RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 11/15 pp. 13-18
  • Kusakurira Chibereko Chokuzvidzora

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusakurira Chibereko Chokuzvidzora
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutya Mwari Nokuvenga Chakaipa
  • Kuzvidzora, Nzira Youchenjeri
  • Rudo Rusina Udyire Runobetsera
  • Kutenda Nokuzvininipisa Savabetseri
  • Kuzvidzora Mukati Meboka Remhuri
  • Kushandisa Betsero Iyo Mwari Anogovera
  • Kuzvidzora—Neiko Kuchikosha Kwazvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kuti Uwane Mubayiro, Zvidzore!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Wedzerai Pazivo Yenyu Kuzvidzora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Iva Munhu Anozvidzora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 11/15 pp. 13-18

Kusakurira Chibereko Chokuzvidzora

“Chibereko chomudzimu ndicho rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora. Hakuna mutemo unorwisana nezvinhu zvakadaro.”—VAGARATIA 5:22, 23, NW.

1. Ndivanaani vakatipa mienzaniso yakaisvonakisisa yokuzvidzora, sezvinoonwa namagwaroi?

JEHOVHA MWARI naJesu Kristu vakatipa mienzaniso yakaisvonakisisa yokuzvidzora. Chifo chokusateerera kwomunhu mubindu reEdheni, Jehovha akaramba achishandisa iri vara. (Enzanisa naIsaya 42:14.) Kapfumbamwe muMagwaro echiHebheru tinorava kuti iye “anononoka kutsamwa.” (Eksodho 34:6) Ikoko kunoda kuzvidzora. Uye zvamazvirokwazvo Mwanakomana waMwari akashandisa kuzvidzora kukuru, nokuti “wakati achitukwa, haana kutukazve.” (1 Petro 2:23) Bva, Jesu aigona kuva akakumbira Baba vake vokudenga nokuda kwetsigiro ye“[ngirozi, NW] dzinopfuura mapoka makurukuru ane gumi namaviri.”—Mateo 26:53.

2. Mienzanisoi yapaMagwaro yakaisvonaka yatinayo yokushandiswa kwokuzvidzora kwakaitwa navanhu vasina kukwana?

2 Tinewo mienzaniso yakaisvonaka yapaMagwaro yokuzvidzora kwakashandiswa navanhu vasina kukwana. Somuenzaniso, iri vara rakaratidzirwa mukati mechinoitika chinokosha muupenyu hwaJosefa, mumwe mwanakomana watateguru Jakobho. Kuzvidzora kwakadini uko Josefa akashandisa apo mudzimai waPotifari akaedza kumunyengera! (Genesi 39:7-9) Pakangawo pane muenzaniso wakaisvonaka wepwere ina dzechiHebheru idzo dzakashandisa kuzvidzora kupfurikidza nokuramba kudya zvakanakisisa zvamambo weBhabhironi nemhaka yeganhuriro dzoMutemo waMosesi.—Dhanieri 1:8-17.

3. Ndivanaani vanosanozivikanwa nokuda kwomufambiro wavo wakaisvonaka, sezvinoonwa nechipupuriroi?

3 Nokuda kwemienzaniso yazvino uno yokuzvidzora, tinogona kunongedzera kuZvapupu zvaJehovha zvose hazvo. Zvakafanirwa nerumbidzo yazvakapiwa neNew Catholic Encyclopedia—yokuti izvo “ndirimwe ramapoka ane tsika dzakanakisisa munyika.” Mumwe murairidzi wapayunivhesiti yomuPhilippine akataura kuti “Zvapupu zvinoshandisa nenzira yorudzidziso zvazvinodzidza muMagwaro.” Pamusoro pekokorodzano yeZvapupu muWarsaw muna 1989, mumwe mutori wenhau wePoland akanyora, kuti: “Vanhu 55 000 havana kusvuta mudzanga mumwe kwamazuva matatu! . . . Iyi ratidzirwo yechirango chinopfuura chohunhu yakandiorora nokuyemura kwakavhenganiswa norutyo.”

Kutya Mwari Nokuvenga Chakaipa

4. Ndeipi iri imwe yeyamuro hurusa mukushandisa kuzvidzora?

4 Imwe yeyamuro hurusa mukusakurira kuzvidzora kutya Mwari, rutyo rwakanaka rwokutsamwisa Baba vedu vane rudo vokudenga. Kuti kutya Mwari kwokuremekedza kunofanira kuva kunokosha sei kwatiri kunogona kuonekwa kupfurikidza neidi rokuti Magwaro anokududza kakawanda. Apo Abrahama akanga odokupa mwanakomana wake Isaka, Mwari akati: “Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu; nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.” (Genesi 22:12) Funganyo pasina panikiro yakakura, naizvozvo kwaifanira kuve kwakada kuzvidzora kukuru kuna Abrahama kupfuurira nomurairo waMwari kusvikira kupfundo rokusimudza banga rake kuti auraye mwanakomana wake anodiwa Isaka. Hungu, kutya Mwari kuchatibetsera kushandisa kuzvidzora.

5. Ibasai iro kuvengwa kwechakaipa kunoita mukushandisa kwedu kuzvidzora?

5 Chakasanobatanidzwa nokutya Jehovha kuvengwa kwechakaipa. Tinorava pana Zvirevo 8:13 (NW), kuti: “Kutya Jehovha kunoreva kuvengwa kwechakaipa.” Uyewo, kuvengwa kwechakaipa kunotibetserawo kushandisa kuzvidzora. Nguva nenguva, Magwaro anotiudza kuvenga—hungu, kusema—chakaipa. (Pisarema 97:10; Amosi 5:14, 15; VaRoma 12:9) Icho chiri chakaipa kazhinji kazhinji chinofadza kwazvo, chinoedza kwazvo, chinokwezva kwazvo zvokuti tinofanira kungochivenga kuti tizvisimbise timene mukurwisana nacho. Kuvengwa kose kwakadaro kwechakaipa kunosimbisa kutsunga kwedu kushandisa kuzvidzora uye nokudaro kunobatira sedziviriro kwatiri.

Kuzvidzora, Nzira Youchenjeri

6. Neiko iri nzira youchenjeri kudzora kombamiro dzedu dzoudyire kupfurikidza nokushandisa kuzvidzora?

6 Imwe yamuro huru mukushandisa kwedu kuzvidzora ndeyokunzwisisa uchenjeri hwokuratidzira iri vara. Jehovha anotikumbira kushandisa kuzvidzora nokuda kwebetserwo yedu timene. (Enzanisa naIsaya 48:17, 18.) Shoko rake rine zano rakawanda rinoratidza kuti kuchenjera sei kudzora vavariro dzedu dzoudyire kupfurikidza nokushandisa kuzvidzora. Hatimbogoni kunzvenga mitemo yaMwari isingachinjiki. Shoko rake rinotiudza, kuti: “Izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti unodyarira nyama yake, uchacheka kuora, kunobva panyama, asi unodyarira [mudzimu, NW], uchacheka upenyu husingaperi.” (VaGaratia 6:7, 8) Muenzaniso uri pachena ndouyo wokudya nokunwa. Kurwara kuzhinji kunovapo nemhaka yokuti vanhu vanodyisa kana kuti kunwisa. Kutera kwose kwakadaro kuudyire kunotorera munhu kuzviremekedza. Kupfuurezvo, munhu haagoni kutera kuudyire asingakuvadziwo ukama hwake navamwe. Chakakomba zvikurusa kupfuura zvose, kushaikwa kwokuzvidzora kunokuvadza ukama hwedu naBaba vedu vokudenga.

7. Chii chiri musoro mukuru webhuku raZvirevo, sezvinoratidzwa namagwaroi eBhaibheri?

7 Naizvozvo, tinofanira kuramba tichizviudza timene kuti udyire kuzvikunda. Musoro wakatanhamara webhuku raZvirevo, iro rinosimbisa kuzviranga, ndowokuti udyire hausati huchibhadhara uye mukushandisa kuzvidzora mune uchenjeri. (Zvirevo 14:29; 16:32) Uye ngakucherekedzwe kuti kuzviranga kunobatanidza zvakawanda zvikuru kupfuura kungodzivisa chakaipa. Kuzviranga, kana kuti kuzvidzora, kunodikanwawo kuita chiri chakarurama, icho chingava chakaoma nemhaka yokuti ichochi chinorwisana nekombamiro dzedu dzokutadza.

8. Ndichinoitikai chinosimbisa uchenjeri hwokushandisa kuzvidzora?

8 Chinoenzanisira uchenjeri hwokushandisa kuzvidzora ndichinoitika chomumwe weZvapupu zvaJehovha akanga akamira mumutsetse pabhangi apo mumwe murume akamupindira. Kunyange zvazvo Chapupu chacho chakatsamwiswa zvishomanene, icho chakashandisa kuzvidzora. Zuva iroro rimene icho chaifanira kuona mumwe injiniya kuti chiwane siginicha nokuda kwepurani dzeHoro yoUmambo. Uye uyu injiniya akabvumikisa kuva ani? Chokwadi, munhu amene akanga amupindira pabhangi! Injiniya wacho haana bedzi kubvumikisa kuva ane ushamwari zvikuru asi iye akachaja Chapupu chacho iri pasi pechikamu chimwe chegumi chomuripo wenguva dzose. Chakafara sei Chapupu chacho kuti chakanga chashandisa kuzvidzora pakuvamba zuva iroro, chisingazvibvumiri chimene kushatiriswa!

9. Chii chiri nzira youchenjeri patinosangana nokuita kwokutuka muushumiri?

9 Nguva nenguva apo tinoenda pasuo nesuo tichiparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kana kuti kumira pakona romumugwagwa tichiedza kufadza vapfuuri mushoko redu, tinosangana nokutaura kwokutuka. Ndeipi iri nzira youchenjeri? Uku kutaura kwokuchenjera kunoitwa pana Zvirevo 15:1: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa.” Namamwe mashoko, tinofanira kushandisa kuzvidzora. Uye Zvapupu zvaJehovha hazvina kuwana izvozvi bedzi kuva zvechokwadi asi vamwe vakadarowo. Ukoshi hunorapa hwokuzvidzora huri kunzwisiswa zvikuru navarapi.

Rudo Rusina Udyire Runobetsera

10, 11. Neiko rudo ruri betsero chaiyoiyo mukushandisa kuzvidzora?

10 Rondedzero yaPauro yorudo pana 1 VaKorinte 13:4-8 inoratidza kuti simba rarwo rinogona kutibetsera kushandisa kuzvidzora. “Rudo rune mwoyo murefu.” Kuva nomwoyo murefu kunoda kuzvidzora. “Rudo haruna godo; rudo haruna manyawi, haruzvikudzi.” Vara rorudo rinotibetsera kudzora mifungo yedu nemirangariro, kudzora kombamiro ipi neipi yokuva negodo, yokuganza, kana kuti kuzvitutumadza. Rudo runotisunda kuva vakasiana chaizvo, ruchitiita vanozvininipisa, vakaderera mundangariro, sezvakanga zvakaita Jesu.—Mateo 11:28-30.

11 Pauro anopfuurira kutaura kuti rudo “haruiti zvisingafaniri.” Kunodawo kuzvidzora kuti tisaite zvisingafaniri panguva dzose. Vara rorudo rinotidzivisa pamakaro, paku‘tsvaka [chose chose] fariro dzedu timene.’ Rudo “harutsamwi.” Kuri nyore sei kutsamwiswa nemhaka yeicho vamwe vanotaura kana kuti kuita! Asi rudo ruchatibetsera kushandisa kuzvidzora uye kwete kutaura kana kuti kuita zvinhu izvo gare gare tinozozvidemba. Rudo “haruna zvishura.” Musikirwo womunhu wakakombamira kuchengeta mafi kana kuti kuchengeta pfundepfunde. Asi rudo ruchatibetsera kubvisa mifungo yakadaro mundangariro dzedu. Rudo “harufariri zvisakarurama.” Kunoda kuzvidzora kusawana mufarwa mune chisina kururama, zvakadai samabhuku outere kana kuti nhevedzano yemitambo yakashata inobudiswa muTV. Rudo “runofukidza zvose” uye “runotsungirira[wo] pazvose.” Kunoda kuzvidzora kushivirira zvinhu, kutsungirira zvinhu zvinotambudza kana kuti zvinorema ndokusazvibvumira kutiodza mwoyo, kutiparira kutsiva zvakafanana, kana kuti kutikombamirisa kurega kubatira Jehovha.

12. Ndeipi iri imwe nzira yokuratidza nayo kuonga kwedu zvose izvo Jehovha Mwari naJesu Kristu vakatiitira?

12 Kana tichida zvirokwazvo Baba vedu vokudenga uye kuonga mavara avo anoshamisa nezvose zvavakatiitira, tichada kuvafadza kupfurikidza nokushandisa kuzvidzora panguva dzose. Uyewo, kana tichida zvirokwazvo Ishe wedu naTenzi, Jesu Kristu, uye tichionga zvose izvo iye akatiitira, tichateerera murairo wake wo‘kutakura danda redu rokutambudzira ndokumutevera nguva dzose.’ (Marko 8:34) Ikoko zvirokwazvo kunoda kuti tishandise kuzvidzora. Rudo nokuda kwehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu ruchatidzivisawo kuvakuvadza kupfurikidza nokutora nzira youdyire.

Kutenda Nokuzvininipisa Savabetseri

13. Neiko kutenda kuchigona kutibetsera kushandisa kuzvidzora?

13 Imwe betsero huru mukushandisa kuzvidzora kutenda muna Mwari nezvipikirwa zvake. Kutenda kuchatigonesa kuvimba naJehovha ndokumirira nguva yake yakafanira yokururamisa zvinhu. Muapostora Pauro anoita pfundo rimwe chetero paanoti pana VaRoma 12:19: “Musatsiva, vadikanwa, . . . nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: ‘Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira—ndizvo zvinoreva [Jehovha, NW].’” Muna ikoku, kuzvininipisa kunogonawo kutibetsera. Kana tichizvininipisa, hatisati tichizokurumidza kugumbuka nemhaka yekuvadziko dzinofungidzirwa kana kuti chaidzoidzo. Hatisati tichizokurumidza kuita nenzira yatinoda, sokunge zvakadaro, asi tichashandisa kuzvidzora ndokuva vanodisa kumirira Jehovha.—Enzanisa nePisarema 37:1, 8.

14. Ndichinoitikai chinoratidza kuti kuzvidzora kunogona kuwanikwa kunyange naavo vanoperevedza zvikuru makuri?

14 Kuti tinogona kudzidza kushandisa kuzvidzora kwakajekeswa nesimba mune chimwe chinoitika chinobatanidza murume aiva nehasha dzamasimba masimba. Chokwadi, akanga ane hasha dzakadaro zvokuti apo mapurisa akadanwa nemhaka yebope iro iye nababa vake vakanga vachiparira, akarova mapurisa matatu mamwe asati amukurira! Pashure penguva yakati, zvisinei, akaonana neZvapupu zvaJehovha ndokudzidza kushandisa kuzvidzora, chimwe chezvibereko zvomudzimu waMwari. (VaGaratia 5:22, 23) Nhasi, makore 30 gare gare, uyu murume achiri kubatira Jehovha nokutendeka.

Kuzvidzora Mukati Meboka Remhuri

15, 16. (a) Chii chichabetsera murume kushandisa kuzvidzora? (b) Kuzvidzora kunodikanwa zvikurukuru mumugariroi, sezvinoonwa muchinoitikai? (c) Neiko kuzvidzora kuchidikanwa nomudzimai?

15 Kuzvidzora kunodikanwa zvirokwazvo mukati meboka remhuri. Kuti murume ade mudzimai wake sokuzvida kwaanozviita amene kunoda kuti ashandise kudzora zvikuru mifungo yake, mashoko, uye zviito. (VaEfeso 5:28, 29) Hungu, kunoda kuzvidzora kuti varume vateerere mashoko omuapostora Petro ari pana 1 Petro 3:7, anoti: “Imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva.” Murume anotenda anofanira kushandisa kuzvidzora zvikurukuru apo mudzimai wake anenge asiri mutendi.

16 Kuenzanisira: Kwaiva nomumwe mukuru akanga ane mudzimai ane hasha zvikuru asingatendi. Bva, iye akashandisa kuzvidzora, uye ikoku kwakamubetsera zvikuru kwazvo zvokuti chiremba wake akamuudza, kuti: “John, ungave uri munhu anoshivirira zvikuru, nenzira yomuzvarirwo kana kuti zvimwe une rudzidziso rune simba.” Zvirokwazvo tine rudzidziso rune simba, nokuti “Mwari haana kutipa [mudzimu woumbwende, NW], asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora,” unotigonesa kushandisa kuzvidzora. (2 Timotio 1:7) Mukuwedzera, kunoda kuzvidzora kumudzimai kuva anozviisa pasi, zvikurukuru apo murume wake anenge asiri mutendi.—1 Petro 3:1-4.

17. Neiko kuzvidzora kuchikosha muukama hwomubereki nomwana?

17 Kuzvidzora kunodikanwawo muukama hwomubereki nomwana. Kuti vave navana vanozvidzora, vabereki vamene vanofanira kutanga kugadza muenzaniso wakanaka. Uye apo vana vanoda chirango chorudzi rwakati, nguva dzose chinofanira kupiwa nounyoro uye murudo, uko kunoda kuzvidzora chaikoiko. (VaEfeso 6:4; VaKorose 3:21) Ipapo zvakare, kuti vana varatidze kuti vanoda chaizvoizvo vabereki vavo kunoda kuteerera, uye kuteerera zvirokwazvo kunoda kuzvidzora.—VaEfeso 6:1-3; enzanisa na 1 Johane 5:3.

Kushandisa Betsero Iyo Mwari Anogovera

18-20. Igadziriroi nhatu dzomudzimu dzatinofanira kushandisa kuti tisakurire mavara ayo achatibetsera kushandisa kuzvidzora?

18 Kuti tikure mukutya Mwari, murudo rusina udyire, mukutenda, mukuvenga chakaipa, uye mukuzvidzora, tinofanira kushandisa betsero yose iyo Jehovha Mwari akagovera. Ngatirangarirei gadziriro nhatu dzomudzimu idzo dzinogona kutibetsera kushandisa kuzvidzora. Yokutanga, pane ropafadzo inokosha yomunyengetero. Hatitongodi kuva vakanyanyobatikana zvokusagona kunyengetera. Hungu, tinofanira kushuva “kunyengetera nguva dzose,” “kuramba tichinyengetera.” (1 VaTesaronika 5:17; VaRoma 12:12, NW) Ngatiitei kusakurirwa kwokuzvidzora nhau yomunyengetero. Asi patinoperevedza mukushandisa kuzvidzora, ngatikumbirei nenzira yokupfidza Baba vedu vokudenga nokuda kwekanganwiro.

19 Nzvimbo yechipiri yebetsero mukuratidzira kuzvidzora kuwana betsero inobva mukudya paShoko raMwari namabhuku anotigonesa kunzwisisa ndokushandisa Magwaro. Kuri nyore zvikuru kuregeredza urwu rutivi rwebasa redu rinoyera! Tinofanira kushandisa kuzvidzora ndokuramba tichizviudza timene kuti hakuna mashoko okurava anokosha zvikuru kupfuura Bhaibheri uye anogoverwa no“muranda akatendeka naakachenjera,” uye nokudaro tinofanira kuapa nzvimbo yokutanga. (Mateo 24:45-47, NW) Kwakasanotaurwa kuti upenyu hahusati huchitongova ichi uye icho asi ichi kana kuti icho. Tiri zvirokwazvo varume navakadzi vomudzimu here? Kana tichiziva chinodikanwa chedu chomudzimu, tichashandisa kuzvidzora kunodikanwa kudzima TV ndokugadzirira misangano yedu kana kuti kurava Nharireyomurindi iyo ingave ichangobva kusvika nepositi.

20 Yechitatu, pane nhau yokuita zvakafanira kumisangano yedu yeungano namagungano makuru nekokorodzano. Misangano yose yakadaro ndichakafanira chachose chose here? Tinouya takagadzirira kutora rutivi uye ipapo kuita saizvozvo sezvo tinova nebanza here? Kusvikira kumwero watinoita zvakafanira kumisangano yedu, kusvikira kumwero iwoyo tichasimbiswa mukutsunga kwedu kushandisa kuzvidzora mumigariro yose.

21. Ndedzipi dziri dzimwe dzetuso dzatinogona kufarikanya nokuda kwokusakurira chibereko chomudzimu chokuzvidzora?

21 Itusoi dzatinogona kukarira nokuda kwokuedza nesimba kushandisa kuzvidzora panguva dzose? Kutanga, hatisati tichizotongowana zvibereko zvinorwadza zvoudyire. Tichava nokuzviremekedza nehana yakachena. Tichazvidzivisira timene zvinetso zvakawanda kwazvo uye ticharambira munzira inoenda kuupenyu. Uyezve, tichakwanisa kuita zvakanaka zvikurusa zvinobvira kuna vamwe. Kupfuura zvose, tichave tichiteerera Zvirevo 27:11, inoti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.” Uye iyoyo ituso hurusa iyo sezvinobvira tingagona kuva nayo—ropafadzo yokufadza mwoyo waBaba vedu vane rudo vokudenga, Jehovha!

Unoyeuka Here?

◻ Kutya Mwari kunotibetsera sei kushandisa kuzvidzora?

◻ Neiko rudo ruchitibetsera kushandisa kuzvidzora?

◻ Kuzvidzora kunobetsera sei muukama hwemhuri?

◻ Igadziriroi dzatinofanira kushandisa zvakanaka kana tichizosakurira kuzvidzora?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Josefa akashandisa kuzvidzora paakaedzwa

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kuranga mwana kunopiwa neteramo uye murudo kunoda kuzvidzora chaikoiko

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe