Nguva Dzose Ronda Mutsa Worudo
“Uyo ari kuronda kururama nomutsa worudo achawana upenyu, kururama nembiri.”—ZVIREVO 21:21, NW.
1. Neiko tichifanira kukarira avo vanotungamirirwa nomudzimu waMwari kuratidza mutsa worudo?
JEHOVHA ane mutsa uye anonzwira urombo. Iye ndi“Mwari uzere nenyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6, 7) Nenzira inonzwisisika, ipapoka, chibereko chomudzimu mutsvene wake chinobatanidza rudo nomutsa.—VaGaratia 5:22, 23.
2. Mienzanisoi yaticharangarira zvino?
2 Avo vanotungamirirwa nomudzimu mutsvene waJehovha, kana kuti simba rinobata basa, vanoratidzira chibereko chawo chomutsa. Vanoratidza mutsa worudo muukama hwavo navamwe. Zvamazvirokwazvo, vanotevera muenzaniso womuapostora Pauro, vachizvirumbidza vamene savashumiri vaMwari “kupfurikidza nomutsa” nomudzimwe nzira. (2 VaKorinte 6:3-10, NW) Mudzimu wavo womutsa, wokunzwira urombo, wokukanganwira unotsinhirana nohunhu hwaJehovha, uyo “ane mutsa worudo wakawanda” uye ane Shoko rine mienzaniso mizhinji yomutsa. (Pisarema 86:15, NW; VaEfeso 4:32) Chii chatinogona kudzidza mumimwe yaiyoyi?
Mutsa Unotiita Vasina Udyire Navane Tsitsi
3. Abrahama akanga ari sei womuenzaniso mukuratidza mutsa worudo, uye ikurudziroi iyo Pauro anopa muna ikoku?
3 Tateguru Abrahama (Abrama)—“shamwari yaJehovha” na“baba waavo vose vane kutenda”—akagadza muenzaniso wakaisvonaka mukuratidza mutsa. (Jakobho 2:23; VaRoma 4:11, NW) Iye nemhuri yake, kubatanidza mwanakomana womunun’una wake Roti, vakabva muguta reKardhea reUri ndokupinda muKanani pakuraira kwaMwari. Kunyange zvazvo Abrahama akanga ari munhu mukuru nomusoro wemhuri, iye akanga ane mutsa uye asina udyire mukurega Roti achitora mafuro akanakisisa, apo iye amene akatora akanga asara. (Genesi 13:5-18) Mutsa wakafanana ungatisunda kubvumira vamwe kuva nebetsero pakurasikirwa kwedu. Mutsa wakadaro usina udyire unotsinhirana nezano romuapostora Pauro, rokuti: “Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.” Pauro amene ‘akafadza vanhu vose muzvinhu zvose, asingatsvaki betsero yake amene asi iyo yavazhinji, kuti vagoponeswa.’—1 VaKorinte 10:24, 33.
4. Abrahama naSara vakatuswa sei nokuda kwokuratidza mutsa muchimiro chetsitsi?
4 Pane dzimwe nguva mutsa unotora chimiro chetsitsi dzomwoyo wose. Abrahama nomudzimai wake, Sara, vakanga vane mutsa uye vane tsitsi kuvaenzi vatatu vakapfuura nepo rimwe zuva. Abrahama akavakurira kuti vagare kwenguva yakati, apo iye naSara vaigadzira nokukurumidza zvokudya zvakaisvonaka nokuda kwavashanyi. Vaenzi ivavo vakava ngirozi dzaJehovha, imwe yadzo yakapa chipikirwa chokuti Sara akwegura naasina mwana aizova nomwanakomana. (Genesi 18:1-15) Ituso yakadini nokuda kwomutsa wetsitsi!
5. Gayo akaratidza mutsa munzirai, uye tingaita sei chimwe chinhu chakafanana?
5 Imwe nzira iyo maKristu ose anogona kuratidza nayo mutsa iri kupfurikidza nokuva vane tsitsi. (VaRoma 12:13; 1 Timotio 3:1, 2) Nenzira inowirirana, vabatiri vaJehovha vanotambanudzira nenzira yomutsa tsitsi kuvatariri vanofambira. Ikoku kunoyeuchidza nezvomutsa wakaratidzwa nomuKristu womuzana rokutanga ramakore Gayo. Iye akaita “basa rakatendeka” mukugamuchira nomutsa hama dzaishanyira—uye vakanga vari “vaeni” vaakanga asina kumboziva. (3 Johane 5-8) Kazhinji kazhinji, tinoziva avo tinogona kutambanudzira tsitsi nenzira yomutsa kwavari. Zvichida tinocherekedza kuti hanzvadzi yomudzimu yakaora mwoyo. Mukwanyina wayo weroorano angava asingatendi kana kuti kunyange munhu akadzingwa. Ibanza rakadini rokuratidza mutsa kupfurikidza nokuikoka kuzofarikanya ushamwaridzani hwomudzimu nezvokudya nemhuri yedu panguva nenguva! Kunyange zvazvo tingasawadza zvokudya zvakaisvonaka, zvirokwazvo mhuri yedu ichawana mufaro mukuratidza mutsa kuhanzvadzi yakadaro. (Enzanisa naZvirevo 15:17.) Uye nenzira isingapanikirwi acharatidza kuonga kwake nokuda kwaikoku nokutaura kana kuti mutsamba yomutsa yokuonga.
6. Ridhia akaratidza sei mutsa, uye neiko kuchikosha kuratidza kuonga nokuda kwamabasa omutsa?
6 Pashure pokunge mukadzi anoshingaira Ridhia abhapatidzwa, “akakumbira zvikuru achiti: ‘Kana muchiti [Pauro navasonganiri vake] ndakatenda kunaShe, pindai mumba mangu mugare.’ Akatitendisa,” akawedzera kudaro Ruka. Nenzira isingapanikirwi, mutsa waRidhia wakaongwa. (Mabasa 16:14, 15, 40) Asi kukundikana kuratidza kuonga kunogona kuva kunoparadza. Pane imwe nhambo, imwe hanzvadzi ine makore 80 okukura ine simba nezvinhu zvakaganhurirwa yakashanda nomutsa kuti igadzire zvokudya zvavaenzi vashomanene. Yakaodzwa mwoyo zvikuru apo mumwe murume muduku asina kunyange kumuzivisa kuti aisagona kuuya. Pane imwe nhambo, hanzvadzi mbiri dzakapotsa zvokudya izvo mumwe mukadzi muduku akagadzira zvikuru nokuda kwadzo. “Ndakakuvadzwa,” akadaro, “sezvo pasina mumwe wavo akanga akanganwa. . . . Ndingadai ndakada kunzwa kuti vakanga vakanganwa pamusoro pechirairo, asi panzvimbo pezvo hakuna hanzvadzi imwe yaiva nomutsa kana kuti norudo zvakakwana zvokundiridzira runhare.” Chibereko chomudzimu mutsvene chomutsa chingakusunda kuva anoonga naane mufungo mumigariro yakafanana here?
Mutsa Unotiita Vanorangarira
7. Ipfundoi pamusoro pomutsa rinoenzanisirwa nenhamburiko yakaitwa kuwirirana nezvishuvo zvokuvigwa zvaJakobho?
7 Mutsa unofanira kutiita vanorangarira vamwe nezvido zvavo zvakafanira. Kuenzanisira: Jakobho (Israeri) akakumbira mwanakomana wake Josefa kushandisa mutsa worudo kwaari kupfurikidza nokusamuviga muEgipita. Kunyange zvazvo ikoku kwaida kuti muviri waJakobho uendeswe kure chose, Josefa navamwe vanakomana vaJakobho “vakandomuisa kunyika yeKanani, vakamuviga mubako romunda weMakpera, riya rakatengwa naAbrahama, pamwe chete nomunda kuna Efroni muHeti, pakatarisana neMamre.” (Genesi 47:29; 49:29-31; 50:12, 13) Mutsinhirano nomuenzaniso iwoyo, mutsa worudo haufaniri kutisunda kuwirirana negadziriro dzinogamuchirika paMagwaro dzokuviga dzinodiwa nomutezo wemhuri yechiKristu here?
8. Chinoitika chaRakabhi chinotidzidzisei pamusoro pokudzorera mutsa?
8 Apo vamwe vanotiratidza mutsa worudo, hatifaniri kuratidzira kuonga kana kuti kuitawo munzira yakati here? Zvamazvirokwazvo tinofanira kudaro. Rakabhi mhombwe akaratidza mutsa kupfurikidza nokuviga tsori dzechiIsraeri. Nokudaro, vaIsraeri vakaratidza mutsa worudo kupfurikidza nokumuchengeta iye nemhuri yake pavakaparadza guta reJeriko. (Joshua 2:1-21; 6:20-23) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini unoratidzira kuti tinofanira kudzorera mutsa kupfurikidza nokuva vanorangarira navane mutsa isu timene!
9. Neiko ungataura kuti kwakafanira kukumbira mumwe munhu kutiratidza mutsa worudo?
9 Nokuda kwaikoko, kwakafanira kukumbira mumwe munhu kuratidza mutsa worudo kwatiri. Ikoku kwakaitwa naJonatani, mwanakomana wamambo wokutanga waIsraeri, Sauro. Jonatani akakumbira shamwari yake duku inodiwa Dhavhidhi kuratidza mutsa worudo kwaari nemhuri yake. (1 Samueri 20:14, 15; 2 Samueri 9:3-7) Dhavhidhi akayeuka ikoku paakatsiva vaGibheoni vakatadzirwa naSauro. Achiyeuka “mhiko yaJehovha” pakati pake naJonatani, Dhavhidhi akashandisa mutsa worudo kupfurikidza nokuponesa upenyu hwomwanakomana waJonatani Mefibhosheti. (2 Samueri 21:7, 8, NW) Isu nenzira yakafanana tino‘rega Hungu wedu achiva Hungu’ here? (Jakobho 5:12) Uye kana tiri vakuru veungano, tinonzwira urombo nenzira yakafanana apo vatendi biyedu vanoda kuratidzwa mutsa worudo here?
Mutsa Unosimbisa Zvisungo
10. Mutsa worudo waRute wakakomborerwa sei?
10 Mutsa worudo unosimbisa zvisungo zvemhuri uye unosimudzira mufarwa. Ikoku kwakaratidzwa muchinoitika chomuMoabhikadzi Rute. Akashanda nesimba somuunganidzi mumunda waBhoazi akwegura pedyo neBhetrehema, achizvigovera amene zvokudya navamwene vake chirikadzi navanoshaiwa, Naome. (Rute 2:14-18) Bhoazi gare gare akaudza Rute, kuti: “Pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga; nokuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vapfumi.” (Rute 3:10) Kutanga, Rute akaratidza mutsa worudo kuna Naome. “Pakupedzisira,” muMoabhikadzi akaratidzira mutsa worudo kupfurikidza nokuva anodisa kuroorwa naBhoazi akwegura kuti agomutsa zita nokuda kwomurume wake akafa uye nokuda kwaNaome akwegura. Kupfurikidza naBhoazi, Rute akava mai vasekuru vaDhavhidhi Obhedhi. Uye Mwari akamupa “mubairo wakakwana” wokuva mukarekadzi waJesu Kristu. (Rute 2:12; 4:13-17; Mateo 1:3-6, 16; Ruka 3:23, 31-33) Mutsa worudo waRute wakareva zvikomborero zvakadini nokuda kwake nemhuri yake! Nhasi, zvikomborero, mufarwa, uye kusimbiswa kwezvisungo zvemhuri zvinoitikawo apo mutsa worudo unowanda mumisha youmwari.
11. Mutsa waFiremoni wakava nomuuyoi?
11 Mutsa unosimbisa zvisungo mukati meungano dzavanhu vaJehovha. Murume wechiKristu Firemoni akanga achizivikanwa nokuda kwokuratidza mutsa worudo kuvatendi biyake. Pauro akamuudza, kuti: “Ndinoonga Mwari wangu nguva dzose, kana ndichikurangarira pakunyengetera kwangu, zvandinonzwa zvorudo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuvatsvene vose . . . ndakanga ndine mufaro mukuru nokunyaradzwa nokuda kworudo rwako, nokuti mwoyo yavatsvene yakazorodzwa newe, hama yangu.” (Firemoni 4-7) Magwaro haatauri kuti zvidakadaka zvinyoro zvavatsvene zvakazorodzwa sei kupfurikidza naFiremoni. Zvisinei, anofanira kuve akaratidza mutsa worudo kuvakazodzwa biyake munzira dzakasiana-siana dzakabvumikisa kuva dzinozorodza kwavari, uye ikoku pasina panikiro kwakasimbisa zvisungo pakati pavo. Zvinhu zvakafanana zvinoitika apo maKristu anoratidzira mutsa worudo nhasi.
12. Chii chakabva mumutsa wakaratidzwa naOnesiforo?
12 Mutsa waOnesiforo wakavawo nomuuyo wakanaka. “Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni,” akadaro Pauro, “nokuti kazhinji wakandisimbisa, asinganyadziswi neketani yangu. Asi wakati asvika paRoma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana. Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kunaShe nezuva irero; newe unoziva kwazvo ukuru hwokushumira hwake paEfeso.” (2 Timotio 1:16-18) Kana tikazvishandisa timene kuratidza mutsa worudo kuvanamati biyedu, tichafara uye tichava tichisimbisa zvisungo zvechidakadaka chouhama mukati meungano yechiKristu.
13, 14. Ungano yapaFiripi yaiva sei yomuenzaniso, uye Pauro akapindura sei kumutsa wayo?
13 Apo ungano yose inoratidza mutsa worudo kuvanamati biyavo, ikoku kunosimbisa chisungo chiri pakati pavo. Chisungo chapedyo chakadaro chaivapo pakati paPauro neungano yaiva muguta reFiripi. Kutaura idi, chimwe chikonzero chokuti akanyora tsamba kuvaFiripi chakanga chiri chokuratidzira kuonga nokuda kwomutsa wavo nebetsero yokunyama. Iye akanyora, kuti: “Pakutanga [kwamashoko akanaka, NW], ndichibva Makedhonia, pakanga pasina [ungano, NW] imwe yakasongana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imi moga, nokuti napaTesaronika makanditumira kamwe, norwechipirizve, pakushaiwa kwangu. . . . Ndava nezvose, ndapfumiswa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodhito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sohwema hunonhuwira, nechibairo chakafanira, chinofadza Mwari.”—VaFiripi 4:15-18.
14 Hakushamisi kuti vaFiripi vane mutsa vakanga vari muminyengetero yaPauro! Iye akati: “Ndinoonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikufungai, ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kwose, pamusoro penyu mose, nokuda kwokusongana kwenyu [pamashoko akanaka, NW] kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino.” (VaFiripi 1:3-5) Tsigiro yakadaro yomwoyo une mutsa neyorupo yebasa rokuparidzira Umambo haitongoiti kuti ungano ive yourombo. Pashure pokunge vaFiripi vaita nomutsa zvavaigona muna ikoku, Pauro akavapikira, kuti: “Zvino Mwari wangu uchazadzisa kushaiwa kwenyu kwose papfuma yake, mukubwinya, muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:19) Hungu, Mwari anodzorera mutsa norupo. Shoko rake rinoti: “Chinhu chipi nechipi chakanaka, chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe, uchachipiwazve naShe.”—VaEfeso 6:8.
Apo Vakadzi Vanoratidza Mutsa
15, 16. (a) Mutsa waDhorkasi wakayeukwa sei, uye chii chakaitika paakafa? (b) Vakadzi vechiKristu vane mwoyo ine mutsa vane zviito zvakanaka zvakawanda sei nhasi?
15 Mutsa worudo womudzidzi Dhorkasi (Tabhita) weJopa wakatuswa. “Waishingaira zvikuru pamabasa akanaka nezvipo,” uye apo ‘akarwara ndokufa,’ vadzidzi vakashevedza Petro paRidha. Pakusvika kwake, “vakamuisa kuimba yokumusoro; chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokufuka nenguvo, dzavakanga vaitirwa naDhorkasi, achiri navo.” Isa muchiono chinoitika chacho: Chirikadzi dzakasuruvara, dziri kuchema dzakaudza muapostora kuti Dhorkasi akanga ane mutsa sei uye dzakamuratidza nguvo soufakazi hworudo rwake nomutsa. Achidzinga munhu ari wose, Petro akapfugama mumunyengetero ndokutendeukira kumutumbi wacho. Teerera! Akati: “Tabhita, muka!” Uye tarira! “Akasvinura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara. Akamubata noruoko rwake, akamusimudza, akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu.” (Mabasa 9:36-41) Chikomborero chakadini chakabva kuna Mwari!
16 Urwu rwaiva rumuko rwokutanga rwakanyorwa rwakaitwa nomuapostora waJesu Kristu. Uye migariro inotungamirira kuiri nenji rinoshamisa yakanga yakadzikwa mumutsa. Ndiani anogona kutaura kuti Dhorkasi angadai akamutsirwa kuupenyu kudai akanga asina kushingaira kuva namabasa akanaka akawanda nezvipo zvengoni—kudai akanga asina mutsa worudo mukuru? Dhorkasi nechirikadzi idzodzo havana kukomborerwa bedzi asi nenji rorumuko rwake rakagovera uchapupu kumbiri yaMwari. Hungu, “zvikazivikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kunaShe.” (Mabasa 9:42) Nhasi, vakadzi vechiKristu vane mwoyo ine mutsa vanewo mabasa akanaka akawanda—zvichida kusona nguvo nokuda kwavatendi biyavo, kugadzira zvokudya nokuda kwavakwegura vari pakati pedu, kutambanudzira tsitsi kuvamwe. (1 Timotio 5:9, 10) Ihwohwu uchapupu hwakadini kuvacherekedzi! Kupfuura zvose, tinofara sei kuti kuzvipira kwoumwari nomutsa worudo zvinosunda iyi ‘hondo huru yavakadzi kutaura mashoko akanaka’ kumbiri yaMwari wedu, Jehovha!—Pisarema 68:11.
Ramba Uchironda Mutsa Worudo
17. Chii chinotaurwa pana Zvirevo 21:21, uye mashoko iwayo anoshanda sei kuvanhu voumwari?
17 Vose vanoshuva nyasha dzaMwari vanofanira kuronda mutsa worudo. “Iye uyo ari kutsvaka kururama nomutsa worudo achawana upenyu, kururama nembiri,” chinodaro chirevo chokuchenjera. (Zvirevo 21:21, NW) Munhu woumwari anoronda nokushingaira kururama kwaMwari, nguva dzose achitungamirirwa nemipimo youmwari. (Mateo 6:33) Iye anoratidza rudo rwokuvimbika nenzira inopfuurira, kana mutsa worudo, kuvamwe nenzira dzokunyama uye zvikurukuru dzomudzimu. Nokudaro, iye anowana kururama, nokuti mudzimu waJehovha unomubetsera kurarama nenzira yakarurama. Kutaura idi, iye ‘anopfeka kururama’ sezvakaita murume woumwari Jobho. (Jobho 29:14) Munhu akadaro haatsvaki mbiri yake amene. (Zvirevo 25:27) Panzvimbo pezvo, iye anowana mbiri ipi neipi iyo Jehovha anomubvumira kugamuchira, zvichida muchimiro choruremekedzo runobva kuvanhu biyake vanosundwa naMwari kubata nenzira yomutsa naye nemhaka yomutsa worudo wake amene kwavari. Uyezve, avo vanoita kuda kwaMwari nokuvimbika vachawana upenyu—kwete chete kwamakore mashomanene anokurumidza asi nokusingaperi.
18. Neiko tichifanira kuronda mutsa worudo?
18 Naizvozvo, vose vanoda Jehovha Mwari ngavapfuurire kuronda mutsa worudo. Iri vara rinoita kuti tidiwe naMwari navamwe. Rinosimudzira tsitsi uye rinotiita vanorangarira. Mutsa unosimbisa zvisungo mukati memhuri neungano yechiKristu. Vakadzi vanoratidza mutsa worudo vanoongwa uye vanoremekedzwa zvikuru. Uye vose avo vanoronda iri vara rakaisvonaka vanounza mbiri kuna Mwari womutsa worudo, Jehovha.
Waizopindura Sei?
◻ Abrahama aiva sei womuenzaniso mukuratidza mutsa?
◻ Chinoitika chaRakabhi chinotidzidzisei pamusoro pokudzorera mutsa?
◻ Ungano yeFiripi yakaratidza sei mutsa?
◻ Vakadzi vechiKristu vane mwoyo ine mutsa vane zviito zvakanaka zvakawanda sei nhasi?
◻ Neiko tichifanira kuronda mutsa worudo?