Pfekai Unyoro!
“Savakasarudzwa vaMwari, vatsvene navanodiwa, zvipfekedzei mumene zvidakadaka zvikuru zvetsitsi, mutsa, kuzvininipisa kwendangariro, unyoro, uye mwoyo murefu.”—VAKOROSE 3:12, NW.
1-3. Pana VaKorose 3:12-14, chii icho muapostora Pauro akataura pamusoro pounyoro namamwe mavara oumwari?
JEHOVHA anopa vanhu vake zvipfeko zvokufananidzira zvakanakisisa zvikuru. Kutaura idi, vose vanoshuva nyasha dzake vanofanira kupfeka nguvo ine shinda dzakasimba dzounyoro. Iri vara rinonyaradza nemhaka yokuti rinoderedza nyanduko mumigariro inotambudza. Rinodzivirirawo, nokuti rinodzivisa gakava.
2 Muapostora Pauro akakurudzira maKristu biyake akazodzwa, kuti: “Savakasarudzwa vaMwari, vatsvene navanodiwa, zvipfekedzei mumene zvidakadaka zvikuru zvetsitsi, mutsa, kuzvininipisa kwendangariro, unyoro, uye mwoyo murefu.” (VaKorose 3:12, NW) Chimiro cheshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “zvipfekedzei mumene” chinoratidzira chiito chinofanira kuitwa nepfungwa yekurumidziro. Vakazodzwa, avo vakasarudzwa, vatsvene, uye vanodiwa naMwari, vaisafanira kunonoka mukuzvipfekedza vamene mavara akadai sounyoro.
3 Pauro akawedzera, kuti: “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; [Jehovha, NW] sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.” (VaKorose 3:13, 14) Rudo, unyoro, uye mamwe mavara oumwari anokuita kuti kubvirire Zvapupu zvaJehovha ku“gara pamwe chete muchinzwano.”—Pisarema 133:1-3, NW.
Vafudzi Vanyoro Vanodikanwa
4. MaKristu echokwadi anopfeka nguvo yokufananidzira yakarukwa namavarai?
4 MaKristu echokwadi anotamburira ku‘uraya mitezo yemiviri yawo ine chokuita noufeve, kusachena, chishuvo chevatano, chishuvo chinokuvadza, uye kuchochora,’ uye anoshandira kubvisa nguvo ipi neipi yakare ine jira rokutsamwa, hasha, ushati, kutaura kwakaipa, uye kutaura kunonyadzisa. (VaKorose 3:5-11) Anobvisa “hunhu hwekare” (chaizvoizvo, “munhu wekare”) uye anopfeka “hunhu hutsva” (kana kuti, “munhu mutsva”), chipfeko chakakodzera. (VaEfeso 4:22-24, Kingdom Interlinear) Nguvo yavo itsva, yakarukwa netsitsi, mutsa, kuzvininipisa kwendangariro, unyoro, uye mwoyo murefu, inovabetsera kupedza zvinetso uye kurarama upenyu hwoumwari.—Mateo 5:9; 18:33; Ruka 6:36; VaFiripi 4:2, 3.
5. Chii chiripo pamusoro pokushanda kweungano yechiKristu chinokuita kuve mufaro wakadaro kuva rutivi rwayo?
5 Vanhu vanorangarirwa kuva vanobudirira munyika ino kazhinji kazhinji vakaoma, kunyange vane utsinye. (Zvirevo 29:22) Kwakasiana nenzira inozorodza sei pakati pavanhu vaJehovha! Ungano yechiKristu haishandi sokushandisa kunoita vamwe varume bhizimisi—nomutoo wakaisvonaka asi wehasha uyo ungaita kuti vanhu vasafare. Panzvimbo pezvo, mufaro kuva rutivi rweungano. Chimwe chikonzero ndechokuti unyoro rutivi rwouchenjeri hunoratidzirwa namaKristu ose zvawo uye zvikurukuru navarume vakakwaniriswa kudzidzisa vatendi biyavo. Hungu, mufaro unobva mumurairidzo nezano zvinopiwa navakuru vakagadzwa avo vanodzidzisa “nounyoro hwouchenjeri.”—Jakobho 3:13.
6. Neiko vakuru vechiKristu vachifanira kuva vanyoro?
6 Mudzimu, kana kuti chimiro chikuru, wavanhu vaMwari unoda kuti varume vakaronzeswa kutarisirwa kweungano vave vanyoro, vane mufungo, uye vanonzwisisa. (1 Timotio 3:1-3) Vabatiri vaJehovha vakafanana namakwai manyoro, kwete mbudzi dzine chisimbwa, manyurusi akasindimara, kana kuti mapere anoparadza. (Pisarema 32:9; Ruka 10:3) Vachiva vakafanana namakwai, vanofanira kubatwa nounyoro norupfave. (Mabasa 20:28, 29) Hungu, Mwari anokarira vakuru kuva vanyoro, vane mutsa, vane rudo, uye vanoshivirira kumakwai ake.—Ezekieri 34:17-24.
7. Vakuru vanofanira kurairidza sei vamwe kana kuti kubetsera vanorwara mumudzimu?
7 So“muranda waShe,” mukuru “[anofanira kuva, NW] munyoro kuna vanhu vose, anoziva kudzidzisa, anotsungirira pakuitirwa zvakaipa, anodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeuka vagoziva zvokwadi.” (2 Timotio 2:24, 25) Vafudzi vechiKristu vanofanira kuratidza kurangarira kunyoro pakuedza kubetsera vanorwara mumudzimu, nokuti makwai ndeaMwari. Vakuru havafaniri kuvabata sezvaizoitwa mushandiri asi vanofanira kuva vanyoro, kufanana noMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu.—Johane 10:11-13.
8. Chii chakaitika kuna Mosesi munyoro, uye nei?
8 Padzimwe nguva mukuru angakuwana kwakaoma kuchengeta mudzimu munyoro. “Mosesi wakanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Bva, apo vaIsraeri vakatarisana nokuperevedza kwemvura paKadheshi, vakapopotera Mosesi ndokumushora nokuda kwokuvatungamirira kubva muEgipita kupinda murenje risina chinhu. Pasinei hapo nezvose izvo Mosesi akanga atsungirira nenzira younyoro, iye akataura nenzira isina mufungo, yehasha. Iye naAroni vakamira pamberi pavanhu ndokunangidzira ngwariro kwavari vamene, Mosesi achiti: “Chinzwai, imi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?” Mosesi ipapo akarova dombo netsvimbo yake kaviri, uye Mwari akaita kuti “mvura zhinji-zhinji” ibude nokuda kwavanhu nemhuka dzavo. Jehovha haana kufadzwa nemhaka yokuti Mosesi naAroni vakanga vasina kuMutsvenesa, naizvozvo Mosesi haana kuropafadzwa kutungamirira vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa.—Numeri 20:1-13; Dheuteronomio 32:50-52; Pisarema 106:32, 33.
9. Unyoro hwomukuru hungaedzwa sei?
9 Unyoro hwomukuru wechiKristu hungaedzwawo munzira dzakasiana-siana. Somuenzaniso, Pauro akanyevera Timotio kuti kwaigona kumuka mumwe munhu “unongozvikudza” uye “asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo.” Pauro akawedzera, kuti: “Dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa, nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakaodzwa, vakatorerwa zvokwadi.” Mutariri Timotio akanga asingafaniri kuita nenzira yehasha asi aifanira ku“tiza zvinhu izvi,” uye iye aifanira ku“tevera kururama nokunamata Mwari, nokutenda, norudo, nokutsungirira, nounyoro.”—1 Timotio 6:4, 5, 11.
10. Tito akanga achifanira kuyeuchidza ungano nezvechii?
10 Kunyange zvazvo vakuru vachifanira kuva vanyoro, vanofanira kuva vakasimba nokuda kwechiri chakarurama. Tito akanga akadaro, achiyeuchidza avo vakabatanidzwa neungano dzomuKrete kuti “varege kurevera mumwe zvakaipa, varege kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu vose unyoro hwose.” (Tito 3:1, 2) Achiratidza chikonzero nei maKristu achifanira kuva manyoro kuna vose, Tito akanga achizoonesa kuti Jehovha akanga ave ari ane mutsa naane rudo sei. Mwari akanga asina kuponesa vatendi nemhaka yezviito zvipi nezvipi zvakarurama zvavakanga vaita asi mukuwirirana nengoni dzake kupfurikidza naJesu Kristu. Unyoro hwaJehovha neshiviriro zvinoreva ruponeso nokuda kweduwo. Kufanana naTito, naizvozvo, vakuru vomuzuva razvino vanofanira kuyeuchidza ungano kuva dzinozviisa pasi paMwari, vachiMutevedzera kupfurikidza nokubata navamwe nenzira younyoro.—Tito 3:3-7; 2 Petro 3:9, 15.
Unyoro Hunotungamirira Mupi Wezano Akachenjera
11. Mukuwirirana naVaGaratia 6:1, 2, zano rinofanira kupiwa sei?
11 Zvakadiniko kana gwai rokufananidzira ratadza? Pauro akati: “Hama, kunyange zvazvo munhu akaita nhano yakaipa iye asati aiziva, imi mune zvikwaniriso zvomudzimu edzai kugadziridza munhu akadaro nomudzimu wounyoro, sezvo imi mumwe nomumwe muchizvingwarira mumene, muchityira kuti imiwo mungaedzwa. Pfuurirai kutakurirana mitoro, uye nokudaro zadzisai mutemo waKristu.” (VaGaratia 6:1, 2, NW) Zano rinobudirira zvikuru kana rikapiwa nomudzimu wounyoro. Kunyange kana vakuru vari kuedza kupa zano munhu akatsamwa, vanofanira kuratidzira kuzvidzora, vachiziva kuti “rurimi runyoro runovhuna mapfupa.” (Zvirevo 25:15) Mumwe munhu akaoma sepfupa angapfaviswa nokutaura kunyoro, uye kuoma kwake kungavhunika.
12. Mudzimu munyoro unobetsera sei mupi wezano?
12 Jehovha Murairidzi munyoro, uye nzira yake nyoro yokudzidzisa inobudirira muungano. Ikoku kwakadaro zvikuru apo vakuru vanokuwana kuri madikanwa kupa zano avo vanoda betsero yomudzimu. Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Ndiani pakati penyu wakachenjera, wakangwara? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri.” Unyoro hunobva mururemekedzo nokuonga nokuda kwo“kuchenjera kunobva kumusoro,” kwakabatanidzwa nokuziva kune mwero ganhuriro dzomunhu amene. Mudzimu munyoro nowokuzvininipisa unodzivirira mupi wezano mukuita tsinhiro dzinokuvadza nezvikanganiso ndokuita kuti zano rake rive riri nyore kugamuchira.—Jakobho 3:13, 17.
13. “Unyoro hwouchenjeri” hunotapura sei nzira iyo zano rinopiwa nayo?
13 “Unyoro hwouchenjeri” hunodzivisa kuva akagomara kana kuti ane hasha nenzira isina mufungo kwomupi wezano. Bva, itiro hanya pamusoro poushamwari kana kuti kuva netendero yomumwe munhu hazvifaniri kusunda mukuru kutaura zvinhu zvakarongedzerwa kufadza panzvimbo pokupa nenzira younyoro zano rakananga rakavakirwa paShoko raMwari. (Zvirevo 24:24-26; 28:23) Zano iro Amnoni akagamuchira kubva kuhama yake yokunyama rakagutsa chishuvo chake, asi kwakareva kurasikirwa noupenyu hwake. (2 Samueri 13:1-19, 28, 29) Vakuru vomuzuva razvino uno, naizvozvo, havafaniri kurerutsa nheyo dzeBhaibheri kuti vanyaradze hana yomumwe munhu, nokuti kuita kudaro kungaisa mungozi upenyu hwake. Kufanana naPauro, vakuru havafaniri kurega kuudza vamwe “zano rose raMwari.” (Mabasa 20:26, 27, NW; 2 Timotio 4:1-4) Mupi wezano wechiKristu akakura mumudzimu anoratidza rutyo rwoumwari uye anopa zano rakarurama nounyoro hwouchenjeri.
14. Neiko mukuru achifanira kuva anongwarira kusaita zvisarudzo izvo vamwe vanofanira kuzviitira vamene?
14 Unyoro hwakabatanidzwa nouchenjeri hwokudenga zvichadzivisa mukuru kuita kuraira kwehasha. Iye anofanirawo kuziva kuti hakusi kuchenjera uye hakuna kufanira kuti aite chisarudzo icho mumwe munhu anofanira kuzviitira amene. Mukuru aizova nomutoro nokuda kwemiuyo kana akaita zvisarudzo nokuda kwavamwe, uye aizogoverana kushorwa nokuda kwomuuyo upi noupi wakaipa. Mukuru anogona kudanira ngwariro kuicho Bhaibheri rinotaura, asi kana pasina mutemo wapaMagwaro panhau yacho, chisarudzo chomunhu oga nehana zvinofanira kusarudza chaachaita kana kuti chaasati achizoita. Sokutaura kwakaita Pauro: “Mumwe nomumwe achazvitakurira mutoro wake amene.” (VaGaratia 6:5, NW; VaRoma 14:12) Zvisinei, mubvunzi angabetserwa kukuita chisarudzo chakarurama kupfurikidza nokubvunza mibvunzo kwomukuru iyo inoyamura munhu wacho kurangarira mumagwaro ane chokuita nenzira dzechisarudzo dzingava dzakamuzarukira.
15. Chii chinofanira kuitwa kana mukuru asingazivi mhinduro kumubvunzo?
15 Kana mukuru asingazivi mhinduro kumubvunzo, haafaniri kupindura kuti chete achengete ruremekedzo. Unyoro hwouchenjeri hwaizomudzivirira kufungidzira uye zvichida kupa mhinduro isina kururama iyo gare gare ingagona kuparira nhamo. Pane “nguva yokunyarara, nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:7; enzanisa naZvirevo 21:23.) Mukuru anofanira “kutaura” bedzi paanoziva mhinduro kumubvunzo kana kuti paanenge aita nzvero yakakwana yokupa mhinduro yakarurama. Kuchenjera kusiya mibvunzo yokufungidzira isina kupindurwa.—Zvirevo 12:8; 17:27; 1 Timotio 1:3-7; 2 Timotio 2:14.
Ukoshi Hwokuwanda Kwavapi Vezano
16, 17. Neiko kwakafanira kuti vakuru vabvunzane?
16 Munyengetero nefundo zvichabetsera vakuru kupindura mibvunzo ndokubata zvinetso zvakaoma, asi kunofanira kuyeukwa kuti “kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa.” (Zvirevo 15:22) Kubvunza vamwe vakuru kunoguma nomuunganidzwa unokosha wouchenjeri. (Zvirevo 13:20) Havasati vari vakuru vose vane ruzivo rwokuzviwanira rwakaenzana kana kuti zivo yeBhaibheri. Nokudaro, unyoro hwouchenjeri hunofanira kusunda mukuru ane ruzivo rwokuzviwanira rushoma kubvunza vakuru vane zivo yakakura zvikuru noruzivo rwokuzviwanira rwakawanda, zvikurukuru apo nhau yakakomba inoda kubatwa.
17 Apo vakuru vanosarudzwa kubata nhau yakakomba, vangangotsvaka betsero pachivande. Kuti vamuyamure mukutonga vaIsraeri, Mosesi akasarudza “varume vanokwanisa, vanotya Mwari, varume vakavimbika, vanovenga mhindu isina kururama.” Kunyange zvazvo vakanga vari vakuru, vakanga vasina zivo yakawanda noruzivo rwokuzviwanira sezvakanga zvakaita Mosesi. Nokudaro, “vaiunza nhau yakaoma kuna Mosesi, asi nhau duku iri yose vaibata ivo vamene savatongi.” (Eksodho 18:13-27, NW) Kana kuri madikanwa, ipapoka, vakuru vanobata nhau yakaoma nhasi vanogona nenzira yakafanira kutsvaka betsero yavatariri vane ruzivo rwokuzviwanira, kunyange zvazvo vachiita chisarudzo chokupedzisira ivo vamene.
18. Mukubata nhau dzokutonga, ndezvipi zviri zvinhu zvinosarudza zvinovimbisa zvisarudzo zvakafanira?
18 Mishnah yechiJudha inotaura kuti muna Israeri avo vaiumba matare omumusha vaisiana-siana muchiverengero mukuwirirana noukombi hwenhau. Mune ukoshi hwechokwadi mukuwanda kwavapi vezano, kunyange zvazvo zviverengero zvoga zvisingavimbisi ururami, nokuti voruzhinji vanogona kuva vasina kururama. (Eksodho 23:2) Zvinhu zvinosarudza zvinovimbisa kuti zvisarudzo zvakafanira zvichaitwa ndizvo Magwaro nomudzimu waMwari. Uchenjeri nounyoro zvichasunda maKristu kutera kuna izvozvi.
Kupupurira Nounyoro
19. Unyoro hunobetsera sei vanhu vaJehovha kupupurira kuvamwe?
19 Unyoro hunobetserawo vabatiri vaJehovha kupupurira kuna vanhu vezvimiro zvakasiana-siana. (1 VaKorinte 9:22, 23) Nemhaka yokuti Jesu akadzidzisa nounyoro, vanhu vanozvininipisa havana kumutya, sezvavakaita vatungamiriri vorudzidziso vane hasha. (Mateo 9:36) Chokwadika, nzira dzake nyoro dzakakwezva “makwai,” kwete “mbudzi” dzakaipa. (Mateo 25:31-46; Johane 3:16-21) Kunyange zvazvo Jesu akashandisa mashoko akasimba mukubata navanyengeri vakafanana nembudzi, Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuva zvinyoro pakuzivisa mashoko orutongeso aMwari nhasi nemhaka yokuti hazvina uchenjeri humwe chetehwo nechiremera izvo Jesu akanga anazvo. (Mateo 23:13-36) Sezvavanonzwa shoko roUmambo richiparidzirwa nounyoro, ‘avo vane ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi vanova vatendi,’ sezvakaita vanhu vakafanana namakwai avo vakanzwa Jesu.—Mabasa 13:48.
20. Mudzidzi weBhaibheri anobetserwa sei paanodzidziswa nounyoro?
20 Miuyo yakanaka inowanwa kupfurikidza nokupupurira nokurairidza vamwe nounyoro uye kupfurikidza nokuvafadza pahwaro hwomufungo, nheyo dzeBhaibheri, uye zvokwadi. “Itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu,” akanyora kudaro Petro, “mugare makazvigadzirira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro no[ruremekedzo rukuru, NW].” (1 Petro 3:15) Mudzidzi uyo ari kudzidziswa nenzira nyoro anogona kupa ngwariro pamashoko panzvimbo pokutsauswa kana kuti sezvinobvira kunyange kugumburwa nomutoo wehasha, wokuita nharo. Kufanana naPauro, vashumiri vanorairidza nounyoro vanogona kuti: “Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa.” (2 VaKorinte 6:3) Kunyange vashori pane dzimwe nguva vanogamuchira zvakanaka avo vanovarairidza nounyoro.
Unyoro Hunodikanwa Kuna Vose
21, 22. Unyoro hunobetsera sei vose vavanhu vaJehovha?
21 Unyoro hwechiKristu hahufaniri kupfekwa bedzi kuorora avo vari kunze kwesangano raJehovha. Iri vara rinokoshawo muukama pakati pavanhu vaJehovha. (VaKorose 3:12-14; 1 Petro 4:8) Ungano dzinovakwa mumudzimu apo vakuru vane unyoro navabatiri vanoshumira vanoshanda pamwe chete nenzira inotsinhirana. Kuratidzira unyoro namamwe mavara oumwari kunokosha nokuda kwomunhu ari wose wavanhu vaJehovha nemhaka yokuti kune “mutemo mumwe” nokuda kwavose.—Eksodho 12:49, NW; Revhitiko 24:22.
22 Unyoro hunogovera kurugare nomufarwa zvavanhu vaMwari. Naizvozvo, hunofanira kuva rutivi rwetambo dzamavara anoumba nguvo inopfekwa namaKristu ose pamusha, muungano, uye kune imwe nzvimbowo zvayo. Hungu, vabatiri vose vaJehovha vanofanira kupfeka unyoro.
Waizopindura Sei?
◻ Neiko vakuru vechiKristu vachifanira kuva vanyoro?
◻ Unyoro hunotungamirira sei mupi wezano akachenjera?
◻ Chii chiri ukoshi hwokuwanda kwavapi vezano?
◻ Neiko kuchibetsera kupupurira nounyoro?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Vanhu vaJehovha vakafanana namakwai uye vanofanira kubatwa nounyoro
[Kwazvakatorwa]
Garo Nalbandian
[Mufananidzo uri papeji 19]
Unyoro hunogonesa vanhu vaJehovha kupupurira kuvanhu vezvimiro zvakasiana-siana