RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 12/1 pp. 9-14
  • Kubuda Murudzidziso Rwenhema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubuda Murudzidziso Rwenhema
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mavambo Orudzidziso Rwenhema
  • Rudzidziso Rwechokwadi
  • Ubatwa hwechiBhabhironi
  • Kubuda Murudzidziso Rwenhema Munguva Yomugumo
  • Rudzidziso Rwechokwadi Norwenhema
  • Kushandisa Rudzidziso Rwakachena Nokuda Kwokupukunyuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Siyana Zvachose Nokunamata Kwenhema!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 12/1 pp. 9-14

Kubuda Murudzidziso Rwenhema

“‘Ibvai pakati pavo, . . . ’ anodaro Jehovha, ‘uye regai kubata chinhu chisina kuchena’ . . . . ‘ini ndichakugamuchirai.’”—2 VAKORINTE 6:17, NW.

1. Chiitoi icho Satani akaedza kuita naJesu, uye kuita kwake uku kupa kunotidzidzisa zvinhui zviviri?

“ZVINHU izvi zvose ndichakupa kana ukawira pasi ndokuita chiito chokundinamata.” Kunyange zvazvo uku kupa kwakaitwa zviuru zvamakore pashure pokuvamba kworudzidziso rwenhema, kunogovera nhungamiro kukunzwisisa kuti ndiani ari seri kwokunamata kwenhema nechiri donzo rako. Mukupera kwegore ra 29 N.V., Dhiabhorosi akapa Jesu maumambo ose enyika muchinjano nechiito chokunamata. Ichi chinoitika chinotiudza zvinhu zviviri: kuti maumambo enyika ino akanga ari aSatani kuti ape uye kuti donzo rokupedzisira rorudzidziso rwenhema kunamata Dhiabhorosi.—Mateo 4:8, 9, NW.

2. Tinodzidzei mumashoko aJesu ari pana Mateo 4:10?

2 Kupfurikidza nemhinduro yake, Jesu haana bedzi kuramba rudzidziso rwenhema asi iye akaratidzawo icho rudzidziso rwechokwadi runobatanidza. Iye akazivisa, kuti: “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Namata [Jehovha, NW] Mwari wako, umushumire iye oga.’” (Mateo 4:10) Naizvozvo, donzo rorudzidziso rwechokwadi kunamatwa kwaMwari mumwe wechokwadi, Jehovha. Rinobatanidza kutenda nokuteerera, kuitwa kwokuda kwaJehovha.

Mavambo Orudzidziso Rwenhema

3. (a) Rudzidziso rwenhema rwakavamba rini uye sei pasi pano? (b) Ndechipi chiri chiito chokutanga chakanyorwa chokusashivirira kworudzidziso, uye chitambudzo chorudzidziso chakapfuurira sei chifo chenguva iyeyo?

3 Rudzidziso rwenhema rwakavamba pasi pano apo vanhu vokutanga vasina kuteerera Mwari ndokugamuchira chikarakadzo cheNyoka chokuzvisarudzira vamene “chakanaka nechakaipa.” (Genesi 3:5) Mukuita kudaro vakaramba uchangamire hwakarurama hwaJehovha ndokurega kunamata kwakafanira, rudzidziso rwechokwadi. Vakanga vari vanhu vokutanga “avo vakatsinhana zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuura Musiki.” (VaRoma 1:25) Chisikwa icho ivo nokusaziva vakasarudza kunamata chakanga chisiri chimwe kunze kwaSatani Dhiabhorosi, “nyoka yapakuvamba.” (Zvakazarurwa 12:9) Mwanakomana wavo mukurusa, Kaini, akaramba kutevera zano romutsa raJehovha uye nokudaro akapandukira uchangamire Hwake. Achiziva kana kuti kwete, Kaini akava “mwana wowakaipa,” Satani, uye mushandisi wokunamata Dhiabhorosi. Iye akauraya munun’una wake Abheri, uyo aishandisa kunamata kwechokwadi, rudzidziso rwechokwadi. (1 Johane 3:12, Revised English Bible; Genesi 4:3-8; VaHebheru 11:4) Ropa raAbheri rakanga riri ropa rokutanga kudeurwa nemhaka yokusashivirira kworudzidziso. Kunosuruvarisa kutaura, rudzidziso rwenhema rwakapfuurira kudeura ropa risina mhaka kusvikira kuzuva razvino.—Ona Mateo 23:29-35; 24:3, 9.

4. Muchinoitika chaNoa, magwaroi anoratidzira rudzi rworudzidziso rwechokwadi?

4 Pamberi paMafashamo, Satani akabudirira mubvisa voruzhinji vorudzi rwomunhu murudzidziso rwechokwadi. Noa, zvisinei, “akawana nyasha mumeso aJehovha.” Neiko? Nemhaka yokuti “akafamba naMwari wechokwadi.” Namamwe mashoko, iye akashandisa kunamata kwechokwadi. Rudzidziso rwechokwadi harusati ruri tsika kana muitiro asi inzira youpenyu. Runobatanidza kuisa kutenda muna Jehovha nokumubatira nenzira yokuteerera, ‘kufamba naye.’ Noa akaita ikoku.—Genesi 6:8, 9, 22, NW; Gen. 7:1; VaHebheru 11:6, 7.

5. (a) Dhiabhorosi akaedza kutangei pashure paMafashamo, uye sei? (b) Jehovha akadzivisa sei rongedzero yaDhiabhorosi, uye chii chaiva muuyo?

5 Isiri nguva refu pashure paMafashamo, Dhiabhorosi sezviri pachena akashandisa Nimirodhi, munhu ane mukurumbira wakashata nokuda kwe“chishoro [chake] kuna Jehovha,” munhamburiko yokubatanidza rudzi rwose rwomunhu muchimiro chokunamata icho zvakare chaizoshora Jehovha. (Genesi 10:8, 9, NW; Gen. 11:2-4) Rungadai rwakava rudzidziso rumwe rwenhema rwakabatanidzwa, kunamatwa kwakabatanidzwa kwaDhiabhorosi, kwakanangidzirwa paguta norusvingo urwo vanamati vake vakavaka. Jehovha akadzivisa iyi gadziriro kupfurikidza nokuvhiringidza “mutauro mumwe” waitaurwa panguva iyeyo norudzi rwose rwomunhu. (Genesi 11:5-9, NW) Naizvozvo, guta racho rakasvika pakunzi Bhabheri, gare gare Bhabhironi, mazita ose ari maviri achireva “Nyongano.” Iyi nyonganiswo yomutauro yakaparira kuparadzirwa kworudzi rwomunhu pamusoro papasi.

6. (a) Mifungoi yorudzidziso yakapinzwa muvanamati vaSatani muBhabhironi vasati vapararira? (b) Nei marudzidziso kupota nyika ane zvitendero zvakafanana? (c) Idonzoi rousatani iro Bhabhironi rakabatira, uye guta iroro rakava chiratidzo chechii?

6 Kwaizoratidzika, zvisinei, pahwaro hwenhau yengano norudzidziso, kuti pamberi pouku kuparadzirwa kworudzi rwomunhu kwakaitwa naJehovha, Satani akanga apinza mundangariro dzavanamati vake zvinokosha zvakati zvorudzidziso rwenhema. Izvozvi zvaibatanidza mifungo yorudzidziso yokupukunyuka kwomweya pashure porufu, kutyiwa kwavakafa, uye kuvapo kwenyika yapasi yehero, pamwe chete nokunamatwa kwavanamwari vazhinji navamwarikadzi, vamwe vavo vakaunganidzwa kuva vatatu. Zvitendero zvakadaro zvakaendeswa kumigumo yapasi namapoka akasiana-siana emitauro. Nokupfuura kwenguva, idzi pfungwa dzakachinja. Asi tichirangarira chinhu chiri chose, dzinoumba chimiro chorudzidziso rwenhema mumativi ose enyika. Kunyange zvazvo akadziviswa mukuedza kwake kusika rudzidziso rumwe rwenhema rwakabatanidzwa nedzimbahwe rarwo renyika muBhabhironi, Satani akasimbisa zvimiro zvakasiana-siana zvokunamata kwenhema, izvo zvakanga zviri zvefuridziro yeBhabhironi uye zvakarongedzerwa kutsausira kunamatwa kwaJehovha kwaari amene. Bhabhironi rakapfuurira kwamazana amakore kuva nzvimbo yapakati inopesvedzera yokunamata zvidhori, kutenda mashura, uroyi, uye dzidzo yokushanda kwenyeredzi muupenyu hwavanhu—ose mativi anokosha orudzidziso rwenhema. Nenzira isingashamisi, bhuku raZvakazarurwa rinofananidzira umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema semhombwe ine tsvina inonzi Bhabhironi Guru.—Zvakazarurwa 17:1-5.

Rudzidziso Rwechokwadi

7. (a) Nei rudzidziso rwechokwadi rusina kutapurwa nokunyonganiswa kwomutauro? (b) Ndiani akasvika pakuzivikanwa sa“baba vaavo vose vane kutenda,” uye nei?

7 Sezvinooneka, rudzidziso rwechokwadi rwakaramba rusina kutapurwa nokunyonganisa kwaJehovha mutoo wokutara kworudzi rwomunhu paBhabheri. Kunamata kwechokwadi kwakanga kwashandiswa pamberi paMafashamo navarume navakadzi vakatendeka vakadai saAbheri, Enoki, Noa, mudzimai waNoa, uye vanakomana vaNoa navaroora. Pashure paMafashamo kunamata kwechokwadi kwakachengetwa mumutsetse womwanakomana waNoa Shemi. Abrahama, muzukuru waShemi, akashandisa rudzidziso rwechokwadi uye akazivikanwa sa“baba vaavo vose vane kutenda.” (VaRoma 4:11, NW) Kutenda kwake kwakatsigirwa namabasa. (Jakobho 2:21-23) Rudzidziso rwake rwakanga rwuri nzira youpenyu.

8. (a) Rudzidziso rwechokwadi rwakatarisana sei norudzidziso rwenhema muzana ramakore rechi 16 P.N.V., uye chii chaiva muuyo? (b) Igadziriroi itsva iyo Jehovha akatanga pamusoro pokunamatwa kwake kwakachena?

8 Kunamata kwechokwadi kwakapfuurira kushandiswa mumutsetse wavana vaAbrahama—Isaka, Jakobho (kana kuti, Israeri), uye vanakomana 12 vaJakobho, makabva ndudzi 12 dzaIsraeri. Mugumo wezana ramakore rechi 16 P.N.V. wakawana vazukuru vaAbrahama kupfurikidza naIsaka vachitamburira kuchengeta rudzidziso rwakachena mumhoteredzo ine utsinye, yechihedheni—Egipita—umo vakaderedzerwa kuuranda. Jehovha akashandisa mubatiri wake akatendeka Mosesi, worudzi rwaRevhi, kununura vanamati Vake mujoko reEgipita, nyika yakanyura murudzidziso rwenhema. Kupfurikidza naMosesi, Jehovha akaita sungano naIsraeri, achivaita vanhu Vake vakasarudzwa. Panguva iyoyo, Jehovha akaronga kunamatwa kwake, achikuisa kwechinguvana mukati mezvisungo zvetsika yezvibairo zvaiitwa nouprista uye nenzvimbo tsvene yezvinhu, kutanga tabhernakeri inotakurika uye gare gare tembere paJerusarema.

9. (a) Kunamata kwechokwadi kwakashandiswa sei pamberi pesungano yoMutemo? (b) Jesu akaratidza sei kuti mativi anooneka oMutemo akanga asiri echigarire?

9 Kunofanira kucherekedzwa, zvisinei, kuti aya mativi anooneka haana kurehwa kuva mativi echigarire orudzidziso rwechokwadi. Mutemo wakanga uri “mumvuri wezvinhu zvaizouya.” (VaKorose 2:17, NW; VaHebheru 9:8-10; 10:1) Pamberi poMutemo waMosesi, munguva dzamadzitateguru, misoro yemhuri sezviri pachena yaimirira mhuri dzayo mukupa zvibairo paartari dzavakanga vavaka. (Genesi 12:8; 26:25; 35:2, 3; Jobho 1:5) Asi kwakanga kusina uprista hwakarongwa kana kuti gadziriro yezvibairo, ine miitiro netsika. Kupfuurirazve, Jesu amene akaratidza chimiro chechinguvana chokunamata kwakarongwa kwakanangidzirwa paJerusarema paakaudza mukadzi weSamaria, kuti: “Nguva inouya, yamusingazonamati Baba pagomo iri [Gerizimi, yaichimbova nzvimbo yetembere yeSamaria], kana paJerusarema. . . . Nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba mu[mudzimu, NW] nezvokwadi.” (Johane 4:21-23) Jesu akaratidza kuti rudzidziso rwechokwadi runofanira kushandiswa, kwete nezvinhu zvinooneka, asi nomudzimu nezvokwadi.

Ubatwa hwechiBhabhironi

10. (a) Neiko Jehovha akabvumira vanhu vake kutapwa kuBhabhironi? (b) Munzirai mbiri umo Jehovha akanunura namo vakasarira vakatendeka muna 537 P.N.V., uye chii chakanga chiri donzo guru rokudzokera kwavo kuna Judha?

10 Chifo chorupandukiro muEdheni, pave pane ruvengo rwenguva dzose pakati porudzidziso rwechokwadi norudzidziso rwenhema. Padzimwe nguva vanamati vechokwadi, kutaura nenzira yokufananidzira, vakatapwa norudzidziso rwenhema, rwakamirirwa neBhabhironi chifo chenguva yaNimirodhi. Jehovha asati abvumira vanhu vake kubviswa muubatwa hweBhabhironi muna 617 P.N.V. na 607 P.N.V., vakanga vatova vanyajambwa vorudzidziso rwenhema rwechiBhabhironi. (Jeremia 2:13-23; 15:2; 20:6; Ezekieri 12:10, 11) Muna 537 P.N.V., vakasarira vakatendeka vakadzokera kuna Judha. (Isaya 10:21) Vakateerera kudana kwouporofita, kwokuti: “Ibvai paBhabhironi!” (Isaya 48:20) Urwu rwakanga rusati ruchizovawo zvarwo rununuro rwokunyama. Rwakangawo rwuri rununuro rwomudzimu mumhoteredzo yorudzidziso rwenhema rusina kuchena, rwokunamata zvidhori. Naizvozvo ava vakasarira vakatendeka vakarairwa, kuti: “Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.” (Isaya 52:11) Donzo guru rokudzokera kwavo kuna Judha rakanga riri rokutangazve kunamata kwakachena, rudzidziso rwechokwadi.

11. Mukuwedzera kukudzorerwa kwokunamata kwakachena muna Judha, ndizvinoitikai zvitsva zvorudzidziso zvakaitika muzana ramakore rechitanhatu P.N.V.?

11 Nenzira inofadza, zana ramakore rechitanhatu rimwe chetero P.N.V. rakapupurira mativi matsva orudzidziso rwenhema mukati meBhabhironi Guru. Rakaona kutangwa kwechiBuddha, chiConfucius, chiZoroaster, uye chiJain, tisingatauri nezvouzivi hwouchenjeri hwechiGiriki uhwo gare gare hwaizopesvedzera zvikuru kwazvo machechi echiKristudhomu. Naizvozvo apo kunamata kwakachena kwakanga kuchidzorerwa muna Judha, muvengi mukuru waMwari akanga achigovera chisarudzo chikuru zvikuru chezvinhu murudzidziso rwenhema.

12. Kununurwai muubatwa hwechiBhabhironi kwakaitika muzana ramakore rokutanga N.V., uye inyeveroi iyo Pauro akapa?

12 Pakazosvika nguva yakaoneka Jesu muna Israeri, voruzhinji vavaJudha vakanga vachishandisa zvimiro zvakasiana-siana zvechiJudha, chimiro chorudzidziso chakanga chagamuchira mifungo mizhinji yorudzidziso rwechiBhabhironi. Chakanga chazvibatanidza chimene kuBhabhironi Guru. Kristu akachishurikidza uye akanunura vadzidzi vake muubatwa hwechiBhabhironi. (Mateo, ganhuro 23; Ruka 4:18) Sezvo rudzidziso rwenhema nouzivi hwechiGiriki zvakanga zvakapararira munzvimbo dzaakaparidzira, muapostora Pauro akanokora mashoko uporofita hwaIsaya ndokuhushandisa kumaKristu, ayo aida kuramba asina pesvedzero isina kuchena yeBhabhironi Guru. Iye akanyora, kuti: “Ibvumiranoi iyo tembere yaMwari inayo nezvidhori [zvechiBhabhironi]? Nokuti tiri tembere yaMwari mupenyu; kunyange sezvo Mwari akati: ‘Ndichagara pakati pavo uye ndichafamba pakati pavo, uye ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.’ ‘“Naizvozvo ibvai pakati pavo, uye zviparadzanisei mumene,” anodaro Jehovha, “uye regai kubata chinhu chisina kuchena”’; ‘“uye ndichakugamuchirai.”’”—2 VaKorinte 6:16, 17, NW.

Kubuda Murudzidziso Rwenhema Munguva Yomugumo

13. Chii chinoratidzirwa mumashoko ayo Kristu akatumira kuungano nomwe dzomuAsia Minor, uye chii chakabuda somuuyo?

13 Mashoko ayo Kristu akatumira kuungano nomwe dzomuAsia Minor kupfurikidza neZvakazarurwa zvakapiwa kune muapostora Johane anoratidza zvakajeka kuti pakasvika mugumo wezana ramakore rokutanga N.V., miitiro yorudzidziso yechiBhabhironi nezvimiro zvakanga zvichipinda zvishoma nezvishoma muungano yechiKristu. (Zvakazarurwa, maganhuro 2 ne 3) Kuwa pakutenda kwakakura zvikurukuru kuvambira muzana ramakore rechipiri kusvikira kuzana ramakore rechishanu N.V., kuchiguma nokuoneka kwokutevedzerwa kwakashata kworudzidziso rwakachena rwechiKristu. Dzidziso dzechiBhabhironi dzakadai sokusafa kwomweya, hero inopisa, uye Utatu dzakabatanidzwa mudzidziso dzechiKristu chakawa pakutenda. Machechi eKaturike, Orthodox, uye gare gare Purotesitendi ose akagamuchira idzi dzidziso dzenhema uye, naizvozvo, akava rutivi rweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema hwaDhiabhorosi.

14, 15. (a) Muenzanisiro waJesu wegorosi namashawi wakaratidzei? (b) Chii chakaitika nechokumugumo wezana ramakore rechi 19, uye pakasvika 1914, ifambiro mberii yakanga yaita maKristu pamusoro pedzidziso?

14 Rudzidziso rwechokwadi haruna kutomboparadzwa chose chose. Nguva dzose kwave kune vadi vezvokwadi mumazana ose amakore, vamwe vavo vakafa nokuda kwokutendeka kwavo kuna Jehovha neShoko rake, Bhaibheri. Asi sokuratidza kunoita muenzanisiro waJesu wegorosi namashawi, gorosi rokufananidzira, kana kuti vanakomana vakazodzwa voUmambo, vaizoparadzaniswa bedzi kubva mumashawi, kana kuti vanakomana vowakaipa, pa“mhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 13:24-30, 36-43, NW) Sezvo nguva yomugumo—nguva yokuti uku kuparadzanisa kuitike—yakaswedera pedyo, vadzidzi vapachokwadi veBhaibheri mukupera kwezana ramakore rechi 19 vakavamba kubuda muusungwa kurudzidziso rwenhema.

15 Pakazosvika 1914 aya maKristu, anozivikanwa nhasi seZvapupu zvaJehovha, akanga asakurira kutenda kwakasimba murudzikinuro. Akaziva kuti kuvapo kwaKristu kunofanira kuva kusingaoneki. Akanzwisisa kuti 1914 aizoratidzira mugumo we“nguva dzavaMarudzi.” (Ruka 21:24, King James Version) Uye akanzwisisa zvakajeka revo yomweya norumuko. Akavhenekerwawo pamusoro pechikanganiso chikuru chedzidziso dzamachechi pahero yomwoto noUtatu. Akadzidza ndokuvamba kushandisa zita roumwari uye akanzwisisa kusarurama kwerondedzero yemhindumupindu nokushandiswa kwokutaura nemidzimu.

16. Kudanai uko maKristu akazodzwa akagamuchira muna 1919?

16 Mavambo akanaka akanga aitwa mukurasa ganhuriro dzorudzidziso rwenhema. Uye muna 1919, Bhabhironi Guru rakarasikirwa chose chose noudzori hwaro pavanhu vaMwari. Sezvo vakasarira vavaJudha vakanga vanunurwa muBhabhironi muna 537 P.N.V., naizvozvo vakasarira vakatendeka vamaKristu akazodzwa vakateerera kudana kwoku“buda pakati paro [Bhabhironi Guru].”—Isaya 52:11.

17. (a) Chii chakatanga chibviro cha 1922 zvichienda mberi, uye kudikanwai kwakazviita kumene kuti kunzwikwe pakati pavanhu vaMwari? (b) Chimiroi chokunyanyisa chakagamuchirwa, uye neiko ikoku kuchinzwisisika?

17 Kuvambira muna 1922 zvichienda mberi, zvokwadi dzinorova zvakasimba dzeBhaibheri dzakabudiswa uye dzakaparadzirwa pachena, dzichifumura rudzidziso rwenhema rwechiBhabhironi, zvikurukuru machechi echiKristudhomu. Kudikanwa kwakaonekwa kwokuroverera pandangariro dzavanhu vaMwari vakacheneswa kwokuti paradzano nezvimiro zvose zvorudzidziso rwenhema inofanira kuva yachose chose. Nokudaro, kwamakore, kunyange kushandiswa kweshoko rokuti “rudzidziso” kwakadziviswa pakutaura nezvokunamata kwakachena. Kutaura, kwakadai sokuti “Rudzidziso Musungo Nenyengedzo,” kwakaziviswa mumigwagwa yamaguta makuru. Mabhuku akadai saGovernment (1928) uye “The Truth Shall Make You Free” (1943) akaita musiano wakajeka pakati pe“chiKristu” no“rudzidziso.” Ichi chimiro chokunyanyisa chinonzwisisika, sezvo paradzano yakachena yaifanira kuitwa namasangano ose orudzidziso anopararira eBhabhironi Guru.

Rudzidziso Rwechokwadi Norwenhema

18. Inzwisisoi itsva yo“rudzidziso” yakapiwa muna 1951, uye iyoyi inotsanangurwa sei mu 1975 Yearbook?

18 Ipapo, muna 1951, nguva yakanga yasvika yokuti Jehovha ape vanhu vake nzwisiso yakajeka yomusiano uri pakati porudzidziso rwechokwadi norudzidziso rwenhema. Chinyorwa che 1975 Yearbook of Jehovah’s Witnesses chinoshuma, kuti: “Muna 1951, vatsigiri vokunamata kwechokwadi vakadzidza chimwe chinhu chinokosha pamusoro peshoko rokuti ‘rudzidziso.’ Vamwe vavo vaigona kusanoyeuka 1938 apo, padzimwe nguva, vakatakura chiratidzo chinonyandura mufungo chokuti ‘Rudzidziso Musungo Nenyengedzo.’ Murangariro wavo panguva iyeyo, ‘rudzidziso’ rwose rwakanga rusiri rwechikristu, rwakabva kuna Dhiabhorosi. Asi The Watchtower yaMarch 15, 1951, yakabvumira kushandiswa kwamashoko okurondedzera ‘zvokwadi’ uye ‘nhema’ pamusoro porudzidziso. Kupfuurirazve, bhuku rinofadza What Has Religion Done for Mankind? (rakabudiswa muna 1951 uye rakabudiswa mukati meGungano ro‘Kunamata Kwakachena’ paWembley Stadium, London, England) rakataura izvi: ‘Kuchirangarirwa nenzira yarunoshandiswa nayo, “rudzidziso” murondedzero yarwo yakapfava zvikurusa runoreva tsika yokunamata, chimiro chokunamata, pasina kurangarira kuti kunamata kwechokwadi here kana kuti kwenhema. Ikoku kunobvumirana nerevo yeshoko rechiHebheru nokuda kwaro, ’a·boh·dáh, iro chaizvoizvo rinoreva kuti “basa”, pasinei hapo nokuti ndikunaani kwarinopiwa.’ Pashure paikoko, kutaura kwokuti ‘rudzidziso rwenhema’ no‘rudzidziso rwechokwadi’ kwakava kunozivikanwa navose pakati pezvapupu zvaJehovha.”—Peji 225.

19, 20. (a) Neiko vanamati vechokwadi vaisafanira kutsamwiswa nokushandiswa kweshoko rokuti “rudzidziso” sezvaraishandiswa kukunamata kwakachena? (b) Iyi nzwisiso itsva yakagonesa vanhu vaJehovha kuitei?

19 Mukupindura mubvunzo womuravi, chinyorwa cheThe Watchtower chaAugust 15, 1951, chakati: “Hapana anofanira kunzwa ashatiriswa nokushandiswa kweshoko rokuti ‘rudzidziso’. Chikonzero chokuti tinorishandisa hachitipinzi muboka ramarudzidziso enhema akasungwa namagamuchidzanwa, sezvo kuzvidana kwedu timene kuti maKristu kusingatiisi mumaKristu enhema echiKristudhomu.”

20 Kure nokuva kubvumirana pane zvisina kufanira, iyi nzwisiso itsva yeshoko rokuti “rudzidziso” yakagonesa vanhu vaJehovha kufadza mukaha uri pakati pokunamata kwechokwadi nokwenhema, sokuratidza kuchaita nyaya inotevera.

Kuedza Nzwisiso Yedu

◻ Rudzidziso rwenhema rwakavamba rini uye sei pasi pano?

◻ Chii icho Satani akaedza kutanga pashure paMafashamo, uye gadziriro yake yakadziviswa sei?

◻ Bhabhironi rakava chiratidzo chechii?

◻ Kununurwai kwakaitika muna 537 P.N.V., muzana ramakore rokutanga N.V., uye muna 1919?

◻ Inzwisisoi itsva yeshoko rokuti “rudzidziso” yakapiwa muna 1951, uye neiko ipapo?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]

Dzidziso dzenhema dzinodavirwa munyika yose dzine mavambo adzo muBhabhironi:

◻ Vamwari voUtatu, kana kuti vatatu

◻ Mweya womunhu unopukunyuka rufu

◻ Kushandisa midzimu—kutaura na“vakafa”

◻ Kushandiswa kwemifananidzo mukunamata

◻ Kushandiswa kwezvitsinga kunoitirwa kunyararidza madhemoni

◻ Kutonga kunoitwa nomufundisi ane simba

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe