RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 10/15 pp. 29-30
  • “Iwe Uchava Neni muParadhiso”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Iwe Uchava Neni muParadhiso”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Paradhiso
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • “Toonana muParadhiso!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • “Uchava Neni muParadhiso”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Tingadzidzei Kubva Kumutadzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 10/15 pp. 29-30

“Iwe Uchava Neni muParadhiso”

SEZVO rakanga rakarembera padanda rokuuraira, richifa mumarwadzo, tsotsi rakakumbira murume aiva parutivi paro, richiti: “Jesu, ndiyeukei apo munopinda muumambo hwenyu.” Jesu, kunyange zvazvo iyewo akanga achifa mumarwadzo makuru, akapindura, kuti: “Zvirokwazvo ndinokuudza nhasi, Iwe uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:42, 43, NW) Itariro inonyaradza zvakadini yokupa kumunhu wofa!

Wacherekedza here, kunyanguvezvo, kuti New World Translation—shanduro yanokorwa mashoko mundima yapfuura—inoisa chiratidzo chokumira pashure peshoko rokuti “nhasi” pakushandura aya mashoko akataurwa naJesu? Ikoku kunopa mufungo wokuti kunyange pazuva rorufu rwake amene, Jesu akakwanisa kupikira upenyu muParadhiso kutsotsi iroro. Pane rumwe rutivi, The New English Bible inoisa chiratidzo chokumira pamashoko aJesu neiyi nzira: “Ndinokuudza izvi: nhasi uchava neni muParadhiso.” Dzimwe shanduro zhinjisa dzinobvumirana neThe New English Bible, dzichipa pfungwa yokuti Jesu netsotsi rofa vakanga vachienda kuParadhiso zuva iroro rimene. Neiko pane musiano wacho? Uye kuisa chiratidzo chokumira kupi kwakarurama?

Kutaura idi, kwakanga kusina chiratidzo chokumira mumanyoro echiGiriki apakuvamba zvikurusa eBhaibheri. Nokudaro, apo kuisa chiratidzo chokumira kwakatangwa, vanyori veBhaibheri navashanduri vaifanira kukuisa mukuwirirana nenzwisiso yavo yezvokwadi yeBhaibheri. Ipapoka, ko kushandura kwegamuchidzanwa kwakarurama here? Ko Jesu nomuiti wezvakaipa vakaenda kuParadhiso here zuva ravakafa?

Aiwa, mukuwirirana neBhaibheri, ivo vakaenda kunzvimbo inonzi muchiGiriki Haʹdes uye muchiHebheru Sheʹol, ose ari maviri anonongedzera kuguva ravose rorudzi rwomunhu. (Ruka 18:31-33; 24:46; Mabasa 2:31) Nezvaavo vari munzvimbo iyoyo, Bhaibheri rinoti: “Vakafa havana chavanoziva . . . Hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [chiGiriki, Haʹdes], kwaunoenda.” Haisati ichitongova paradhiso!—Muparidzi 9:5, 10.

Kwakanga kusati kuri kutozosvikira pazuva rechitatu apo Jesu akamutswa achibva muHadhesi. Ipapo, mukati maanodokusvika mavhiki matanhatu iye akaita chiverengero chakati chokuoneka kuvateveri vake munyika yeParestina. Pane imwe yenguva idzodzo, Jesu akaudza Maria, kuti: “Ndichigere kukwira kuna Baba vangu.” (Johane 20:17) Naizvozvo, kunyange panguva iyeyo akanga asati asvika nzvimbo ipi neipi yaigona kunzi paradhiso.—Zvakazarurwa 2:7.

Muzana ramakore rechitatu N.V.—apo kubatanidzwa kwedzidziso yechiKristu nouzivi hwechiGiriki kwakanga kuchiitika nokukurumidza—Origen akanokora mashoko Jesu saanoti: “Nhasi uchava neni muParadhiso yaMwari.” Muzana ramakore rechina N.V., vanyori vechechi vakaita nharo mukurwisana nokuisa chiratidzo chokumira pashure pa“nhasi.” Ikoku kunoratidza kuti nzira yegamuchidzanwa yokurava mashoko aJesu ine nhau refu. Asi kunoratidzirawo kuti kunyange muzana ramakore rechina N.V., mashoko aJesu airaviwa navamwe mukuwirirana nenzira yaanoshandurwa nayo muNew World Translation.

Nhasiwo, kunyange zvazvo vashanduri vazhinji vachiisa chiratidzo chokumira pana Ruka 23:43 mukuwirirana negamuchidzanwa rechechi, vamwe vanoisa chiratidzo chokumira seNew World Translation. Somuenzaniso, mushanduro yeGermany yakaitwa naPurofesa Wilhelm Michaelis, mashoko aJesu anorava, kuti: “Zvirokwazvo, ndinokupa ichi chipikirwa kunyange nhasi: Iwe (rimwe zuva) uchava pamwe chete neni muParadhiso.”

Chii, ipapoka, chakareva mashoko aJesu nokuda kwomuiti wezvakaipa? Iye angave akanzwa nezvokutaura kwokuti Jesu ndiye Mambo akapikirwa. Pasina panikiro, iye aiziva nezvezita rokuremekedza rokuti “mambo wavaJudha” iro Pirato akanga aita kuti rinyorwe ndokuturikwa pamusoro waJesu. (Ruka 23:35-38) Kunyange zvazvo vatungamiriri vorudzidziso vakaramba Jesu nechisimbwa, iri tsotsi rinopfidza rakaratidzira kutenda kwaro, richiti: “Jesu, ndiyeukei apo munopinda muumambo hwenyu.” Iro harina kukarira kutonga naJesu, asi raida kubetserwa nokutonga kwaJesu. Nokudaro, Jesu, kunyange pazuva iroro rakaoma zvikurusa, akapikira kuti muiti wezvakaipa aizova naye muParadhiso.

Muparadhiso ipi? MuBhaibheri, Paradhiso yapakuvamba yakanga iri bindu rakafanana nepaka reEdheni iro vabereki vedu vokutanga vakarasikirwa naro. Bhaibheri rinopikira kuti Paradhiso iyoyo yapasi ichadzorerwa muUmambo hwaMwari, uhwo Jesu ari Mambo wahwo. (Pisarema 37:9-11; Mika 4:3, 4) Nokudaro, Jesu achava nomuiti iyeyo wezvakaipa navamwe vakafa vasingaverengeki apo anovamutsa muguva kuupenyu muparadhiso yapasi nokubanza rokudzidza kuita kuda kwaMwari nokurarama nokusingaperi.—Johane 5:28, 29; Zvakazarurwa 20:11-13; 21:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe