RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 10/15 pp. 8-9
  • Upapa—Hwakavambwa naKristu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upapa—Hwakavambwa naKristu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Papa weRoma Ndiye “Mutsivi woMusande Petro” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Petro Ndiye Aiva Papa Wokutanga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Ngatibatisisei Kutenda Kwedu Kunokosha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 10/15 pp. 8-9

Upapa—Hwakavambwa naKristu Here?

“PAKATI paPetro, Bhishopi wokutanga weRoma, uye papa wedu wazvino, John Paul II, panotambanuka mutsara murefu wavanapapa vakuru—vanopfuura 260, kutaura idi.” Anotaura kudaro mutezo weKaturike Anthony Foy muThe Southern Cross, magazini yeKaturike yevhiki nevhiki yeAfrica yokumaodzanyemba. Iye anopfuurira, kuti: “Kuuyu mutsara usingadimbuki wavanapapa kwatinogona kurereudzira ngwariro nechivimbo, apo tinokumbirwa kubvumikisa kuti Chechi yeKaturike yakavambwa naJesu Kristu.”

Kunogona kutaurwa nechivimbo here kuti uyu mutsara murefu wavanapapa wakavamba nomuapostora Petro? Mukuwirirana nedzidziso yeKaturike, vanapapa vana, Linus, Anacletus, Clement I, uye Evaristus, vanotaurwa kuva vakatsiva Petro kusvikira kugore ra 100 N.V. Bhaibheri rinodudza muKristu ainzi Rina uyo aigara muRoma. (2 Timotio 4:21) Zvisinei, hapana chinhu chinokarakadza kuti Rina, kana kuti munhu upi noupi zvake, akanga ari mutsivi wapapa kuna Petro. Muapostora Johane, uyo akanyora mabhuku mashanu eBhaibheri mumakore gumi okupedzisira ezana rokutanga ramakore, haana kuita nongedzero kuupi noupi wavanodanwa pamusoro apa kunzi vatsivi vaPetro. Zvamazvirokwazvo, kudai kwaiva nomutsivi kuna Petro, chisarudzo chine mufungo chaizodai chisina kuva Johane amene here?

Pamusoro pokutaura kwokuti Petro akanga ari bhishopi wokutanga weRoma, hapana chibvumikiso chokuti iye akamboshanyira guta iroro. Kutaura idi, Petro amene anotaura kuti iye akanyora tsamba yake yokutanga ari muBhabhironi. (1 Petro 5:13) Kutaura kweKaturike kwokuti Petro akashandisa “Bhabhironi” senongedzero yokuvanza kuRoma haina hwaro. Bhabhironi chairoiro raivapo muzuva raPetro. Kupfuurirazve, Bhabhironi rakanga rine nzanga yechiJudha yakakura zvakafanira. Sezvo Jesu akagovera Petro kuti aite zvikuru kuparidzira kwake pavaJudha vakadzingiswa, kune mufungo chose chose kudavira kuti Petro akashanyira Bhabhironi nokuda kwedonzo irori.—VaGaratia 2:9.

Cherekedzawo kuti Petro haana kutongonongedzera kwaari amene sechinhu chipi nechipi chinopfuura mumwe wavaapostora vaKristu. (2 Petro 1:1) MuBhaibheri hamuna apo iye anotaurwa sa“Baba Mutsvene,” “Papa Mukuru,” kana kuti “Papa” (Latin, papa, shoko rechidakadaka nokuda kwa“Baba”). Panzvimbo pezvo, iye akanamatira nenzira yokuzvininipisa kumashoko aJesu ari pana Mateo 23:9, 10, anoti: “Musaidza munhu ari panyika baba venyu, nokuti mumwe chete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga. Musaidzwawo ‘vatenzi,’ nokuti mumwe chete ndiTenzi wenyu, iye Kristu.” Petro haana kugamuchira rukudzo. Apo mukuru wezana weRoma Kornerio “akawira pasi petsoka dzake, akamunamata . . . , Petro wakamusimudza, akati: ‘Simuka neni ndiri munhuwo.’”—Mabasa 10:25, 26.

Pamusoro pavanonzi vanapapa 260, muprista Foy anobvuma, kuti: “Chiverengero chakati chave chiri chisina kufanirwa nebasa racho rakakwirira.” Mukuedza kururamisa ikoku, New Catholic Encyclopedia inoti: “Chaikosha nokuda kwamadonzo ehurumende chakanga chiri basa, uye kwete hunhu hwake pachake hwapapa mumwe nomumwe. Iye angave akava musande somunhu oga, munhu wapakati napakati, kana kuti kunyange asina kutendeseka.” Asi unodavira kuti Kristu aizoshandisa vanhu vakadaro kuti vamumirire here?

Zvisinei, kutaura kuti upapa hwakavambwa naJesu hakusati kuchitongotsigirwa muBhaibheri. Mukuwirirana neEncyclopedia of Religion, kunyange nyanzvi dzeKaturike dzazvino uno dzinobvuma kuti “hakuna chibvumikiso chakananga chomuBhaibheri chokuti Jesu akavamba upapa sebasa rechigarire mukati mechechi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe