RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 10/1 pp. 2-4
  • Neiko Mwari Ave Achishivirira Kwazvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Mwari Ave Achishivirira Kwazvo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anoitira Hanya!
  • Uchi—Chipo Chinopiwa Vanhu Nenyuchi
    Mukai!—2005
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 10/1 pp. 2-4

Neiko Mwari Ave Achishivirira Kwazvo?

TARIRA chiso chakasuruvara chomwana ari kuziya nenzara. Ona chimiro chake chakaondoroka nedumbu rakazvimba. Funga nezvokupererwa nezano rose kwake pamusoro pokuda zvokudya, uye cherechedza ndiro isina chinhu yaakatakura. Zvichida amai vake vanotarira namaziso akanyura, chiso chavo vamene mufananidzo usingafadzi wokusava netariro. Ipapo edza kudzvinyirira rusuruvaro rwako—hungu, uye dzivisa misodzi yako.

Chiono ichochi chinodzokororwa kane mamirioni mumakiromita akaenzana kumativi mana ane mamirioni 6 enharaunda yakarohwa nenzara inozivikanwa seSahel. Inotambanuka makiromita anopfuura 4 800 kugura Africa kumaodzanyemba kweSahara Desert, kuvambira muSenegal iri paAtlantic Coast kusvikira kuEtiopia iri paGungwa Dzvuku. Chokwadika, nzara inotyisidzirawo vazhinji mune dzimwe nyika. World Health Organization inoshuma kuti vanhu vanenge vane mamirioni ane zviuru 1,1 kupota pasi vari kurwara zvakakomba kana kuti havadyi zvinovaka muviri.

Nzara, chokwadika, rutivi rumwe bedzi rwokutambura kwavanhu. Munhu anoshatisa pasi, uye tose zvedu tinotapurwa. Masangano ezvamatongerwe enyika anotendera kusaruramisira nehondo izvo zvinounza nhamo norufu kuvakawanda. Neiko Mwari achibvumidza zvinhu zvakadaro? Anotiitira hanya here?

Mwari Anoitira Hanya!

Musiki wedu anotiitira hanya. Kune chibvumikiso chikuru chaikoku nechemano ake okuita kuti zvinhu zvishande pamwe chete nokuda kwenakirwo yedu uye nokuda kwetsinhirano muchisiko chake chose. Somuenzaniso, tarira mufananidzo wabatanidzwa wenyuchi iri kushanyira ruva riri pamuti womuchero. Nyuchi inotsamira paruva nokuda kwedakunanzva rainoda nokuda kwezvokudya. Uyewo, muti unotsamira pamukume uyo muviri wenyuchi unotakura kubva kumuti wakafanana. Nenzira iyoyi, ruva rinoberekeswa kuti muchero ukure. Haisati iri miti yose yemichero inoberekeswa nenzira iyoyi, asi Mwari akaronga zvirokwazvo nokuda kwebatira pamwe isati iri yenguva dzose muchinoitika ichochi. Uye runako rwake runoguma nomuchero watingadya nomufaro nebetsero.

Nyuchi imene rutivi rweboka rakasanorongwa renyuchi dzinopfuura 30 000. Dzimwe dzinorinda mukoko, nepo dzimwe dzichiuchenesa kana kuti kuita kuti mupinde mhepo. Dzimwezve dzinochengeta dakunanzva nomukume, kupa vana zvokudya, kana kuti kutsvaka manyuko matsva edakunanzva. Mwari amene akaronga zvinhu saizvozvo zvokuti tinobetserwa apo nyuchi dzakabatikana zvakadaro dzinogadzira uchi hunotapira nohunovaka muviri uhwo hunofadza kunakirwa kwedu.

Chishamiso chebatira pamwe pakati penyuchi nemiti uye pakati pezvipembenene zvimene ndichimwe bedzi chezvibvumikiso zvakawanda zvokuti Musiki anokwanisa zvakakwana kuita kuti zvinhu zvipenyu zvibatire pamwe nechimwe nechimwe. Nemhaka yaikoko, “Mwari ndiMwari, kwete wenyongano, asi worugare.” (1 VaKorinte 14:33, NW) Neiko, ipapoka, akabvumira rudzi rwomunhu kuvapo mukusava netsinhirano kwakadaro, norusuruvaro runovapo somuuyo nokuda kwavazhinji kwazvo? Kana Mwari achitiitira hanya, neiko akamirira kwenguva yakareba kwazvo kuti aruramise mugariro iwoyu? Zvamazvirokwazvo, neiko Mwari ave achishivirira kwazvo?

Shoko raMwari, Bhaibheri, rinopindura mibvunzo yakadaro. Bhuku rinoshamisa irori rinotiudza kuti Jehovha Mwari ave achishivirira nokuda kwechikonzero chakanaka. Ndechipi chiri chikonzero ichocho? Uye shiviriro yaMwari ichagarazve kwenguva yakareba zvikuru sei?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Cover photo: Frilet/Sipa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe