Shiviriro yaMwari Ichagara Kwenguva Yakareba Sei?
MAKORE 3 000 apfuura, mumwe murume akachenjera akanyora, kuti: “Munhu akadzora munhu kusvikira kukuvadziko yake.” (Muparidzi 8:9, NW) Chifo chaapo iye akataura izvozvo, zvinhu hazvina kuvandudzika. Munhau yose, vanhu vamwe navamwe kana kuti mapoka vakawana simba, mumwe pashure pomumwe, vachidzora nokushandisa zvisina kufanira vamwe vanhu. Jehovha Mwari akatsungirira ikoku nenzira yokushivirira.
Jehovha ave achishivirira apo hurumende dzakaurayisa mamirioni muhondo ndokubvumira kusaruramisira kukuru kwezvemari. Nhasi, achiri kushandisa shiviriro sezvo vanhu vanoparadza ozone layer ndokushatisa mhepo yakapoteredza pasi negungwa. Kunofanira kumurwadza sei kuona kuparara kwenyika yakanaka inobereka zvibereko nokuparadzwa kwakaipa kwamasango nemhuka!
Neiko Mwari Achishivirira Kwazvo?
Muenzanisiro wakapfava ungatibetsera kupindura mubvunzo iwoyu. Rangarira muuyo pabhizimisi apo mushandi anononoka kusvika nguva dzose. Muridzi anofanira kuitei? Ruramisiro yakapfava ingaraira kuti adzige mushandi wacho nokukurumidza. Asi angayeuka chirevo cheBhaibheri, chinoti: “Une mwoyo murefu une njere kwazvo; asi unokurumidza kutsamwa unowedzera upenzi.” (Zvirevo 14:29) Nzwisiso ingamuparira kumira asati aita chiito. Iye angasarudza kubvumira nguva yokuti anotsiva arovedzwe kuitira kuti bhizimisi risashatiswe zvakatokura.
Tsitsi dzingamuitawo kuti amire. Zvakadini nokunyevera mushandi anoregeredza kuti aone kana achizoruramisa nzira dzake? Kuregererei kutaura kwaari ndokuona kana kunonoka kwake kwomuitiro kuchiparirwa nechinetso chinogona kupedzwa kana kuti nechimiro chakaipa zvisingabetseri? Nepo muridzi webhizimisi angasarudza kushandisa shiviriro, shiviriro yake, zvisinei, yaisazova isina kuganhurirwa. Mushandi wacho aizofanira kururamisa kana kuti zvimwe pakupedzisira kunangana nokudzingwa. Ikoko kwaizova bedzi kwakanaka kubhizimisi rimene nokuvashandi vanochengeta mitemo.
Munzira yakati fananei, Jehovha Mwari anoshandisa shiviriro mukunangana nechakaipa kuti abvumire nguva yokushanda kwemhinduro yakarurama kuzvinetso zvakati. Kupfuurirazve, shiviriro yake inopa vatadzi banza rokuchinja nzira dzavo ndokuwana betsero dzisingagumi. Nokudaro, Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisave vasingafari neshiviriro yaMwari. Panzvimbo pezvo, rinoti: “Rangarirai shiviriro yaShe wedu soruponeso.”—2 Petro 3:15, NW.
Muenzaniso Weshiviriro yaMwari
Jehovha Mwari akashivirira pamberi paMafashamo makuru ezuva raNoa. Nyika yenguva iyoyo yakanga yazadzwa namasimba masimba uye yakanga yakaipa zvikuru. Tinorava, kuti: “Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika . . . Jehovha akati: ‘Ndichaparadza vanhu vandakasika ndivabvise panyika.’” (Genesi 6:5, 7) Hungu, Jehovha akanga achirangarira mhinduro yokupedzisira kuchinetso chouipi shure panguva iyeyo: kubviswa kwavanhu vakaipa. Asi haana kuita chiito pakarepo. Akaregerereiko?
Nemhaka yokuti akanga asati ari munhu ari wose akanga akaipa. Noa nemhuri yake vakanga vakarurama mukuona kwaMwari. Naizvozvo nokuda kwavo, Jehovha akamirira nenzira yokushivirira kuti abvumire vanhu vashomanene vakarurama kuti vaite gadziriro nokuda kworuponeso. Uyezve, kumira ikoko kwenguva refu kwakapa Noa banza rokuva “muparidzi wokururama,” achipa vanhu ivavo vakaipa banza rokuchinja nzira dzavo. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo murefu waMwari wakanga uchimirira kugadzirwa kweareka pamazuva aNoa; mukati mayo vashoma, ivo vanhu vasere, vakaponeswa nemvura.”—2 Petro 2:5; 1 Petro 3:20.
Chikonzero Nei Mwari Achishivirira Zvino
Nhasi, mugariro wakafanana. Nyika yazadzwazve namasimba masimba. Somuzuva raNoa, Mwari akatotonga nyika ino, iyo, Bhaibheri rinoti, yaka“chengetererwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 3:7) Apo ikoko kunoitika, hakusati kuchizovazve nokuparadzwa kwemhoteredzo, dzvinyirirwo yavasina simba, kana kuti kushandiswa zvisina kufanira kwesimba nenzira yamakaro.
Neiko, ipapoka, Mwari asina kuparadza vanhu vasina umwari kare kare? Nemhaka yokuti kwave kune nhau dzokugadzikisa nezvinhu zvinokosha zvokuronga. Zvamazvirokwazvo, Jehovha ari kuenda akananga kumhinduro yechigarire kuchinetso chouipi icho chinobatanidza zvinhu zvakawanda, kubatanidza kuponeswa kwavanhu vane mwoyo wakarurama muusungwa hwechirwere norufu.
Achirangarira iri donzo rapashure, Jehovha akaronga kugovera Muponesi uyo aizogovera rudzikinuro nokuda kwezvivi zvedu. Nezvake, Bhaibheri rinoti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16, NW) Kwakatora zviuru zvamakore kugadzirira nzira yokuti Jesu auye ndokubaira upenyu hwake nokuda kworudzi rwomunhu. Mukati mamakore ose iwayo, Mwari akanga achishivirira nenzira yorudo. Asi gadziriro yakadaro yakanga isina kufanirwa nokumirira here?
Jesu akagovera rudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu anodokusvika makore ane zviuru zviviri apfuura. Neiko, ipapoka, Mwari achiri kushandisa shiviriro? Kutanga, rufu rwaJesu rwakaratidzira mavambo enhimbe yedzidzo. Rudzi rwomunhu rwaifanira kudzidza nezveiyi gadziriro yorudo ndokupiwa banza rokuigamuchira kana kuti kuiramba. Ikoko kwaizotora nguva, asi yaizova nguva inoshandiswa zvakanaka. Bhaibheri rinoti: “[Jehovha, NW] haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi ane mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.”—2 Petro 3:9.
Nhau yeHurumende
Imwe nhau inokosha yaizotorawo nguva. Paiva nokudikanwa kwokupedza chinetso chehurumende yorudzi rwomunhu. Kutanga, munhu akanga ari muhurumende youmwari. Asi mubindu reEdheni, vabereki vedu vokutanga vakafuratira iyoyo. Ivo vakasarudza kuva vakazvimirira pana Mwari, vachida kuzvitonga vamene. (Genesi 3:1-5) Chaizvoizvo, kunyanguvezvo, munhu akanga asina kusikwa kuti azvitonge amene. Muporofita Jeremia akanyora, kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, anofamba haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23; Zvirevo 20:24.
Kunyanguvezvo, chifo chaapo nhau yehurumende yakamutswa, Jehovha nenzira yokushivirira akabvumira nguva yokuipedza. Zvamazvirokwazvo, akabvumira nenzira yorupo zviuru zvamakore kuti munhu aedze chimiro chiri chose chinofungika chehurumende. Nomuuyoiko? Kwava pachena kuti hakuna hurumende yavanhu inogona kubvisa dzvinyiriro, rusaruro, kana kuti zvimwe zvisakiso zvokusafara.
Zvamazvirokwazvo, nemhaka yenhau yavanhu, munhu upi noupi anogona kutaura zvirokwazvo kuti Mwari haana kururama apo anozivisa donzo rake rokubvisa hurumende dzose dzavanhu ndokudzitsiva neimwe yake amene here? Nyangwe! Tinogamuchira zvakanaka zadziko youhu uporofita hweBhaibheri, hunoti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingazotongoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Mambo wokudenga woUmambo ihwohwo ndiJesu akamutswa. Kumugadzirira nokuda kwenzvimbo iyoyo—pamwe chete nokusarudza vanhu kuti vave vatongi pamwe chete naye—kwakatora nguva. Mukati menguva yose iyoyo, Mwari akashandisa shiviriro.
Betserwa Zvino Neshiviriro yaMwari
Nhasi, mamirioni avanhu mudzisiri pasi penyika 212 anobetserwa neshiviriro yaMwari. Vakabatanidzwa muchishuvo chavo chokuteerera Mwari ndokubatira hurumende yake yokudenga. Apo vanosangana pamwe chete muHoro dzavo dzoUmambo, vanodzidza kuti kuri nani zvikuru sei kushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwavo. Havagoverani muzvematongerwe enyika zvinokamuranisa zvenyika ino, kunyange zvazvo vachizviisa vamene pasi pehurumende dzavanhu chero bedzi Mwari achibvumira nenzira yokushivirira idzodzi kuti dzishande.—Mateo 22:21; VaRoma 13:1-5.
Batira pamwe yakadaro pakati pavakawanda kwazvo inoreverera Jehovha soUyo anogona kuparira tsinhirano pakati pavanhu vakasununguka vanodzidza kumuda navanoda kumubatira. Pasina panikiro wakasangana naivava sezvo vanopfuuridzira basa rimwe chetero iro Jesu amene akavamba, riya rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Jesu akadeya kutaura mugumo webasa irori apo akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:14, NW.
Kwete Kwenguva Yakareba Zvikuru!
Ufakazi hunooneka hunobvumikisa kuti gadziriro dzehurumende yakarurama yaMwari kuti idzore kutongwa kwezuva nezuva kwapasi dzodokuva dzapera. Pashure pokurondedzera miuyo inotyisa yokukundikana kwehurumende dzavanhu dzatakaona mukati mezana rino ramakore, Jesu akati: “Kana moona izvozvo zvoitwa, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedyo.”—Ruka 21:10, 11, 31.
Nokukurumidza, Mwari achabvisa vakaipa munzvimbo yapasi. Mashoko owezvamapisarema achava nokushanda chaikoiko, anoti: “Vanoita zvakaipa vachagurwa . . . Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.” (Pisarema 37:9, 10) Unogona kufungidzira here nyika isina uipi? Ndiani angatarisira zvinhu panguva iyeyo? Bhaibheri rinoti: “Mambo [Kristu Jesu akagadzwa pachigaro choumambo mumatenga] uchabata ushe nokururama, namachinda [vakagadzwa vake vakavimbika pasi pano] achabata achiruramisira. Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi. Vanhu vangu vachagara paugaro hune rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.”—Isaya 32:1, 17, 18.
Nokudaro, hurumende yaMwari yokudenga ichabvisa tapuro dzakashata dzokutadza kwomunhu ndokuronga avo vanoisa tariro maAri kuva chaunga chavanhu chine tsinhirano. Richirondedzera tsinhirano iyoyi, Bhaibheri rinoti: “Bere richagara negwaiana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira . . . Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:6-9.
Muuyo wakaisvonaka zvakadini unobva mukushandisa kwaMwari shiviriro! Nokudaro, panzvimbo pokunyunyuta kuti Mwari akamirira nguva refu zvikuru, kuregererei kushandisa shiviriro yake kuti uzviise umene kuUmambo hwake? Dzidza muBhaibheri chiri mipimo yake ndokuwirirana nayo. Songanirana navamwe vari pasi pake nenzira inotsinhirana. Ipapo, shiviriro yaMwari ichaguma nezvikomborero zvisingaperi nokuda kwako.