Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Ivo Vakavimba naJehovha
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinorairwa naJehovha kuti zviparidzire mashoko akanaka oUmambo munyika yose kuti vanhu vamarudzi ose vagova nebanza rokuziva nezvenyika itsva yaMwari. Mune dzimwe nyika, kazhinji kazhinji pakurudziro yavafundisi vechiKristudhomu, basa redu rinoganhurirwa. Kwakadaro ndiko chinoitika munyika yakati yeAfrica. Asi Zvapupu zvaJehovha imomo zvinoita sezvakaita Mambo Dhavhidhi. Iye akati: “Ndakavimba naMwari, handingatyi.” (Pisarema 56:11) Zvinoitika zvehama dzedu munyika iyoyo zvinoratidza kuti zvinovimba naJehovha uye zvinopfuurira nebasa rake rinokosha.
Chimwe Chapupu chinoshanda somukuru wechikoro muchimwe chikoro chakaomerera pakuteerera “Mwari somutongi panzvimbo pavanhu,” chichizivisa kusatora rutivi kwacho kuzvinhu zveHurumende. (Mabasa 5:29, NW) Iye akarohwa zvakaipa uye akakarirwa kutongwa somutengesi. Munhu ari wose akafunga kuti aizourawa. Chapupu chacho, zvisinei, chakavimba naJehovha. Icho chakaramba chakatendeka ndokutsanangura zvikonzero zvokutungamirirwa nehana zvechimiro chacho. Muuyo wacho? Iye akawanwa asina mhaka uye akadzorerwa kutaundi rokumusha kwake, uko vamiriri veHurumende vakamurova vakakumbira ruregerero. Ichi Chapupu chakatendeka chakadzorerwa mubasa rokudzidzisa ndokusimudzirwa kunzvimbo yainisipikita wezvikoro!
Mutsinhiranisi wechimwe chikoro akaita kuti chimwe Chapupu mudzidzisi chidzingwe. Mwedzi mumwe gare gare uyu mutsinhiranisi akagamuchira bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano kuna piona chaiye ndokubvuma fundo yeBhaibheri. Pashure pokupedza ganhuro 6, iye akarega basa somutsinhiranisi wechikoro, uye iye nomudzimai wake vakavamba kupinda misangano yose yeZvapupu zvaJehovha. Rimwe Svondo mangwanani mudzidzisi akadzingwa basa akashamiswa zvinofadza nokusangana nomurume akanga amudzinga uye kuwana kuti iye akanga ava munzira yokuva hama yomudzimu.
Chimwe chinoitika chakabva kunyika imwe cheteyi chinoenzanisira kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoroverera sei ruremekedzo rwegadziriro dzaJehovha ndokushanda kuchengeta sangano rakachena. Mumwe piona chaiye anoshanda ndima iri yoga akawana chishoro chikuru. Sezvo akanga achibva murumwe rudzi nenharaunda, vavengi vezvokwadi vaida kumudzinga mumusha. Zvisinei, mambo womusha akaonesa mufambiro wake wakanaka nemiuyo yakaisvonaka youshumiri hwake uye haasati aizobvumidza kudzingwa kwake. Mambo akanga acherekedza kuti chifo chokusvika kwapiona chaiye, vanhu vakanga vachiremekedza zviremera zvinotonga kupfurikidza nokuripa mitero yavo nokuita basa romumugwagwa renzanga kamwe pavhiki.—VaRoma 13:1, 7.
Ipapo, humwe usiku chimwe Chapupu chakabatwa chichiita upombwe nomumwe mukadzi asiri Chapupu. Kwakanga kune mushumo wakaipa, uye piona chaiye akashevedzwa pamberi pamambo, uyo akamushora, achiti: “Heino hama yako yakabatwa ichiita upombwe. Imi Zvapupu zvaJehovha hamuna kusiana namamwe marudzidziso.” Piona chaiye, zvisinei, akatsanangura, kuti: “Kunyange zvazvo tisina kukwana, takasiana namamwe marudzidziso nemhaka yokuti hatifuratiri zviito zvaavo vanoita zvivi zvakakomba.”
Chapupu chakapomba chakabatira nguva mutorongo uye chakabhadhara faindi. Uyezve, iye akadzingwa muungano somuiti wechakaipa asingapfidzi. Ichi chiito chakaorora mambo ndokuvhara miromo yaavo vakanyomba Zvapupu zvaJehovha. Mambo akati: “Musataura zvakaipa pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Izvo zvine zvokwadi. Chiito chakadaro hachiitwi namamwe marudzidziso.”
Zvapupu zvakatendeka munyika iyoyo zvinotevera zano rePisarema 37:3, rinoti: “Vimba naJehovha, uite zvakanaka; gara panyika, ushingairire kutendeka.” Isu tichavimba naJehovha here sezvinoita aya maKristu?