RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 1/1 pp. 5-7
  • Kukohwa Vanamati

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukohwa Vanamati
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Mupasi Rose”
  • “Inzwi Ravo Rakabuda”
  • “Kusvikira Kumigumo Yapasi Rinogarwa”
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 1/1 pp. 5-7

Kukohwa Vanamati

MUAPOSTORA Johane akapiwa chiono chezvinoitika zvinokosha zvikuru izvo zvaizoitika “muzuva raShe.” Iye akaona Ishe Jesu Kristu wokudenga akatasva achienda kuhondo yakarurama, inofananidzirwa nebhiza jena—“achikunda, uye kuti akunde.” Chinhu chokutanga chaanoita kukanda muvengi mukuru waMwari, Satani, achibva mumatenga achiburukira pedyo napasi rino. Satani anopindura kupfurikidza nokutambudza rudzi rwomunhu nokuuraya, nzara, uye hosha zvisina muenzaniso, zvinofananidzirwa navatasvi vokufananidzira namabhiza avo—dzvuku, dema, uye rakachenuruka muruvara. (Zvakazarurwa 1:10; 6:1-8; 12:9-12) Idzi nhamo dzakatanga kuputika mugore ra 1914 uye dzakawedzera chifo chenguva iyoyo. Nokukurumidza, idzo dzichagumiswa neicho Jesu akarondedzera se“dambudziko guru rakadai serisati raitika chifo chamavambo enyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo harisati richizoitikazve.”—Mateo 24:3-8, 21, NW.

Vanamati vaJehovha vachaita sei panguva iyoyo? Zvakazarurwa ganhuro 7, ndima 1 kusvikira ku 10, inotaura nezvamauto engirozi a“kabata” mhepo dzoruparadziko kutozosvikira vanamati ivava vaunganidzwa. Mukati menhambo yechifo cha 1914, vokupedzisira pasi pano vaIsraeri womudzimu, vanosvika 144 000, vanounganidzwa. Uye ipapo “tarira! boka guru, rakanga risina munhu akakwanisa kuverenga, rinobva mumarudzi ose nendudzi navanhu nendimi.” Iri boka guru rinotosvika mumamirioni. Ivo vanomira vakatenderwa pamberi pechigaro choumambo chaMwari nemhaka yokushandisa kutenda muropa rinodzikinura raJesu, uyo akaurawa segwaiana risina mhaka. “Uye vanoramba vachidanidzira nenzwi guru, vachiti: ‘Ruponeso runobva kuna Mwari wedu, uyo agere pachigaro choumambo, uye kuGwaiana.’” Ava vanamati vanoshingaira vanoramba vachiti “Uya!” kuvamwezve, avo vanounganidzwa nokuda kworuponeso mu“dambudziko guru.”—Zvakazarurwa 7:14-17; 22:17, NW.

“Mupasi Rose”

Nezvaava vanamati vakazvipira, kunogona kunzi: “Inzwi ravo rakapinda mupasi rose, uye kutaura kwavo kusvikira kumigumo yapasi rinogarwa.” (VaRoma 10:18, NW) Basa ravo rakaoma rakakomborerwa nechibereko chinoshamisa. Somuenzaniso:

Mexico zvino inoshuma vanamati vanoshingaira vaJehovha 335 965, wedzero yeinenge zviuru zvine zana rimwe mumakore matatu chete! Neiko kune kufutunuka kukuru kwakadaro? Nhauro inotevera ingabetsera kutsanangura. Mumwe murume muduku anonzi Aurelio akanga ari mutarisiri wezvinhu zvinoyera zvomuchechi muchechi yeKaturike. Nguva iri yose Zvapupu zvaJehovha zvaipinda mumusha iwoyo, airidza mabhero echechi kuti adzivise munhu upi noupi kuzviteerera. Pashure penguva yakati iye akatenga Jerusalem Bible reKaturike ndokutanga kurirava, asi haana kurinzwisisa. Ipapo rimwe zuva akaona shamwari yaiva nekopi yeNew World Translation muhapwa make. Aurelio akapopotera shamwari yake uye, achiiudza kuti Bhaibheri rayo rakanga riri renhema, akaiendesa kumusha kwake amene kuzoiratidza Bhaibheri “chairoiro.” Shamwari yake yakati: “Rava Eksodho 20,” uye ipapo yakaenda.

Kutanga neganhuro 1, mutarisiri wezvinhu zvinoyera zvomuchechi akarava Eksodho kusvikira asvika Eks. kuganhuro 20, ndima 4 ne 5. Iye akakatyamadzwa neizvo Bhaibheri rake reKaturike rakataura pamusoro pemifananidzo. Pashure peMisa Svondo yakatevera yacho, iye akanangana nomuprista namagwaro anoreva nezvemifananidzo. Pakutanga muprista akataura kuti iye amene aingokudza chete mifananidzo; aisainamata. Achiona kuti ikoku hakuna kugutsa Aurelio, muprista akamupomera mhosva yokufunda neZvapupu zvaJehovha. Aurelio akaramba ikoku asi akawedzera, kuti, “Zvino ndichadaro!”

Nguva inotevera Zvapupu zvakauya kumusha wacho, Aurelio akaonana nazvo ndokuvamba kufunda Bhaibheri nazvo. Iye akarega kushanda muchechi uye mumwedzi mitatu akakwanirisa kugoverana muushumiri hwapachena neZvapupu zvaJehovha. Musha wokutanga waakashanyira wakanga uri uya womuprista, uyo aisagona kudavira meso ake apo iye akaona aichimbova mutarisiri wezvinhu zvinoyera zvomuchechi ari mubasa romuparidziri woUmambo. Muprista akamutyisidzira nokudzinga, asi Aurelio akamuudza kuti ikoku kwaisazova kuri madikanwa sezvo akanga atobuda muchechi yacho. Chiito chake choushingi chakakurudzira vazhinji vavagari vomumusha vakanga vachitofunda neZvapupu zvaJehovha. Aurelio navamwe 21 vanobva mumusha imomo vakabhapatidzwa pakokorodzano yoruwa yakatevera. Kukura kukuru kwazvo muiyi nharaunda zvokuti kwaingova bedzi nomukuru mumwe anowanika wokuhwirudzura neiri boka mibvunzo yavanoda kubhapatidzwa.

“Inzwi Ravo Rakabuda”

Hakuna kunzvenga kuparidzira Umambo. MuKaturike weItaly aisiwanzoshatiriswa nguva iri yose Zvapupu zvaJehovha zvaimushanyira. Naizvozvo apo kambani yake yakamutamisira kuSingapore, akanzwa kuti pakupedzisira aisazonetswa nazvo. Asi kushamisiko yake, Zvapupu zvaivakowo. Naizvozvo akawana imbwa mbiri dzinotyisa dzokudenha Zvapupu zvinotevera izvo zvakauya. Apo Zvapupu zviviri zvakashanyira musha wake, imbwa idzodzo dzakasvetuka dzichibuda. Vatyiswa, vakadzi vacho vakatiza nokuda kwoupenyu hwavo, vachipinda munzira dzakasiana-siana pamhararano yomugwagwa. Sezvo imwe yembwa yakamusvikira, mumwe weZvapupu akabata nenzira yokupererwa nezano rose mabhurocha maviri mubhegi rake ndokuatsokonyedzera mumukanwa makazaruka membwa. Pana ikoku, yakarega kumutandanisa, yakatenderuka, uye yakamhanya ichienda kumba.

Vhiki rakatevera racho, Zvapupu zviviri zvimwe chetezvo zvakanga zvichiita shanyo yedzokerero pamba iri pamhiri pomugwagwa. Mwene wembwa akanga ari mubindu make, uye, nenzira inoshamisa, akakwazisa vakadzi vacho ndokuvakoka kupinda mumba make. Iye akavaudza kuti akanga asina kutongotaura kuZvapupu zvaJehovha kana kuti kurava chipi nechipi chezvinyorwa zvazvo. Asi akanga ashamiswa nokuwana mabhurocha mumukanwa meimwe yembwa dzake. Madekwana iwayo iye akanga arava mabhurocha uye akaororwa chaizvoizvo nawo. Kunyange zvazvo akanga ave ari muKaturike upenyu hwake hwose, iye akataura chishuvo chokufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

Sezvo murume wacho akanga achidzorerwa kuItaly, gadziriro dzakaitwa dzokuti Zvapupu zvaJehovha zvifunde naye ikoko. Sezvo iye nomudzimai wake vakatanga kupinda misangano, muprista woruwa akavatyisidzira akashatirwa. Apo mumwe munhu akatungidza mwoto kubindu ravo, vaviri vacho vakagura batano dzose nechechi. Uyu murume zvino anoti: “Ndatove ndichipupurira kuvazhinji vemitezo yemhuri yangu nemhaka yokuti ndinoda kuti vazive kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi bedzi.”

“Kusvikira Kumigumo Yapasi Rinogarwa”

Chimwe chinoitika chakabva kumugumo wapasi chinoratidza kuti shoko roUmambo rinoongwa sei uye rinobetsera kuchinja upenyu. Chichipinda kirasi dzapamberi pokusununguka, chimwe Chapupu muAustralia chakasangana nomumwe mukadzi aiva netsika dzakaipa dzakawanda, kunyange kuramba kurega kusvuta mukati mokuva kwake napamuviri. Chapupu chakakangaidzwa zvikuru nechimiro chake chendangariro. Kwakaitika kuti vakava navana vavo panguva imwe cheteyo uye muwadhi imwe cheteyo, naizvozvo vakava nebanza rokutaura. Kwakaoneka kuti mukadzi wacho akanga ava nezvinetso zvakawanda mukati mouduku hwake, uye zvino roorano yake yakanga yodokuparara. Naizvozvo, pashure pokubuda muchipatara, Chapupu chakashanyira mukadzi wacho ndokutanga fundo yeBhaibheri naye, vachishandisa bhuku rinonzi Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze.

Murume womukadzi wacho akanga ave achinyengetera kuna Mwari kuti aizowana rudzidziso rwechokwadi, achiwedzera kutaura kwokuti: “Chero bedzi rusiri Zvapupu zvaJehovha!” Kunyanguvezvo, apo iye akawana kuti mudzimai wake akanga achifunda neZvapupu, akavamba kubvunza mibvunzo uye akakokwa kukumbanira mufundo yacho. Akaita ikoku, uye nokukurumidza akavamba kupinda misangano yeungano. Zvino, vose vari vaviri murume nomudzimai vakabhapatidzwa, uye sezviri pachena mugariro wavo weroorano wakavandudzika zvikuru kwazvo.

Fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzakavakirwa pamabhuku akadaro dzakaguma nokuunganidzwa kwavanamati vatsva vazhinji. Munyika umo Zvapupu zvaJehovha zvaifanira kugonana nokumukira, hondo yavagari vemo, kana kuti ganhuriro dzehurumende, mubato wefundo dzeBhaibheri dzapamusha wakawedzera. Hondo yavagari vemo yakadya marasha muAngola kwamakore akawanda, uye Zvapupu zvakatambura chitambudzo chikuru nenhamo. Pakuvamba gore rapera, mishumo yakaratidza kuti, paavhareji, muparidzi mumwe nomumwe akanga achiitisa dzinenge fundo nhatu dzeBhaibheri dzapamusha, asi vaparidzi vaiva namabhuku eBhaibheri mashomanene. Vatariri vanofambira vakashanyira boka duku zuva rimwe nerimwe, vachironga basa romumunda mukati mezuva uye misangano madekwana mamwe namamwe. Mufaro wakadini apo utsinye hwakaguma uye matani 42 amabhuku aidikanwa zvikuru akasvika achibva South Africa! Zvirokwazvo, rudo rwehama idzodzo ru“chawanda zvikuru nezivo yakarurama nenzwisiso yakazara,” sezvo zvino vokwanisa “kuva nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru.” (VaFiripi 1:9, 10, NW) Ikurudziro yakadini yaavo vane yamuro dzeBhaibheri dzakawanda kuti vashandise zvakazara gadziriro idzo Jehovha anoita nenyasha kwazvo!—1 Timotio 4:15, 16.

Mufarwa waava vanamati vakatendeka unotiyeuchidza nezvamashoko aJesu ari muMharidzo yapaGomo: “[Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu, NW], nokuti ushe hwokudenga ndohwavo. . . . Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama; nokuti ushe hwokudenga ndohwavo. . . . Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga.” (Mateo 5:3-12) Mukohwe wakadini uri kutounganidzwa muAngola!

Mudzimwe nharaunda dzenyika, ganhuriro pamubato weZvapupu zvaJehovha dziri kusunungurwawo kana kuti kubviswa. Jesu akatsinhira muzuva rake, kuti: “Zvirokwazvo kucheka kukuru, asi vabati vashoma.” (Mateo 9:37) Ikoku ndokwechokwadi sei nhasi! Kudikanwa kwavashandi vakawanda kuripo nguva dzose. Tinofara kuti kunamata kwedu kunobatanidza kuunganidza mukohwe. Hakuna mufaro mukuru zvikuru unowanwa pasi pano nhasi unopfuura basa redu rokuzvipira rinobudirira kuna Jehovha Mwari.

Chiiko nhai, kunyanguvezvo, chinosunda vanamati vaJehovha kuratidza mufaro wakadaro neshingairo? Tichaona.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe