamwe pasi panooneka Mbeu yakamirirwa kwenguva refu, Mesia, Jesu! Magwaro echiKristu echiGiriki anonyora ushumiri hwouyu munhu anokosha munhau yavanhu mumabhuku mana akasiana-siana asi anowirirana, anonzi Evhangeri. Iwaya ndiMateo, Marko, Ruka, uye Johane.
Nhauro ina idzodzi dzeEvhangeri dzinokosha sei kumaKristu! Dzinotaura nezvamanenji anoshamisa aJesu, mifananidzo yake ine revo, Mharidzo yake yapaGomo, muenzaniso wake wokuzvininipisa, tsitsi dzake neteerero yakakwana kuna Baba vake, rudo rwake nokuda kwa“makwai” ake, uye pakupedzisira rufu rwake rwechibairo norumuko rune mbiri. Fundo yeEvhangeri inovaka matiri rudo rukuru nokuda kwoMwanakomana waMwari. Pamusoro pazvose, tinokweverwa pedyo nouyo akatuma Kristu—Jehovha Mwari. Idzi nhauro dzakafanirwa nokuraviwa dzaraviwazve.
Mabasa Avaapostora anotanga panosiira Evhangeri. Anorondedzerazve makore apakuvamba eungano yechiKristu kuvambira pamazuva ePentekosta kusvikira kukuiswa mutorongo kwaPauro muRoma muna 61 N.V. Mubhuku irori, tinorava nezvaStefano, mufiri kutendeka wechiKristu wokutanga, kutendeuka kwaSauro, uyo gare gare anova Pauro muapostora, kupinzwa kwavatendeuki vokutanga Vamarudzi, uye nzendo dzokuparidza evhangeri dzinofadza dzaPauro. Nhauro idzodzi dziri zvose zviri zviviri dzinofadza nedzinovaka kutenda.
Tsamba makumi maviri neimwe, kana kuti magwaro, zvino dzinotevera. Dzokutanga 14, dzakanyorwa naPauro, dzinopiwa mazita amaKristu anogamuchira kana kuti ungano; dzasara dzose dzinopiwa mazita avanyori vacho—Jakobho, Petro, Johane, uye Judhasi. Tsamba idzodzi dzine pfuma yepangiro nekurudziro zvakadini! Dzinofukidza dzidziso nezadziko yamauporofita. Dzinobetsera maKristu kuramba akaparadzana nemhoteredzo yakaipa yavanofanira kugara mairi. Dzinosimbisa dikanwo yokusakurira rudo rwouhama namamwe mavara oumwari. Dzinogadza muenzaniso wokurongwa kweungano kwakakodzera, muutungamiriri hwavarume vakuru mumudzimu.
Sezvo Magwaro echiHebheru achigumira patsamba youporofita, ndizvo zvinoitawo Magwaro echiGiriki. Zvakazarurwa, zvakanyorwa nomuapostora Johane munenge muna 96 N.V., zvinoswededza pamwe chete mifungo youporofita nomusoro mukuru weBhaibheri—kutsveneswa kwezita raJehovha kupfurikidza noUmambo hwake hwaMesia. Nhevedzano yezviono zvinoratidzira zvakajeka ruparadziko rwamauto orudzidziso, ehondo, uye ezvamatongerwe enyika zvetsika yakaipa yaSatani. Izvozvi zvinotsiviwa neguta raKristu rehurumende, iro rinotendeudzira ngwariro yaro kukutarisirwa kwezvinhu zvapasi. Mukutonga kwoUmambo ihwohwu, Mwari anopikira ku“pisika misodzi yose . . . rufu haruchavipo.”—Zvakazarurwa 21:4.
Pane panikiro ipi neipi here, ipapoka, kuti Bhaibheri ibwe rinokosha rakakwana, rinoratidzira chiedza choumwari? Kana usati warirava rose, kuregererei kuvamba kuita saizvozvo zvino? Uchakwezviwa neyevedzo yaro, kuvhenekerwa norujeko rwaro, kusundwa norunako rwaro, uye kufadzwa neshoko raro. Zvamazvirokwazvo iro “chipo chakakwana . . . chinobva kuna Baba wezviedza zvomudenga.”—Jakobho 1:17, NW.
[Chati iri papeji 28, 29]
(Ona bhaundi vhoriyamu)