RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 9/15 p. 3
  • Ko Mwari Anopindura Minyengetero Yako Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Mwari Anopindura Minyengetero Yako Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonyengeterera Vamwe?
  • Sumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Minyengetero Yaani Inopindurwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Minyengetero Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 9/15 p. 3

Ko Mwari Anopindura Minyengetero Yako Here?

“HANDISATI ndatongonzwa kunzwa kwokupindurirwa minyengetero yangu,” akadaro mumwe mukadzi anogara muHokkaido, Japan. Muna ikoku haasati ari oga. Vanhu vazhinji vanonzwa kuti minyengetero yavo haisati ichitongopindurwa. Kutaura idi, iwe ungave uchishamisika kana Mwari achipindura minyengetero yako.

Mamirioni anotaura minyengetero isingaverengeki kuvamwari vasingaverengeki. Neiko kuchiratidzika kuti minyengetero yakawanda kwazvo haipindurwi? Kuti tiwane, ngatitangei kunzvera marudzi eminyengetero iri kupiwa.

Chii Chinonyengeterera Vamwe?

Mukati momwaka weGore Idzva, zvikamu zviviri kubva muzvitatu zvechiverengero chavagari veJapan, kana kuti vanhu vane mamirioni 80, vanonyengeterera munzvimbo tsvene dzeShinto kana kuti tembere dzechiBuddha. Ivo vanopa mari sezvipiriso uye vanonyengeterera mhanza yakanaka nechengeteko yemhuri.

Muna January naFebruary—pamberi chaipo pebvunzo dzakaoma zvikuru dzokupinda—vadzidzi vanodirana kunzvimbo tsvene dzakadai seimwe iri muTokyo yakakurumbira nokuda kwamwari wayo wedzidzo. Ivo vanonyora zvido zvavo pazvishongo zvemiti panonyorwa minyengetero ndokuzviturika pamatanda panhandare yenzvimbo tsvene. Inenge 100 000 yeizvi zvishongo yakashongedza nharaunda dzenzvimbo tsvene inosanozivikanwa muTokyo mukati momwaka webvunzo wa 1990.

Minyengetero yakawanda inobatanidza utano. Paimwe nzvimbo tsvene muKawasaki, Japan, vanhu vanonyengeterera dziviriro paAIDS. “Ukoshi hwokunyengetera mukurwisana neAIDS,” akatsanangura kudaro muprista wenzvimbo tsvene, “ndohwokuti kuchaita kuti vanhu vachenjere mumufambiro wavo.” Asi izvozvo ndizvo bedzi zviri kumunyengetero here?

Paimwe tembere, mumwe mukadzi akwegura akanyengeterera “rufu rwakamwe kamwe.” Neiko? Nemhaka yokuti aida kudzivisa kutambura chirwere chenguva refu uye akanga asingadi kuva mutoro kumhuri yake.

Muimwe nyika inonzi yechiKristu, mutungamiriri weboka renhabvu akanyengeterera rukundo rweboka rake nedziviriro pakuvadziko. VaKaturike muPoland vanonyengeterera garikano yavo yomunhu oga uye vanoshongedza Madonna wavo nezvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha apo vanodavira kuti minyengetero yavo inonzwiwa. Vanhu vazhinji vanodirana kuchechi dzakadai seGuadalupe yakakurumbira muGuta reMexico, uye Lourdes, France, vachikumbira kurapwa kwenenji.

Mabvazuva kana kuti Madokero, vanhu vanopa minyengetero nokuda kwezvikonzero zvakawanda nezvakasiana-siana zvomunhu oga. Sezvinooneka, ivo vanoda kuti minyengetero yavo inzwiwe ndokupindurwa. Zvisinei, ichokwadi here kukarira kuti minyengetero yose ichanzwiwa zvakanaka? Zvakadiniko nezveminyengetero yako umene? Inopindurwa here? Kutaura idi, ko Mwari anotongopindura minyengetero here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe